Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 28

Ramba Uchinamata Jehovha Basa Redu Parinorambidzwa

Ramba Uchinamata Jehovha Basa Redu Parinorambidzwa

“Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.”—MAB. 4:19, 20

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Nei tisingafaniri kushamiswa nazvo kana tikarambidzwa kunamata? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

MUNA 2018, vaparidzi vemashoko akanaka vanopfuura 223 000 vaigara munyika dzainge dzakabhanwa basa redu, kana kuti dzairambidzwa zvimwe zvinhu zvatinoita pakunamata. Izvi hazvishamisi. Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, vaKristu vechokwadi vanoziva kuti vachatambudzwa. (2 Tim. 3:12) Pasinei nekwatinogara, hurumende dzinogona kungoerekana dzatirambidza kunamata Mwari wedu ane rudo, Jehovha.

2 Kana hurumende yemunyika yaunogara ikarambidza basa redu, unogona kusara uine mibvunzo yakaita seiyi: ‘Kutambudzwa kunoreva here kuti Mwari haachatifariri? Kurambidzwa kwebasa redu kunoreva here kuti hatichakwanisi kunamata Jehovha? Ndinofanira kutamira kune imwe nyika here kuti ndinonamata Mwari ndakasununguka?’ Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo. Tichaonawo kuti tingaramba sei tichinamata Jehovha basa redu parinenge rarambidzwa uye kuti ndezvipi zvatisingafaniri kuita.

KUTAMBUDZWA KUNOREVA HERE KUTI MWARI HAACHATIFARIRI?

3. Maererano na2 VaKorinde 11:23-27, muapostora Pauro akatambudzwa sei, uye tinodzidzei kwaari?

3 Kana hurumende ikatirambidza kunamata, tinogona kufunga kuti Mwari haachatifariri. Asi yeuka kuti kutambudzwa hakurevi kuti Jehovha haasi kutifarira. Funga nezvemuapostora Pauro. Zviri pachena kuti aifarirwa naMwari. Akava neropafadzo yekunyora tsamba 14 dziri muMagwaro echiKristu echiGiriki uye aiva muapostora kune mamwe marudzi. Asi akatambudzwa zvakanyanya. (Verenga 2 VaKorinde 11:23-27.) Zvakaitika kuna Pauro zvinotidzidzisa kuti Jehovha anobvumira kuti vashumiri vake vakatendeka vatambudzwe.

4. Nei tichivengwa nenyika?

4 Jesu akataura kuti nei tichifanira kutarisira kutambudzwa. Akati tichavengwa nekuti hatisi venyika. (Joh. 15:18, 19) Kutambudzwa hakurevi kuti hatisi kufarirwa naJehovha. Asi kunotoratidza kuti tiri kuita zvakanaka!

KURAMBIDZWA KUCHAITA KUTI TISANAMATA JEHOVHA HERE?

5. Vanhu vanokwanisa kutitadzisa zvachose kunamata Jehovha here? Tsanangura.

5 Vanhu vanotipikisa havakwanisi kutitadzisa zvachose kunamata Mwari wemasimbaose, Jehovha. Vakawanda vakambozviedza, asi vakatadza. Funga zvakaitika muHondo yeNyika II. Panguva iyoyo, hurumende dzakawanda dzakatambudza vanhu vaMwari zvakanyanya. Basa reZvapupu zvaJehovha harina kungorambidzwa chete nebato reNazi muGermany, asi rakarambidzwawo muAustralia, muCanada uye mune dzimwe nyika. Asi chii chakazoitika? Pakatanga hondo yacho muna 1939, pasi rese paiva nevaparidzi 72 475. Mishumo yakaratidza kuti pakazopera hondo muna 1945, vaparidzi vakanga vava 156 299 nekuti Jehovha ainge akomborera vanhu vake. Nhamba yevaparidzi yakawedzera zvakapetwa kanopfuura kaviri.

6. Pane kuti titye, kutambudzwa kunogona kutibatsira kuti tiitei? Taura muenzaniso.

6 Patinotambudzwa, tine kakutya katinomboita, asi kutambudzwa ikoko kunogona kutotibatsira kuti tiwedzere pane zvatagara tichiita pakushumira Jehovha. Funga nezvemumwe murume nemudzimai vaiva nemwana mudiki uye vaigara munyika yakabhanwa basa redu. Pane kurega kutya kuchivatadzisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha, vakatora upiyona hwenguva dzese. Mudzimai wacho akatosiya basa raibhadhara kuti akwanise kupayona. Murume wacho akataura kuti kurambidzwa kwebasa redu kwakaita kuti vanhu vakawanda vade kuziva nezveZvapupu zvaJehovha. Saka zvaimuitira nyore kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Kurambidzwa kwebasa redu kunewo zvimwe zvakwakabatsira. Mumwe mukuru muungano akati vakawanda vainge vamborega kushumira Jehovha vakatanga kupinda misangano ndokutangazve kuparidza.

7. (a) Tinodzidzei pana Revhitiko 26:36, 37? (b) Uchaitei kana basa redu rikarambidzwa?

7 Vavengi vedu pavanotirambidza kunamata vanenge vachida kuti titye, torega kushumira Jehovha. Vanogonawo kutoparadzira manyepo nezvedu, kutuma mapurisa kunosecha misha yedu, kutiendesa kumatare, uye kuisa vamwe vedu mumajeri. Vanofunga kuti tichabvunda nekutya nekuti vanenge vaisa vamwe vedu mumajeri. Kana tikatanga kuvatya, tinogona kudzokera shure, kana kutorega kunamata. Hatidi kuita sevanhu vanotaurwa pana Revhitiko 26:36, 37. (Verenga.) Hatizoregi kutya kuchiita kuti tiite zvishoma pakunamata kana kutorega kushumira Jehovha. Tinonyatsovimba naJehovha uye hatibvumi kuvhundutsirwa. (Isa. 28:16) Tinonyengetera kuna Jehovha kuti atitungamirire. Tinoziva kuti kana tichibatsirwa naJehovha, hapana kana hurumende ingatitadzisa kunamata Mwari wedu takatendeka.—VaH. 13:6.

NDINOFANIRA KUTAMIRA KUNE IMWE NYIKA HERE?

8-9. (a) Chisarudzo chipi chinofanira kuitwa nemuKristu mumwe nemumwe kana kuti nemusoro wemhuri? (b) Chii chichabatsira munhu kuti asarudze zvakanaka?

8 Kana hurumende yemunyika mako ikabhana basa redu, unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndotamira kune imwe nyika here kuti ndinonamata Jehovha ndakasununguka?’ Nyaya iyi inoda kuti uzvisarudzire wega. Vamwe vangaona zvichibatsira kumbotanga vaongorora zvakaitwa nevaKristu vekare pavakatambudzwa. Pashure pekunge Stefani aurayiwa achiita zvekutemwa nematombo, vadzidzi vaiva muJerusarema vakapararira neJudhiya yese neSamariya, uye vamwe vakaenda kunzvimbo dziri kure dzakadai seFenikiya, Saipurasi, neAndiyoki. (Mat. 10:23; Mab. 8:1; 11:19) Asi vamwe vanogona kufunga zvakaitwa nemuapostora Pauro pashure pekunge kutambudzwa kwatangazve. Akasarudza kuramba ari munzvimbo dzairambidzwa basa rekuparidza. Akaisa upenyu hwake pangozi kuti aparidze mashoko akanaka uye kuti asimbise hama mumaguta adzaitambudzwa zvakanyanya.—Mab. 14:19-23.

9 Panyaya iyi yekutama, tinodzidzei pane zvakaitwa nevaKristu ava? Munhu wese anenge ari musoro wemhuri anofanira kusarudza ega zvekuita. Asati asarudza, anofanira kunyengetera uye kufungisisa nezvemhuri yake uye zvazvakanakira kana kuti zvazvakaipira. Panyaya iyi, muKristu mumwe nemumwe anofanira ‘kutakura mutoro wake.’ (VaG. 6:5) Hatifaniri kutonga vamwe pane zvavanenge vasarudza.

TINONAMATA SEI KANA BASA REDU RARAMBIDZWA?

10. Tichabatsirwa sei nehofisi yebazi nevakuru?

10 Ungaramba sei uchinamata Jehovha kana basa redu rarambidzwa? Hofisi yebazi ichapa vakuru vemuungano yenyu mirayiridzo uye mazano anobatsira ekuti tingawana sei zvekudya zvekunamata, tingaungana sei kuti tinamate, uye kuti tingaparidza sei mashoko akanaka. Kana bazi risiri kukwanisa kutaura nevakuru, vakuru vachakubatsira uye vachabatsirawo vamwe vese vari muungano kuti murambe muchinamata Jehovha. Vachashandisa zvinotaurwa neBhaibheri nemabhuku edu.—Mat. 28:19, 20; Mab. 5:29; VaH. 10:24, 25.

11. Nei uine chokwadi chekuti ucharamba uchiwana zvekudya zvekunamata, uye ungachengetedza sei zvekudya izvozvo?

11 Jehovha akavimbisa kuti vashumiri vake vachawana zvese zvavanoda pakunamata. (Isa. 65:13, 14; Ruka 12:42-44) Saka iva nechokwadi chekuti sangano rake richaita zvese zvarinogona kuti rikupe zvaunoda kuti urambe wakasimba pakunamata. Asi iwe ungaiteiwo? Basa redu parinenge rarambidzwa, tsvaga nzvimbo yakanaka yekuviga Bhaibheri rako nemamwewo mabhuku aunenge uinawo. Usambosiya zvinhu izvozvo zvinokosha panzvimbo yazvinokurumidza kuonekwa, zvingava zvakaprindwa kana kuti zviri pamafoni nepamatablet. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuita zvese zvaanogona kuti arambe akasimba pakunamata.

Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kuungana kuti tinamate tisingatyi (Ona ndima 12) *

12. Vakuru vangaronga sei misangano nenzira inoita kuti vanhu vasaziva zvatinenge tichiita?

12 Zvakadiniwo nemisangano yatinoita vhiki nevhiki? Vakuru vacharonga kuti iitwe nenzira isingazivikanwi nevanotipikisa. Vanogona kukuudzai kuti muungane mumapoka madiki, uye nguva dzemisangano nenzvimbo dzainoitirwa zvinogona kugara zvichichinjwa. Pamunouya kumisangano uye pamunenge mava kudzokera, zvakanaka kutaurira pasi kuitira kuti musabatwa. Munogonawo kupfeka mbatya dzisingaiti kuti muzivikanwe zvamuri kuita.

Kunyange hurumende ikarambidza basa redu, hatizoregi kuparidza (Ona ndima 13) *

13. Tinodzidzei pane zvakaitwa nehama dzaiva muSoviet Union?

13 Pamaitirwo ebasa rekuparidza, zvinhu zvichange zvichisiyana munzvimbo nenzvimbo. Asi isu tinoda Jehovha uye tinoda chaizvo kuudza vamwe nezveUmambo hwake, saka tichatsvaga nzira yekuparidza nayo. (Ruka 8:1; Mab. 4:29) Paaitaura nezvekuparidza kwaiitwa neZvapupu zvaJehovha muSoviet Union, munyori wenyaya dzekare anonzi Emily B. Baran akati: “Hurumende payakaudza Zvapupu zvaJehovha kuti zvisaparidzira vamwe vanhu, Zvapupu zvakatanga kutaura nevavakidzani, vanhu vekubasa uye shamwari. Pavakaendeswa kumisasa yevasungwa nemhaka yeizvi, vakatanga kuparidzira vamwe vasungwa.” Pasinei nekurambidzwa kwebasa redu, hama dzedu dzaiva muSoviet Union hadzina kurega kuparidza. Kana zvikaitika kuti basa rekuparidza rarambidzwa munyika yaunogara, shinga kutevedzera hama idzi.

ZVII ZVATINOFANIRA KUNGWARIRA?

Tinofanira kuziva nguva yekunyarara (Ona ndima 14) *

14. Pisarema 39:1 inotibatsira kuti tirege kuitei?

14 Ngwarira zvaunoudza vamwe. Kana basa redu rarambidzwa, tinofanira kuziva “nguva yekunyarara.” (Mup. 3:7) Hatifaniri kutaura mashoko asingafaniri kuzivikanwa nevavengi, akadai semazita ehama nehanzvadzi dzedu, kwatinopindira misangano, maitiro atinoita ushumiri uye mawaniro atinoita zvekudya zvekunamata. Hatizotauri zvinhu izvi nevanhu vemuhurumende, veukama, shamwari dzemunyika yedu kana kuti dzemune dzimwe nyika, vangava vashumiri vaJehovha kana kuti kwete. Kana tikaita izvi, tinogona kuisa hama dzedu pangozi.—Verenga Pisarema 39:1.

15. Satani achaedza kuitei kwatiri, uye tingaitei kuti tisabatwa nemusungo wake?

15 Ngatiregei kuparadzaniswa netunyaya tudiki. Satani anoziva kuti imba ine vanhu vasingawirirani haimiri. (Mako 3:24, 25) Acharamba achiedza kutipesanisa. Paanoita izvozvo, anenge achida kuti tirwisane, pane kuti timurwise.

16. Tinodzidzei pane zvakaitwa naHanzvadzi Gertrud Poetzinger?

16 Kunyange vaKristu vakasimba pakunamata vanofanira kungwarira kuti vasabatwa nemusungo uyu. Funga zvakaitika kune dzimwe hanzvadzi mbiri dzakazodzwa, Gertrud Poetzinger naElfriede Löhr. Vaiva mujeri pamwe chete nedzimwe hanzvadzi mumusasa wevasungwa weNazi. Gertrud akanzwa godo nekuti Elfriede aipa hurukuro dzaikurudzira chaizvo dzimwe hanzvadzi dzaiva mujeri. Gertrud akazonyara nezvaaiita akanyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire. Akanyora kuti: “Tinofanira kudzidza kuzvigamuchira kana vamwe vanhu vaine unyanzvi hwatisina kana kuti vaine zvakawanda zvekuita musangano kutipfuura.” Gertrud akaitei kuti godo rake ripere? Akaramba achifunga zvinhu zvakanaka zvaiitwa naElfriede uye kuti aiva munhu ane ushamwari. Izvi zvakaita kuti atangezve kuwirirana naElfriede. Vese vakazobuda mumusasa wevasungwa uye vakashumira Jehovha vakatendeka kusvikira vapedza upenyu hwavo hwepanyika. Kana tikashanda nesimba kuti tibvise zvese zvinotitadzisa kuwirirana nehama dzedu, hatizobvumiri chimwe chinhu kutiparadzanisa.—VaK. 3:13, 14.

17. Nei tichifanira kugara tichiteerera mirayiridzo yatinopiwa nesangano raJehovha?

17 Ramba uchiteerera mirayiridzo. Kana tikateerera mirayiridzo yatinopiwa nehama dzinenge dzichitungamirira hatizozvipinzi mumatambudziko. (1 Pet. 5:5) Mune imwe nyika yakarambidzwa basa redu, hama dzaitungamirira dzakaudza vaparidzi kuti vasapa vanhu mabhuku akaprindwa muushumiri. Asi imwe hama yaiva piyona haina kuteerera, uye yakapa vanhu mabhuku. Zvakaguma nei? Vachangopedza kuparidza, iyo nevamwe vayaiva navo vakabvunzurudzwa nemapurisa. Kunenge kuti vaiteverwa nemumwe munhu wemuhurumende, uye akatora mabhuku avainge vapa vanhu. Tinodzidzei panyaya iyi? Tinofanira kuteerera mirayiridzo kunyange tisingabvumirani nezvinenge zvanzi zviitwe. Jehovha anofadzwa nazvo kana tikateerera hama dzaanenge agadza kuti dzitungamirire.—VaH. 13:7, 17.

18. Nei tisingafaniri kudzika tumitemo tusina basa?

18 Usangodzika tumitemo tusina basa. Kana vakuru vakangodzika tumitemo tusina basa, vanoremedza vamwe. Hama Juraj Kaminský vanoyeuka zvakaitika panguva yainge yakarambidzwa basa redu mune yaimbova Czechoslovakia. Vanoti: “Vakuru vakawanda pavakasungwa, hama dzainge dzasara dzichitungamirira muungano uye mumatunhu dzakatanga kudzika mitemo yakawanda yezvaifanira kuitwa nevaparidzi uye zvavaisafanira kuita.” Jehovha haana kutipa simba rekusarudzira vamwe zvekuita. Munhu anodzika tumitemo tusina basa anenge asingadziviriri hama yake, asi anenge achiedza kuva tenzi wekutenda kwayo.—2 VaK. 1:24.

USAREGA KUNAMATA JEHOVHA

19. Maererano na2 Makoronike 32:7, 8 nei tichigona kuva neushingi pasinei nezvingaitwa naSatani?

19 Mhandu yedu huru, Satani Dhiyabhorosi, haasi kuzorega kutambudza vashumiri vaJehovha vakatendeka. (1 Pet. 5:8; Zvak. 2:10) Satani nevatsigiri vake vachaedza kutirambidza kunamata Jehovha. Asi hatifaniri kuvatya zvekusvika pakurega kunamata Jehovha! (Dheut. 7:21) Jehovha anesu uye acharamba achititsigira kunyange basa redu rikabhanwa.—Verenga 2 Makoronike 32:7, 8.

20. Watsunga kuitei?

20 Ngatitsungei sezvakaita hama dzedu dzekare idzo dzakaudza vatongi vepanguva yadzo kuti: “Kana muchifunga kuti zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, zviri kwamuri. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.”—Mab. 4:19, 20.

RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi

^ ndima 5 Tingaitei kana hurumende ikatirambidza kunamata Jehovha? Nyaya ino ichatipa mazano ezvatingaita uye zvatisingafaniri kuita, kuti tisamborega kunamata Mwari wedu!

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mifananidzo yese iri kuratidza Zvapupu zviri munyika dzakarambidzwa mamwe mabasa edu ekunamata. Vanhu vashomanana vari kuitira musangano pamba peimwe hama, muimba inochengeterwa zvinhu.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yechiKristu (kuruboshwe) iri kukurukura zvayo nemumwe mukadzi ichitsvaga mukana wekuparidza.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kubvunzurudzwa nemapurisa asi iri kuramba kutaura zvine chekuita neungano yayo.