Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Akafira Ini Pachangu Here?

Jesu Akafira Ini Pachangu Here?

BHAIBHERI rine mashoko akataurwa nemwoyo wese nevanhu ‘vakangofananawo nesu.’ (Jak. 5:17) Semuenzaniso, tinogona kunzwisisa kuti Pauro airevei paakataura mashoko ari pana VaRoma 7:21-24 anoti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri. . . . Ndiri munhamo!” Patinenge tichirwisana nechivi chatiinacho, zvinotikurudzira chaizvo kuziva kuti murume ainge akatendeka, Pauro, ndizvo zvaaiitawo.

Pauro akataurawo nezvemamwe manzwiro aaiita. Pana VaGaratiya 2:20, akataura nechivimbo kuti Jesu “[akamuda], akazvipa nekuda [kwake.]” Unonzwawo saizvozvo here? Zvimwe haunzwi saizvozvo nguva dzese.

Kana tichimbonzwa sekuti hatibatsiri nemhaka yezvatakakanganisa, dzimwe nguva zvingatiomera kubvuma kuti Mwari anotida uye akatiregerera, uye zvingatonyanya kuoma kuti tione chibayiro chaJesu sechipo chatakapiwa semunhu mumwe nemumwe. Jesu anoda kuti tione rudzikinuro sechipo here? Kana achida kuti tidaro, chii chingatibatsira kuti tiite izvozvo? Ngationgororei mibvunzo miviri iyoyo.

MAONERO AIITA JESU CHIBAYIRO CHAKE

Jesu anoda kuti tione chibayiro chake sechipo chatakapiwa semunhu mumwe nemumwe. Tingava sei nechokwadi naizvozvo? Ita seuri kuona zvinhu zvakanyorwa pana Ruka 23:39-43 zvichiitika. Pane murume akaturikwa padanda rekutambudzirwa pedyo naJesu. Anobvuma kuti akaita zvakaipa. Mhosva yake inofanira kunge iri hombe chaizvo nekuti vanhu vaipara mhosva dzakakura ndivo vaiurayirwa padanda. Murume uyu ari kunetseka chaizvo uye anokumbira Jesu achiti: “Mundiyeukewo kana mapinda muUmambo hwenyu.”

Jesu akaita sei? Fungidzira kurwadziwa kwaanoita paanoedza kutenderedza musoro wake kuti atarisane nemurume wacho. Kunyange zvazvo achirwadziwa chaizvo, anonyemwerera obva audza murume wacho kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.” Jesu aigona kungoyeuchidza murume wacho kuti “Mwanakomana wemunhu . . . [akauya kuzopa] upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mat. 20:28) Asi akaratidza kushanda kunoita chibayiro chake kumurume wacho. Akataura neushamwari uye akashandisa mashoko ekuti “uchava neni.” Uye akaudza murume wacho kuti aizogara muparadhiso panyika.

Zviri pachena kuti Jesu aida kuti murume wacho azive kuti chibayiro chaKristu chaizomubatsira iye pachake. Kana Jesu akava nemanzwiro akadaro pamurume uyu aiva gororo, uyo asina kumbowana mukana wekushumira Mwari, anofanira kunge achinzwa saizvozvo pamuKristu akabhabhatidzwa ari kushumira Mwari. Saka tinganyatsova sei nechokwadi chekuti chibayiro chaKristu chinotibatsira semunhu mumwe nemumwe pasinei nezvivi zvedu zvekare?

CHII CHAKABATSIRA PAURO?

Ushumiri hwaPauro hwakamubatsira pamaonero aaiita chibayiro chaJesu. Hwakamubatsira sei? Akati: “Ndinotenda Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, nekuti akaona kuti ndakatendeka nekundipa kwaakaita ushumiri, kunyange zvazvo ndaimbova munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.” (1 Tim. 1:12-14) Basa rakapiwa Pauro rakaita kuti ave nechokwadi chekuti Jesu aimunzwira tsitsi, aimuda uye aivimba naye. Jesu akapawo mumwe nemumwe wedu basa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo. (Mat. 28:19, 20) Basa iri rinoitawo here kuti tinzwisise kuti Jesu akatifira?

Albert, uyo achangobva kudzoka kuna Jehovha pashure pemakore anenge 34 akadzingwa anoti: “Ndinongoramba ndichiyeuka zvivi zvangu. Asi pandinenge ndiri muushumiri ndinonzwa sekuti ndakapiwa ushumiri naJesu sezvakaitwa muapostora Pauro. Zvinoita kuti ndiwedzere kufara uye ndione upenyu hwangu uye ramangwana rangu zvakanaka.”—Pis. 51:3.

Paunodzidza Bhaibheri nevanhu vemarudzi ese, ita kuti vazive kuti Jesu anovada uye anovanzwira tsitsi

Allan, uyo aigara achipara mhosva uye achiita zvemhirizhonga asati adzidza chokwadi, anoti: “Ndichiri kufunga nezvekurwadzisa kwandakaita vanhu. Dzimwe nguva zvinondiodza mwoyo. Asi ndinotenda Jehovha kuti anobvumira mutadzi akaita seni kuti ndiudze vamwe mashoko akanaka. Pandinoona vanhu vachiteerera mashoko akanaka, zvinondiyeuchidza kuti Jehovha akanaka uye ane rudo zvikuru. Ndinoona sekuti ari kundishandisa kuti ndibatsire vaya vaimboitawo zvinhu zvakaipa.”

Patinenge tiri muushumiri tinoita zvinhu zvakanaka uye tinofunga zvinhu zvinovaka. Ushumiri hunoita tive nechivimbo chekuti Jesu anotinzwira tsitsi, anotida uye anovimba nesu.

JEHOVHA MUKURU KUPFUURA MWOYO YEDU

Tinogona kusvika pakuguma kwenyika ino mwoyo yedu ichingotipa mhosva nemhaka yezvinhu zvatakatadza. Chii chingatibatsira kuti tisaramba tichizvipa mhosva?

“Zvinondifadza kuti ‘Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu,’” anodaro Jean, uyo anogara achizvipa mhosva nemhaka yekuti paaiva mudiki ainyepedzera kuva munhu anonamata uku achiita zvakaipa. (1 Joh. 3:19, 20) Isuwo tinogona kunyaradzwa nekuziva kuti Jehovha naJesu vanonzwisisa kuti tine chivi. Yeuka kuti vakapa rudzikinuro kuti vabatsire vanhu vanopfidza zvivi zvavo, kwete vanhu vasina chivi.—1 Tim. 1:15.

Tinozviyeuchidza chokwadi ichi patinofungisisa mabatiro aiita Jesu vanhu vane chivi uye patinoita zvese zvatinogona muushumiri hwaakatipa. Tikaita izvi, tinogona kutaura sezvakaita Pauro kuti: Jesu “akandida, akazvipa nekuda kwangu.”