Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 23

‘Chenjerai Kuti Pasava Nemunhu Anokutorai Senhapwa’!

‘Chenjerai Kuti Pasava Nemunhu Anokutorai Senhapwa’!

“Chenjerai: zvichida pangava nemumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata neuzivi uye neunyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu.”—VAK. 2:8.

RWIYO 96 Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo

ZVICHADZIDZWA *

1. Sezviri pana VaKorose 2:4, 8, Satani anoedza sei kuita kuti tifunge maererano nezvaanoda?

SATANI anoda kuti tipandukire Jehovha. Kuti aite izvi, anoedza kuchinja mafungiro edu kuti tive nhapwa dzake, tichifunga maererano nezvaanoda. Anoedza kutinyengetedza kana kutitsausa kuti timutevere achishandisa zvinhu zvinotikwezva.—Verenga VaKorose 2:4, 8.

2-3. (a) Nei tichifanira kuteerera yambiro yakanyorwa pana VaKorose 2:8? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Ichokwadi here kuti tiri pangozi yekutsauswa naSatani? Hongu! Yeuka kuti yambiro iri pana VaKorose 2:8 haina kunyorerwa vanhu vainge vasiri vaKristu. Pauro akainyorera vaKristu vainge vakazodzwa nemweya mutsvene. (VaK. 1:2, 5) VaKristu ivavo vaiva pangozi yekutsauswa naSatani uye isu tinotovawo pangozi yakakura chaizvo yekutsauswa naye. (1 VaK. 10:12) Nemhaka yei? Satani akakandwa panyika uye ari kuedza chaizvo kutsausa vashumiri vaMwari vakatendeka. (Zvak. 12:9, 12, 17) Uyewo panguva yatiri kurarama, vanhu vakaipa nevanyengeri vari kubva “pakuipa vachienda pakuipisisa.”—2 Tim. 3:1, 13.

3 Munyaya ino, tichakurukura kuti Satani anoshandisa sei “unyengeri husina zvahunobatsira” kuti aedze kuchinja mafungiro edu. Pamazano ake aanoshandisa, tichaongorora matatu acho. (VaEf. 6:11) Munyaya inotevera tichaongorora kuti tingabvisa sei zvinhu zvakaipa zvingangodaro zvakaiswa mupfungwa dzedu naSatani achishandisa mazano ake. Asi ngatitangei nekuona kuti tingadzidzei pakutsauswa kwakaitwa vaIsraeri naSatani pavakanga vapinda muNyika Yakapikirwa.

VAKAEDZWA KUTI VANAMATE ZVIDHORI

4-6. Maererano naDheuteronomio 11:10-15, vaIsraeri vaifanira kudzidza nzira dzipi dzekurima pavakanga vava muNyika Yakapikirwa?

4 Satani akaedza vaIsraeri kuti vanamate zvidhori. Akazviita sei? Aiziva kuti vaida zvekudya, saka akashandisa izvozvo kuti avatsause. Pavakapinda muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vaifanira kuchinja marimiro avaimboita zvekudya. KuIjipiti, vaIsraeri vaidiridza minda yavo nemvura yaibva muRwizi rwaNire. Asi muNyika Yakapikirwa, zvirimwa zvaikura nedova nemvura yekunaya. (Verenga Dheuteronomio 11:10-15; Isa. 18:4, 5) Saka vaIsraeri vaifanira kudzidza nzira itsva dzekurima. Izvozvo zvaisazova nyore nekuti ruzhinji rwevanhu vaiva neruzivo rwekurima rwainge rwafira murenje.

Satani akakwanisa sei kuchinja mafungiro evarimi vechiIsraeri? (Ona ndima 4-6) *

5 Jehovha akatsanangurira vanhu vake kuti upenyu hwavo hwainge hwachinja. Akabva avapa yambiro yaiita seisina payakabatana nekurima, yekuti: “Chenjererai kuti mwoyo yenyu irege kunyengerwa, mukatsauka, mukanamata vamwe vanamwari mukavakotamira.” (Dheut. 11:16, 17) Nei Jehovha akayambira vanhu vake kuti vasanamata vanamwari venhema paaitaura navo nezvekudzidza nzira itsva dzekurima?

6 Jehovha aiziva kuti vaIsraeri vaigona kuva pamuedzo wekuda kudzidza nzira dzekurima kuvanhu vainge vasinganamati Jehovha vavainge vakavakidzana navo. Ndezvechokwadi kuti vanhu ivavo vaiziva zvakawanda panyaya dzekurima uye vanhu vaMwari vaigona kudzidza zvimwe zvinhu zvinobatsira kwavari, asi vaigonawo kutsauswa. Mafungiro evarimi ivavo vechiKenani ainge akakanganiswa nekunamata Bhaari. Vaiti Bhaari ndiye muridzi wedenga uye ndiye anonayisa mvura. Jehovha aisada kuti vanhu vake vatsauswe nenhema idzodzo. Asi vaingoramba vachitsauka vachisarudza kunamata Bhaari. (Num. 25:3, 5; Vat. 2:13; 1 Madz. 18:18) Iye zvino ona kuti Satani akakwanisa sei kuita kuti vaIsraeri vave nhapwa dzake.

MAZANO MATATU AKASHANDISWA NASATANI KUTI VAISRAERI VAVE NHAPWA DZAKE

7. Chii chakaedza kutenda kwevaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa?

7 Zano raSatani rekutanga raiva rekushandisa chido chakanaka chaiva nevaIsraeri chekuti mvura inaye. MuNyika Yakapikirwa maisanaya mvura yakawanda kubva pakupera kwaApril kusvika muna September. Mvura yaiwanzotanga munenge muna October ndiyo yaiita kuti vaIsraeri vawane goho rakakura. Satani akanyengera vaIsraeri kuti vafunge kuti vaizobudirira kana vakatevedzera tsika dzevanhu vaisanamata Jehovha vavainge vakavakidzana navo. Vavakidzani vavo vaitenda kuti vane zvimwe zvinhu zvavaifanira kuita kuti vanamwari vavo vavanayisire mvura. Vaya vairatidza kusatenda muna Jehovha vaiona sekuti izvozvo ndizvo chete zvaizoita kuti mvura inaye, saka vakaitawo zvinhu zvaiitwa pakunamata mwari wenhema Bhaari.

8. Nderipi zano rechipiri rakashandiswa naSatani? Tsanangura.

8 Satani akashandisa rimwe zano rechipiri pavaIsraeri. Akavakwezva neupombwe. Vanhu vemamwe marudzi vaiita unzenza hwakaipa chaizvo pakunamata vanamwari vavo. Manamatiro aya aisanganisira chipfambi chaiitwa nepfambi dzechikadzi nepfambi dzechirume patemberi. Vanhu vaingosiyiwa vachiita ungochani nehumwe unzenza, uye zvinhu izvozvo zvaitoonekwa sezvakanaka. (Dheut. 23:17, 18; 1 Madz. 14:24) Vanhu ivavo vaifunga kuti kuita zvinhu izvozvo kwaiita kuti vanamwari vavo vaite kuti nyika ive negoho rakakura. VaIsraeri vakawanda vakatorwa mwoyo neunzenza hwaiitwa pakunamata vanamwari ivavo, uye vakatanga kuvanamata. Chokwadi ndechekuti vainge vava nhapwa dzaSatani.

9. Maererano naHosiya 2:16, 17, Satani akakanganisa sei vaIsraeri pamaonero avaiita Jehovha?

9 Satani akashandisa rimwe zano rechitatu. Akakanganisa vaIsraeri pamaonero avaiita Jehovha. Pamazuva emuprofita Jeremiya, Jehovha akazivisa kuti vaprofita venhema vakaita kuti vanhu vake vakanganwe zita rake ‘nemhaka yaBhaari.’ (Jer. 23:27) Zvinoita sekuti vanhu vaMwari vakambomira kushandisa zita raJehovha vakaritsiva nerekuti Bhaari, iro rinoreva kuti “Muridzi” kana kuti “Tenzi.” Izvi zvaizoita kuti vaIsraeri vatadze kuona musiyano uripo pakati paJehovha naBhaari, zvichiita kuti zvive nyore kwavari kuti vasanganise kunamata Bhaari nekunamata Jehovha.—Verenga Hosiya 2:16, 17 uye mashoko emuzasi.

MAZANO ASATANI MAZUVA ANO

10. Satani anoshandisa mazano api mazuva ano?

10 Satani achiri kushandisa mazano aaishandisa kare. Anobata vanhu achishandisa zvido zvakanaka zvavagara vainazvo, kukurudzira upombwe, uye kukanganisa vanhu pamaonero avanoita Jehovha. Ngatitangei nekukurukura zano rapedzisira kutaurwa.

11. Satani anokanganisa sei vanhu pamaonero avanoita Jehovha?

11 Satani anokanganisa vanhu pamaonero avanoita Jehovha. Pashure pekufa kwevaapostora vaJesu, vamwe vanhu vainge vatsauka pakutenda vakatanga kudzidzisa zvinhu zvenhema. (Mab. 20:29, 30; 2 VaT. 2:3) Vanhu ivavo vakaita kuti vamwe vasaziva Mwari wechokwadi. Semuenzaniso, vakarega kushandisa zita raMwari mumaBhaibheri avo vachiritsiva nemashoko akadai sekuti “Ishe.” Pavakabvisa zita raMwari vachiritsiva nerekuti “Ishe,” vakaita kuti vaverengi veBhaibheri vatadze kuziva kuti Jehovha akasiyana papi nemamwe “madzishe” anotaurwa muBhaibheri. (1 VaK. 8:5) Vakashandisa shoko rimwe chete iroro rekuti “Ishe” pana Jehovha naJesu, zvichiita kuti vanhu vatadze kuziva kuti Jehovha neMwanakomana wake vakasiyana. (Joh. 17:3) Izvi ndizvo zvimwe zvakaita kuti pave nedzidziso yeUtatu, iyo isingawaniki muShoko raMwari. Zvese izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda vafunge kuti Mwari haanzwisisiki uye kuti havakwanisi kusvika pakumuziva. Idzi inhema dzakaipa chaizvo!—Mab. 17:27.

Satani ari kushandisa sei chitendero chenhema kuti akurudzire vanhu kuita upombwe? (Ona ndima 12) *

12. Zvitendero zvenhema zvinokurudzira vanhu kuti vaitei, uye izvozvo zvinoguma nei sezvinotsanangurwa pana VaRoma 1:28-31?

12 Satani anokwezva vanhu neupombwe. Panguva yevaIsraeri, Satani akashandisa chitendero chenhema kuti akurudzire upombwe. Achiri kungodaro mazuva ano. Zvitendero zvenhema zviri kusiya vanhu vachiita unzenza uye zvinotokurudzira kuti vanhu vahuite. Izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda vanoti vanonamata Mwari vasiye mitemo yake yakajeka panyaya yekuzvibata. Muapostora Pauro akataura magumo acho mutsamba yaakanyorera vaRoma. (Verenga VaRoma 1:28-31.) “Zvinhu zvisina kukodzera” zvinotaurwa muna VaRoma zvinosanganisira unzenza hwese, uye ungochani. (VaR. 1:24-27, 32; Zvak. 2:20) Zvinokosha chaizvo kuti isu titeerere zvinhu zvakajeka zvinodzidziswa neBhaibheri!

13. Nderipi rimwe zano rinoshandiswa naSatani?

13 Satani anoshandisa zvido zvakanaka zvagara zviine vanhu. Tine chido chekudzidza mabasa anotibatsira kuti tizviriritire nemhuri dzedu. (1 Tim. 5:8) Kuti tigone mabasa iwayo, kakawanda kacho tinofanira kuenda kuchikoro, todzidza nesimba. Asi tinofanira kungwarira. Munyika dzakawanda vanhu pavanodzidziswa mabasa iwayo, vanodzidziswawo uchenjeri hwevanhu. Vadzidzi vanokurudzirwa kuti vasabvuma kuti Mwari ariko uye kuti vasaremekedze Bhaibheri. Vanoudzwa kuti dzidziso yekuti zvinhu zvakavapo zvichibva pakushanduka-shanduka ndiyo chete ine musoro inoratidza kuti upenyu hwakatanga sei. (VaR. 1:21-23) Dzidziso dzakadaro dzinopesana “neuchenjeri hwaMwari.”—1 VaK. 1:19-21; 3:18-20.

14. Uchenjeri hwevanhu hunokurudzirei?

14 Uchenjeri hwevanhu hunopesana nezvinodiwa naJehovha. Haukurudziri zvibereko zvemweya waMwari, asi hunokurudzira “mabasa enyama.” (VaG. 5:19-23) Hunokurudzira kudada, uye izvi zvinoita kuti vanhu vave “vanozvida.” (2 Tim. 3:2-4) Unhu uhwu hunopesana nekuzvininipisa kunokurudzirwa vashumiri vaMwari kuti vave nakwo. (2 Sam. 22:28) Vamwe vaKristu avo vakadzidza kuyunivhesiti vakatanga kufunga sevanhu venyika pane kuti vave nemafungiro aMwari. Ngationei muenzaniso mumwe chete unoratidza zvingaitika panyaya iyi.

Pfungwa dzedu dzingakanganiswa sei neuchenjeri hwevanhu? (Ona ndima 14-16) *

15-16. Unodzidzei pane zvakaitika kune imwe hanzvadzi?

15 Imwe hanzvadzi yava nemakore 15 ichiita basa renguva yakazara inoti: “SemuKristu akabhabhatidzwa, ndakaverenga uye ndakanzwa nezvengozi dzekuenda kuyunivhesiti, asi handina kuteerera yambiro dzacho. Ndaifunga kuti zano racho raisashanda kwandiri.” Akasangana nematambudziko api? Anoti: “Zvidzidzo zvandaiita zvainditorera nguva yakawanda chaizvo nesimba zvekuti ndaishaya nguva yekunyengetera kwenguva yakareba sezvandaimboita, ndaineta zvekuti ndaisanakidzwa nekukurukura nyaya dzemuBhaibheri nevamwe uye ndaitadza kunyatsogadzirira misangano. Asi pandakangoona kuti zvedzidzo yepamusoro zvaikanganisa ushamwari hwangu naJehovha, ndakaona kuti ndaifanira kusiyana nazvo. Uye ndizvo zvandakaita.”

16 Dzidzo yepamusoro yakakanganisa sei mafungiro ehanzvadzi iyi? Anopindura kuti: “Ndinonyara nazvo kuti dzidzo yacho yakaita kuti ndigare ndichingotsoropodza vamwe, kunyanya hama nehanzvadzi dzangu, nditarisire zvakawandisa kwavari, uye ndizviparadzanise navo. Zvakanditorera nguva kuti ndibvise mafungiro iwayo. Izvi zvakandiratidza kuti zvine ngozi kana tikarega kuteerera yambiro dzatinopiwa naBaba vedu vekudenga vachishandisa sangano ravo. Jehovha aindiziva kupfuura maziviro andaizviita. Dai zvangu ndakateerera!”

17. (a) Chii chatisingambofaniri kubvuma? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Usambobvuma kuitwa nhapwa naSatani ‘achishandisa uchenjeri husina zvahunobatsira’ hwenyika yake. Ramba uchichenjerera mazano aSatani. (1 VaK. 3:18; 2 VaK. 2:11) Usambofa wakabvuma kuti Satani akanganise maonero aunoita Jehovha. Teerera zvinotaurwa naJehovha. Usarega Satani achikunyengera kuti ufuratire zvaunoudzwa naJehovha. Ko kana uchiona kuti wakatokanganiswa nemafungiro enyika? Nyaya inotevera icharatidza kuti Shoko raMwari ringatibatsira sei kuti tidzure pfungwa nemaitiro ‘akadzika midzi.’—2 VaK. 10:4, 5.

RWIYO 49 Kufadza Mwoyo waJehovha

^ ndima 5 Satani inyanzvi pakunyengera vanhu. Akanyengera vanhu vakawanda kuti vafunge kuti vakasununguka asi ivo vari varanda vake. Nyaya ino ichaongorora dzimwe nzira dzinoshandiswa naSatani kuti anyengere vanhu.

^ ndima 48 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: VaIsraeri vari kushamwaridzana nevaKenani uye vari pamuedzo wekunamata Bhaari uye wekuita upombwe.

^ ndima 51 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mashoko ekushambadzira echechi inobvumira ungochani.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yechidiki yakawana nzvimbo payunivhesiti. Iye nevaanodzidza navo vanobvuma pfungwa yapurofesa wavo yekuti matambudziko ese evanhu anogona kugadziriswa nesayenzi neruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu. Pave paya, ari kuratidza kusafarira zviri kuitwa paImba yeUmambo uye ava kugara achingotsoropodza vamwe.