Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 27

Gadzirira Iye Zvino Kuzotambudzwa

Gadzirira Iye Zvino Kuzotambudzwa

“Vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.”—2 TIM. 3:12.

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei tichifanira kugadzirira kutambudzwa?

USIKU hwekupedzisira asati aurayiwa, Ishe wedu Jesu akataura kuti vese vanosarudza kuva vadzidzi vake vachavengwa. (Joh. 17:14) Kubva panguva iyoyo kusvika nhasi, vaKristu vakatendeka vari kutambudzwa nevaya vanopikisa kunamata kwechokwadi. (2 Tim. 3:12) Kuguma kwenyika ino zvakwaswedera pedyo, tinotarisira kuti vavengi vedu vachawedzera kutipikisa.—Mat. 24:9.

2-3. (a) Tinofanira kuzivei nezvekutya? (b) Tichadzidzei munyaya ino?

2 Tingagadzirira sei iye zvino kuti tizotsungirira patinenge tava kutambudzwa? Hatifaniri hedu kufungidzira zvinhu zvese zvakaipa zvinogona kuitika kwatiri. Kana tikadaro, tinogona kutya zvekusvika pakurega kushumira Jehovha pasati patombouya muedzo. (Zvir. 12:25; 17:22) Kutya ndicho chombo chine simba chinogona kushandiswa ‘nemhandu yedu Dhiyabhorosi.’ (1 Pet. 5:8, 9) Tingaitei iye zvino kuti tigadzirire kuzotsungirira?

3 Munyaya ino tichakurukura kuti tingasimbisa sei ushamwari hwedu naJehovha uye kuti nei zvichikosha kuti tidaro iye zvino. Tichakurukurawo kuti tingaitei kuti tiwedzere kuva neushingi. Uye tichapedzisa nekuongorora zvatingaita kana vanhu vakativenga.

ZVAUNGAITA KUTI USIMBISE USHAMWARI HWAKO NAJEHOVHA

4. Maererano naVaHebheru 13:5, 6, tinofanira kuva nechokwadi chei, uye nei tichifanira kudaro?

4 Iva nechokwadi chekuti Jehovha anokuda uye kuti haambokusiyi. (Verenga VaHebheru 13:5, 6.) Makore akawanda apfuura, Nharireyomurindi yakati: “Munhu anonyatsoziva Mwari ndiye anonyatsovimba naye panguva yekuedzwa.” Ichocho ichokwadi. Kuti titsungirire, tinofanira kunyatsoda Jehovha uye kuvimba naye zvakakwana, tiine chokwadi chekuti anotida.—Mat. 22:36-38; Jak. 5:11.

5. Chii chichakubatsira kuona kuti Jehovha anokuda?

5 Verenga Bhaibheri zuva rega rega uine chinangwa chekuswedera pedyo naJehovha. (Jak. 4:8) Paunoriverenga, isa pfungwa dzako pakunaka kwakaita Jehovha. Edza kunzwisisa kuti anokuda zvakadii paunoverenga nezvezvinhu zvaanotaura uye zvaanoita. (Eks. 34:6) Vamwe vanoomerwa nekubvuma kuti Mwari anovada nekuti havana kumbobvira varatidzwa rudo. Kana uchinzwawo saizvozvo, zuva rega rega edza kunyora pasi zvinhu zvakanaka zvaunenge waitirwa naJehovha. (Pis. 78:38, 39; VaR. 8:32) Paunofungisisa zvakaitika muupenyu hwako uye zvaunoverenga muShoko raMwari, uchakwanisa kuona kuti une zvinhu zvakawanda zvawakaitirwa naJehovha. Paunowedzera kukoshesa zvinhu zvinoitwa naJehovha, ushamwari hwako naye hunowedzerawo kusimba.—Pis. 116:1, 2.

6. Maererano naPisarema 94:17-19, kunyengetera zvichibva pamwoyo kunokubatsira sei?

6 Gara uchinyengetera. Kana kakomana kachinge kakatakurwa nababa vako kanonzwa kakachengeteka. Hakatyi kuvaudza zvinhu zvakanaka nezvakaipa zvinenge zvaitika kwakari zuva iroro. Unogonawo kuva neushamwari hwakadaro naJehovha kana ukanyengetera kwaari nemwoyo wese zuva nezuva. (Verenga Pisarema 94:17-19.) Paunonyengetera kuna Jehovha, ‘durura mwoyo wako semvura’ uye udza Baba vako vane rudo zvinhu zvese zvaunotya uye zvinokudya mwoyo. (Mari. 2:19) Kana ukadaro chii chinoitika? Uchawana “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese.” (VaF. 4:6, 7) Ukaramba uchinyengetera seizvi, unowedzera kunzwa uri pedyo naJehovha.—VaR. 8:38, 39.

Tinova neushingi kana tiine kutenda kwakasimba muna Jehovha neUmambo hwake

Stanley Jones akasimbisa kutenda kwake kuburikidza nekunyatsova nechokwadi chekuti Umambo hwaMwari huriko (Ona ndima 7)

7. Nei uchifanira kuva nechokwadi chekuti zvakavimbiswa naMwari nezveUmambo hwake zvichaitika?

7 Iva nechokwadi chekuti makomborero eUmambo hwaMwari achauya. (Num. 23:19) Kana kutenda kwaunoita vimbiso idzodzo kusina kusimba, zvichava nyore kuti Satani nevanhu vake vaite kuti utye. (Zvir. 24:10; VaH. 2:15) Ungasimbisa sei kutenda kwako muUmambo hwaMwari iye zvino? Wana nguva yekudzidza zvakavimbiswa naMwari kuti zvichaitwa neUmambo hwake uye kuti nei ungava nechokwadi chekuti zvichaitika. Izvozvo zvinobatsirei? Funga zvakaitika kuna Stanley Jones, uyo akaiswa mujeri kwemakore 7 nemhaka yekutenda kwake. * Chii chakamubatsira kutsungirira akatendeka? Akati: “Kutenda kwangu kwainge kwakasimba nekuti ndaiziva nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita, ndiine chokwadi chizere nezvazvo. Saka hapana aigona kundibvisa pana Jehovha.” Kana uchitenda zvakasimba kuti zvakavimbiswa naMwari zvichaitika, uchawedzera kuswedera pedyo naJehovha uye hauzoregi kutya kuchikutadzisa kumushumira.—Zvir. 3:25, 26.

8. Maonero atinoita nyaya yekupinda misangano anoratidzei? Tsanangura.

8 Gara uchipinda misangano yechiKristu. Misangano inotibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Maonero atinoita nyaya yekupinda misangano anoratidza kuti tichatsungirira zvakadii patichatambudzwa. (VaH. 10:24, 25) Nei tichidaro? Kana tikarega zvinhu zvidiki zvichititadzisa kupinda misangano iye zvino, tichaita sei kana hurumende ikatirambidza kuungana nehama nehanzvadzi dzedu? Kana tikatsunga kupinda misangano, hatizoregi vavengi vedu vachititadzisa kuungana. Iye zvino ndiyo nguva yekuti tiwedzere kuda misangano yedu. Kana tichifarira kupinda misangano, zvinhu zvakadai sekupikiswa kana kubhanwa nehurumende, hazvizotitadzisi kuteerera Mwari.—Mab. 5:29.

Kubata mavhesi eBhaibheri uye nziyo dzeUmambo nemusoro kunogona kuzokubatsira kuva munhu akasimba panguva yekutambudzwa (Ona ndima 9) *

9. Nei kubata mavhesi nemusoro iri nzira yakanaka yekugadzirira nguva yatichatambudzwa?

9 Bata nemusoro mavhesi aunofarira. (Mat. 13:52) Kunyange zvazvo uchimbokanganwa, Jehovha anogona kushandisa mweya wake mutsvene kuti akuyeuchidze mavhesi iwayo. (Joh. 14:26) Ona zvakataurwa neimwe hama yakaiswa mujeri muEast Germany ndokugariswa mayo yega. Yakati: “Ndakafara chaizvo nekuti panguva iyoyo ndaitoziva nemusoro mavhesi anopfuura 200! Kunyange zvazvo ndaiva ndega, ndaigara ndichifungisisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvinotaurwa neBhaibheri.” Mavhesi iwayo akabatsira hama yedu kuti irambe iri pedyo naJehovha uye kuti irambe ichitsungirira yakatendeka.

(Ona ndima 10) *

10. Nei tichifanira kubata nziyo nemusoro?

10 Bata nemusoro nziyo dzekurumbidza Jehovha uye dziimbe. Pavaiva mujeri muFiripi, Pauro naSirasi vakaimba nziyo dzekurumbidza Jehovha dzavaiziva nemusoro. (Mab. 16:25) Hama dzemuSoviet Union dzakaiteiwo kuti dzirambe dzakasimba padzakaendeswa kuSiberia? Hanzvadzi Mariya Fedun vakati: “Taiimba nziyo dzese dzataiziva dzemubhuku renziyo.” Vakati nziyo idzodzo dzakavakurudzira vese uye dzakavabatsira kuswedera pedyo naJehovha. Unosimbiswa here nekuimba nziyo dzekurumbidza Jehovha dzaunonyanya kufarira? Kana zvakadaro bata nziyo dzacho nemusoro iye zvino.—Ona bhokisi rakanzi “ Ndipeiwo ushingi.”

ZVAUNGAITA KUTI UWEDZERE KUVA NEUSHINGI

11-12. (a) Maererano na1 Samueri 17:37, 45-47, nei Dhavhidhi aiva neushingi? (b) Chidzidzo chipi chinokosha chatinodzidza pana Dhavhidhi?

11 Zvinoda ushingi kuti utsungirire kutambudzwa. Ungaitei kana uchiona sekuti hauna ushingi? Yeuka kuti ushingi hwechokwadi haunei nekukura kwemuviri wako, simba rako, kana zvaunokwanisa. Funga nezvaDhavhidhi paakamisidzana naGoriyati. Achienzaniswa nezirume iroro, Dhavhidhi aiva nemuviri mudiki, aiva nesimba shoma, uye ainge asina zvombo zvinoshamisira. Dhavhidhi ainge asina kana bakatwa zvaro. Asi ainge akashinga chaizvo. Dhavhidhi akamhanya kuti anorwisa zirume iroro raizvikudza.

12 Nei Dhavhidhi aiva neushingi hwakadaro? Ainyatsoziva kuti Jehovha aiva naye. (Verenga 1 Samueri 17:37, 45-47.) Dhavhidhi haana kuisa pfungwa dzake pakuti Goriyati aiva nemuviri wakakura kumupfuura. Asi akadziisa pakuti Goriyati ainge ari kanhu kadikidiki kana achienzaniswa naJehovha. Tinodzidzei panyaya iyi? Tinova neushingi kana tiine chivimbo chekuti Jehovha anesu uye kana tiine chokwadi chekuti vavengi vedu vanongova tunhu tudikidiki kana vachienzaniswa naMwari Wemasimbaose. (2 Mak. 20:15; Pis. 16:8) Tingaitei kuti tiwedzere kuva neushingi iye zvino, kutambudzwa kusati kwauya?

13. Tingaitei kuti tiwedzere kuva neushingi? Tsanangura.

13 Tinogona kuwedzera kuva neushingi iye zvino kana tikaparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Nei zvakadaro? Nekuti kuparidza kunotidzidzisa kuvimba naJehovha uye kunoita kuti tisatya vanhu. (Zvir. 29:25) Muviri wedu unowedzera kusimba patinoita maekisesaizi. Saizvozvowo, tinowedzera kuva neushingi patinoparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda, paimba neimba, munzvimbo dzemabhizinesi, uye patinoparidza zvisina kurongwa. Kana tikava neushingi hwekuparidza iye zvino, tichange takagadzirira kuzoramba tichiparidza, kunyange basa redu rikarambidzwa.—1 VaT. 2:1, 2.

Nancy Yuen akaramba kusiya basa rekuparidza mashoko akanaka (Ona ndima 14)

14-15. Tinodzidzei pane zvakaitwa naNancy Yuen naValentina Garnovskaya?

14 Tinodzidza zvakawanda pane zvakaitwa nehanzvadzi mbiri dzakatendeka dzakaratidza ushingi chaizvo. Nancy Yuen aiva mukadzi mupfupi akareba mita imwe chete nehafu asi aisabvuma kutyisidzirwa. * Akaramba kusiya basa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Izvi zvakaita kuti aiswe mujeri kwemakore anopfura 20 muChina. Vakuru vakuru vakamubvunzurudza vakati aiva “munhu akaoma musoro kupfuura vamwe vese” munyika yavo!

Valentina Garnovskaya aiva nechokwadi chekuti Jehovha aiva naye (Ona ndima 15)

15 Valentina Garnovskaya akaiswa mujeri katatu muSoviet Union, uye makore ese aakagara mujeri anosvika 21. * Aisungirwei? Ainge akatsunga kuramba achiparidza zvekuti vakuru vakuru vehurumende vakamuti “munhu ane ngozi chaizvo.” Chii chakaita kuti vakadzi vaviri ava vakatendeka vave neushingi hwakadaro? Vaiva nechokwadi chekuti Jehovha aiva navo.

16. Chii chinoita kuti tive neushingi?

16 Sezvatakurukura, kuti tive neushingi hatifaniri kuvimba neunyanzvi hwatinenge tiinahwo. Asi tinofanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha anesu uye kuti ndiye ari kutirwira. (Dheut. 1:29, 30; Zek. 4:6) Izvi ndizvo zvinoita kuti tive neushingi.

ZVAUNGAITA KANA VANHU VACHIKUVENGA

17-18. Sezvakanyora pana Johani 15:18-21, Jesu akatipa nyevero ipi? Tsanangura.

17 Tinofara kana vanhu vachitiremekedza, asi kana vanhu vasingatifariri hatifaniri kuzviona setisingabatsiri. Jesu akati: “Munofara imi pese pamunovengwa nevanhu, uye pavanokusarurai nekukuzvidzai uye pavanoshora zita renyu vachiti makaipa pamusana peMwanakomana wemunhu.” (Ruka 6:22) Jesu airevei?

18 Jesu aisareva kuti vaKristu vanofarira kuvengwa. Asi aitiudza zvinhu zvinogona kuitika kwatiri. Hatisi venyika. Tinorarama tichiteerera zvakadzidziswa naJesu uye tinoparidza mashoko aaiparidza. Saka izvi zvinoita kuti nyika itivenge. (Verenga Johani 15:18-21.) Tinoda kufadza Jehovha. Kana vanhu vakativenga nekuti tinoda Jehovha, hatifaniri kumbonetseka nazvo.

19. Tingatevedzera sei zvakaitwa nevaapostora?

19 Usamborega zvinoitwa nevanhu kana zvavanotaura zvichiita kuti unyare kuti uri Chapupu chaJehovha. (Mika 4:5) Tinogona kudzidza kusatya vanhu kana tikafunga zvakaitwa nevaapostora muJerusarema pashure pekunge Jesu aurayiwa. Vaiziva kuti vatungamiriri vechitendero vaivavenga chaizvo. (Mab. 5:17, 18, 27, 28) Asi zuva nezuva vairamba vachienda kutemberi uye vairatidza kuti vaiva vadzidzi vaJesu nekuparidza kwavaiita. (Mab. 5:42) Kutya hakuna kuvatadzisa kuparidza. Isuwo tinogona kukunda kutya kwatingaita vanhu nekugara tichiparidza uye nekuudza vanhu kuti tiri Zvapupu zvaJehovha, kubasa, kuchikoro uye kwatinogara.—Mab. 4:29; VaR. 1:16.

20. Chii chaiita kuti vaapostora vafare kunyange zvazvo vaivengwa?

20 Chii chaiita kuti vaapostora vafare? Vaiziva kuti vaivengerwei, uye vaifara pavaitambudzirwa kuita kuda kwaJehovha. (Ruka 6:23; Mab. 5:41) Muapostora Petro akazonyora kuti: “Kunyange kana mukatambura nekuti muri kuita zvakarurama, muchafara.” (1 Pet. 2:19-21; 3:14) Patinonzwisisa kuti tinovengerwa kuita zvakarurama, ticharamba tichishumira Jehovha pasinei nekuti vanhu vanotivenga.

KUGADZIRIRA KUCHAKUBATSIRA

21-22. (a) Zvii zvawasarudza kuita kuti ugadzirire kutambudzwa? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

21 Hatizivi nguva yatichatanga kutambudzwa kana kuti icharambidzwa basa redu. Asi chatinoziva ndechekuti tinogona kugadzirira iye zvino nekusimbisa ushamwari hwedu naJehovha, nekuwedzera kuva neushingi uye nekudzidza kuva vanhu vanofara patinovengwa. Kugadzirira kwatinoita iye zvino kuchatibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha mune ramangwana.

22 Asi tingaita sei kana basa redu rikarambidzwa? Nyaya inotevera ichataura mazano eBhaibheri achatibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha kunyange basa redu rikarambidzwa.

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”

^ ndima 5 Hatidi kuvengwa. Asi pane imwe nguva muupenyu hwedu tichatambudzwa. Nyaya ino ichatibatsira kuti tive neushingi patinotambudzwa.

^ ndima 7 Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 15, 1965, mapeji 756-767.

^ ndima 14 Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJuly 15, 1979, mapeji 4-7. Onawo vhidhiyo inonzi Jehovah’s Name Will Be Made Known paJW Broadcasting®. Tarisa pakanzi INTERVIEWS AND EXPERIENCES.

^ ndima 15 Ona Nharireyomurindi yaApril 15 2009 peji 9, ndima 10, 11.

^ ndima 67 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vabereki vari kushandisa makadhi pakunamata kwemhuri kuti vabatsire vana vavo kubata mavhesi eBhaibheri nemusoro.

^ ndima 70 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mhuri iri kudzidzira nziyo dzeUmambo mumota ichienda kumusangano.