Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 8

Nei Tichifanira Kuratidza Kuti Tinoonga?

Nei Tichifanira Kuratidza Kuti Tinoonga?

“Ratidzai kuti munoonga.”​—VAK. 3:15.

RWIYO 46 Tinokutendai Jehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. MuSamariya akaporeswa naJesu akaratidza sei kuti aionga zvaakaitirwa?

PAIVA nevarume gumi vaiva nedambudziko rakakura. Vaiva nemaperembudzi uye vakanga vasina tariro yekuti aizopera. Asi rimwe zuva vakaona Jesu, Mudzidzisi Mukuru, ari nechekure. Vakanga vanzwa kuti Jesu airapa zvirwere zvese, uye vaiva nechokwadi chekuti aigonawo kuvarapa. Saka vakashevedzera vachiti: “Jesu, Murayiridzi, tinzwireiwo ngoni!” Varume vacho vakabva vaporeswa. Vese vanogona kunge vakaonga mutsa wavakaratidzwa naJesu. Mumwe wavo haana kungogumira pakuonga nechemumwoyo, asi akaratidza kuonga * zvaainge aitirwa naJesu. Murume iyeye ainge aporeswa aiva muSamariya uye akanzwa achida kukudza Mwari “nenzwi guru.”​—Ruka 17:12-19.

2-3. (a) Nei dzimwe nguva tichitadza kuratidza kuti tinoonga? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Kufanana nemuSamariya uyu, tinodawo kuratidza kuti tinoonga vanhu vanoitira vamwe zvakanaka. Asi dzimwe nguva tinokanganwa kutenda kana kuratidza vamwe kuti tinoonga zvavanenge vatiitira.

3 Munyaya ino tichakurukura kuti nei zvichikosha kuti tiratidze nezvatinotaura uye zvatinoita kuti tiri vanhu vanoonga. Tichadzidza kubva pane vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaionga uye vamwe vakanga vasingaongi. Tichabva takurukura dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga.

NEI TICHIFANIRA KURATIDZA KUTI TINOONGA?

4-5. Nei tichifanira kuratidza kuti tinoonga?

4 Jehovha anotiratidza muenzaniso wakanaka panyaya yekuonga. Imwe nzira yaanoita nayo izvozvo ndeyekupa mubayiro vaya vanomufadza. (2 Sam. 22:21; Pis. 13:6; Mat. 10:40, 41) Uye Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive “vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEf. 5:1) Saka chikonzero chikuru chinoita kuti tive vanhu vanoonga ndechekuti tinoda kutevedzera Jehovha.

5 Chimbofunga chimwe chikonzero chinoita kuti tide kuonga vamwe. Kuonga kwakafanana nezvekudya zvakanaka. Kana ukazvidya uine vamwe unofara. Patinoziva kuti vamwe vanhu vanoonga zvatinoita, tinofara. Patinoratidza vamwe kuti tinoonga zvavanoita, naivowo vanofara. Munhu watinenge tatenda anobva aziva kuti ashandira zviripo pane zvaanenge aita kuti atibatsire kana kuti atipe chimwe chinhu chatanga tichida. Izvi zvinobva zvaita kuti ushamwari hwedu naye husimbe.

6. Mashoko atinotaura tichitenda mumwe munhu akafanana papi nemaapuro akagadzirwa negoridhe?

6 Zvatinotaura tichiratidza kuonga zvinokosha chaizvo. Bhaibheri rinoti: “Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro [egoridhe] ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.” (Zvir. 25:11) Chimbofunga kuyevedza kunoita apuro rakagadzirwa negoridhe riri mundiro yesirivha! Uye funga kuti rinofanira kunge richikosha zvakadii. Unonzwa sei kana ukapiwa chipo chakadaro? Izvi ndizvo zvinogonawo kuita mashoko ekuonga aunoudza vamwe vanhu. Apuro rakagadzirwa negoridhe rinogona kugara kwenguva yakareba chaizvo. Saizvozvowo, mashoko aunotaura uchitenda mumwe munhu anogona kuramba achiyeukwa uye achikosheswa nemunhu wacho kweupenyu hwake hwese.

VAKARATIDZA KUTI VAIONGA

7. Sezviri pana Pisarema 27:4, Dhavhidhi akaratidza sei kuti aikoshesa kunamata kwakachena uye vamwe vanyori vemapisarema vakazviratidzawo sei?

7 Vashumiri vaMwari vakawanda vekare vakaratidza kuti vaionga. Mumwe wavo aiva Dhavhidhi. (Verenga Pisarema 27:4.) Aikoshesa zvikuru kunamata kwakachena uye akazviratidza nezvaakaita. Ane zvinhu zvakawanda zvaakapa kuti zvishandiswe pakuvaka temberi. Vanhu vedzinza raAsafi vakaratidza kuti vaionga nekunyora mapisarema, kana kuti nziyo dzekurumbidza. Mune rumwe rwiyo rwacho, vakatenda Mwari uye vakataura nezvekuyemura kwavaiita ‘mabasa anoshamisa’ aJehovha. (Pis. 75:1) Zviri pachena kuti Dhavhidhi nevanhu vedzinza raAsafi vaida kuratidza Jehovha kuti vaionga chaizvo makomborero ese aainge avapa. Ndezvipiwo zvaungada kuita uchitevedzera vanyori ivavo vemapisarema?

Tsamba yakanyorerwa vaRoma naPauro inotidzidzisei nezvekuonga? (Ona ndima 8-9) *

8-9. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti aikoshesa zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzake uye izvi zvinofanira kunge zvakaguma nei?

8 Muapostora Pauro aikoshesa hama nehanzvadzi dzake uye akazviratidza nematauriro aaiita nezvadzo. Paainyengetera ari ega, aigara achitenda Mwari nekumupa kwaakaita hama idzodzo. Paaivanyorera tsamba, aiitawo kuti vazive kuti aivakoshesa. Mumavhesi 15 ekutanga aVaRoma 16, Pauro akataura nezvevaKristu vaainamata navo 27 nemazita avo. Pauro akatotaura kuti Priska naAkwira “vakaisa mitsipa yavo pangozi” vachiitira iye, uye akati Febhi aiva “mudziviriri wevazhinji” kusanganisira Pauro. Akarumbidza hama nehanzvadzi idzodzo dzaishanda nesimba.​—VaR. 16:1-15.

9 Pauro aiziva kuti hama nehanzvadzi dzake dzaitadza, asi paakanga ava kupedzisa tsamba yake kuvaRoma, akasarudza kutaura zvinhu zvakanaka zvadzaiita. Hama nehanzvadzi idzodzo dzinofanira kunge dzakakurudzirwa chaizvo nekunzwa tsamba yaPauro ichiverengwa muungano! Izvi zvinofanira kunge zvakasimbisa ushamwari hwavo naPauro. Unogara uchitenda vanhu vemuungano yako here nekuda kwezvinhu zvakanaka zvavanotaura uye zvavanoita?

10. Tinodzidzei pakutenda kwaiita Jesu vateveri vake?

10 Mumashoko aaiudza dzimwe ungano dzaiva muAsia Minor, Jesu akaratidza kuti aitenda basa raiitwa nevateveri vake. Pamashoko aakaudza ungano yaiva muTiyatira, akatanga nekuti: “Ndinoziva mabasa ako, norudo rwako nokutenda noushumiri nokutsungirira, uye kuti mabasa ako enguva pfupi yapfuura anopfuura aya ekare.” (Zvak. 2:19) Jesu haana kungotaura nezvekuwedzera kwavakanga vaita basa ravo, asi akavarumbidza nekuda kwezvacho zvakanga zvaita kuti vaite mabasa akanaka. Kunyange zvazvo Jesu aifanira kutsiura vamwe vaiva muTiyatira, akatanga nekuvakurudzira, uye akapedzisa nekuvakurudzira. (Zvak. 2:25-28) Funga nezvesimba rina Jesu sezvo ari iye musoro weungano dzese. Hapana hapo chikonzero chekuti atitende pabasa ratinomuitira. Kunyange zvakadaro, anova nechokwadi chekuti atitenda. Iwoyo muenzaniso wakanaka chaizvo wekuti vakuru vatevedzere!

HAVANA KUKOSHESA ZVAVAKAITIRWA

11. VaHebheru 12:16 inoratidza kuti Isau aiona sei zvinhu zvitsvene?

11 Zvinosiririsa kuti vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri havana kukoshesa zvavakaitirwa. Kunyange zvazvo Isau akarerwa nevabereki vaida uye vairemekedza Jehovha, haana kukoshesa zvinhu zvitsvene. (Verenga VaHebheru 12:16.) Kusakoshesa kwake zvinhu zvitsvene kwakaoneka papi? Asina kufunga, Isau akatengesera munin’ina wake kodzero dzeudangwe nekungoda ndiro yenyemba chete. (Gen. 25:30-34) Isau akazodemba zvaakanga aita. Asi akanga aratidza kuti haana basa nezvaaiva nazvo, saka pakanga pasina chikonzero chekuti anyunyute paasina kudzorerwa kodzero dzeudangwe.

12-13. VaIsraeri vakaratidza sei kuti vakanga vari vanhu vasingaongi uye zvakaguma nei?

12 VaIsraeri vaiva nezvikonzero zvakawanda zvekuti vaonge Mwari. Vainge vasunungurwa muuranda pashure pekunge Jehovha aranga vaIjipiti neMatambudziko Gumi. Mwari akabva avanunura paakaparadza uto rese revaIjipiti muGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakaonga chaizvo zvavakaitirwa zvekuti vakaimba rwiyo rwekukunda vachirumbidza Jehovha. Asi vakaramba vari vanhu vanoonga here?

13 VaIsraeri pavakasangana nemamwe matambudziko, vakabva vakanganwa zvese zvavakanga vaitirwa naJehovha. Vakaratidza kuti vakanga vasingakoshesi zvavakanga vaitirwa. (Pis. 106:7) Vakazviratidza sei? “Ungano yose yevanakomana vaIsraeri yakatanga kugunun’unira Mosesi naAroni,” asi chokwadi ndechekuti vaigunun’unira Jehovha. (Eks. 16:2, 8) Jehovha akarwadziwa nekusaonga kwakaitwa nevanhu vake. Akazotaura kuti chizvarwa chacho chese chaizofira murenje kunze kwaJoshua naKarebhi. (Num. 14:22-24; 26:65) Ngationei zvatingaita kuti tisatevedzere vanhu ava vakaipa asi titevedzere vakanaka.

RATIDZA KUTI UNOONGA

14-15. (a) Murume nemudzimai vangaitei kuti varatidze kuti vanoonga zvavanoitirana? (b) Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuti vave vanhu vanoonga?

14 Mumhuri. Mhuri yese inobatsirwa kana munhu mumwe nemumwe akaratidza kuti anoonga. Kana murume nemudzimai vachiratidza kuti vanoonga zvavanoitirana, rudo rwavo runowedzera kusimba. Zvinovaitirawo nyore kuregererana. Murume anokoshesa mudzimai wake anoona zvakanaka zvaanotaura nezvaanoita uyewo ‘anosimuka, omurumbidza.’ (Zvir. 31:10, 28) Uye mudzimai akachenjera anoita kuti murume wake azive kuti ndezvipi chaizvo zvaanokoshesa pamurume wake.

15 Vabereki, mungadzidzisa sei vana venyu kuti varatidze kuti vanoonga? Yeukai kuti vana venyu vachatevedzera zvamunotaura uye zvamunoita. Saka tendai vana venyu kana vaine zvavakuitirai. Uyewo vadzidzisei kutenda vamwe vanhu kana vaine zvavaitirwa. Vabatsirei kunzwisisa kuti vanofanira kutenda zvichibva pamwoyo uye kuti zvavanotaura zvinogona kubatsira vamwe zvikuru. Mumwe mukadzi anonzi Clary anoti: “Amai vangu pavaiva nemakore 32, vakasiyiwa vari vega vachirera vana vatatu. Pandakanga ndavawo nemakore 32, ndakafunga kuti zvakanga zvakavaomera sei pavaiva nemakore iwayo. Saka ndakavaudza kuti ndaivatenda chaizvo nezvese zvavakaita kuti vandirere pamwe chete nehanzvadzi dzangu. Munguva ichangopfuura, amai vakandiudza kuti mashoko andakataura iwayo anokosha chaizvo kwavari zvekuti vanogara vachiafunga uye anoita kuti vafare.”

Dzidzisai vana venyu kuva vanhu vanoonga (Ona ndima 15) *

16. Taura zvakaitika zvinoratidza kuti kutenda vamwe kunovakurudzira.

16 Muungano. Patinotenda hama nehanzvadzi dzedu, tinodzikurudzira. Mumwe mukuru ane makore 28 anonzi Jorge akarwara chaizvo. Akaita mwedzi wese asingakwanisi kuenda kumisangano. Kunyange paainge ava kuenda, akanga asati ava kukwanisa kuva nezvekuita papurogiramu dzemisangano. Jorge anoti: “Ndakanzwa ndisingabatsiri nemhaka yekurwara uye kutadza kwandaiita kuita mabasa muungano. Asi pashure pemumwe musangano, imwe hama yakandiudza kuti: ‘Ndinoda kukutendai nemuenzaniso wakanaka wamakaratidza mhuri yangu. Mufunge takabatsirwa chaizvo nehurukuro dzenyu dzamaipa makore apfuura aya. Dzakasimbisa kutenda kwedu.’ Ndakabayiwa mwoyo zvekuti ndakatanga kuchema. Zvaakataura ndizvo chaizvo zvandaida kunzwa.”

17. Sezvatinoudzwa pana VaKorose 3:15, tingaratidza sei kuti tinotenda Jehovha nekuda kwerupo rwaainarwo?

17 Mwari Wedu Ane Rupo. Jehovha anotipa zvekudya zvekunamata zvakawanda. Tinodzidziswa zvinhu zvinotibatsira chaizvo pamisangano yedu, mumabhuku edu uye pamawebsite edu. Wakambonzwa imwe hurukuro here, kana kuverenga imwe nyaya, kana kuona vhidhiyo yepaJW Broadcasting uchibva wati, ‘Izvi ndizvo chaizvo zvandanga ndichida’? Tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha? (Verenga VaKorose 3:15.) Imwe nzira ndeyekugara tichinyengetera kwaari tichimutenda nekuda kwezvipo izvi zvakanaka zvaanotipa.​—Jak. 1:17.

Kuchenesa Imba yeUmambo inzira yakanakisisa yekuratidza kuonga (Ona ndima 18)

18. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa imba yedu yeUmambo?

18 Tinoratidzawo kuti tinotenda Jehovha nekuita kuti nzvimbo yatinonamatira igare yakachena uye zvinhu zvese zvakarongeka. Tinogarawo tichichenesa Dzimba dzeUmambo dzatinoshandisa uye kuita kuti dzigare dzakanaka. Vaya vanoshandisa midziyo yakadai segudzanzwi neyekuratidza mavhidhiyo, vanova nechokwadi chekuti vanoibata zvakanaka. Kana tikagara tichibata Dzimba dzeUmambo zvakanaka, dzinogara kwenguva refu uye hapazovi nezvakawanda zvekugadzirisa. Izvi zvichaita kuti tichengetedze mari kuti izoshandiswa pakuvaka dzimwe Dzimba dzeUmambo pasi rese.

19. Wadzidzei pane zvakaitika kune mumwe mutariri wedunhu nemudzimai wake?

19 Vaya vanoshanda nesimba vachiitira isu. Patinotenda munhu, zvatinotaura zvinogona kumunyaradza pamatambudziko aanenge achisangana nawo. Funga zvakaitika kune mumwe mutariri wedunhu nemudzimai wake. Pashure pekunge vaswera muushumiri kuchitonhora, vakadzoka kwavaigara vaneta zvisingaiti. Kwaitonhora chaizvo zvekuti mudzimai wacho akarara akapfeka jasi rake rechando. Ava mangwanani, akaudza murume wake kuti akanga asisakwanisi kuramba achiita basa remudunhu. Mangwanani iwayo, vakagamuchira tsamba yakabva kuhofisi yebazi uye yakanga iine zita rake. Tsamba yacho yairumbidza mudzimai uyu nekuda kweushumiri hwake uye kutsungirira kwaaiita. Yaitaura nezvekuoma kwazvinomboita kuchinja pekugara vhiki rega rega. Murume wake akati: “Kurumbidzwa kwaakaitwa kwakaita kuti afare zvekuti haana kuzombotaurazve nezvekusiya basa remudunhu. Kakawanda ndiye aitondikurudzira kuti ndirambe ndiri mudunhu pandaimbofunga zvekusiya.” Murume nemudzimai ava vakaita makore anoda kusvika 40 vari mubasa remudunhu.

20. Tinofanira kuedza kuitei zuva rega rega uye nei tichifanira kudaro?

20 Zuva rega rega, ngatiedzei kuratidza nezvatinotaura uye zvatinoita kuti tiri vanhu vanoonga. Mashoko edu anobva pamwoyo kana kuti zvatinoita zvinogona kunge zviri izvo zviri kudiwa nemumwe munhu kuti akwanise kutsungirira munyika ino ine vanhu vasingaongi. Uye zvatinotaura tichionga mumwe munhu zvichaita kuti tive neushamwari husingaperi. Chinonyanya kukosha ndechekuti tinenge tichitevedzera Baba vedu vane rupo, uye vanoonga, Jehovha.

RWIYO 20 Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha

^ ndima 5 Tinodzidzei kuna Jehovha, Jesu, uye muSamariya aiva nemaperembudzi panyaya yekuratidza kuonga? Nyaya ino ichataura nezvevanhu ivavo, nevamwewo. Tichadzidza kuti nei zvichikosha chaizvo kuratidza kuti tiri vanhu vanoonga uye tichaona dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Shoko rekuti kuonga rinoshandiswa richireva kukoshesa mumwe munhu kana chimwe chinhu. Shoko racho rinogonawo kureva kutenda kwatinoita zvichibva pamwoyo.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Tsamba yaPauro ichiverengerwa ungano yeRoma; Akwira, Prisira, Febhi, nevamwe vachifara pavanonzwa mazita avo achitaurwa.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Amai vari kubatsira mwanasikana wavo kuti aratidze kuonga zvakanaka zvinoitwa nehanzvadzi yakura.