Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 11

Teerera Inzwi raJehovha

Teerera Inzwi raJehovha

“Uyu ndiye Mwanakomana wangu . . . Muteererei.”—MAT. 17:5.

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Jehovha aitaura sei nevanhu kare uye anotaura sei navo iye zvino? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

JEHOVHA anoda kutaura nesu. Kare aishandisa vaprofita, ngirozi uye Mwanakomana wake, Kristu Jesu, kuti atizivise mafungiro ake. (Amo. 3:7; VaG. 3:19; Zvak. 1:1) Mazuva ano anotaura nesu achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. Akatipa Bhaibheri kuti tizive mafungiro ake uye nzira dzake.

2 Jesu paaiva panyika, inzwi raJehovha rakanzwika pazviitiko zvitatu richibva kudenga. Ngationei mashoko aakataura, zvatinodzidza pamashoko acho, uye kuti anotibatsira sei.

“NDIWE MWANAKOMANA WANGU, ANODIWA”

3. Sezvatinoverenga pana Mako 1:9-11, Jehovha akatii pakabhabhatidzwa Jesu, uye mashoko aakataura anoratidzei?

3 Pana Mako 1:9-11 ndipo pakanzwika inzwi raJehovha kekutanga achitaura ari kudenga. (Verenga.) Akati: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.” Jesu anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo nekunzwa inzwi raBaba vake vachiratidza kuti vanomuda uye vachimusimbisa. Mashoko aJehovha anotiratidza zvinhu zvitatu zvinokosha pamusoro paJesu. Chekutanga, Jesu Mwanakomana wake. Chechipiri, Jehovha anoda Mwanakomana wake. Uye chechitatu, Jehovha akaratidza kuti anofarira Mwanakomana wake. Ngatimbonyatsoongorai chimwe nechimwe chazvo.

4. Jesu paakabhabhatidzwa akava Mwanakomana waMwari munzira ipi itsva?

4 “Ndiwe Mwanakomana wangu.” Jehovha paakataura mashoko aya, airatidza kuti Mwanakomana wake waanoda, Jesu, akanga ava Mwanakomana wake munzira itsva. Jesu paakanga achiri kudenga, akanga ari mwanakomana waMwari wemweya. Asi paakabhabhatidzwa, akazodzwa nemweya mutsvene. Panguva iyoyo, Mwari akaratidza kuti Jesu uyo akanga ava Mwanakomana wake akazodzwa, akanga ava netariro yekudzokera kudenga kuti anova Mambo uye Mupristi Mukuru waMwari. (Ruka 1:31-33; VaH. 1:8, 9; 2:17) Ndosaka paakabhabhatidzwa, Baba vake vakati: “Ndiwe Mwanakomana wangu.”—Ruka 3:22.

Tinofara patinorumbidzwa uye patinokurudzirwa (Ona ndima 5) *

5. Tingatevedzera sei Jehovha pakuratidza rudo uye pakukurudzira vamwe?

5 “Ndiwe . . . anodiwa.” Kuratidza kwakaita Jehovha kuti anoda Mwanakomana wake uye kuti anomufarira kunotidzidzisa kuti tinofanira kucherechedza zvakanaka zvinoitwa nevamwe kuti tivakurudzire. (Joh. 5:20) Tinofara kana mumwe munhu watiine hanya naye akaratidza kuti anotida uye akatirumbidza nezvakanaka zvatinenge taita. Ndizvo zvinoda kuitirwawo hama nehanzvadzi dzedu muungano uye vemumhuri medu. Vanodawo kuratidzwa rudo uye kukurudzirwa. Patinorumbidza vamwe, tinosimbisa kutenda kwavo uye tinovabatsira kuti vashumire Jehovha vakavimbika. Vabereki vanofanira kukurudzira vana vavo. Pavanovarumbidza nemwoyo wese uye pavanovaratidza rudo, vanovabatsira kuti vasimbe pakunamata.

6. Nei tichigona kuvimba naJesu Kristu?

6 “Ndakufarira.” Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha aiva nechivimbo chekuti Jesu aizoita kuda kwaBaba vake akatendeka. Sezvo Jehovha aine chivimbo chakadaro neMwanakomana wake, isuwo tinogona kunyatsovimba kuti Jesu achazadzisa zvese zvakavimbiswa naJehovha. (2 VaK. 1:20) Patinotarisa zvakaitwa naJesu, tinowedzera kuva nechido chekudzidza kwaari uye kutevera tsoka dzake. Jehovha anewo chivimbo chekuti vashumiri vake vacharamba vachidzidza kubva kuMwanakomana wake.—1 Pet. 2:21.

“MUTEEREREI”

7. Maererano naMateu 17:1-5, ndepapi pakanzwika inzwi raJehovha, uye akataura kutii?

7 Verenga Mateu 17:1-5. Inzwi raJehovha rakanzwika kechipiri Jesu ‘paakachinja chitarisiko.’ Jesu akanga aenda mugomo refu naPetro, Jakobho naJohani. Vari ikoko vakaona chishamiso. Chiso chaJesu uye hembe dzake zvakatanga kupenya. Vanhu vaviri vaifananidzira Mosesi naEriya vakatanga kutaura naJesu nezvekufa kwake uye kumutswa kwake. Kunyange zvazvo vaapostora ava vatatu vakanga “vabatwa nehope kwazvo,” pavakaona chishamiso ichi vakanga vakanyatsomuka. (Ruka 9:29-32) Vakabva vafukidzwa negore jena, uye vakanzwa inzwi raMwari richibva mugore racho. Sezvaakamboita pakabhabhatidzwa Jesu, Jehovha akaratidza kuti anofarira Mwanakomana wake uye anomuda paakataura kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” Asi panguva iyi Jehovha akawedzera kuti: “Muteererei.”

8. Zvakaitika pakachinja Jesu chitarisiko zvakamubatsira sei uye zvakabatsira sei vadzidzi vake?

8 Zvakaitika pakachinja Jesu chitarisiko zvakaratidza kukudzwa kwaaizoitwa uye simba raaizopiwa saMambo weUmambo hwaMwari. Zviri pachena kuti Kristu akakurudzirwa uye akasimbiswa kuti akwanise kutsungirira matambudziko aaizosangana nawo uye kuurayiwa zveutsinye kwaaizoitwa. Chishamiso ichocho chakaita kuti kutenda kwevadzidzi kuwedzere uye chakavasimbisa kuti vakunde matambudziko avaizosangana nawo uye kuti vagone kuita basa rakakura raiva mberi. Papera makore angasvika 30, muapostora Petro akataura nezvechishamiso ichocho kuratidza kuti akanga achiri kunyatsochiyeuka.—2 Pet. 1:16-18.

9. Jesu akapa vadzidzi vake mazano api akanaka?

9 “Muteererei.” Jehovha akanyatsojekesa kuti anoda kuti titeerere mashoko eMwanakomana wake toita zvaanotaura. Jesu akatii paaiva panyika? Akataura zvakawanda zvatinofanira kuteerera! Akadzidzisa vateveri vake kuti vaparidze mashoko akanaka, uye aigara achivayeuchidza kuti varambe vakarinda. (Mat. 24:42; 28:19, 20) Akavakurudzirawo kuti vashande nesimba, uye kuti vasakanda mapfumo pasi. (Ruka 13:24) Jesu akati vateveri vake vanofanira kudanana, kuramba vakabatana, uye kuchengeta mirayiro yake. (Joh. 15:10, 12, 13) Iwayo mazano akanaka chaizvo akataurwa naJesu! Mazano iwayo achiri kushanda sezvaaiita paakaataura.

10-11. Tingaratidza sei kuti tinoteerera Jesu?

10 Jesu akati: “Munhu wose ari kurutivi rwechokwadi anoteerera inzwi rangu.” (Joh. 18:37) Tinoratidza kuti tinoteerera inzwi rake ‘patinoramba tichishivirirana nekukanganwirana nemwoyo wese.’ (VaK. 3:13; Ruka 17:3, 4) Tinoratidzawo kuti tiri kuteerera inzwi rake nekushingaira kuparidza mashoko akanaka “mumwaka wakakodzera, [uye] mumwaka unotambudza.”—2 Tim. 4:2.

11 Jesu akati: “Makwai angu anoteerera inzwi rangu.” (Joh. 10:27) Vateveri vaKristu vanoratidza kuti vanoteerera inzwi raJesu nekunyatsoteerera mashoko ake uye kuita zvaanotaura. Havavhiringidzwi “nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu.” (Ruka 21:34) Asi kuteerera mirayiro yaJesu ndiko kunonyanya kukosha muupenyu hwavo kunyange pavanenge vari mumatambudziko. Hama dzedu dzakawanda dziri kutsungirira miedzo yakakura, yakadai sekutambudzwa nevanhu vanovapikisa, urombo hwakanyanya, uye njodzi dzinongoitika dzega. Asi vanoramba vakatendeka kuna Jehovha pasinei nematambudziko ese iwayo. Jesu anovasimbisa achiti: “[Munhu wese] ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu.”—Joh. 14:21.

Ushumiri hunotibatsira kuti tirambe tichiteerera Jesu (Ona ndima 12) *

12. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoteerera Jesu?

12 Imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoteerera Jesu ndeyekuteerera vaya vaakagadza kuti vatitungamirire. (VaH. 13:7, 17) Sangano raMwari rakagadzirisa zvinhu zvakawanda mumakore mashoma apfuura zvakadai semashandisiro atinoita maturusi matsva muushumiri uye nzira dzekuparidza nadzo, maitirwo emusangano wepakati pevhiki, uye nzira dzekuvaka nekugadziridza nadzo Dzimba dzeUmambo. Tinotenda chaizvo kutungamirirwa kwakanaka kwatiri kuitwa nesangano! Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakomborera kuteerera kwatiri kuita zvatinoudzwa nesangano.

13. Kuteerera Jesu kunotibatsira sei?

13 Tinobatsirwa patinoteerera zvese zvakadzidziswa naJesu. Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti zvaaidzidzisa zvaizovazorodza. Akati: “Muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Shoko raMwari, iro rinewo Evhangeri ina dzinotaura nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu, rinotizorodza, uye rinotipa uchenjeri. (Pis. 19:7; 23:3) Jesu akati: “Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:28.

‘NDICHAKUDZA ZITA RANGU’

14-15. (a) Sezvinotaurwa pana Johani 12:27, 28, ndepapi pakanzwika inzwi raJehovha kechitatu richibva kudenga? (b) Nei zvakataurwa naJehovha zvaigona kunyaradza Jesu uye kumusimbisa?

14 Verenga Johani 12:27, 28. MuEvhangeri yaJohani ndimo matinoverenga nezveinzwi raJehovha richinzwika kechitatu kubva kudenga. Mazuva mashoma asati afa, Jesu akanga ari muJerusarema kuti apinde Paseka kekupedzisira. Akati: “Mweya wangu unonetseka.” Akabva anyengetera achiti: “Baba, kudzai zita renyu.” Baba vake vakabva vapindura vari kudenga vachiti: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”

15 Jesu ainetseka chaizvo nekuti aiziva kuti aifanira kuramba akatendeka kuna Jehovha. Aiziva kuti aizorohwa zvakasimba uye aizourayiwa zveutsinye. (Mat. 26:38) Asi ainyanya kukoshesa kukudza zita raBaba vake. Jesu akapiwa mhosva yekumhura uye ainetseka kuti kufa kwake kwaizoita kuti Mwari azvidzwe. Zvakataurwa naJehovha zvinofanira kunge zvakamusimbisa chaizvo. Aigona kuva nechokwadi chekuti zita raJehovha raizokudzwa. Mashoko aBaba vake anofanira kunge akamunyaradza uye akamusimbisa kuti atsungirire kutambura kwaaizoita. Kunyange zvazvo zvichiita sekuti Jesu ndiye ega akanzwisisa zvakataurwa naBaba vake panguva iyoyo, Jehovha akaita kuti mashoko iwayo aakataura anyorerwe isu tese.—Joh. 12:29, 30.

Jehovha achakudza zita rake uye achanunura vanhu vake (Ona ndima 16) *

16. Nei dzimwe nguva tinganetseka kuti zita raMwari richazvidzwa?

16 Kufanana naJesu, isuwo tinogona kunge tichinetseka kuti zita raJehovha richazvidzwa. Zvimwe tiri kubatwa zvisina kunaka sezvakaitwa Jesu. Kana kuti tinogona kuvhiringidzwa nenhema dzinotaurwa pamusoro pedu nevanhu vanotipikisa. Tinogona kufunga kuti nyaya idzi dzichazvidzisa zita raJehovha nesangano rake. Panguva yakadaro, mashoko aJehovha anotinyaradza zvikuru. Hatifaniri hedu kunyanya kunetseka. Tinogona kuva nechokwadi chekuti “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nesimba [redu] rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Jehovha haazombofi akakundikana kukudza zita rake. Achishandisa Umambo, achabvisa zvakaipa zvese zviri kuitirwa vashumiri vake naSatani nenyika ino.—Pis. 94:22, 23; Isa. 65:17.

KUBATSIRWA KWATINOITWA NEINZWI RAJEHOVHA

17. Maererano naIsaya 30:21, Jehovha anotaura nesu sei mazuva ano?

17 Jehovha achiri kutaura nesu mazuva ano. (Verenga Isaya 30:21.) Ichokwadi kuti hatinzwi inzwi raMwari richibva kudenga. Asi akatipa Shoko rake, Bhaibheri, iro rinotiudza zvatinofanira kuita. Uyewo mweya waJehovha unobatsira “mutariri akatendeka” kuti agare achipa vashumiri vaMwari zvekudya zvekunamata. (Ruka 12:42) Tine zvekudya zvekunamata zvakawanda zviri mumabhuku atinopiwa, nyaya dziri pamaWebsite edu, mavhidhiyo, uye zvekuteerera!

18. Mashoko aJehovha anosimbisa sei kutenda kwako uye anokupa sei ushingi?

18 Ngatirambei tichiyeuka mashoko aJehovha aakaudza Mwanakomana wake paaiva panyika. Mashoko aMwari ari muBhaibheri ngaatipe chivimbo chekuti Jehovha haana chaanotadza kuita uye kuti achagadzirisa zvese zvakakanganiswa naSatani nenyika yake yakaipa. Uye ngatirambei tichinyatsoteerera inzwi raJehovha. Kana tikadaro tichakwanisa kutsungirira chero dambudziko ratinosangana naro iye zvino uye miedzo iri mberi. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Munofanira kutsungirira, kuti kana maita zvinodiwa naMwari, mugamuchire kuzadzika kwechipikirwa.”—VaH. 10:36.

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

^ ndima 5 Jesu paaiva panyika, inzwi raJehovha rakanzwika katatu richibva kudenga. Pamwe pacho Jehovha akaudza vadzidzi vaKristu kuti vateerere Mwanakomana wake. Mazuva ano Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake iro rinosanganisira dzidziso dzaJesu uye anotaurawo nesu achishandisa sangano rake. Nyaya ino ichataura kuti tinobatsirwa sei nekuteerera Jehovha naJesu.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mukuru anocherechedza mushumiri anoshumira ari kutsvaira paImba yeUmambo uye ari kushanda mudhipatimendi remabhuku. Mukuru wacho anomurumbidza.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Murume nemudzimai vekuSierra Leone vari kukoka kumisangano murume anoita basa rekubata hove.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Zvapupu zvemunyika isingabvumirwi basa redu zviri kupindira musangano pamba. Vakapfeka zvinoita kuti vasafungidzirwa kuti vari pamusangano.