Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 34

Zvaungaita Kuti Ujairane Nebasa Rako Idzva

Zvaungaita Kuti Ujairane Nebasa Rako Idzva

“Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu nerudo rwamuinarwo nezita rake.”—VAH. 6:10.

RWIYO 38 Achakusimbisa

ZVICHADZIDZWA *

1-3. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingaita kuti vari mubasa renguva yakazara vasiye mabasa avo?

“PASHURE pemakore 21 tichinakidzwa nebasa reumishinari, vabereki vedu vese vari vana vakanga vakwegura uye vava kurwara-rwara,” vanodaro Robert naMary Jo. “Kuvachengeta raisava dambudziko, asi zvairwadza kusiya nyika yatainge tajaira uye yataida chaizvo.”

2 William naTerrie vanoti: “Patakaziva kuti utano hwedu hwakanga husisaiti kuti tidzokere kwataishumira tiri, takachema. Taida chaizvo kushumira Jehovha tiri kune imwe nyika asi zvakanga zvisingachaiti.”

3 Aleksey anoti: “Taiziva kuti hurumende yaida kuvhara hofisi yebazi. Asi takarwadziwa chaizvo pazvakaitika, uye taifanira kubva paBheteri.”

4. Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

4 Kunewo vamwe vakawanda chaizvo vari mubasa renguva yakazara kusanganisira vaya vaishumira paBheteri vakapiwa mamwe mabasa. * Hama nehanzvadzi idzi dzakatendeka dzinogona kuomerwa nekusiya mabasa adzaida chaizvo. Chii chingavabatsira kuti vajairane nekuchinja kunenge kwaita zvinhu? Ungavabatsira sei? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinogona kutibatsira tese panochinja zvinhu muupenyu.

ZVAUNGAITA PANOCHINJA ZVINHU

Nei vari mubasa renguva yakazara vachiomerwa nekusiya mabasa avo? (Ona ndima 5) *

5. Zvii zvinogona kuitika kana tikachinjwa basa ratinoita musangano?

5 Pasinei nekuti tiri kushumira mundima kana paBheteri, tinogona kupedzisira tava kuda chaizvo vanhu vekwatinenge tiri, kunyange nzvimbo yacho. Kana pakazova nechikonzero chekuti tisiye basa racho tinorwadziwa chaizvo. Tinosuwa vatinenge tasiya, uye tinovatyira kana kuri kuti takabva nemhaka yekutambudzwa. (Mat. 10:23; 2 VaK. 11:28, 29) Uyewo, patinotanga basa idzva kana kuti patinodzokera kumba, kakawanda kacho tinotombonetseka nemaitiro evanhu veko. Robert naMary Jo vanoti: “Takanga tisisina kujaira tsika dzekumusha kwedu kunyange kuparidza nemutauro wedu. Tainzwa sekuti tiri vaenzi munyika medu.” Vamwe vanenge vachinjwa mabasa avaiita vanogona kusangana nematambudziko emari. Vanogona kunzwa vasina kugadzikana, vasingazivi kuti chii chichaitika kwavari uye vangaora mwoyo. Chii chingavabatsira?

Zvinokosha kuti tiswedere pedyo naJehovha uye tivimbe naye (Ona ndima 6-7) *

6. Tingaitei kuti tirambe tiri pedyo naJehovha?

6 Ramba uri pedyo naJehovha. (Jak. 4:8) Tingazviita sei? Nekuvimba naye sezvo ari iye “Munzwi wemunyengetero.” (Pis. 65:2) Pisarema 62:8 inoti, “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.” Jehovha “anogona kuita zvinopfuura nekure kure zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira.” (VaEf. 3:20) Haangogumiri pakutiitira zvatinenge tamukumbira patinonyengetera. Anogona kupedza matambudziko edu nenzira yatinenge tisina kumbobvira tafungidzira.

7. (a) Chii chichatibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha? (b) Maererano naVaHebheru 6:10-12, kana tikaramba tichishumira Jehovha takatendeka zvinoguma nei?

7 Kuti urambe uri pedyo naJehovha, verenga Magwaro zuva nezuva uye afungisise. Imwe hama yaimbova mumishinari yakati: “Ramba uine purogiramu yekunamata kwemhuri, uchigadzirira misangano sezvawaiita uchiri kwawaishumira uri.” Uyewo ramba uchiita zvese zvaunogona kuti uparidze mashoko akanaka neungano yako itsva. Jehovha anoyeuka vaya vanoramba vachimushumira vakatendeka kunyange vasisakwanisi kuita zvese zvavaiita.—Verenga VaHebheru 6:10-12.

8. Mashoko ari pana 1 Johani 2:15-17 anokubatsira sei kuti usazviwanzira zvinhu muupenyu?

8 Usazviwanzira zvinhu muupenyu. Usarega kuzvidya mwoyo nezvinhu zvenyika yaSatani ‘kuchikuvhunga’ pakushumira Mwari kwauri kuita. (Mat. 13:22) Ramba kufurirwa nenyika kana kuti nehama neshamwari dzinenge dzichida kuti utsvage pfuma munyika yaSatani. (Verenga 1 Johani 2:15-17.) Vimba naJehovha uyo anovimbisa kutipa zvese zvatinoda “panguva yakakodzera.” Achatibatsira kuti tirambe takagadzikana, tiine kutenda kwakasimba, uye achatipa zvekurarama nazvo.—VaH. 4:16; 13:5, 6.

9. Maererano naZvirevo 22:3, 7, nei zvichikosha kuti tisangokwereta kwereta mari, uye chii chingatibatsira kuti tikwanise kusarudza zvakanaka?

9 Usangokwereta kwereta mari. (Verenga Zvirevo 22:3, 7.) Kutama kunogona kudya mari yakawanda saka zviri nyore kuti munhu apinde muzvikwereti. Kuti zvikwereti zvisawanda, usakwereta mari yekutenga zvinhu zvisinganyanyi kukosha. Patinenge tiine zviri kutishungurudza, zvakadai sekuchengeta munhu ari kurwara, tingatadza kuziva zvekuita panyaya yekukwereta mari. Pakadaro, yeuka kuti kana ‘ukanyengetera uye ukateterera’ kuna Jehovha, anogona kukubatsira kuti usarudze zvakanaka. Jehovha anogona kupindura minyengetero yako nekukupa rugare urwo ‘ruchachengetedza mwoyo wako nepfungwa,’ okubatsira kuti ugadzikane, wokwanisa kusarudza zvakanaka.—VaF. 4:6, 7; 1 Pet. 5:7.

10. Tingaitei kuti tive neshamwari itsva?

10 Ramba uri pedyo nevanhu vanokuvaka. Udza shamwari dzako manzwiro auri kuita uye matambudziko auri kusangana nawo kunyanya dziya dzakambovawo mumamiriro ezvinhu akaita seako. Izvi zvinogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani. (Mup. 4:9, 10) Shamwari dzawakawana kwawaimboshumira dzicharamba dziri shamwari dzako. Iye zvino sezvo wava kumwe, unofanira kutsvaga dzimwe. Kuti uwane shamwari, unofanirawo kuva neushamwari. Saka ungaitei kuti uve nedzimwe shamwari? Udzawo vamwe zvinhu zvakanaka zvawakasangana nazvo mubasa raJehovha kuti vaone mufaro wauinawo. Vamwe vari muungano vanogona kutadza kunzwisisa kuti nei uchida basa renguva yakazara, asi vamwe vavo vanogona kuda kuziva zvakawanda nezvaro uye vanozova shamwari dzako. Asi ngwarira kuti usangoramba uchitaura nezvako chete kana kuti zvawakaita mubasa raJehovha uye usangotaura nezvezvinhu zvausina kufarira.

11. Mungaitei kuti murambe muchifara muwanano yenyu?

11 Kana zvikaitika kuti wava kufanira kusiya basa rako nemhaka yekurwara kwemurume kana mudzimai wako, usamupa mhosva. Kana uri iwe wakarwara, usazvipa mhosva uchizviona sekuti ndiwe wakakanganisira mumwe wako. Yeuka kuti muri “nyama imwe,” uye makaita mhiko pamberi paJehovha yekuti muchachengetana kunyange zvodii. (Mat. 19:5, 6) Kana kuri kuti makasiya basa ramaiita nemhaka yepamuviri pamusina kuronga, itai kuti mwana wenyu azive kuti anokosha chaizvo kwamuri kupfuura basa ramaiita. Garai muchiudza mwana wenyu kuti munomuona ‘semubayiro’ unobva kuna Mwari. (Pis. 127:3-5) Muudzeiwo zvinhu zvakanaka zvaiitika mubasa renyu. Izvi zvinogona kukurudzira mwana wenyu kuti ashumire Jehovha sezvamakaita.

VAMWE VANGABATSIRAWO SEI?

12. (a) Tingabatsira sei vaya vari mubasa renguva yakazara kuti varambe vachiita mabasa avo? (b) Kana vasiya mabasa avo, tingavabatsira sei kuti zvivaitire nyore kujairana nezvavanenge vava kuita?

12 Ungano dzakawanda uye hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoita zvese zvadzinogona kuti dzibatsire vari mumabasa enguva yakazara kuti varambe vari kwavanoshumira vari. Vanoita izvozvo nekuvakurudzira kuti varambe vachiita basa ravo, nekuvatsigira nemari kana zvimwewo zvekurarama nazvo, kana kuti nekuvabatsira kuchengeta vabereki vavo vanenge vachigara kure navo. (VaG. 6:2) Kana vaya vari mubasa renguva yakazara vakasiya mabasa avo, votamira muungano yenyu, musaona sekuti vakatadza basa kana kuti pane zvakaipa zvavakaita. * Asi vabatsirei kuti zvivaitire nyore kujairana nezvavanenge vava kuita. Vagamuchirei nemufaro uye varumbidzei nebasa ravakaita, kunyange kana vasisakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yekurwara. Zivanai navo. Dzidzai zvakawanda kwavari.

13. Tingabatsira sei vaya vanenge vasisiri kushumira kwavaimbova?

13 Vaya vanenge vasisiri kushumira kwavaimbova vanogona kunge vachida kubatsirwa kuti vawane pekugara, zvekufambisa, basa, nezvimwewo. Vangadawo kuziva zvinenge zvava kuitwa pazvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai sekubhadhara mitero kana kutora inishuwarenzi. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti tinzwisise manzwiro avo. Vanogona kunge vachinetseka neutano hwavo kana kuti hwemumwe munhu wemumhuri mavo. Pamwe pacho vanenge vachishungurudzika nekufirwa nehama yavo. * Uye vanogona kunge vachisurukirwa nemhaka yekuparadzana kwavakaita neshamwari dzekwavakabva. Vangatora nguva yakareba vachinetseka, uye kazhinji kacho vanogona kunge vachivhiringidzika nazvo.

14. Vaparidzi vemune imwe ungano vakabatsira sei imwe hanzvadzi kuti ijairane nendima itsva?

14 Kana ukaparidza navo uye ukavakurudzira nezvaunoita, unogona kuvabatsira kuti vajaire upenyu hwavo hutsva. “Mubasa rangu randaimboita, ndaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri mazuva ese,” inodaro imwe hanzvadzi yakashumira mune imwe nyika kwemakore akawanda. “Kwandainge ndava, zvainge zvakaoma kunyange kuwana mukana wekuverengera munhu Bhaibheri, kana kuratidza vhidhiyo muushumiri. Asi vaparidzi vemuungano yangu itsva vaienda neni kunoona vanhu vainge vafarira uye kuzvidzidzo zvavo. Kuona hama nehanzvadzi idzodzo dzaishingaira uye dzaiva neushingi dzichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi kwakaita kuti nditange kufarira ndima yacho. Ndakadzidza kutanga kukurukura nevanhu mundima yacho. Zvese izvi zvakaita kuti ndivezve nemufaro.”

RAMBA UCHIITA ZVESE ZVAUNOGONA!

Tsvaga nzira dzekuwedzera ushumiri mundima yeungano yenyu (Ona ndima 15-16) *

15. Ungaitei kuti ubudirire mundima yako itsva?

15 Unogona kubudirira paunenge wava mundima itsva. Usaona sekuti kuchinjwa kwawakaitwa imhaka yekuti wakatadza basa kana kuti hauchanyanyi kukosha. Funga nezvenzira dzakawanda dzauri kubatsirwa nadzo naJehovha uye ramba uchiparidza. Tevedzera vaKristu vekare vakatendeka. Pasinei nekwavaiva, “vakaenda nenyika yese vachizivisa mashoko akanaka eshoko raMwari.” (Mab. 8:1, 4) Kana ukaramba uchiparidza, unogona kuwana makomborero. Semuenzaniso, mamwe mapiyona akadzingwa nehurumende mune imwe nyika ndokuenda kune imwewo yaidiwa vaparidzi vakawanda vemutauro wavo. Mumwedzi mishomanana, vanhu vakawanda vakabatana nemapoka ainge atangwa nemapiyona aya.

16. Ungaitei kuti uwane mufaro pane zvawava kuita iye zvino?

16 “Mufaro waJehovha ndiwo simba renyu.” (Neh. 8:10, mashoko emuzasi) Mufaro wedu mukuru unofanira kubva pakuva neushamwari naJehovha kwete pabasa redu pasinei nekuti tinorida zvakadii. Saka ramba uchifamba naJehovha, uchivimba naye kuti akupe uchenjeri, akutungamirire uye akutsigire. Yeuka kuti wakasvika pakuda basa rawaiita nekuti mwoyo wako waiva pakubatsira vanhu. Isa mwoyo wako pane zvawava kuita iye zvino, uye uchaona kubatsirwa kwauchaitwa naJehovha kuti uwane mufaro.—Mup. 7:10.

17. Tinofanira kuyeukei nezvemabasa atiri kuita iye zvino?

17 Tinofanira kuyeuka kuti tichashumira Jehovha nekusingaperi, asi zvatiri kumuitira iye zvino zvinogona kunge zvisiri izvo zvatichamuitira munyika itsva. Aleksey, ambotaurwa kwatangira nyaya ino anobvuma kuti zvaari kusangana nazvo zviri kumubatsira kugadzirira zviri mberi. Anoti: “Ndagara ndichiziva kuti Jehovha ariko, uye nyika itsva ichauya, asi zvaimboita sezviri kure. Iye zvino ndava kuona Jehovha ari pamberi pangu chaipo uye kuti nyika itsva yava kutosvika.” (Mab. 2:25) Pasinei nekuti tiri kuita basa ripi, ngatirambei tichifamba naJehovha. Haazombotisiyi, asi achatibatsira kuti tifare pane zvese zvatiri kuita mubasa rake pasinei nekwatiri.—Isa. 41:13.

RWIYO 90 Kurudziranai

^ ndima 5 Dzimwe nguva hama nehanzvadzi dziri mubasa renguva yakazara dzinosiya mabasa adzo kana kuti dzinopiwa mabasa matsva. Nyaya ino inotaura nezvematambudziko avanosangana nawo uye kuti chii chingavabatsira kuti vajairane neupenyu hutsva. Inotaurawo kuti zvii zvingaitwa nevamwe kuti vavakurudzire uye vavatsigire, uye kuti Bhaibheri ringatibatsira sei tese zvedu panochinja zvinhu muupenyu.

^ ndima 4 Izvi zvinoitikawo kuhama dzakawanda dzechikuru padzinosvika rimwe zera. Dzinosiyira hama dzechidiki mabasa adzaiita. Ona nyaya inoti: “VaKristu Vakura—Jehovha Anokoshesa Kuvimbika Kwenyu,” iri muNharireyomurindi yaSeptember 2018, neinoti: “Ramba Uine Rugare Rwemupfungwa Zvinhu Pazvinochinja,” iri muNharireyomurindi yaOctober 2018.

^ ndima 12 Vakuru vemuungano yavaiva vanofanira kukurumidza kunyora tsamba yekuvasuma kuungano yavanenge vatamira, kuti zvisazotora nguva vasati vava kushumira sapiyona, mukuru, kana mushumiri weungano.

^ ndima 13 Ona Mukai! ya2018 Nhamba 3 inoti “Mazano Ekubatsira Vakafirwa.”

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vari kusiya basa reumishinari mune imwe nyika, vari kuonekana neungano yavo vaine misodzi pamatama.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Murume nemudzimai vaya vari kunyengetera kuna Jehovha vava munyika mavo, kuti avabatsire pamatambudziko avari kusangana nawo.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vachibatsirwa naJehovha, murume nemudzimai vaya vavazve mubasa renguva yakazara. Vari kushandisa mutauro wavakadzidza vari mamishinari kuti vaparidzire mashoko akanaka kuvanhu vekune imwe nyika vari mundima yeungano yavo.