Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 9

Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Panguva yevaIsraeri

Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Panguva yevaIsraeri

“Iye anoda kururama nokururamisira. Nyika izere nomutsa worudo waJehovha.”​—PIS. 33:5.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Tese tinodei? (b) Tine chokwadi chei?

TESE tinoda kudiwa. Uye tese tinoda kubatwa zvakanaka. Kana tikagara tisingaratidzwi rudo uye tisingabatwi zvakanaka, tinogona kuona sekuti hatibatsiri uye tinogona kurasa tariro.

2 Jehovha anoziva kuti tinoda kudiwa uye kubatwa zvakanaka. (Pis. 33:5) Tine chokwadi chekuti Mwari wedu anotida chaizvo uye anoda kuti tibatwe zvakanaka. Izvi zvinova pachena patinoongorora Mutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha achishandisa Mosesi. Kana wakaora mwoyo nekuti hausi kudiwa kana kuti uri kubatwa zvisina kunaka, chimboona kuti Mutemo waMosesi * unoratidza sei kuti Jehovha anoda vanhu vake.

3. (a) Sezvinotsanangurwa pana VaRoma 13:8-10, tinodzidzei patinoongorora Mutemo waMosesi? (b) Nyaya ino ichapindura mibvunzo ipi?

3 Patinoongorora Mutemo waMosesi, tinodzidza nezverudo rwaMwari wedu, Jehovha. (Verenga VaRoma 13:8-10.) Munyaya ino tichaongorora mimwe mitemo mishomanana yakapiwa vaIsraeri topindura mibvunzo inoti: Nei tingati Mutemo wakavakirwa parudo? Nei tingati Mutemo waikurudzira vanhu kuti vabate vamwe zvakanaka? Vaya vaiva nesimba vaifanira kushandisa sei Mutemo? Uye Mutemo wainyanya kudzivirira vanaani? Mhinduro dzemibvunzo iyoyo dzinogona kutinyaradza, kutipa tariro, uye kuita kuti tive pedyo naBaba vedu vane rudo.​—Mab. 17:27; VaR. 15:4.

MUTEMO WAKAVAKIRWA PARUDO

4. (a) Nei tingati Mutemo waMosesi wakanga wakavakirwa parudo? ? (b) Pana Mateu 22:36-40, Jesu akataura mirayiro ipi?

4 Tinogona kuti Mutemo waMosesi wakanga wakavakirwa parudo nekuti rudo ndirwo runoita kuti Jehovha aite zvese zvaanoita. (1 Joh. 4:8) Jehovha akavakira mitemo yese pamirayiro miviri mikuru yekuti ida Mwari uye ida muvakidzani wako. (Revh. 19:18; Dheut. 6:5; verenga Mateu 22:36-40.) Saka tinogona kutarisira kuti pamirayiro inopfuura 600 inoumba Mutemo, murayiro mumwe nemumwe unotidzidzisa nezverudo rwaJehovha. Ngationei mimwe mienzaniso.

5-6. Jehovha anoda kuti murume nemudzimai vaitei, uye anozivei? Taura muenzaniso.

5 Vimbika kune wawakaroorana naye, uye chengeta vana vako. Jehovha anoda kuti murume nemudzimai vadanane chaizvo kuitira kuti rudo rwavo rwugare kweupenyu hwese. (Gen. 2:24; Mat. 19:3-6) Upombwe ndeimwe yemhosva dzakakura chaizvo inokanganisa wanano. Ndosaka murayiro wechi7 paMirayiro Gumi uchirambidza upombwe. (Dheut. 5:18) Kuita upombwe ‘kutadzira Mwari’ uye kunoita kuti wawakaroorana naye arwadziwe zvikuru. (Gen. 39:7-9) Munhu anogona kurwadziwa kwemakore akawanda chaizvo kana mumwe wake akaita upombwe.

6 Jehovha anonyatsoziva kuti munhu wese ari muwanano anobata sei waakaroorana naye. Aida chaizvo kuti madzimai echiIsraeri abatwe zvakanaka. Murume airemekedza Mutemo aida mudzimai wake uye aisazomuramba netuzvikonzero tusina musoro. (Dheut. 24:1-4; Mat. 19:3, 8) Asi kana paizoitika dambudziko rakakura zvekuti murume aisvika pakuramba mudzimai wake, murume wacho aifanira kumupa gwaro rekumuramba. Gwaro iri raibatsira kuti kana mudzimai wacho akaroorwazve asanzi aita upombwe. Uyewo murume wacho asati apa mudzimai wake gwaro racho, kunenge kuti aifanira kutaura nevakuru veguta. Izvi zvaiita kuti vakuru vacho vambotanga vaedza kuvabatsira kuti vachengetedze imba yavo. MuIsraeri paairamba mudzimai wake nezvikonzero zvisina musoro, hapasi pese pekuti Jehovha aipindira. Asi aiona misodzi yemudzimai wacho uye airwadziwawo.​—Mar. 2:13-16.

Jehovha aida kuti vana vanzwe vakachengeteka pavairerwa uye kudzidziswa nevabereki vavo (Ona ndima 7-8) *

7-8. (a) Jehovha akarayirei vabereki? (Ona mufananidzo uri pakavha.) (b) Tinowana zvidzidzo zvipi?

7 Mutemo unoratidzawo kuti Jehovha anoda kuti vana vafare mumhuri uye vanzwe vakachengeteka. Jehovha akarayira vabereki kuti variritire vana vavo uye vavadzidzisewo kuti vade Mwari. Vabereki vaifanira kushandisa mikana yese kuti vabatsire vana vavo kukoshesa Mutemo waJehovha uye kudzidza kumuda. (Dheut. 6:6-9; 7:13) Chimwe chikonzero chakaita kuti Jehovha arange vaIsraeri ndechekuti vaiitira vamwe vana vavo zvinhu zvakaipa. (Jer. 7:31, 33) Vabereki vaifanira kuona vana vavo senhaka, kureva kuti sezvipo zvinokosha zvinobva kuna Jehovha kwete sezvinhu zvavaigona kuregeredza kana kubata zvisina kunaka.​—Pis. 127:3.

8 Zvidzidzo: Jehovha anoona zvese zvinoitwa nemunhu ari muwanano pamabatiro aanoita waakaroorana naye. Anoda kuti vabereki vade vana vavo, uye achavatonga kana vachivabata zvisina kunaka.

9-11. Nei Jehovha akapa mutemo wairambidza kuchiva?

9 Usachiva. Murayiro wekupedzisira paMirayiro Gumi wairambidza kuchiva zvinhu zvemumwe munhu. (Dheut. 5:21; VaR. 7:7) Jehovha akapa mutemo uyu kuti adzidzise vanhu vake chidzidzo chinokosha chekuti vaifanira kuchengetedza mwoyo yavo, kureva kungwarira zvavaifunga. Anoziva kuti mabasa akaipa anotanga nepfungwa dzakaipa. (Zvir. 4:23) MuIsraeri paairega zvido zvisina kunaka zvichikura mumwoyo make, aigona kuzoitira vamwe zvisina kunaka. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi. Akanga ari munhu akanaka. Asi pane imwe nguva akachiva mudzimai wemunhu. Ruchiva rwake rwakaita kuti azoita chivi. (Jak. 1:14, 15) Dhavhidhi akaita upombwe, uye akaedza kunyengera murume wemukadzi wacho, ndokuzourayisa murume wacho.​—2 Sam. 11:2-4; 12:7-11.

10 MuIsraeri paaityora mutemo une chekuita nekuchiva, Jehovha aizviziva nekuti anoongorora mwoyo. (1 Mak. 28:9) Mutemo wairambidza kuchiva waibatsira vanhu vake kuti varege kuva nepfungwa dzaizoita kuti vaite zvisina kunaka. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha ndiBaba vakachenjera uye vane rudo!

11 Zvidzidzo: Jehovha haagumiri pakuona zvakaita munhu nechekunze. Anoona zvatiri chaizvo nechemukati, mumwoyo medu chaimo. (1 Sam. 16:7) Hapana kana chatingafunga kana kuita chatingamuvanzira. Anotsvaga zvakanaka pane zvatinoita, otikurudzira kuramba tichizviita. Asi anoda kuti tikurumidze kuona pfungwa dzisina kunaka tobva tadzibvisa tisati tasvika pakuita zvakaipa.​—2 Mak. 16:9; Mat. 5:27-30.

MUTEMO WAIKURUDZIRA KUBATA VAMWE ZVAKANAKA

12. Mutemo waMosesi unotidzidzisei?

12 Mutemo waMosesi unotidzidzisawo kuti Jehovha anoda zvakarurama. (Pis. 37:28; Isa. 61:8) Akaratidza muenzaniso wakanaka zvikuru wekubata vamwe zvakanaka. VaIsraeri pavaiteerera mitemo yavakapiwa naJehovha, aivakomborera. Pavairega kuteerera mitemo yake yakarurama, vaitambura. Ngationei mimwe mitemo miviri iri paMirayiro Gumi.

13-14. Mitemo miviri yekutanga paMirayiro Gumi yaidzidzisei vaIsraeri uye kuiteerera kwaivabatsira sei?

13 Namata Jehovha chete. Mirayiro miviri yekutanga paMirayiro Gumi yaidzidzisa vaIsraeri kuti vazvipire kuna Jehovha zvizere uye yaivayambira kuti vasanamate zvidhori. (Eks. 20:3-6) Mirayiro iyoyo yakanga isingabatsiri Jehovha asi yaibatsira vanhu vake. Vanhu vake pavairamba vakavimbika kwaari, vaibudirira. Pavainamata vanamwari vemamwe marudzi, vaitambura.

14 Funga nezvevaKenani. Vainamata zvidhori zvisina kana upenyu pane kunamata Mwari wechokwadi mupenyu. Izvi zvakaita kuti vave vanhu venhando. (Pis. 115:4-8) Kunamata kwavo kwaisanganisira unzenza hunosemesa uye kuuraya vana vachivapa sezvibayiro. VaIsraeri pavairegawo kuteerera Jehovha vosarudza kunamata zvidhori, vaizviita vanhu venhando uye vairwadzisa mhuri dzavo. (2 Mak. 28:1-4) Vaya vaiva nesimba vakarega kutevedzera mitemo yaJehovha yakarurama. Vaishandisa simba ravo zvisiri izvo uye vaidzvinyirira vasina simba uye vasina anovadzivirira. (Ezek. 34:1-4) Jehovha akayambira vaIsraeri kuti aizotonga vaya vaibata zvisina kunaka vakadzi nevana vasina anovamiririra. (Dheut. 10:17, 18; 27:19) Asi Jehovha aikomborera vanhu vake pavaimuteerera uye pavaibata vamwe zvakanaka.​—1 Madz. 10:4-9.

Jehovha anotida uye anozviziva patinoitirwa zvakaipa (Ona ndima 15)

15. Tinodzidzei nezvaJehovha?

15 Zvidzidzo: Hatifaniri kupa Jehovha mhosva kana vaya vanozviti vanomushumira vakarega kuteerera mitemo yake vorwadzisa vanhu vake. Asi Jehovha anotida uye anozviziva patinoitirwa zvakaipa. Anoziva kurwadziwa kwatinenge tichiita kupfuura zvinoitwa naamai kana mwana wavo achirwadziwa. (Isa. 49:15) Kunyange zvazvo angasakurumidza kupindira, panguva yake yakakodzera, achatonga vatadzi vasingapfidzi nekuda kwemabatiro avaiita vamwe.

MUTEMO WAIFANIRA KUSHANDISWA SEI?

16-18. Mutemo waMosesi waishanda pazvinhu zvipi zvaiitika zuva nezuva uye tinodzidzei?

16 Mutemo waMosesi waishanda pazvinhu zvakawanda muupenyu hwevaIsraeri, saka zvaikosha kuti varume vakuru vakagadzwa vatonge vanhu vaJehovha zvakarurama. Ndivo vaitonga nyaya dzekunamata, nedzimwewo dzakadai sekunetsana kwevanhu uye kuparwa kwemhosva. Ona mienzaniso inotevera.

17 Kana muIsraeri akauraya mumwe munhu, aisabva angourayiwawo. Vakuru veguta rake vaitanga vaongorora nyaya yacho vasati vapa mutongo werufu. (Dheut. 19:2-7, 11-13) Vakuru vaitongawo dzimwe nyaya dzaiitika zuva nezuva dzakadai sekunetsana kwaiita vanhu pazvinhu zvavo uye dzemudzimba. (Eks. 21:35; Dheut. 22:13-19) Vakuru pavaitonga zvakarurama uye vaIsraeri pavaiteerera Mutemo, zvaivabatsira vese uye rudzi rwacho rwaiita kuti Jehovha akudzwe.​—Revh. 20:7, 8; Isa. 48:17, 18.

18 Zvidzidzo: Zvinhu zvese zvatinoita muupenyu hwedu zvinokosha kuna Jehovha. Anoda kuti tibate vamwe zvakanaka tichiratidza kuti tinovada. Anonzwa zvatinotaura uye anoona zvatinoita kunyange tiri tega mudzimba dzedu.​—VaH. 4:13.

19-21. (a) Vakuru uye vatongi vaifanira kubata sei vanhu vaMwari? (b) Mutemo waMosesi waichengetedza sei vanhu uye tinodzidzei?

19 Jehovha aida kuchengetedza vanhu vake kuti vasakanganiswa nemarudzi akaipa aigara pedyo navo. Saka aida kuti vakuru nevatongi vashandise Mutemo waMosesi vasingasaruri. Vaya vaitonga vakanga vasingafaniri kuitira vanhu vake utsinye kana kuvaomesera. Asi vaifanira kutonga zvakarurama.​—Dheut. 1:13-17; 16:18-20.

20 Jehovha anonzwira tsitsi vanhu vake, saka anoisa mitemo inobatsira kuti munhu mumwe nemumwe abatwe zvakanaka. Semuenzaniso, Mutemo waibatsira kuti munhu asangopomerwa zvenhema. Anenge achipomerwa wacho aiva nekodzero yekuziva ari kumupomera. (Dheut. 19:16-19; 25:1) Uye asati abatwa nemhosva, paifanira kuva nezvapupu zviviri kana kupfuura zvinopupura nyaya yacho. (Dheut. 17:6; 19:15) Ko kana mhosva yaakapara yakangoonekwa nechapupu chimwe chete? Aisafanira kufunga kuti mhosva yake yaizongorova. Jehovha ainge aona zvaakaita. Mumhuri dzevaIsraeri, vanababa vaiva nesimba, asi raiva neparaigumira. Vakuru veguta vaifanira kubatsira pane dzimwe nyaya dzaiitika mudzimba, uye ndivo vaizopa mutongo wekupedzisira.​—Dheut. 21:18-21.

21 Zvidzidzo: Jehovha anotiratidza muenzaniso wakanaka chaizvo; zvese zvaanoita zvakarurama. (Pis. 9:7) Anopa mubayiro vaya vanoramba vachiteerera mitemo yake asi anoranga vaya vanoshandisa simba ravo zvisiri izvo. (2 Sam. 22:21-23; Ezek. 9:9, 10) Vamwe vanhu vanoita zvakaipa vachiona sekuti havasi kuzorangwa, asi Jehovha achavatonga kana nguva yake yakwana. (Zvir. 28:13) Uye kana vakasapfidza zvivi zvazvo, vachaziva kuti “zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.”​—VaH. 10:30, 31.

MUTEMO WAINYANYA KUDZIVIRIRA VANAANI?

Vakuru vaifanira kutonga vanhu nerudo vachivabata zvakanaka sezvinoita Jehovha (Ona ndima 22) *

22-24. (a) Mutemo wainyanya kudzivirira vanaani, uye tinodzidzei nezvaJehovha? (b) Iyambiro ipi iri pana Eksodho 22:22-24?

22 Mutemo wainyanya kudzivirira vaya vakanga vasingakwanisi kuzvidzivirira vakadai senherera, chirikadzi uye vatorwa. Vatongi vemuIsraeri vakaudzwa kuti: “Usatonga mhosva yomutorwa kana nherera uchitsaudzira, uye usatora nguo yechirikadzi kuti ive chokumbofanobata.” (Dheut. 24:17) Jehovha akaratidza kuti aiva nehanya chaizvo nevanhu vaigona kudzvinyirirwa zviri nyore. Uye airanga vaya vaivadzvinyirira.​—Verenga Eksodho 22:22-24.

23 Mutemo waidzivirirawo vemumhuri. Wairambidza vanhu veukama kuenda pabonde vese, kureva makunakuna. (Revh. 18:6-30) Kusiyana nevanhu vemarudzi ainge akapoteredza nyika yeIsraeri, avo vaibvumira maitiro akadaro kunyange kuaona seakanaka, vanhu vaJehovha vaifanira kuona mhosva yakadaro semaonerwo ainoitwa naJehovha uyo anosemeswa nezvinhu zvakadaro.

24 Zvidzidzo: Jehovha anoda kuti vaya vaanogadza kuti vatungamirire vanhu vake vade vaya vavanotungamirira. Anovenga makunakuna uye anoda kuti vanhu vese, kunyanya vaya vasingagoni kuzvidzivirira, vadzivirirwe uye vatongerwe nyaya dzavo zvakanaka.

MUTEMO “MUMVURI WEZVINHU ZVAKANAKA ZVICHAUYA”

25-26. (a) Nei tingati rudo nekubata vamwe zvakanaka zvakafanana neupenyu nekufema? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera panyaya dzino dzinotevedzana?

25 Zvinhu zviviri zvinoti rudo nekubata vamwe zvakanaka zvakafanana neupenyu nekufema. Hapana chinogona kuvapo panyika kana pasina chimwe chacho. Patinova nechokwadi chekuti Jehovha ari kutibata zvakanaka, tinowedzera kumuda. Uyewo kuda Jehovha uye mitemo yake yakarurama kunoita kuti tide vamwe uye tivabate zvakanaka.

26 Sungano yeMutemo waMosesi yaibatsira vaIsraeri kuti vave neushamwari hwepedyo naJehovha. Asi vanhu vaMwari vakanga vasingachafaniri kuchengeta Mutemo wacho Jesu paakauzadzisa, uye wakatsiviwa nechimwe chinhu chiri nani. (VaR. 10:4) Muapostora Pauro akati Mutemo waiva “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya.” (VaH. 10:1) Nyaya inotevera panyaya idzi dzinotevedzana ichakurukura zvimwe zvezvinhu zvakanaka izvozvo uye kukosha kwerudo uye kubata vamwe zvakanaka muungano yechiKristu.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

^ ndima 5 Nyaya ino ndeyekutanga panyaya ina dzinotevedzana dzichakurukura zvikonzero zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anotida. Nyaya nhatu dzasara dzichabuda muNharireyomurindi yaMay 2019. Misoro yenyaya idzodzo inoti “Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Muungano yechiKristu,” “Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi,” uye “Kunyaradza Vakashungurudzwa.”

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Mitemo inopfuura 600 yakapiwa vaIsraeri naJehovha achishandisa Mosesi inotaurwa nezvayo ichinzi “Mutemo,” “Mutemo waMosesi” uye “mirayiro.” Uyewo mabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri (kubva pana Genesisi kusvika pana Dheuteronomio) anowanzonzi Mutemo. Dzimwe nguva shoko iri rinoshandiswa richireva Magwaro ese akafemerwa echiHebheru.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Amai vechiIsraeri vari kukurukura nevanasikana vavo vachifara zvavo vachigadzira zvekudya. Nechekumashure, baba vari kudzidzisa mwanakomana wavo kuchengeta makwai.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vakuru vari pagedhi reguta vachibatsira chirikadzi nemwana wayo avo vakabiridzirwa nemunhu anotengesa.