Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 40

Ramba Uchishingaira “Mazuva Ekupedzisira” Zvaava Kupera

Ramba Uchishingaira “Mazuva Ekupedzisira” Zvaava Kupera

“Ivai vakasimba, vasingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvekuita mubasa raShe.”—1 VAK. 15:58.

RWIYO 58 Kutsvaga Shamwari Dzerugare

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei tiine chokwadi chekuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira”?

WAKABEREKWA gore ra1914 rapfuura here? Kana zvakadaro, wararama upenyu hwako hwese “mumazuva ekupedzisira” enyika ino. (2 Tim. 3:1) Tese zvedu takambonzwa zvimwe zvinhu zvakataurwa naJesu kuti zvaizoitika panguva yatiri kurarama. Izvi zvinosanganisira hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, matenda, kuwedzera kwekusateerera mutemo, uye kutambudzwa kwevanhu vaJehovha. (Mat. 24:3, 7-9, 12; Ruka 21:10-12) Tiri kuonawo vanhu vachiita zvakataurwa nemuapostora Pauro. (Ona bhokisi rakanzi “ Zvakaita Vanhu Parizvino.”) Sevanamati vaJehovha, tine chokwadi chizere chekuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira.”—Mika 4:1.

2. Mibvunzo ipi yatinoda kuti ipindurwe?

2 Kubva muna 1914 kusvika iye zvino pava nenguva yakareba chaizvo, saka tinofanira kunge tava pedyo chaizvo nemugumo. Sezvo mugumo wava pedyo chaizvo, tinofanira kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi inokosha: Zvii zvichaitika pakuguma ‘kwemazuva ekupedzisira’? Uye Jehovha anoda kuti tiitei patinenge tichimirira kuti zvinhu izvozvo zviitike?

CHII CHICHAITIKA PAKUGUMA ‘KWEMAZUVA EKUPEDZISIRA’?

3. Maererano neuprofita huri pana 1 VaTesaronika 5:1-3, nyika dzichazivisa kutii?

3 Verenga 1 VaTesaronika 5:1-3. Pauro akataura ‘nezvezuva raJehovha.’ Pandima iyi yeBhaibheri, zuva raJehovha rinoreva nguva inotangira pacharwiswa “Bhabhironi Guru,” kureva zvitendero zvese zvenhema, uye inoperera paAmagedhoni. (Zvak. 16:14, 16; 17:5) “Zuva” iroro risati ratanga, nyika dzichazivisa kuti “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” (Dzimwe shanduro dzinoti: “Rugare nerunyararo.”) Pamwe pacho vatungamiriri venyika vanoshandisa mashoko akada kudaro pavanenge vachitaura nezvekuita kuti nyika dziwirirane. * Asi mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” ayo anotaurwa muBhaibheri achange akasiyana neanombotaurwa nevatungamiriri venyika. Achange akasiyana pakudii? Izvozvo pazvichaitika, vakawanda vachafunga kuti vatungamiriri venyika vakwanisa kuita kuti vanhu vagare zvakanaka panyika vasina chekutya. Asi chokwadi ndechekuti ‘vachabva vangoparadzwa vasingatarisiri’ ‘pakutambudzika kukuru.’—Mat. 24:21.

Usanyengerwa nekuzivisa kuchaita vatungamiriri venyika kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” (Ona ndima 3-6) *

4. (a) Chii chatisati tava kuziva nezvekuziviswa kwemashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana”? (b) Chii chatinoziva nezvemashoko iwayo?

4 Pane zvimwe zvatinoziva nezvekuziviswa kuchaitwa mashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Asi pane zvimwe zvatisingazivi. Hatizivi kuti chii chichaita kuti vatungamiriri venyika vataure mashoko iwayo, uye kuti vachaataura sei. Uye hatiziviwo kuti vachangoazivisa kamwe chete here kana kuti kakawanda. Chatinoziva ndechekuti: Hatifaniri kunyengedzwa tofunga kuti vatungamiriri venyika vachaita kuti panyika pave nerunyararo. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti tigare tichitarisira mashoko iwayo. Ndiwo acharatidza kuti “zuva raJehovha” rava pedyo kutanga!

5. Mashoko ari pana 1 VaTesaronika 5:4-6 anotibatsira sei kuti tigadzirire kuuya ‘kwezuva raJehovha’?

5 Verenga 1 VaTesaronika 5:4-6. Pauro anotikurudzira kuti tive nechokwadi chekuti tagadzirira kuuya ‘kwezuva raJehovha.’ Hatifaniri “kuramba takarara sevamwe vese.” Tinofanira ‘kuramba takamuka.’ Panyaya iyi tinofanira kungwarira kuti tisapindire mune zvematongerwo enyika. Kana tikapindira mazviri, tinogona ‘kuva venyika.’ (Joh. 15:19) Tinoziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchaita kuti panyika pave nerunyararo.

6. Tinoda kubatsira vamwe kuti vaitei, uye nei tichifanira kudaro?

6 Taona kuti tinofanira kuramba takamuka, asi tinofanirawo kubatsira vamwe kuti vazive zvinotaurwa neBhaibheri kuti zvichaitika munyika. Ngatiyeukei kuti kana kutambudzika kukuru kwatanga, zvinenge zvisingachaiti kuti vanhu vauye kuzotanga kushumira Jehovha. Ndosaka zvichikosha chaizvo kuti tiparidze iye zvino. *

RAMBA UCHISHINGAIRA PAKUPARIDZA

Patinoparidza, tinoratidza vanhu kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchaita kuti panyika pave nerunyararo uye pasina chekutya (Ona ndima 7-9)

7. Jehovha anotarisira kuti tiitei iye zvino?

7 Panguva pfupi yasara iyi “zuva” rake risati ratanga, Jehovha anotarisira kuti tirambe tichishingaira pabasa rekuparidza. Tinofanira kuva nechokwadi chekuti ‘tine zvizhinji zvekuita mubasa raShe.’ (1 VaK. 15:58) Jesu akataura zvataizoita. Paakataura nezvezvinhu zvese zvikuru zvaizoitika mumazuva ekupedzisira, akawedzera kuti: “Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.” (Mako 13:4, 8, 10; Mat. 24:14) Chimbofunga izvi: Pese paunobuda muushumiri, unenge uchibatsira pakuzadzisa uprofita hweBhaibheri ihwohwo.

8. Tinoziva sei kuti vanhu vaJehovha vari kubudirira pabasa rekuparidza?

8 Tingatii nezvekubudirira kwevanhu vaJehovha pabasa rekuparidza? Gore negore vanhu vakawanda vari kunzwa mashoko akanaka eUmambo. Funga nezvekuwedzera kwevazivisi veUmambo pasi rese mumazuva ekupedzisira. Muna 1914, kwaiva nevaparidzi 5 155 munyika 43. Iye zvino pava nevaparidzi vanenge 8,5 miriyoni munyika 240. Kunyange zvakadaro basa redu richiripo. Tinofanira kuramba tichiparidza kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko evanhu.—Pis. 145:11-13.

9. Nei tichifanira kuramba tichiparidza mashoko eUmambo?

9 Ticharamba tichiita basa redu rekuparidza kusvikira Jehovha ati zvakwana. Kwasara nguva yakareba sei yekuti vanhu vazive Jehovha Mwari naJesu Kristu? (Joh. 17:3) Hatizivi. Asi tinoziva kuti kutambudzika kukuru kusati kwatanga, vese ‘vane chido chekuwana upenyu husingaperi’ vanogona kugamuchira mashoko akanaka voshumira Jehovha. (Mab. 13:48) Tingabatsira sei vanhu ava nguva isati yapera?

10. Jehovha ari kutibatsira sei pakudzidzisa vanhu chokwadi?

10 Achishandisa sangano rake, Jehovha ari kutipa zvese zvatinoda kuti tidzidzise vanhu chokwadi. Semuenzaniso, vhiki rega rega tinodzidziswa pamusangano wepakati pevhiki. Musangano uyu unotibatsira kuziva zvatingataura patinoona munhu kekutanga uye patinodzokerazve. Unotidzidzisawo kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Sangano raJehovha rakatipawo zvinhu zviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Zvinhu izvi zvinotibatsira . . .

  • pakutanga kutaura nevanhu,

  • pakuita kuti vanhu vafarire,

  • pakukurudzira vanhu kuti vade kudzidza zvakawanda,

  • pakudzidzisa vanhu chokwadi chiri muBhaibheri, uye

  • pakuudza vanhu nezvewebsite yedu uye pakuvakoka kudzimba dzedu dzeUmambo.

Kungova nematurusi aya hakuna kukwana. Tinofanira kuashandisa. * Semuenzaniso, paunokurukura nemunhu anofarira womupa turakiti kana magazini, anosara aine chekuverenga kusvika paunozomuona zvakare. Tese zvedu tinofanira kuramba tichishingaira mubasa rekuparidza mwedzi wega wega.

11. Zvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti zvakaitirwei?

11 Jehovha ari kubatsirawo vanhu kuti vadzidze chokwadi achishandisa Zvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti zviri pajw.org®. * Zvidzidzo izvi zvakaitirwei? Mwedzi wega wega vanhu vakawanda chaizvo vanoenda paIndaneti vachitsvaga zvidzidzo zveBhaibheri. Zvidzidzo zviri pawebsite yedu zvinogona kubatsira vanhu kuti vatange kudzidza chokwadi chiri muShoko raMwari. Vamwe vanhu vaunotaura navo vangazeza kudzidza Bhaibheri. Kana zvakadaro, varatidze chikamu ichi pawebsite yedu kana kuti vatumire link yezvidzidzo zvacho mumutauro wavanonzwisisa.

12. Munhu angadzidzei muZvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti?

12 Zvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti zvine nyaya dzinoti: “Bhaibheri Uye Munyori Waro,” “Vanonyanya Kutaurwa muBhaibheri,” uye “Mashoko Anopa Tariro Ari muBhaibheri.” Munhu paanenge achiverenga nyaya idzodzo, achadzidza kuti:

  • Bhaibheri rinomubatsira sei

  • Jehovha, Jesu, uye ngirozi ndivanaani

  • Mwari akasikirei vanhu

  • Nei vanhu vachitambura uye nei panyika paine zvinhu zvakaipa

Zvidzidzo zvacho zvinotaurawo kuti Jehovha . . .

  • achabvisa sei matambudziko evanhu uye rufu,

  • achamutsa sei vakafa, uye

  • achabvisa sei hurumende dzevanhu odzitsiva neUmambo hwaMwari.

13. Kana munhu apedza zvidzidzo zvepaIndaneti, anenge achiri kufanira kuzodzidziswa Bhaibheri neChapupu here? Tsanangura.

13 Zvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti hazvitsivi zvidzidzo zveBhaibheri zvatinoita nevanhu. Jesu akatipa ropafadzo yekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Zvidzidzo zveBhaibheri zvepaIndaneti zvakagadzirwa nenzira inoita kuti vanhu vafarire zvavanenge vachidzidza, vozopedzisira vava kuda kudzidza zvakawanda. Izvi zvinogona kuita kuti vazobvuma kuti tivadzidzise Bhaibheri. Panopera chidzidzo chimwe nechimwe munhu anokurudzirwa kuti anyore chikumbiro chekuti mumwe munhu auye kuzomudzidzisa Bhaibheri. Zuva rega rega, tiri kugamuchira zvikumbiro zvinopfuura 230 zviri kubva pasi rese zvevanhu vanoda kudzidziswa Bhaibheri! Kudzidziswa nemumwe munhu saizvozvo kunokosha!

RAMBA UCHISHANDA NESIMBA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

14. Maererano nemirayiro yaJesu iri pana Mateu 28:19, 20, tinofanira kuitei, uye nei tichifanira kudaro?

14 Verenga Mateu 28:19, 20. Patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti ‘tiite kuti vanhu vave vadzidzi, tichivadzidzisa kuchengeta zvese zvakarayirwa naJesu.’ Tinoda kubatsira vanhu kuti vanzwisise kuti nei zvichikosha kuti vasarudze kushumira Jehovha uye kutsigira Umambo hwake. Izvi zvinoreva kuti tinovabatsira kuti vashandise zvavanenge vachidzidza, vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha, vobhabhatidzwa. Izvozvo ndizvo zvichaita kuti vazopona pazuva raJehovha.—1 Pet. 3:21.

15. Hatina nguva yekuitei uye nei tichitaura kudaro?

15 Sezvambotaurwa, pasara nguva pfupi chaizvo kuti nyika ino igume. Saka hatina nguva yekuramba tichidzidza Bhaibheri nevanhu vasingaratidzi kuti vanoda kuva vadzidzi vaKristu. (1 VaK. 9:26) Basa redu rinofanira kukurumidza kuitwa. Kune vanhu vakawanda vari kufanira kunzwa mashoko eUmambo nguva isati yapera.

TAMBIRA KURE NECHITENDERO CHENHEMA

16. Maererano naZvakazarurwa 18:2, 4, 5, 8, tese tinofanira kuitei? (Onawo mashoko emuzasi.)

16 Verenga Zvakazarurwa 18:2, 4, 5, 8. Mavhesi aya anotaura nezvechimwe chinhu chinodiwa naJehovha kuti vashumiri vake vaite. VaKristu vechokwadi vese vanofanira kunyatsozviparadzanisa neBhabhironi Guru. Asati adzidza chokwadi chiri muShoko raMwari, mudzidzi weBhaibheri anogona kunge aiva nhengo yechitendero chenhema. Anogona kunge aienda kunoungana nevanhu vechitendero ichocho achitopiwawo zvekuita. Kana kuti anogona kunge aibvisawo mari yemupiro. Asati abvumirwa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, mudzidzi weBhaibheri anofanira kuva nechokwadi chekuti haasisiri nhengo yechitendero chenhema. Anofanira kunyora tsamba kuchechi yaaimbopinda kana kuti kusangano raainge akabatana naro rine chekuita nechitendero chenhema achivaudza kuti haasisiri mumwe wavo. *

17. Mabasa api asingafaniri kuitwa nemuKristu uye nei asingafaniri kuaita?

17 Mushumiri waJehovha anofanira kuva nechokwadi chekuti basa raanoshanda harinei nechekuita neBhabhironi Guru. (2 VaK. 6:14-17) Semuenzaniso hazvina kukodzera kuti ashandire chechi. Uyewo kana muKristu aine kambani yaanoshandira, hazvina kukodzera kuti aite basa rakakura pachivakwa chinoshandiswa pakunamata kwenhema. Uye kana aine bhizinesi rake, haatsvagi kana kubvuma basa rekushandira Bhabhironi Guru. Nei tichiramba kuita zvinhu zvakadaro? Nekuti hatidi kubatanidzwa pamabasa uye pazvivi zvemasangano echitendero asina kuchena pamberi paMwari.—Isa. 52:11. *

18. Imwe hama yakaratidza sei kuti inoteerera zvinotaurwa neBhaibheri pabasa rayaiita?

18 Makore akawanda apfuura, mumwe mukuru muungano uyo aiva nebhizinesi rake rekuveza akakumbirwa nemumwe munhu kuti amuitire kabasa pane imwe chechi yemuguta raaigara. Murume ainge akumbira kuitirwa basa aiziva kuti hama iyi haibvumi kuita mabasa pamachechi. Asi murume uyu ainge apererwa uye ashaya munhu anomuitira basa racho. Kunyange zvakadaro, hama iyi yakateerera zvinotaurwa neBhaibheri uye yakaramba basa racho. Vhiki rakatevera, mupepanhau remuguta mayaigara makabuda mufananidzo wemumwe muvezi achiisa muchinjikwa pachechi iya. Kudai hama yedu yakanga yabvuma kuita basa iri, zvimwe ndiyo ingadai yakabuda mupepanhau. Funga kuti hama iyi yaizoonekwa sei nevamwe vaKristu. Fungawo kuti Jehovha aizonzwa sei.

TADZIDZEI?

19-20. (a) Kusvika parizvino tadzidzei? (b) Zvii zvimwe zvatinofanira kudzidza?

19 Bhaibheri rinoratidza kuti uprofita hunokosha hwava pedyo kuzadziswa ndehwekuzivisa kuchaita vatungamiriri venyika kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Nekudzidziswa kwatinoitwa naJehovha, tava kuziva kuti vanhu havakwanisi kuita kuti panyika pave nerunyararo runogara nariini. Tinofanira kuitei uprofita hwacho husati hwazadzika uye vanhu vasati vaparadzwa pakarepo? Jehovha anoda kuti tirambe tichishingaira kuparidza mashoko eUmambo tichiedza kuita kuti vanhu vakawanda vave vadzidzi. Panguva imwe chete, tinofanira kuramba takaparadzana nezvitendero zvese zvenhema. Izvi zvinorevawo kuti hatifaniri kuva nhengo yechitendero chiri muBhabhironi Guru uye hatifaniri kuita basa rine chekuita naro.

20 Munguva ino yekupera ‘kwemazuva ekupedzisira,’ panewo zvimwe zvichaitika. Jehovha anewo zvimwe zvinhu zvaanotarisira kuti tiite. Zvii izvozvo, uye tingaitei kuti tigadzirire kuzotarisana nezvinhu zvese zvichaitika munguva pfupi iri kuuya? Izvi ndizvo zvatichaona munyaya inotevera.

RWIYO 71 Tiri Uto raJehovha!

^ ndima 5 Tiri kutarisira kuti munguva pfupi iri kuuya, vatungamiriri venyika vachazivisa kuti: “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” Izvi zvicharatidza kuti kutambudzika kukuru kwava kutotanga. Jehovha anoda kuti tinge tichiitei kubva iye zvino kusvika pachataurwa mashoko iwayo? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.

^ ndima 3 Semuenzaniso, Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese rinotaura pawebsite yaro kuti rinoita kuti “panyika parambe paine runyararo pasina chekutya.”

^ ndima 10 Kuti uone kuti maturusi ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa anoshandiswa sei, ona nyaya inoti, “Kudzidzisa Chokwadi” iri muNharireyomurindi yaOctober 2018.

^ ndima 11 Parizvino zvidzidzo zvacho zviri muChirungu nePortuguese, uye zvichange zvava mune mimwe mitauro.

^ ndima 16 Hatifaniriwo kupinda muzvirongwa zvemasangano ane paakabatana nezvitendero zvenhema uye hatidi kushandisa nzvimbo dzekutandarira dzezvitendero zvenhema. Semuenzaniso, kuti unzwe nezvekuti nei tisingafaniri kuva nhengo dzesangano rinonzi YMCA (Young Men’s Christian Association), ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yeChirungu yaJanuary 1, 1979. Hatifaniriwo kuva nhengo dzesangano rinonzi YWCA (Young Women’s Christian Association). Kunyange zvazvo mune dzimwe nyika masangano aya achiti haaiti zvechitendero, chokwadi ndechekuti zvaanoita zvine chekuita nechitendero.

^ ndima 17 Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti Bhaibheri rinotii nezvekuita basa rine chekuita nechitendero, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaApril 15, 1999.

^ ndima 83 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vanhu vari pachitoro chinotengesa kofi vari kunzwa nhau paTV dzekuziviswa kwemashoko ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Murume nemudzimai avo vambozorora muushumiri havasi kunyengerwa nezviri kubuda munhau.