Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatingaita Kuti Tisabatwa Nemusungo waSatani

Zvatingaita Kuti Tisabatwa Nemusungo waSatani

VAISRAERI pavaigadzirira kuyambuka Rwizi rwaJodhani kuti vapinde munyika yavakanga vavimbiswa naMwari, vakashanyirwa nevamwe vanhu. Vaenzi vacho vaiva vakadzi verumwe rudzi avo vakakoka varume vechiIsraeri kumutambo. Zvaigona kuita sekuti mukana uyu waisawanika pese pese. Kuwana shamwari itsva, kutamba, uye kudya chikafu chakanaka, zvese izvi zvaigona kuita kuti munhu atorwe mwoyo. Kunyange zvazvo tsika dzevakadzi ivavo dzaipesana neMutemo waMwari waakapa vaIsraeri, vamwe varume vechiIsraeri vanogona kunge vakafunga kuti: ‘Hapana chinombotikanganisa. Tichange takangwarira.’

Zvakazofamba sei? Nhoroondo yakafemerwa inoti: “Vanhu vakabva vatanga kuita upombwe nevanasikana veMoabhi.” Zvaidiwa nevakadzi ivavo ndezvekuti varume vechiIsraeri vanamate vanamwari venhema uye ndizvo zvakazoitika. Ndosaka “Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo.”—Num. 25:1-3.

VaIsraeri ivavo vakatyora mutemo waMwari munzira mbiri. Vakakotamira zvidhori uye vakaita upombwe. Zviuru zvevanhu zvakafa nemhaka yekusateerera. (Eks. 20:4, 5, 14; Dheut. 13:6-9) Chii chakaita kuti dambudziko racho riwedzere kurwadza? Inguva yazvakaitika. VaIsraeri vakanga vasarirwa nenguva pfupi kuti vayambuke Jodhani vachipinda muNyika Yakapikirwa. Saka kudai varume vacho vasina kutyora Mutemo waMwari, zviuru izvozvo zvevaIsraeri zvingadai zvakapinda muNyika Yakapikirwa.—Num. 25:5, 9.

Achitaura nezvazvo muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinhu izvi zvakavawira semienzaniso, uye zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (1 VaK. 10:7-11) Hapana mubvunzo kuti Satani akafara kuti vamwe vevaIsraeri ivavo vakaita chivi chakakura zvikaita kuti vasabvumirwa kupinda muNyika Yakapikirwa. Tinenge tichiratidza uchenjeri kana tikateerera yambiro iyoyo sezvo Satani asina chimwe chaanoda kunze kwekutitadzisa kupinda munyika itsva yaMwari.

MUSUNGO UNE NGOZI

Satani anoda kukanganisa vaKristu achishandisa mazano aanonyatsoziva uye aakamboshandisa kuvanhu vakawanda. Sezvataona, akatsausa vaIsraeri achishandisa upombwe. Mazuva ano, upombwe huchiri musungo une ngozi. Imwe nzira ingaita kuti tipedzisire taita upombwe ndeyekuona zvinonyadzisira.

Mazuva ano, munhu anogona kuona zvinonyadzisira pasina mumwe munhu anozviziva. Kare munhu aida kuona zvinonyadzisira aitofanira kuenda kwaionerwa mafirimu kuti aone mafirimu anonyadzisira, kana kuti aienda kunotengeswa mabhuku ezvinonyadzisira. Vakawanda vanogona kunge vaisaenda kunzvimbo idzi nekuti vainyara kuonekwa nevanhu. Asi mazuva ano Indaneti yava kwese kwese zvekuti munhu anogona kuona zvinonyadzisira kubasa kunyange mumotokari yakapakwa. Munyika dzakawanda, murume kana mukadzi anogona kuona zvinonyadzisira ari pamba pake.

Handizvo zvega. Mafoni nematablets zvava kuita kuti zvive nyore kuona zvinhu zvinonyadzisira. Vanhu vanogona kuona mifananidzo isina kuchena pafoni vari mumugwagwa, mumabhazi, uye muzvitima.

Sezvo zvava nyore kuti munhu aone zvinonyadzisira uye avanze kuti ndizvo zvaari kuita, zvinonyadzisira zvava kukanganisa vanhu vakawanda kupfuura zvazvaiita kare. Pavanhu vanoona zvinonyadzisira, vakawanda vavo vanokanganisa wanano dzavo, vanopedzisira vasisazviremekedzi, uye vanokanganisa hana dzavo. Zvakatonyanya kuipa ndezvekuti vanogona kurasikirwa neushamwari hwavo naJehovha. Chokwadi ndechekuti zvinonyadzisira zvinokuvadza vanozviona vacho. Kakawanda kacho zvinokanganisa mafungiro evanhu. Izvi zvinogona kugadzirisika zvishoma nezvishoma asi dzimwe nguva mavanga acho anogona kusanyatsopera mupfungwa.

Asi zvakanaka kuziva kuti Jehovha anotipa zvinhu zvinotidzivirira kuti tisabatwa nemusungo uyu waSatani. Kana tichida kudzivirirwa naJehovha, pane zvatinofanira kuita zvakatadza kuitwa nevarume vechiIsraeri. Tinofanira “kunyatsoteerera” Jehovha. (Eks. 19:5) Tinofanira kuziva kuti Mwari anovenga zvinhu zvinonyadzisira. Sei tichidaro?

ZVIVENGE SEKUVENGWA KWAZVINOITWA NAJEHOVHA

Funga izvi: Mitemo yakapiwa vaIsraeri naMwari yainge yakasiyana nemitemo yedzimwe nyika. Yakanga yakaita serusvingo rwaidzivirira vaIsraeri uye yaivadzidzisa kuti vasaita zvinhu zvisina kuchena zvaiitwa nevanhu vainge vakavapoteredza. (Dheut. 4:6-8) Mitemo iyoyo yaibudisa pachena chokwadi chekuti: Jehovha anovenga upombwe.

Paaitaura zvinhu zvakaipa zvaiitwa nevanhu vaigara pedyo nevaIsraeri, Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Musaita sezvinoita nyika yeKenani, yandiri kukuendesai kwairi. . . . Nyika iyi haina kuchena, ndichaunza chirango pamusoro payo nekuda kwekukanganisa kwayo.” Mararamiro evaKenani aisemesa uye ainge akaipa chaizvo zvekuti Mwari mutsvene wevaIsraeri aiona nyika yevaKenani seisina kuchena.—Revh. 18:3, 25.

Kunyange zvazvo Jehovha akaranga vaKenani, pane vamwewo vanhu vakaramba vachiita upombwe. Papera makore 1 500, Pauro akati vanhu vemunyika dzaigarwa nevaKristu vakanga vasisina unhu zvachose. ‘Vainge vasingazvibati kuti vaite zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese nekukara.’ (VaEf. 4:17-19) Mazuva ano vanhu vakawanda vanotodada nekuita unzenza. VaKristu vechokwadi vanofanira kuita zvese zvavanogona kuti vasaona zvinhu zveunzenza zvinoitwa nevanhu munyika ino.

Zvinhu zvinonyadzisira zvinogumbura Mwari chaizvo. Akasika vanhu nemufananidzo wake, vachigona kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. Mitemo yaakatipa panyaya dzebonde inoratidza uchenjeri hwake. Aida kuti bonde ringoitwa nevanhu vaviri vari muwanano chete. (Gen. 1:26-28; Zvir. 5:18, 19) Saka vaya vanobudisa kana kuti vanokurudzira vanhu kuona zvinonyadzisira vanenge vachiitei? Vanenge vachinyatsopesana nemitemo yaMwari. Chokwadi ndechekuti vanhu vakadaro havaremekedzi Jehovha zvachose. Mwari achatonga vanhu vanoramba kuteerera mitemo yake avo vanobudisa zvinhu zvinonyadzisira kana kukurudzira vanhu kuti vazvione uye vazviverenge.—VaR. 1:24-27.

Zvakadii nevanhu vanotosarudza kuverenga kana kuti kuona zvinonyadzisira? Vamwe vanogona kufunga kuti hapana chakaipa nekuzvivaraidza nezvinhu izvozvo. Asi vanenge vachitotsigira vaya vasingaremekedzi mitemo yaJehovha. Pamwe vainge vasina pfungwa dzakadaro pavakatanga kuona zvinonyadzisira. Zvisinei, zviri pachena kuti vanamati vaMwari vechokwadi vanofanira kuvenga zvinonyadzisira. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa.”—Pis. 97:10.

Kunyange vaya vanoda kudzivisa kuona zvinonyadzisira vanogona kuomerwa nekuzviita. Tine chivi, uye pamwe tingatofanira kurwisa zvishuvo zvebonde zvisina kuchena. Uyewo mwoyo une chivi unogona kutinyengera kuti tifunge kuti kuona zvinonyadzisira hakuna kuipa. (Jer. 17:9) Vamwe pavakava vaKristu vakakwanisa kukunda dambudziko rekuona zvinonyadzisira. Kuziva izvi kunogona kukukurudzira kana uchirwisanawo nedambudziko iri. Ona kuti Shoko raMwari ringakubatsira sei kuti usabatwa nemusungo waSatani wekuona zvinonyadzisira.

USARAMBA UCHIFUNGA ZVINHU ZVISINA KUCHENA

Sezvambotaurwa, vaIsraeri vakarera zvishuvo zvakaipa kusvikira zvavapinza pakaipa. Izvozvo zvinogona kuitikawo mazuva ano. Jakobho munin’ina waJesu akanyora kuti: “Mumwe nemumwe . . . anotorwa mwoyo onyengerwa nekuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” (Jak. 1:14, 15) Kana munhu akasiya zvishuvo zvakaipa zvichikura mumwoyo make, anogona kupedzisira aita chivi. Saka tinofanira kubvisa pfungwa dzeunzenza torega kuramba tichifunga zvinhu zvakadaro.

Kana uri kuramba uchifunga zvinhu zvisina kuchena, ibva waita chimwe chinhu nekukurumidza. Jesu akati: “Zvino, kana ruoko rwako kana tsoka yako ichiita kuti ugumburwe, igure uirasire kure newe. . . . Uyewo, kana ziso rako richiita kuti ugumburwe, ritodogore urirasire kure newe.” (Mat. 18:8, 9) Jesu aisataura kuti tinofanira kukuvadza miviri yedu. Aireva kuti tinofanira kuziva chiri kuita kuti tifunge zvinhu zvisina kuchena tobva tagadzirisa nekukurumidza. Tingashandisa sei zano iroro panyaya yezvinhu zvinonyadzisira?

Kana ukasangana nezvinhu zvinonyadzisira usazvinyengedza uchiti, ‘Hazvimbondikanganisa.’ Zvifuratire nekukurumidza. Dzima TV yacho ipapo ipapo. Dzima kombiyuta kana foni yako ipapo ipapo. Chibva waisa pfungwa dzako pazvinhu zvakachena. Kuita izvi kuchakubatsira kuti usakundwa nezvishuvo zvakaipa.

KO KANA TIKARAMBA TICHIZVIFUNGA?

Ko kana wakatorega kuona zvinonyadzisira asi dzimwe nguva uchimbofunga zvawakamboona kare? Munhu anogona kuramba achiyeuka kana kufunga zvinhu zvinonyadzisira kwenguva yakareba. Zvinhu izvozvo zvinogona kungoerekana zvauya mupfungwa. Kana izvozvo zvikaitika unogona kunzwa uchida kuita zvinhu zvisina kuchena zvakadai sebonhora. Saka gara wakangwarira kuti zvinhu izvozvo zvinogona kudzoka mupfungwa, uye gadzirira kuzvirwisa kuti zvibve.

Simbisa chido chako chekuti ufunge uye uite zvinhu zvinofadza Mwari. Tevedzera muapostora Pauro uyo akati, “ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita semuranda.” (1 VaK. 9:27) Usaitwa muranda nezvishuvo zvisina kuchena. Shandisa zano iri rekuti: “Shandurwai nekuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaR. 12:2) Yeuka izvi: Kuti ufare, unofanira kufunga uye kuita zvinhu zvinofadza Mwari, kwete zvinhu zvisina kuchena.

Kuti ufare, unofanira kufunga uye kuita zvinhu zvinofadza Mwari, kwete zvinhu zvisina kuchena

Edza kuyeuka mamwe mavhesi emuBhaibheri. Kana pfungwa dzakaipa dzauya, chibva wazvimanikidza kufunga mavhesi iwayo. Magwaro akadai saPisarema 119:37; Isaya 52:11; Mateu 5:28; VaEfeso 5:3; VaKorose 3:5; uye 1 VaTesaronika 4:4-8 achakubatsira kuti uve nemaonero aMwari panyaya yezvinonyadzisira uye zvaanotarisira kuti uite.

Ungaitei kana wava kukundwa nemuedzo wekuda kuona kana kufunga zvinhu zvisina kuchena? Nyatsotevedzera muenzaniso waJesu. (1 Pet. 2:21) Pashure pekunge abhabhatidzwa, Satani akaramba achimuedza. Jesu akaitei? Akaramba kutsauswa. Akashandisa magwaro akawanda pakuramba kuita zvaidiwa naSatani. Akati: “Ibva, Satani!” uye Satani akabva amusiya. Jesu haana kumira kurwisana naSatani, uye iwe haufaniri kumirawo. (Mat. 4:1-11) Satani nenyika yake vanoedza kuzadza pfungwa dzedu nezvinhu zvisina kuchena, saka ramba uchirwisa. Unogona kukunda dambudziko rekuona zvinonyadzisira. Jehovha anokubatsira kuti ukunde muvengi wako.

NYENGETERA KUNA JEHOVHA UYE MUTEERERE

Ramba uchinyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Pauro akati: “Kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari; . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwese rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rekufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Mwari achakupa rugare runoita kuti ukwanise kukunda zvinhu zvakaipa. Kana ukaswedera pedyo naJehovha “iye achaswedera pedyo” newe.—Jak. 4:8.

Kuva shamwari yepedyo yaChangamire wezvinhu zvese kuchatidzivirira pamisungo yaSatani. Jesu akati: “Mutongi wenyika [Satani] ari kuuya. Asi haana simba pandiri.” (Joh. 14:30) Nei Jesu aikwanisa kudaro? Akati: “Iye akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndega, nekuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Joh. 8:29) Kana ukaramba uchiita zvinhu zvinofadza Jehovha, iye haakusiyi. Usaona zvinonyadzisira kuti usabatwa nemusungo waSatani.