Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 20

Kunyaradza Vakashungurudzwa

Kunyaradza Vakashungurudzwa

“Mwari wekunyaradza kwese anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwese.”​—2 VAK. 1:3, 4.

RWIYO 134 Vana Makavachengeteswa naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Muenzaniso upi unoratidza kuti vanhu vanoberekwa vachida kunyaradzwa uye vachikwanisa kunyaradza vamwe? (b) Vamwe vana vanokuvadzwa sei?

VANHU vanoberekwa vachida kunyaradzwa uye vachikwanisa kunyaradza vamwe. Kana mwana mudiki akadonha, osvuuka paibvi, anogona kuenda kuna amai kana baba vake achichema. Vabereki vacho havagoni kuporesa ronda racho, asi vanokwanisa kumunyaradza. Vanogona kumubvunza zvaitika, vopukuta misodzi yake, vomunyaradza uye vanogona kuzora mushonga pakuvara pacho kana kupasunga. Pasina nguva, mwana wacho anobva anyarara, zvimwe otangazve kutamba. Nekufamba kwenguva, ronda racho rinopora.

2 Asi dzimwe nguva vana vanokuvadzwa zvinopfuura ipapo. Vamwe vanoshungurudzwa panyaya dzebonde. Izvi zvinogona kuitika kamwe chete, kana kuti kwemakore. Pasinei nekuti zvaitika kakawanda sei, kushungurudzwa uku kunogona kuvakanganisa mupfungwa kwenguva yakareba. Dzimwe nguva anenge avashungurudza wacho anogona kubatwa orangwa. Pamwe pacho zvingaita sekuti haazomborangwi. Asi kunyange akakurumidza kurangwa, munhu waakashungurudza anogona kuramba achinetseka kunyange akura.

3. Sezvinotaurwa pana 2 VaKorinde 1:3, 4, chii chinodiwa naJehovha uye tichapindura mibvunzo ipi?

3 MuKristu angabatsirwa sei kana achiri kushushikana nekushungurudzwa kwaakaitwa achiri mudiki? (Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.) Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti makwai ake adiwe uye anyaradzwe. Saka ngatikurukurei mibvunzo mitatu inoti: (1) Nei vaya vakashungurudzwa panyaya dzebonde vari vana vadiki vachifanira kunyaradzwa? (2) Ndiani angavanyaradza? (3) Isu tingavanyaradza sei?

NEI VACHIFANIRA KUNYARADZWA?

4-5. (a) Nei zvichikosha kuziva kuti vana vakasiyana nevanhu vakuru? (b) Kana mwana akashungurudzwa zvinokanganisa sei kuvimba kwaanoita nevamwe vanhu?

4 Vaya vakashungurudzwa vachiri vadiki vanogona kunge vachida kunyaradzwa kunyange zvazvo papfuura makore akawanda. Nei zvakadaro? Kuti tizvinzwisise, tinofanira kutanga taziva kuti vana vakasiyana chaizvo nevanhu vakuru. Kukanganisika kunoita mwana kana ashungurudzwa kwakasiyana chaizvo nekwemunhu mukuru. Funga zvinotevera.

5 Vana vanoda kuva pedyo uye kuvimba nevavanogara navo uye vanovachengeta. Kana vaya vari kugara nevana vakava pedyo navo saizvozvo zvinoita kuti vana vanzwe vakachengeteka uye zvinovadzidzisa kuvimba nevanhu vanovada. (Pis. 22:9) Zvinosuruvarisa kuti vana vanowanzoshungurudzwa vari pamba pavo, uye hama dzepedyo neshamwari dzevabereki ndidzo dzinowanzozviita. Kana mwana akashungurudzwa nemunhu waanovimba naye zvinomuomera kuvimba nevamwe vanhu kunyange pashure pemakore akawanda.

6. Nei kushungurudza vana pabonde huri utsinye chaihwo uye kuchivakanganisa?

6 Vana havakwanisi kuzvidzivirira uye kuvashungurudza pabonde utsinye chaihwo uye kunovakanganisa. Kumanikidza vana kuti vaite zvebonde vachiri vadiki kunovakanganisa chaizvo. Izvi zvinokanganisa maonero avanoita zvebonde, zvinoita kuti vazvione sevanhu vasingabatsiri, uye zvinoita kuti vasavimba nevamwe.

7. (a) Nei zviri nyore kuti vanhu vanyengere vana vovashungurudza? (b) Nhema dzakadaro dzingaguma nei?

7 Vana havakwanisi kuita zvisarudzo vega, kana kuziva zvinhu zvakaipa vozvidzivisa nekuti pfungwa dzavo dzinenge dzisati dzakura. (1 VaK. 13:11) Saka zviri nyore chaizvo kuti vanhu vanoshungurudza vana vavanyengere. Vanoudza mwana nhema dzemakoko dzakadai sekuti kushungurudzwa kwaanenge aitwa imhosva yake, haana waanofanira kuudza, hapana achamuteerera kana kuti ane hanya nazvo kana akamhan’ara. Vanomuudzawo kuti hapana chakaipa kuti munhu mukuru nemwana vaite zvebonde vese vachiratidza kuti vanodanana. Nhema dzakadaro dzinokanganisa mafungiro emwana uye zvinomutorera makore kuti azoziva kuti ainyeperwa. Mwana akadaro angakura achizviona semunhu akasviba, akakanganisika uye asina kukodzera kudiwa kana kunyaradzwa.

8. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anogona kunyaradza vanhu vakashungurudzwa?

8 Saka kushungurudzwa pabonde kunogona kuita kuti munhu anetseke kwemakore akawanda. Iyi imhosva yakashata chaizvo! Kuwanda kwenyaya dzekushungurudzwa kwevana kunonyatsoratidza kuti tiri mumazuva ekupedzisira. Vanhu vakawanda havana “rudo rukuru rwekuzvarwa narwo” uye ‘vanhu vakaipa nevanyengeri vari kubva pakuipa vachienda pakuipisisa.’ (2 Tim. 3:1-5, 13) Mazano aSatani akaipa zvisingaiti, uye zvinosuruvarisa kuona vanhu vachiita zvinhu zvinofadza Dhiyabhorosi. Asi Jehovha ane simba chaizvo kupfuura Satani kana vatsigiri vaSatani. Anoona zvese zvinoitwa naSatani. Tine chokwadi chekuti Jehovha anonyatsoziva kurwadziwa kwatinoita uye anotinyaradza. Takakomborerwa kuti tinoshumira “Mwari wekunyaradza kwese, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwese, kuti tikwanise kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kwerudzi rupi zvarwo nekunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.” (2 VaK. 1:3, 4) Asi ndivanaani vanoshandiswa naJehovha pakunyaradza vamwe?

NDIANI ANGAVANYARADZA?

9. Maererano nemashoko aMambo Dhavhidhi ari pana Pisarema 27:10, Jehovha achaitirei vaya vasina kuchengetedzwa nevemumhuri mavo?

9 Vaya vasina kuchengetedzwa nevabereki kana kuti vakashungurudzwa nevanhu vepedyo ndivo vanganyanya kuda kunyaradzwa. Munyori wepisarema Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha ndiye munyaradzi mukuru watinogona kuvimba naye. (Verenga Pisarema 27:10.) Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya nevaya vasina kubatwa zvakanaka nehama dzavo. Jehovha anozviita sei? Anoshandisa vashumiri vake vakatendeka. Hama nehanzvadzi dzedu dzemuungano imhuri yedu chaiyo. Jesu akataura nezvevaya vakabatana naye pakunamata Jehovha sevanin’ina, hanzvadzi, navanaamai.—Mat. 12:48-50.

10. Muapostora Pauro akarondedzera sei basa rake semukuru?

10 Funga nezvemuenzaniso weukama hwakadaro huri muungano yechiKristu. Muapostora Pauro aiva mukuru akatendeka aishanda nesimba. Akaratidza muenzaniso wakanaka, uye akatofemerwa kuti audze vamwe kuti vamutevedzere sezvo aitevedzera Kristu. (1 VaK. 11:1) Ona kuti Pauro akarondedzera sei basa rake semukuru. Akati: “Takava nerupfave pakati penyu, sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo.” (1 VaT. 2:7) Saizvozvowo mazuva ano vakuru vane rudo vanotaura neunyoro pavanenge vachinyaradza vamwe nemashoko emuBhaibheri.

Hanzvadzi dzechiKristu dzakakura pakunamata dzinowanzobudirira chaizvo pakunyaradza vamwe (Ona ndima 11) *

11. Chii chinoratidza kuti vakuru havasi ivo chete vanokwanisa kunyaradza vamwe?

11 Vakuru ndivo vega here vanokwanisa kunyaradza vanhu vakashungurudzwa? Aiwa. Ibasa redu tese ‘kuramba tichinyaradzana.’ (1 VaT. 4:18) Hanzvadzi dzechiKristu dzakasimba pakunamata dzinogonawo kukurudzira dzimwe hanzvadzi dzinenge dzichida kunyaradzwa. Jehovha Mwari pachake anotozvifananidzawo naamai vanonyaradza mwanakomana wavo. (Isa. 66:13) Bhaibheri rinotaurawo nezvevakadzi vakanyaradza vaya vainge vachishungurudzika. (Job. 42:11) Jehovha anofara chaizvo paanoona vakadzi vechiKristu mazuva ano vachinyaradza dzimwe hanzvadzi dzinenge dzichishungurudzika. Mukuru kana kuti vakuru vaviri vanogona kutaura nehanzvadzi yakasimba pakunamata vachiikumbira kuti kana ichikwanisa ibatsire imwe hanzvadzi inenge ichishungurudzika. *

TINGAVANYARADZA SEI?

12. Chii chatinofanira kungwarira kuti tisaite?

12 Tinofanira kungwarira kuti tisazobvunza hama kana hanzvadzi yedu zvimwe zvinhu zvainenge isingadi kutaura nezvazvo. (1 VaT. 4:11) Asi tingabatsira sei vaya vanenge vachida kubatsirwa uye kunyaradzwa? Ngationei nzira shanu dzatinodzidza muBhaibheri dzekuvanyaradza nadzo.

13. Sezvinotaurwa pana 1 Madzimambo 19:5-8, ngirozi yaJehovha yakabatsira sei Eriya uye tingaitevedzera sei?

13 Vaitire chimwe chinhu chinovabatsira. Muprofita Eriya paaitiza kuti asaurayiwa, akaora mwoyo chaizvo zvekuti akaona sekuti kufa kuri nani. Jehovha akatuma ngirozi ine simba kuti ishanyire murume iyeye. Ngirozi yacho yakamubatsira. Yakamupa zvekudya zvaipisa uye yakamukurudzira kuti adye. (Verenga 1 Madzimambo 19:5-8.) Nyaya iyi inotidzidzisa kuti dzimwe nguva chinhu chidiki chatinoitira mumwe munhu chinogona kumubatsira chaizvo. Zvimwe kupa munhu wacho zvekudya, chipo, kana kumutumira kadhi kunogona kuita kuti aone kuti tinomuda uye tine hanya naye. Kana tichinzwa tisina kusununguka kutaura nemumwe munhu nezvemanzwiro aanoita, tinogona kumuratidza kuti tine hanya naye nekumuitira zvinhu zvataurwa izvi.

14. Tinodzidzei panyaya yaEriya?

14 Ita kuti vari kunetseka vanzwe vakachengeteka uye vakasununguka. Tine zvimwe zvatinodzidza panyaya yaEriya. Jehovha akaita chishamiso chekubatsira muprofita wacho kuti afambe rwendo rwakareba chaizvo achienda kuGomo reHorebhi. Zvimwe Eriya akanzwa akachengeteka ari panzvimbo iyoyo iyo Jehovha akanga aita sungano nevanhu vake mazana emakore ainge apfuura. Zvimwe ainzwa sekuti akanga ava kure chaizvo nevanhu vaida kumuuraya. Tinodzidzei? Kana tichida kunyaradza vanhu vakashungurudzwa, tingada kutanga tavabatsira kuti vanzwe vakachengeteka. Semuenzaniso, vakuru vanofanira kugara vachiyeuka kuti imwe hanzvadzi inenge yakaora mwoyo inogona kunzwa yakagadzikana kana kuti inosununguka kutaura manzwiro ayo iri kumba kwayo pane kunge iri paImba yeUmambo. Asi imwe inosununguka kana iri paImba yeUmambo.

Tinogona kunyaradza vamwe kana tikavateerera nemwoyo murefu, tikanyengetera navo nemwoyo wese, uye tikataura mashoko anonyaradza (Ona ndima 15-20) *

15-16. Munhu angaratidza sei kuti ari kunyatsoteerera?

15 Nyatsoteerera. Bhaibheri rinotipa zano iri rakajeka: “Munhu wese anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura.” (Jak. 1:19) Tinonyatsoteerera vamwe here? Tinogona kufunga kuti kunyatsoteera kunoreva kungotarisa munhu ari kutaura tisina kana chatinombotaurawo. Asi kunyatsoteerera hakungogumiri ipapo. Eriya akazodurura zvese zvaimunetsa kuna Jehovha, uye Jehovha akanyatsoteerera. Jehovha akanzwisisa kuti Eriya aitya, achifunga kuti ndiye ega ainge asara uye kuti akanga ashandira pasina. Jehovha akamubatsira kuti asarambe achinetseka. Akaratidza kuti akanga anyatsomuteerera.​—1 Madz. 19:9-11, 15-18.

16 Patinoteerera hama yedu kana hanzvadzi, tingaratidza sei kuti tinoinzwira tsitsi uye tine hanya nayo? Dzimwe nguva kutaura mashoko mashoma akanyatsofungwa kunoratidza kuti tiri kunzwa sei. Unogona kuti: “Ndine urombo chaizvo kuti zvinhu izvi zvakaitika kwauri. Hapana mwana anofanira kuitirwa izvozvo.” Unogona kubvunza mubvunzo kuti uve nechokwadi chekuti wanzwisisa zviri zvataurwa nemunhu wacho ari kushungurudzika. Kutaura zvine rudo kunogona kuita kuti munhu wacho ave nechokwadi chekuti uri kumuteerera uchiedza kunzwisisa zvaari kutaura.​—1 VaK. 13:4, 7.

17. Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu uye ‘kunonoka kutaura’?

17 Ramba uchiyeuka kuti unofanira ‘kunonoka kutaura.’ Usadimburira munhu panzira uchimupa zano kana kuedza kugadzirisa mafungiro ake. Iva nemwoyo murefu. Eriya paakazoudza Jehovha manzwiro ake, akataura achishungurudzika chaizvo. Pashure pekunge Jehovha asimbisa kutenda kwemurume iyeye, Eriya akataurazve zvinhu zvaimunetsa zvaakanga ambotaura. (1 Madz. 19:9, 10, 13, 14) Tinodzidzei? Dzimwe nguva vanhu vanenge vakaora mwoyo vanoda kuramba vachitaura zviri kuvanetsa. Zvakanaka kuti tivateerere nemwoyo murefu sezvakaitwa naJehovha. Pane kuedza kuvaudza kuti vangaitei kuti vasarambe vachishungurudzika, tinovanzwira tsitsi.​—1 Pet. 3:8.

18. Minyengetero yakaita sei inganyaradza vaya vanenge vachishungurudzika?

18 Nyengetera nemwoyo wese nemunhu ari kushungurudzika. Vaya vanenge vachinyanya kushungurudzika vangaomerwa nekunyengetera. Munhu anganzwa asina kukodzera kutaura naJehovha. Kana tichida kunyaradza munhu akadaro, tinogona kunyengetera naye, tichitaura zita rake. Tinogona kuudza Jehovha kuti tinoda chaizvo munhu uyu akaora mwoyo uye kuti ungano yese inomuda. Tinogona kukumbira Jehovha kuti anyaradze gwai rake iri rinokosha. Minyengetero yakadaro inogona kunyaradza chaizvo.​—Jak. 5:16.

19. Chii chingatibatsira kuti tigadzirire kunyaradza mumwe munhu?

19 Sarudza mashoko anoporesa uye anonyaradza. Funga usati wataura. Mashoko anotaurwa munhu asina kufunga anorwadza, asi mashoko akanaka anoporesa. (Zvir. 12:18) Saka nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kutaura mashoko akanaka, anonyaradza uye anozorodza. Gara uchiziva kuti hakuna mashoko ane simba kupfuura mashoko aJehovha pachake ari muBhaibheri.​—VaH. 4:12.

20. Zvinhu zvinorwadza zvakaitika kune vamwe zvingaita kuti vave nemaonero api, uye tinofanira kuvayeuchidzei?

20 Kushungurudzwa kwakamboitwa vamwe vanhu kunoita kuti vazvione sevakasviba, vasingabatsiri kana kuti vasingadiwi uye vangaona sekuti nezvavari hapana angavada. Asi maonero aya haasi echokwadi. Saka shandisa Magwaro kuvayeuchidza kuti Jehovha anovada chaizvo. (Ona bhokisi rakanzi “ Kunyaradzwa neBhaibheri.”) Yeuka kuti ngirozi yakasimbisa sei muprofita Dhanieri paakanga asina simba uye akaora mwoyo. Jehovha aida kuti murume iyeye azive kuti aikosha. (Dhan. 10:2, 11, 19) Hama nehanzvadzi dzedu dziri kushungurudzika dzinokoshawo kuna Jehovha.

21. Vanhu vanoita zvakaipa vasingapfidzi vachaitwa sei, asi iye zvino tese tinofanira kuitei?

21 Patinonyaradza vamwe tinovayeuchidza kuti Jehovha anovada. Uye hatifaniri kukanganwa kuti Jehovha ndiMwari anotonga zvakarurama. Anoziva vanhu vese vakashungurudzwa kunyange pasina mumwe munhu anozviziva. Jehovha anoona zvese zviri kuitika, uye acharanga vanhu vese vanoramba vachishungurudza vamwe vasingapfidzi. (Num. 14:18) Asi pari zvino ngatiitei zvese zvatinogona kuti tiratidze rudo kune vaya vakashungurudzwa. Uyewo zvinozorodza chaizvo kuziva kuti Jehovha achabvisa marwadzo ese ane vaya vakashungurudzwa naSatani nenyika yake! Munguva pfupi iri kuuya, zvinhu izvi zvinorwadza zvichange zvisisauyi mupfungwa kana mumwoyo.​—Isa. 65:17.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo

^ ndima 5 Vaya vakashungurudzwa vachiri vadiki vangasangana nematambudziko akawanda kunyange papfuura makore. Nyaya ino ichatibatsira kunzwisisa kuti nei zvakadaro. Tichaonawo kuti ndivanaani vanganyaradza vanhu vakadaro. Tichazokurukurawo kuti tingavanyaradza sei.

^ ndima 11 Munhu anenge akashungurudzwa anozvisarudzira ega kana achida kuenda kunotsvaga rubatsiro kuna chiremba.

^ ndima 76 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yakakura pakunamata iri kunyaradza hanzvadzi iri kushushikana.

^ ndima 78 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vakuru vaviri vashanyira hanzvadzi iri kushushikana. Hanzvadzi yacho yakumbira hanzvadzi yakakura pakunamata kuti ivepo.