Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anozvikoshesa Paunoti “Ameni”

Jehovha Anozvikoshesa Paunoti “Ameni”

JEHOVHA anokoshesa kunamata kwedu. ‘Ari kuteerera uye ari kunzwa’ vashumiri vake, uye hapana chavanoita vachimurumbidza chaasingaoni pasinei nekuti chidiki zvakadii. (Mar. 3:16) Funga nezveshoko ratingadaro takataura kakawanda chaizvo, rekuti “ameni.” Jehovha anorikoshesa here? Ehe anorikoshesa! Kuti tizive kuti sei achikoshesa shoko iri, ngationei kuti rinorevei uye kuti rinoshandiswa sei muBhaibheri.

‘VANHU VESE VACHATI, ‘AMENI!’’

Shoko rekuti “ameni” rinoreva kuti “ngazviitike,” kana kuti “chokwadi.” Rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “iva akatendeka,” “iva akavimbika.” Dzimwe nguva raishandiswa mumatare. Pashure pekuita mhiko, dzimwe nguva munhu aiti “ameni” kuratidza kuti ataura chokwadi uye kuti achagamuchira chero zvichakonzerwa nezvaataura. (Num. 5:22) Kutaura shoko iroro paruzhinji kwaitoita kuti ave nechikonzero chakasimba chekuzadzisa zvaataura.—Neh. 5:13.

Shoko rekuti “ameni” rakashandiswa kakawanda muchitsauko 27 chaDheuteronomio. VaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa, vaifanira kuungana vakati vamwe paGomo reEbhari, vamwe paGomo reGerizimu kuti vanzwe Mutemo uchiverengwa. Vakanga vasina kuungana kuti vangonzwa mutemo uchiverengwa chete asi vaifanira kuzivisa kuti vaibvuma Mutemo wacho. Vakaita izvi nekupindura kuti “Ameni!” pese paiverengwa chirango chekutyora Mutemo. (Dheut. 27:15-26) Fungidzira manzwi ezviuru zvevarume, vakadzi, nevana vachishevedzera kuti “ameni!” (Josh. 8:30-35) Havana kukanganwa mashoko avakataura zuva iroro. VaIsraeri ivavo vakaita zvavakataura nekuti Bhaibheri rinoti: “Israeri akaramba achishumira Jehovha mazuva ose aJoshua nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaziva basa rose raJehovha raakaitira Israeri.”—Josh. 24:31.

Jesu aishandisawo shoko rekuti “ameni” asi aizviita nenzira yakasiyana neyevamwe. Vanhu vakawanda vaishandisa shoko rekuti “ameni” kupindura zvainge zvataurwa. Asi Jesu airishandisa asati ataura chimwe chinhu, kuti aratidze kuti ndechechokwadi. MuchiShona, shoko racho rekuti “ameni” rakashandurwa kuti “chokwadi.” Dzimwe nguva Jesu aidzokorora shoko racho achiti, “chokwadi chokwadi.” (Mat. 5:18; Joh. 1:51) Paaidaro aiita kuti vateereri vake vagutsikane kuti aitaura chokwadi. Jesu aitaura aine chokwadi saizvozvo nekuti ndiye akapiwa simba rekuzadzisa zvese zvakavimbiswa naMwari.—2 VaK. 1:20; Zvak. 3:14.

“VANHU VESE VAKATI, ‘AMENI!’ [UYE] VAKARUMBIDZA JEHOVHA”

VaIsraeri vaitiwo “ameni” pavairumbidza Jehovha uye pavainyengetera kwaari. (Neh. 8:6; Pis. 41:13) Kutaura kwavaiita shoko iroro paipera munyengetero kwairatidza kuti vaibvumirana nemunyengetero wacho. Saka munhu wese aibatanidzwa pakunamata Jehovha nenzira iyoyo. Izvi ndizvo zvakaitika Mambo Dhavhidhi paakaunza Areka yaJehovha kuJerusarema. Pamhemberero yakazoitwa, akapa munyengetero wemwoyo wese waiita zvekuimbwa, uyo uri pana 1 Makoronike 16:8-36. Vanhu vaivapo vakabatwa-batwa chaizvo nemashoko ake zvekuti “vese vakati, ‘Ameni!’ [uye] vakarumbidza Jehovha.” Kutaura kwavakaita pamwe chete kwakaita kuti chiitiko ichi chiwedzere kufadza.

VaKristu vekutanga vaishandisawo shoko rekuti “ameni” pakurumbidza Jehovha. Vanyori veBhaibheri vairishandisawo kakawanda mutsamba dzavo. (VaR. 1:25; 16:27; 1 Pet. 4:11) Bhuku raZvakazarurwa rinototaura nezvezvisikwa zvemweya kudenga zvichirumbidza Jehovha zvichiti: “Ameni! Rumbidzai Jah!” (Zvak. 19:1, 4) VaKristu vekutanga vaiti “ameni” paipera minyengetero yaipiwa pamisangano. (1 VaK. 14:16) Asi vaisangodzokorora shoko iri zvechirango.

NEI KUTAURA KUTI “AMENI” KUCHIKOSHA?

Sezvataona pamashandisiro aiita vashumiri vaJehovha shoko rekuti “ameni,” zvine musoro kuti munyengetero ugumiswe neshoko iri. Patinoritaura tapedza kunyengetera tega, tinenge tichiratidza kuti tiri kurevesa pane zvatanga tichitaura. Uye patinoti “ameni,” kunyange tichizviita chinyararire, tinenge tichiratidza kuti tinobvumirana nezvataurwa mumunyengetero wacho. Ngationei zvimwe zvinoita kuti kutaura kuti “ameni” kukoshe.

Tinonyatsoteerera mumwe paanenge achinyengetera nekuti tinenge tichitonamata. Tinonamata Jehovha patinenge tichinyengetera kuburikidza nezvatinotaura uyewo zvatinoita. Kana tikava nechido chekutaura kuti “ameni” zvinobva pamwoyo tinokwanisa kuramba tiine maonero akanaka uye takaisa pfungwa pamunyengetero wacho.

Tinova vanamati vakabatana. Munyengetero unopiwa paruzhinji unoita kuti ungano yese iise pfungwa pazvinhu zvinenge zvichitaurwa mumunyengetero wacho. (Mab. 1:14; 12:5) Tinowedzera kubatana patinoti “ameni” pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu. Pasinei nekuti tinotaura zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo, kutaura kuti “ameni” kunoita kuti Jehovha apindure munyengetero wedu.

Patinoti “ameni” tinenge tichirumbidza Jehovha

Tinenge tichirumbidza Jehovha. Jehovha anoona zvese zvatinoita pakunamata. (Ruka 21:2, 3) Anoona vavariro yedu uye zviri mumwoyo medu. Kunyange patinenge tichiteerera misangano pafoni, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anozviona patinoti “ameni.” Patinodaro tinobatana nevamwe vese pakurumbidza Jehovha.

Kutaura kuti “ameni” kunogona kuita sekuti hakukoshi, asi kunokosha chaizvo. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti vashumiri vaMwari pavanoshandisa “shoko iri rimwe chete,” vanenge vachiratidza “chivimbo chavainacho, uye kubvuma nemwoyo wese zvinenge zvataurwa uye tariro yechokwadi yavainayo.” Dai kutaura kwese kwatinoita kuti “ameni” kukafadza Jehovha.—Pis. 19:14.