Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 12

Iva Nehanya Nekuti Vamwe Vanonzwa Sei

Iva Nehanya Nekuti Vamwe Vanonzwa Sei

‘Imi mese nzwiranai tsitsi.’—1 PET. 3:8.

RWIYO 90 Kurudziranai

ZVICHADZIDZWA *

1. Maererano na1 Petro 3:8, nei tichifara kana tiri pakati pevanhu vane hanya nesu?

TINOFARA kuva pakati pevanhu vane hanya nesu. Vanhu vakadaro vanoedza kunzwisisa zvatiri kufunga uye kuti tiri kunzwa sei. Vanocherechedza zvatinenge tichida uye dzimwe nguva vanotibatsira tisati tavakumbira. Tinokoshesa chaizvo vanhu vanotinzwira tsitsi. *Verenga 1 Petro 3:8.

2. Nei dzimwe nguva tichifanira kushanda nesimba kuti tinzwire vamwe tsitsi?

2 Sezvo tiri vaKristu, tese tinoda kunzwira vamwe tsitsi. Asi chokwadi ndechekuti pamwe pacho tinotofanira kushanda nesimba kuti tive netsitsi. Nei zvakadaro? Chimwe chikonzero ndechekuti tiri vanhu vanotadza. (VaR. 3:23) Takaberekwa tiri vanhu vanongofunga zvakavanakira, saka tinofanira kushanda nesimba kuti tifungewo vamwe. Uyewo vamwe vedu tinoomerwa nekunzwira vamwe tsitsi zvichikonzerwa nemarererwo atakaitwa kana kuti zvakamboitika kwatiri. Pamwe pacho tinogona kukanganiswa nevanhu vatinogara tiinavo. Mazuva ano ekupedzisira, vakawanda “vanozvida.” (2 Tim. 3:1, 2) Havana basa nekuti vamwe vanonzwa sei. Chii chingatibatsira kukunda zvinhu izvi zvinotitadzisa kunzwira vamwe tsitsi?

3. (a) Tingaitei kuti tiwedzere kunzwira vamwe tsitsi? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Tinogona kuwedzera kunzwira vamwe tsitsi kana tikatevedzera Jehovha Mwari neMwanakomana wake Jesu Kristu. Jehovha ndiMwari ane rudo, uye hakuna anomupfuura pakunzwira vamwe tsitsi. (1 Joh. 4:8) Jesu akanyatsotevedzera zvaiitwa naBaba vake. (Joh. 14:9) Paaiva panyika, akaratidza kuti vanhu vanganzwira sei vamwe tsitsi. Munyaya ino tichatanga nekuona kuti Jehovha naJesu vakaratidza sei kuti vane hanya nevamwe, tozoona kuti tingavatevedzera sei.

JEHOVHA ANE HANYA NEVAMWE

4. Isaya 63:7-9 inoratidza sei kuti Jehovha ane hanya nevashumiri vake?

4 Bhaibheri rinoti Jehovha ane hanya nevashumiri vake. Ngatimboonai kuti Jehovha akanzwa sei vaIsraeri pavaisangana nematambudziko. Shoko raMwari rinoti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika.” (Verenga Isaya 63:7-9.) Jehovha akazotuma muprofita Zekariya kuti audze vanhu vake kuti pavaitambudzwa, ainzwa sekuti ndiye ari kutambudzwa. Jehovha akaudza vashumiri vake kuti: “Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.” (Zek. 2:8) Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha ane hanya nevanhu vake.

Jehovha akanzwira tsitsi vaIsraeri akavanunura muIjipiti (Ona ndima 5)

5. Taura muenzaniso unoratidza zvakaitwa naJehovha kuti abatsire vanhu vake vaitambura.

5 Jehovha haangogumiri pakunzwira tsitsi vashumiri vake vanenge vachitambura. Ane zvaanoita kuti avabatsire. VaIsraeri pavaiva varanda muIjipiti, Jehovha akaona kurwadziwa kwavo, achibva ada kuvasunungura. Jehovha akati kuna Mosesi: “Ndaona kutambudzika kwevanhu vangu . . . , uye ndanzwa kuchema kwavo . . . Ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo. Ndichaburuka kuti ndivanunure pamaoko evaIjipiti.” (Eks. 3:7, 8) Jehovha akasunungura vanhu vake nekuti akavanzwira tsitsi. Mazana emakore akatevera pavakanga vava muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vaigara vachirwiswa nevavengi vavo. Jehovha akaita sei? Akavanzwira tsitsi “nokuti vaigomera nokuda kwevadzvinyiriri vavo nevaya vaivanetsa.” Tsitsi dzakaita kuti Jehovha abatsire vanhu vake zvakare. Akatuma vatongi kuti vaponese vaIsraeri pavavengi vavo.—Vat. 2:16, 18.

6. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha akanzwira tsitsi munhu akanga aine mafungiro asina kunaka.

6 Jehovha anonzwira tsitsi vanhu vake kunyange paya pavanenge vaine mafungiro asina kunaka. Funga zvakaitwa naJona. Mwari akamutuma kuti anoprofita nezvemutongo waizopiwa vanhu vekuNinivhi. Pavakapfidza zvivi zvavo, Mwari haana kuzovaparadza. Asi Jona haana kufara nazvo. “Akatsamwa kwazvo” nekuti zvaakaprofita hazvina kuzoitika. Asi Jehovha akaitira Jona mwoyo murefu ndokumubatsira kuti agadzirise mafungiro ake. (Jona 3:10–4:11) Nekufamba kwenguva, Jona akanzwisisa zvaaidzidziswa uye Jehovha akatomuti anyore nyaya yake kuti itibatsirewo.—VaR. 15:4. *

7. Mabatiro aiita Jehovha vanhu vake anoita kuti tive nechokwadi chei?

7 Mabatiro aiita Jehovha vanhu vake anoita kuti tive nechokwadi chekuti ane hanya nevashumiri vake. Anoziva kurwadziwa uye kutambura kwemumwe nemumwe wedu. Jehovha ‘anonyatsoziva mwoyo yevanhu.’ (2 Mak. 6:30) Anoziva zvese zvatinofunga, uye zvatisingakwanisi kuita. Uye ‘haazotiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira.’ (1 VaK. 10:13) Mashoko aya anonyaradza chaizvo!

JESU AIVA NEHANYA NEVAMWE

8-10. Zvii zvingangodaro zvakabatsira Jesu kuti ave nehanya nevamwe?

8 Jesu paaiva panyika aiva nehanya nevanhu. Pane zvinhu zvingangodaro zvakamubatsira kuti adaro. Chekutanga, sezvambotaurwa, Jesu akanyatsotevedzera Baba vake vekudenga. Jesu aida vanhu sezvaiita Baba vake. Kunyange zvazvo aifadzwa nezvinhu zvese zvaakanga abatsira Jehovha kusika, Jesu “aifarira kwazvo . . . vanakomana vevanhu.” (Zvir. 8:31) Rudo ndirwo rwakaita kuti Jesu ave nehanya nevamwe.

9 Chechipiri, Jesu aikwanisa kuziva zviri mumwoyo mevanhu sezvinoita Jehovha. (Mat. 9:4; Joh. 13:10, 11) Saka Jesu paaiona kuti vanhu vakaora mwoyo, tsitsi ndidzo dzaiita kuti avanyaradze.—Isa. 61:1, 2; Ruka 4:17-21.

10 Chechitatu, Jesu pachake akasanganawo nemamwe matambudziko aisangana nevanhu. Zvinoita sekuti Jesu akakurira mumhuri yevarombo. Paaishanda nababa vake vakamurera, Josefa, Jesu akadzidza kuita basa remaoko raida kushanda nesimba. (Mat. 13:55; Mako 6:3) Zvinoitawo sekuti Josefa akafa Jesu asati apedza ushumiri hwake. Saka Jesu anofanira kunge akarwadziwawo nekufirwa. Uye aiziva kuoma kwazvakaita kuva mumhuri ine vamwe vasingatendi zvaaitenda. (Joh. 7:5) Zvese izvi nezvimwewo zvinofanira kunge zvakabatsira Jesu kunzwisisa matambudziko evanhu uye kurwadziwa kwavaiita.

Arikure nevanhu, Jesu anonzwira tsitsi matsi oiporesa (Ona Ndima 11)

11. Tsitsi dzaJesu dzainyatsooneka papi? Tsanangura. (Ona mufananidzo uri pakavha.)

11 Tsitsi dzaJesu dzainyatsooneka paaiita zvishamiso. Jesu akanga asingaiti zvishamiso nekungoti ndizvo zvaaifanira kuita. ‘Aisiririswa’ nevaya vaitambura. (Mat. 20:29-34; Mako 1:40-42) Chimbofunga kuti Jesu ainzwa sei paaienda nemurume aiva matsi pake ega kuti anomuporesa kana kuti paakamutsa mwanakomana wechirikadzi aingova mumwe chete. (Mako 7:32-35; Ruka 7:12-15) Jesu ainzwira tsitsi vanhu ivavo uye aida kuvabatsira.

12. Johani 11:32-35 inoratidza sei kuti Jesu ainzwira tsitsi Marita naMariya?

12 Jesu akanzwira tsitsi Marita naMariya. Paakavaona vachichema hanzvadzi yavo Razaro yakanga yafa, “Jesu akasvimha misodzi.” (Verenga Johani 11:32-35.) Haana kuchema kuti akanga arasikirwa neshamwari yepedyo. Aiziva hake kuti achamutsa Razaro. Asi akachema nekuti aiziva kurwadziwa kwaiita shamwari dzake.

13. Kuziva kuti Jesu anonzwira tsitsi kunotinyaradza sei?

13 Kuziva kuti Jesu anonzwira tsitsi kunotibatsira chaizvo. Isu tine chivi asi iye akanga asina chivi. Kunyange zvakadaro, tinomuda nekuti ainzwira vamwe tsitsi. (1 Pet. 1:8) Zvinotinyaradza kuziva kuti iye zvino ari kutonga saMambo weUmambo hwaMwari. Pasina nguva achabvisa matambudziko ese. Ndiye anonyatsokwanisa kubvisa matambudziko evanhu ari kukonzerwa neutongi hwaSatani nekuti akamboraramawo panyika. Takakomborerwa chaizvo kuva neMutongi anokwanisa “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.”—VaH. 2:17, 18; 4:15, 16.

TEVEDZERA JEHOVHA NAJESU

14. Maererano naVaEfeso 5:1, 2, tinonzwa tichida kuitei?

14 Patinofunga zvakaitwa naJehovha naJesu, tinonzwa tichida kuwedzera kunzwirwa vamwe tsitsi. (Verenga VaEfeso 5:1, 2.) Hatigoni kuziva zviri mumwoyo mevanhu sezvinoita Jehovha naJesu. Kunyange zvakadaro, tinoedza kuziva kuti vamwe vari kunzwa sei uye kuti vanoda kubatsirwa sei. (2 VaK. 11:29) Vanhu vari munyika vanongoda zvakavanakira, asi isu tinoedza ‘kusava nehanya nezvinhu zvatinongoda chete, asi kuva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’—VaF. 2:4.

(Ona Ndima 15-19) *

15. Ndivanaani vanofanira kuva pamberi pakunzwira vamwe tsitsi?

15 Vakuru muungano ndivo vanofanira kuva pamberi pakunzwira vamwe tsitsi. Vanoziva kuti vachazvidavirira pakuchengeta kwavanoita makwai ari mumaoko avo. (VaH. 13:17) Kuti vabatsire vavanonamata navo, vakuru vanofanira kuva vanhu vanonzwira tsitsi. Vakuru vangaratidza sei kuti vane tsitsi?

16. Mukuru ane tsitsi anoitei uye nei zvichikosha?

16 Mukuru ane tsitsi anowana nguva yekuva nehama nehanzvadzi dzake dzechiKristu. Paanodzibvunza mibvunzo, anonyatsodziteerera nemwoyo murefu. Izvi zvinonyanya kukosha kana mumwe wemakwai aya achida kutaura zviri pasi pemwoyo wake asi achinetseka kuti angazvitaura sei. (Zvir. 20:5) Kana mukuru achiwana nguva yekuva nehama dzake, hama idzodzo dzinovimba naye, uye vanova neushamwari hwakasimba.—Mab. 20:37.

17. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoti dzinonyanya kuyemurei pavakuru? Taura muenzaniso.

17 Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoti chavanonyanya kuyemura pavakuru vari muungano ndechekuti vane hanya nemanzwiro evamwe. Nei zvakadaro? Imwe hanzvadzi inonzi Adelaide inoti: “Zviri nyore kutaura navo, nekuti unoziva kuti vachakunzwisisa. Unogona kuona kuti vari kukunzwira tsitsi nezvavanoita paunotaura navo.” Imwe hama inofara chaizvo painoyeuka zvakaitwa nemumwe mukuru. Inoti: “Ndakaona misodzi ichiyangarara mumaziso emumwe mukuru pandaimuudza dambudziko rangu. Handimbofi ndakazvikanganwa.”—VaR. 12:15.

18. Tingaitei kuti tinzwire vamwe tsitsi?

18 Vakuru handivo vega vanofanira kunzwira vamwe tsitsi. Tese tinogonawo kunzwira vamwe tsitsi. Tingazviita sei? Edza kuziva kuti vemumhuri menyu uye vaunonamata navo vari kusangana nei muupenyu hwavo. Farira vechidiki vari muungano uyewo vanorwara, vakwegura nevakafirwa. Taura navo unzwe kuti vari sei. Nyatsoteerera pavanenge vachikuudza zviri pamwoyo pavo. Ita kuti vaone kuti uri kunyatsonzwisisa zvavari kusangana nazvo. Vabatsire pese paunokwanisa kuvabatsira. Patinoita izvi, tinenge tichiratidza rudo rwechokwadi.—1 Joh. 3:18.

19. Nei tichifanira kuva vanhu vanonzwisisa patinenge tichiedza kubatsira vamwe?

19 Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa patinenge tichiedza kubatsira vamwe. Nei tichifanira kudaro? Nekuti zvinoitwa nevanhu pavanenge vari mumatambudziko zvinosiyana-siyana. Vamwe vakasununguka kutaura nezvazvo asi vamwe havana. Saka tinoda kuvabatsira, asi hatifaniri kuzobvunza mibvunzo inoita kuti vapedzisire vasisina kusununguka. (1 VaT. 4:11) Kunyange kana vamwe vakasununguka kutaura zviri kuvanetsa, tinogona kuona kuti hapasi pese patinobvumirana navo. Asi tinofanira kubvuma kuti iwayo ndiwo manzwiro avanenge vachiita. Tinofanira kukurumidza kunzwa, tononoka kutaura.—Mat. 7:1; Jak. 1:19.

20. Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Tinoda kunzwira vamwe tsitsi muungano, asi tinoda kuzviitawo muushumiri. Tingaratidza sei kuti tinonzwira vanhu tsitsi patinenge tiri muushumiri? Izvozvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

^ ndima 5 Jehovha naJesu vane hanya nekuti vamwe vanonzwa sei. Nyaya ino ichataura zvatinodzidza kwavari. Tichakurukurawo kuti nei tichifanira kunzwira vamwe tsitsi uye kuti tingazviita sei.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kana ‘tichinzwira vamwe tsitsi,’ tinenge tichiedza kunzwisisa kuti vamwe vari kunzwa sei, tovawo nemanzwiro avo. (VaR. 12:15) Munyaya ino, mashoko ekuti ‘kunzwira tsitsi’ uye ekuti kuva nehanya nevamwe ari kureva chinhu chimwe chete.

^ ndima 6 Jehovha akaratidzawo kuti aiva nehanya nevamwe vashumiri vake vakatendeka vakanga vakaora mwoyo kana kuti vaitya. Funga nezvaHana (1 Sam. 1:10-20), Eriya (1 Madz. 19:1-18), uye Ebhedhi-mereki (Jer. 38:7-13; 39:15-18).

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Misangano yepaImba yeUmambo inotipa mikana yekuratidza kuti tinodanana. Tiri kuona (1) mukuru achitaura nemuparidzi wechidiki naamai vake achiratidza kuti ane hanya navo, (2) baba nemwanasikana wavo vachibatsira hanzvadzi yakwegura kuti inopinda mumota, uye (3) vakuru vaviri vachinyatsoteerera hanzvadzi iri kuda kubatsirwa.