Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 10

Chii Chinonditadzisa Kubhabhatidzwa?

Chii Chinonditadzisa Kubhabhatidzwa?

“Vakapinda mumvura, iye Firipi nemukuru mukuru wacho; uye akamubhabhatidza.”—MAB. 8:38.

RWIYO 52 Kuzvitsaurira kwechiKristu

ZVICHADZIDZWA *

1. Adhamu naEvha vakarasikirwa nei, uye zvakaguma nei?

NDIANI waunofunga kuti ndiye anofanira kutiudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi? Adhamu naEvha pavakadya muchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa vakanyatsoratidza kuti vakanga vasingavimbi naJehovha uye utungamiriri hwake. Vakada kuzvisarudzira vega kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. (Gen. 3:22) Asi funga zvavakarasikirwa nazvo. Vakarasikirwa neushamwari hwavo naJehovha. Vakarasikirwawo nemukana wekurarama nekusingaperi, uye vakaita kuti vana vavo vave nechivi uye vafe. (VaR. 5:12) Zvakasarudzwa naAdhamu naEvha zvakakonzera matambudziko.

Mukuru mukuru wekuItiopiya paakagamuchira Jesu, akabva atoda kubhabhatidzwa nekukurumidza (Ona ndima 2-3)

2-3. (a) Mukuru mukuru wekuItiopiya akaita sei paakaparidzirwa naFiripi? (b) Tinowana makomborero api kana tikabhabhatidzwa, uye tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Ona kuti zvakaitwa naAdhamu naEvha zvakasiyana sei nezvakaitwa nemukuru mukuru wekuItiopiya paakaparidzirwa naFiripi. Mukuru mukuru wacho akakoshesa chaizvo zvaakaitirwa naJehovha naJesu zvekuti akabva angobhabhatidzwa. (Mab. 8:34-38) Patinozvitsaurira kuna Mwari, tobhabhatidzwa sezvakaita mukuru mukuru iyeye, tinoratidza kuti tinokoshesa zvatakaitirwa naJehovha naJesu. Tinoratidzawo kuti tinovimba naJehovha uye tinobvuma kuti ndiye anofanira kutiudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi.

3 Funga nezvemakomborero atinowana patinoshumira Jehovha! Chimwe chikomborero ndechekuti tine tariro yekuwana zvese zvakaraswa naAdhamu naEvha, kusanganisira kurarama nekusingaperi. Kutenda kwatinoita muna Jesu Kristu kunoita kuti Jehovha atiregerere zvivi zvedu, zvoita kuti tive nehana yakachena. (Mat. 20:28; Mab. 10:43) Tinovawo mumhuri yevashumiri vaJehovha ine tariro yekuzorarama upenyu hwakanaka mune ramangwana. (Joh. 10:14-16; VaR. 8:20, 21) Pasinei nezvese izvi, pane vamwe vakasvika pakuziva Jehovha vanozeza kuita zvakaitwa nemukuru mukuru wekuItiopiya. Zvii zvingangodaro zvichivatadzisa kubhabhatidzwa? Vangakunda sei zvinhu izvozvo?

ZVINHU ZVINOTADZISA VAMWE KUBHABHATIDZWA

Zvinhu zvinotadzisa vamwe kubhabhatidzwa

Kuzvitarisira pasi (Ona ndima 4-5) *

4-5. Chii chaiita kuti Avery naHannah vazeze kubhabhatidzwa?

4 Kuzvitarisira pasi. Vabereki vemukomana anonzi Avery Zvapupu zvaJehovha. Baba vake vanozivikanwa sababa vakanaka uye semukuru anogona basa rake. Asi Avery aizeza kubhabhatidzwa. Chii chaiita kuti azeze? Akati, “Ndaifunga kuti ndaizotadza kuita zvinoitwa nababa vangu.” Avery aifungawo kuti aizotadza kuita mabasa aaizogona kupiwa muungano. “Ndaitya kuzonzi ndinyengetere paruzhinji, kupa hurukuro, uye kuitisa musangano webasa reushumiri.”

5 Hannah uyo ane makore 18, ainyanya kuzvitarisira pasi. Vabereki vake vanoshumira Jehovha. Kunyange zvakadaro, ainge asina chokwadi chekuti aizokwanisa kurarama achiteerera mitemo yaJehovha. Nemhaka yei? Hannah aizviona semunhu asingabatsiri. Dzimwe nguva aishungurudzika chaizvo zvekuti aizvicheka-cheka, asi izvi zvaitoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Akati, “Hapana wandakaudza zvandaiita, kunyange vabereki vangu, uye ndaifunga kuti Jehovha aisazombondifarira nemhaka yekuzvikuvadza kwandaiita.”

Shamwari (Ona ndima 6) *

6. Chii chaitadzisa Vanessa kubhabhatidzwa?

6 Shamwari. Vanessa uyo ane makore 22, akati, “Ndainge ndava nemakore anenge 10 ndichishamwaridzana nemumwe musikana.” Asi shamwari yaVanessa yakanga isingafariri zvaaitenda uye yakanga isingamutsigiri pachinangwa chake chekuda kubhabhatidzwa. Izvi zvakarwadza Vanessa, uye akati, “Zvinondiomera kuti nditsvage shamwari, uye ndaityira kuti ndikarega kushamwaridzana naye, ndaizotadza kuwana imwe shamwari yepedyo.”

Kutya kuita chivi (Ona ndima 7) *

7. Makayla aityei, uye nemhaka yei?

7 Kutya kuita chivi. Musikana anonzi Makayla aiva nemakore mashanu pakadzingwa hanzvadzi yake muungano. Paaikura, aiona kurwadziwa kwaiita vabereki vake nemhaka yezvakaitwa nehanzvadzi yake. Makayla akati, “Ndaitya kuti kana ndikabhabhatidzwa, ndaizoita chivi ndodzingwa, ndowedzera kurwadzisa vabereki vangu.”

Kutya kupikiswa (Ona ndima 8) *

8. Mukomana anonzi Miles aityei?

8 Kutya kupikiswa. Baba vaMiles vakaroora mumwe mudzimai, uye vese vanoshumira Jehovha, asi amai vaMiles havasi Chapupu. Miles akati “Ndakagara naamai vangu kwemakore 18, asi ndaitya kuvaudza kuti ndaida kubhabhatidzwa. Ndaifunga zvakaitwa naamai baba pavakava Chapupu. Ndaitya kuti vaigona kundiomesera.”

UNGAKUNDA SEI ZVINHU ZVINGAKUTADZISA KUBHABHATIDZWA?

9. Kudzidza nezverudo rwaJehovha uye mwoyo murefu wake kunogona kukubatsira kuti uitei?

9 Adhamu naEvha vakarega kushumira Jehovha nekuti vakatadza kusimbisa kuda kwavaimuita. Kunyange zvakadaro, akavarega vachirarama kusvika vava nevana, uye akavarega vachisarudza vega marerero avaizoita vana vacho. Zvakazoitika pashure pekunge Adhamu naEvha vapandukira Jehovha zvakaratidza kuti vakanga vaita zveupenzi. Mwanakomana wavo mukuru akauraya munin’ina wake, uye panyika pakazara nevanhu vaiita zvemhirizhonga uye vaifunga zvakangovanakira. (Gen. 4:8; 6:11-13) Asi Jehovha aiva nenzira yekuponesa nayo vana vese vaAdhamu naEvha vanoda kumushumira. (Joh. 6:38-40, 57, 58) Paunodzidza zvakawanda nezvemwoyo murefu waJehovha uye rudo rwake, unogona kuwedzera kumuda. Zvichaita kuti usatevedzere zvakaitwa naAdhamu naEvha, wozvitsaurira kuna Jehovha.

Ungakunda sei zvinhu izvi

(Ona ndima 9-10) *

10. Kufungisisa Pisarema 19:7 kungakubatsira sei kuti ushumire Jehovha?

10 Ramba uchidzidza nezvaJehovha. Kana ukaramba uchidzidza nezvaJehovha, uchawedzera kuva nechokwadi chekuti unogona kumushumira. Avery ambotaurwa akati: “Ndakawedzera kuva nechivimbo pandakaverenga uye pandakafungisisa vimbiso iri pana Pisarema 19:7.” (Verenga.) Avery paakaona kuti Jehovha akazadzisa sei vimbiso iyoyo, akawedzera kumuda. Kuda Jehovha kunoita kuti tive nechivimbo chekuti tinogona kumushumira, uye kunoita kuti tirege kuita zvinhu zvinomugumbura. Kunotipawo simba rekuti timushumire. Hannah ambotaurwa akati: “Kuverenga uye kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti ndinzwisise kuti pandinozvicheka-cheka ndinenge ndichitorwadzisawo Jehovha.” (1 Pet. 5:7) Hannah akava ‘muiti weshoko raMwari.’ (Jak. 1:22) Zvakaguma nei? Akati: “Pandakaona kuti kuteerera Jehovha kwakandibatsira sei, ndakawedzera kumuda. Iye zvino ndine chokwadi chekuti Jehovha achandibatsira pese pandinoda kubatsirwa.” Hannah akakwanisa kukurira pfungwa dzekuda kuzvikuvadza. Akazvitsaurira kuna Jehovha achibva abhabhatidzwa.

(Ona ndima 11) *

11. Vanessa akaitei kuti ave neshamwari dzakanaka, uye tinodzidzei pane zvaakaita?

11 Ngwarira pakusarudza shamwari. Vanessa ambotaurwa akazoona kuti shamwari yake yaimutadzisa kushumira Jehovha. Saka akasiyana nayo uye akashanda nesimba kutsvaga dzimwe shamwari dzemuungano. Akataura kuti akabatsirwa nemuenzaniso waNoa nemhuri yake. “Vakanga vakapoteredzwa nevanhu vasingadi Jehovha,” anodaro Vanessa, “asi vaishamwaridzana pachavo.” Paakanga abhabhatidzwa, Vanessa akava piyona. Iye zvino anoti, “Izvi zvakandibatsira kuti ndive neshamwari dzakanaka muungano medu uye mune dzimwe ungano.” Iwewo unogona kuva neshamwari dzakanaka kana ukaita zvakawanda mubasa ratakapiwa naJehovha.—Mat. 24:14.

(Ona ndima 12-15) *

12. Kutya kwerudzii kwaisavapo pana Adhamu naEvha, uye zvakaguma nei?

12 Ziva zvekutya. Kumwe kutya kwakanaka. Semuenzaniso, tinofanira kutya kugumbura Jehovha. (Pis. 111:10) Dai Adhamu naEvha vakatya Jehovha saizvozvo, vangadai vasina kumupandukira. Pavakapanduka, maziso avo akasvinudzwa pakuti vakatanga kunyatsoziva kuti vaiva vatadzi. Chainge changosara ndechekuti vabereke vana vane chivi uye vanofa. Sezvo vakanga vava kuona kana kuti kunzwisisa zvavakanga vava, vakatanga kunyara nekusapfeka kwavo uye vakazvifukidza.—Gen. 3:7, 21.

13-14. (a) Maererano na1 Petro 3:21, nei tisingafaniri kunyanya kutya kufa? (b) Tine zvikonzero zvipi zvekuti tide Jehovha?

13 Taona kuti tinofanira kutya kugumbura Jehovha, asi hatifaniri kunyanya kutya kufa. Jehovha akaita kuti pave nenzira yekuti tiwane upenyu husingaperi. Kana tikaita chivi, asi topfidza zvepachokwadi, Jehovha anotiregerera. Anotiregerera nekuti tinotenda muchibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wake. Nzira inokosha yatinoratidza nayo kutenda kwedu ndeyekuzvitsaurira kuna Mwari tobhabhatidzwa.—Verenga 1 Petro 3:21.

14 Tine zvikonzero zvakawanda zvekuti tide Jehovha. Anotipa zvinhu zvakanaka zvinotibatsira zuva rega rega, uye anotidzidzisawo chokwadi nezvake uye zvinangwa zvake. (Joh. 8:31, 32) Akatipa ungano yechiKristu kuti ititungamirire uye ititsigire. Anotibatsira kuti titsungirire matambudziko edu iye zvino, uye anotipawo tariro yekurarama nekusingaperi muparadhiso. (Pis. 68:19; Zvak. 21:3, 4) Kana tikafungisisa zvakaitwa naJehovha achiratidza kutida, tinowedzera kumuda. Kana tichida Jehovha nemwoyo wese tichatya kuita zvinhu zvinomurwadzisa.

15. Makayla akakunda sei kutya kutadza?

15 Makayla ambotaurwa nezvake akakunda kutya kwaaiita kuzotadza paakanzwisisa kuti Jehovha anoregerera zvakadii. “Ndakaziva kuti tese tine chivi, saka tinokanganisa. Asi ndakanzwisisawo kuti Jehovha anotida uye achatiregerera nekuda kwechibayiro cherudzikinuro.” Kuda kwaanoita Jehovha kwakaita kuti azvitsaurire kwaari, achibva abhabhatidzwa.

(Ona ndima 16) *

16. Miles akabatsirwa sei kuti akunde kutya kwaaiita kupikiswa?

16 Miles, uya aitya kuti amai vake vaizopikisa chisarudzo chake chekubhabhatidzwa, akakumbira kubatsirwa nemutariri wedunhu. Mutariri wedunhu uyu “akarerwawo mumhuri ine mubereki mumwe chete aiva chapupu,” anodaro Miles. “Akandibatsira kuti ndifunge zvandingataura kuti amai vangu vagutsikane kuti ndakanga ndazvisarudzira ndega kubhabhatidzwa kwete kuti ndaimanikidzwa nababa.” Amai vaMiles havana kufara nazvo. Miles akazobva pamba pavo asi akashinga kuita zvaakanga asarudza. Akati, “Kudzidza nezvezvinhu zvandakaitirwa naJehovha kwakandibata-bata chaizvo. Pandakafunga zvakadzama nezvechibayiro cherudzikinuro chaJesu, ndakanzwisisa kuti Jehovha anondida zvakadii. Izvi zvakaita kuti ndizvitsaurire kuna Jehovha uye ndibhabhatidzwe.”

USACHINJA ZVAWAKASARUDZA

Tinogona kuratidza kuti tinokoshesa zvatakaitirwa naMwari (Ona ndima 17)

17. Tese tine mukana wei?

17 Evha paakadya muchero wemuti waiva muEdheni, akaramba Baba vake. Adhamu paakadyawo, akaratidza kuti akanga asingakoshesi zvinhu zvese zvakanaka zvaakaitirwa naJehovha. Tese tine mukana wekuratidza kuti hatibvumirani nezvakaitwa naAdhamu naEvha. Kana tikabhabhatidzwa, tinenge tichiratidza Jehovha kuti tinobvuma kuti ndiye ane simba rekutiudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Tinoratidzawo kuti tinoda Baba vedu uye tinovimba navo.

18. Ungaitei kuti ukwanise kuramba uchiita zvinodiwa naJehovha?

18 Nyaya hombe inenge yavapo patinenge tabhabhatidzwa ndeyekuti tirarame tichiita zvinodiwa naJehovha zuva rega rega, kwete zvatinoda. Pane mamiriyoni evanhu ari kurarama saizvozvo. Unogonawo kudaro kana ukaramba uchiwedzera kunzwisisa Shoko raMwari, ukagara uchiungana nehama nehanzvadzi dzako, uye ukashingaira kuzivisa vamwe zvaunenge wadzidza nezvaBaba vako vane rudo. (VaH. 10:24, 25) Paunenge uchida kusarudza zvekuita, teerera mazano aunopiwa naJehovha achishandisa Shoko rake nesangano rake. (Isa. 30:21) Kana ukadaro, zvese zvaunoita zvichabudirira.—Zvir. 16:3, 20.

19. Chii chaunofanira kuramba uchifunga nezvacho, uye nei uchifanira kudaro?

19 Paunoramba uchifunga kuti kutungamirirwa naJehovha kuri kukubatsira sei, unowedzera kumuda uye kuda mitemo yake. Uye hapana zviri munyika yaSatani zvingazokutsausa pakushumira Jehovha. Chimbofungidzira kuti uchanzwa sei pauchatarisa kumashure panopera makore 1 000 kubva iye zvino! Uchaona kuti wakagona chaizvo pawakaita chisarudzo chekubhabhatidzwa!

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

^ ndima 5 Chisarudzo chinonyanya kukosha pane zvese zvauchaita ndechekuti wobhabhatidzwa here kana kuti kwete. Nei chichikosha chaizvo? Nyaya ino ichapindura mubvunzo iwoyo. Ichabatsirawo vaya vari kufunga kubhabhatidzwa kuti vakurire zvinhu zvingangodaro zvichivatadzisa kubhabhatidzwa.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Chivimbo: Mukomana ari kuzeza kupindura

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Shamwari: Musikana wechidiki ane shamwari yakaipa anonyara paanoona zvimwe Zvapupu

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kutadza: Panodzingwa hanzvadzi yake muungano yobva pamba, musikana wechidiki anotya kuti iye anogonawo kuzotadza.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kupikiswa: Mukomana ari kutya kunyengetera paina amai vake vasiri Chapupu.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Chivimbo: Mukomana anovandudza madzidziro ake.

^ ndima 67 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Shamwari: Chapupu chechidiki chinodzidza kudada nekuva Chapupu.

^ ndima 69 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kutadza: Musikana wechidiki anoita kuti chokwadi chive chake obhabhatidzwa.

^ ndima 71 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kupikiswa: Mukomana anova neushingi hwekutsanangura zvaanotenda kuna amai vake vasiri Chapupu.