Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 45

Mweya Mutsvene Unotibatsira Sei?

Mweya Mutsvene Unotibatsira Sei?

“Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”​—VAF. 4:13.

RWIYO 104 Chipo chaMwari cheMweya Mutsvene

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Chii chinotibatsira kuti tirambe tichitsungirira zuva nezuva? Tsanangura. (b) Tichakurukurei munyaya ino?

“NDIKAFUNGA nezvedambudziko randakasangana naro, ndinoona kuti ndaisakwanisa kuritsungirira ndiri ndega.” Wakambotaurawo mashoko akadaro here? Vakawanda vedu takambozvitaura. Zvimwe wakataura mashoko iwayo pawaifunga nezvekurwara kwawakamboita kana kuti kutsungirira kwawakaita pawakafirwa. Paunofunga nezvazvo, unoona kuti wakakwanisa kutsungirira zuva rega rega nekuti mweya mutsvene waJehovha wakakupa ‘simba rakawedzerwa pane rawakanga uinaro.’​—2 VaK. 4:7-9.

2 Tinodawo kubatsirwa nemweya mutsvene kuti tirambe kufurirwa nenyika ino yakaipa. (1 Joh. 5:19) Uye tinodawo simba rekuti tirwisane “nemasimba emweya yakaipa.” (VaEf. 6:12) Tichifunga nezvemiedzo iyi, tichaona kuti mweya mutsvene unotibatsira sei munzira mbiri. Tichazokurukurawo kuti tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene.

MWEYA MUTSVENE UNOTIPA SIMBA

3. Jehovha anotibatsira sei achishandisa mweya wake mutsvene?

3 Mweya mutsvene waJehovha unotipa simba rekuti tiite zvese zvatinofanira kuita pasinei nematambudziko edu. Muapostora Pauro akaona kuti aikwanisa kuramba achishumira Jehovha pasinei nematambudziko, nekuti aivimba ‘nesimba raKristu.’ (2 VaK. 12:9) Parwendo rwake rwechipiri rweumishinari, Pauro akashanda nesimba pakuparidza uyewo pakutsvaga zvekurarama nazvo. Akagara muKorinde pamba paAkwira naPrisira, avo vaiita basa rekugadzira matende. Sezvo Pauro aizivawo basa iroro, aimbopota achishanda navo. (Mab. 18:1-4) Mweya mutsvene wakapa Pauro simba rekushanda kuti akwanise kuzviriritira uyewo rekuita ushumiri.

4. Maererano na2 VaKorinde 12:7b-9, Pauro aiva nedambudziko rei?

4 Verenga 2 VaKorinde 12:7b-9. Mumavhesi aya, Pauro airevei pakati aiva ‘nemunzwa munyama’? Kana ukabayiwa nemunzwa wobva watyokera, unorwadziwa chaizvo. Saka Pauro aireva kuti aiva nedambudziko raimurwadza. Akati dambudziko iri raiva “ngirozi yaSatani” yairamba ichimurova. Satani nemadhimoni ake vanogona kunge vasiri ivo vaikonzera dambudziko raPauro, iro rainge rakaita semunzwa uri munyama. Asi ngirozi idzi dzakaipa padzakaona “munzwa” wacho, dzinogona kunge dzaida chaizvo kuwedzera kuunyudza kuti Pauro awedzere kurwadziwa. Pauro akaitei?

5. Jehovha akapindura sei minyengetero yaPauro?

5 Pakutanga, Pauro aida kuti Jehovha amubvisire “munzwa” wacho. Akati: “Ndakakumbira Ishe [Jehovha] . . . katatu kese kuti ubve.” Asi pasinei nekunyengetera kwaakaita, munzwa wacho wakaramba uripo. Izvi zvinoreva here kuti Jehovha haana kupindura minyengetero yaPauro? Aiwa. Akaipindura. Haana kubvisa dambudziko racho, asi akapa Pauro simba rekutsungirira. Jehovha akati: “Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava kwako nesimba.” (2 VaK. 12:8, 9) Achibatsirwa naMwari, Pauro akaramba achifara uye akagadzikana!​—VaF. 4:4-7.

6. (a) Jehovha angapindura sei minyengetero yedu? (b) Magwaro ari mundima iyi ane vimbiso dzipi dzinoita kuti uve nesimba?

6 Wakambokumbirawo Jehovha kuti abvise dambudziko rako here? Kana dambudziko racho risina kubva kana kuti rakatowedzera pasinei nekunyengetera nemwoyo wese, wakaona sekuti Jehovha haasi kukufarira here? Kana zvakadaro, yeuka zvakaitika kuna Pauro. Jehovha achapindura minyengetero yako sezvaakaita yaPauro! Angasabvisa dambudziko racho. Asi achakupa simba rekutsungirira dambudziko racho achishandisa mweya mutsvene. (Pis. 61:3, 4) Unogona ‘kupunzirwa pasi’ asi Jehovha haambokusiyi.​—2 VaK. 4:8, 9; VaF. 4:13.

MWEYA MUTSVENE UNOITA KUTI TIRAMBE TICHISHUMIRA JEHOVHA

7-8. (a) Mweya mutsvene ungafananidzwa sei nemhepo? (b) Petro akatsanangura sei kushanda kunoita mweya mutsvene?

7 Ndeipi imwe nzira yatinobatsirwa nayo nemweya mutsvene? Tinogona kufananidza mweya mutsvene nemhepo. Ngarava inogona kusvika kwairi kuenda ichifambiswa nemhepo, kunyange gungwa racho risina kugadzikana. Izvi ndizvo zvinoitawo mweya mutsvene. Unotibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha pasinei nematambudziko atinosangana nawo, kusvikira tapinda munyika itsva.

8 Muapostora Petro aiziva zvakawanda nezvekufamba nechikepe nekuti aiita basa rekubata hove. Saka hazvishamisi kuti akatsanangura kushanda kwemweya mutsvene achishandisa mashoko akarerekera kune zvekufamba nechikepe. Akanyora kuti: “Hapana kana pakamboziviswa uprofita huchibva mupfungwa dzevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vachitungamirirwa” rinogona kunzi “vachifambiswa” kana kuti “vachitakurwa.”​—2 Pet. 1:21.

9. Petro aida kuti vanhu vafunge nezvei paakashandisa shoko rekuti “vachitungamirirwa”?

9 Petro aida kuti vanhu vafunge nezvei paakashandisa shoko rekuti “vachitungamirirwa”? Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPetro ndiro rakashandiswawo naRuka, munyori webhuku raMabasa, paaitaura nezvengarava yaitakurwa nemhepo. (Mab. 27:15) Mumwe muongorori weBhaibheri akati Petro paakati vanyori veBhaibheri ‘vaitungamirirwa,’ akashandisa shoko rinoita kuti vanhu vafunge nezvekufambiswa kwaiitwa ngarava. Saka Petro aiti vaprofita vemuBhaibheri uye vanyori varo vaiita basa ravo vachitungamirirwa nemweya mutsvene, sezvinoita ngarava inofambiswa nemhepo kuti isvike kwairi kuenda. Muongorori wacho akati: “Vaprofita ivavo vakanga vakaita sengarava yavhurwa maseiri ayo” kuti ifambiswe nemhepo. Jehovha akavaitira zvaaifanira kuita. Akavapa mweya mutsvene uyo unofananidzwa nemhepo. Vanyori veBhaibheri vakaitawo pavo. Vakashanda vachitungamirirwa nemweya mutsvene.

DANHO REKUTANGA: Gara uchiita basa ratakapiwa naJehovha

DANHO RECHIPIRI: Ita zvese zvaunogona mubasa raJehovha

(Ona ndima 11) *

10-11. Matanho api maviri atinofanira kutora kuti titungamirirwe nemweya mutsvene? Taura muenzaniso.

10 Mazuva ano Jehovha haasisiri kupa vanhu mweya mutsvene kuti vanyore Bhaibheri. Asi uchiri kutungamirira vanhu vaMwari. Jehovha achiri kuvapa mweya mutsvene. Saka tingaitei kuti titungamirirwe nemweya mutsvene waMwari? Tinofanira kuva nechokwadi chekuti tiri kuitawo pedu. Tinozviita sei?

11 Funga muenzaniso uyu. Mufambisi wechikepe ane zvinhu zviviri zvaanofanira kuita kuti abatsirwe nemhepo. Chekutanga, anofanira kuisa chikepe chake pari kufamba nemhepo yacho. Chikepe chake hachifambi kana chikaramba chiri pachiteshi, kure nemhepo inenge ichivhuvhuta. Chechipiri, anofanira kusimudza maseiri echikepe chake, onyatsoavhura. Kunyange mhepo ichivhuvhuta, chikepe chake chinongofamba chete kana maseiri acho azara nemhepo. Isuwo tinongokwanisa kuramba tichishumira Jehovha kana tichibatsirwa nemweya mutsvene. Kuti tibatsirwe nemweya mutsvene, pane matanho maviri atinofanira kutora. Danho rekutanga nderekuenda pane mweya waMwari kuburikidza nekuita zvinhu zvichaita kuti utitungamirire. Rechipiri nderekuti tiite zvinhu izvozvo nesimba redu rese, zvoita sekuti tiri kusimudza maseiri edu. (Pis. 119:32) Patinotora matanho aya, mweya mutsvene unobva watibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha takatendeka kusvikira tapinda munyika itsva yaMwari.

12. Tava kuda kukurukurei?

12 Kusvika pari zvino takurukura nzira mbiri dzatinobatsirwa nadzo nemweya mutsvene. Unotipa simba uye unotibatsira kuti tirambe takatendeka patinenge tiri mumatambudziko. Unotitungamirira uye unotibatsira kuti tirambe tiri munzira inoenda kuupenyu husingaperi. Iye zvino ngatikurukurei zvinhu zvina zvatinofanira kuita kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene.

ZVAUNGAITA KUTI UNYATSOBATSIRWA NEMWEYA MUTSVENE

13. Maererano na2 Timoti 3:16, 17, Magwaro anotibatsira sei uye tinofanira kuitei?

13 Chekutanga, dzidza Shoko raMwari. (Verenga 2 Timoti 3:16, 17.) Mwari ‘akafemera’ pfungwa dzake muvanyori veBhaibheri achishandisa mweya wake mutsvene. Patinoverenga Bhaibheri tofungisisa zvatinenge taverenga, mirayiro yaMwari inopinda mupfungwa dzedu nemumwoyo. Inoita kuti tirarame sezvinodiwa naMwari. (VaH. 4:12) Asi kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene, tinofanira kuwana nguva yekuti tigare tichidzidza Bhaibheri, uye kufungisisa zvatinenge taverenga. Kana tikadaro, Shoko raMwari rinotitungamirira pane zvese zvatinotaura uye zvatinoita.

14. (a) Nei tingati misangano yedu yechiKristu yakafanana nenzvimbo iri kuvhuvhuta mhepo? (b) Tingaitei kuti tipinde misangano yedu takaita sechikepe chine maseiri akavhurwa?

14 Chechipiri, namata Mwari uri pamwe chete nevamwe. (Pis. 22:22) Tingafananidza misangano yedu yechiKristu nenzvimbo iri kuvhuvhuta mhepo. Mweya waJehovha unenge uripo pamisangano yedu. (Zvak. 2:29) Nei tichitaura kudaro? Nekuti patinoungana kuti tinamate nevamwe vaKristu, tinonyengeterera mweya mutsvene, tinoimba nziyo dzeUmambo dzine mashoko akabva muBhaibheri, uye tinodzidziswa Shoko raMwari nehama dzakagadzwa nemweya mutsvene. Mweya mutsvene iwoyo unobatsirawo hanzvadzi dzechiKristu padzinogadzirira uye padzinopa hurukuro dzadzo. Asi kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene, tinofanira kuuya kumisangano takagadzirira kuzopindurawo. Kana tikadaro, tinenge takagadzirira kubatsirwa nemweya mutsvene, tichiita sechikepe chine maseiri akavhurwa.

15. Tingaitei kuti mweya mutsvene utibatsire muushumiri?

15 Chechitatu, ita basa rekuparidza. Patinoshandisa Bhaibheri mubasa rekuparidza nekudzidzisa, tinenge tichibvumira mweya mutsvene kuti utibatsire muushumiri. (VaR. 15:18, 19) Asi kuti unyatsobatsirwa nemweya mutsvene, unofanira kugara uchiita basa rekuparidza uye uchishandisa Bhaibheri pese pazvinoita. Kuti ubudirire pakukurukura nevanhu muushumiri, unogona kushandisa mharidzo dziri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa.

16. Ndeipi nzira yakananga inotibatsira kuti tiwane mweya mutsvene?

16 Chechina, nyengetera kuna Jehovha. (Mat. 7:7-11; Ruka 11:13) Nzira yakananga yekuti tiwane mweya mutsvene ndeyekunyengetera kuna Jehovha tichiukumbira. Hapana chinogona kutadzisa minyengetero yedu kusvika kuna Jehovha kana kutadzisa mweya wake kusvika kwatiri, angava madziro ejeri kana Satani chaiye. (Jak. 1:17) Tinofanira kunyengetera sei kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene? Kuti tiwane mhinduro, ngatidzidzei nezvekunyengetera tichiongorora mufananidzo unongowanika muEvhangeri yaRuka chete. *

RAMBA UCHINYENGETERA

17. Tinodzidzei nezvemunyengetero pamufananidzo waJesu uri pana Ruka 11:5-9, 13?

17 Verenga Ruka 11:5-9, 13. Mufananidzo waJesu unotiratidza kuti tinofanira kunyengetera sei kuti tiwane mweya mutsvene. Murume wemumufananidzo wacho akapiwa zvaaikumbira nekuti ‘akaramba achiteterera.’ Haana kuzeza kukumbira shamwari yake kuti imubatsire kunyange zvazvo pakanga pava pakati peusiku. (Ona mwb yaJuly 2018, panotsanangurwa Ruka 11:5-9.) Jesu akashandisa sei mufananidzo uyu panyaya yekunyengetera? Akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaga, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” Saka tinodzidzei? Kuti tibatsirwe nemweya mutsvene, tinofanira kuramba tichinyengetera tichiukumbira.

18. Maererano nemufananidzo waJesu, nei tingava nechokwadi chekuti Jehovha achatipa mweya wake mutsvene?

18 Mufananidzo waJesu unotibatsirawo kuti tione kuti nei Jehovha achizotipa mweya mutsvene. Murume wemumufananidzo wacho aida kunyatsobata zvakanaka muenzi wake akauya pakati peusiku. Aida kumupa zvekudya, asi akanga asina chekumupa. Jesu akati murume iyeye akapiwa chingwa nemuvakidzani wake nekuti akaramba achikumbira. Tinodzidzei? Kana munhu ane chivi achida kubatsira muvakidzani wake uyo anoramba achimukumbira, Baba vedu vekudenga vane rudo vanotobatsira zvakanyanya vaya vanoramba vachivakumbira mweya mutsvene! Saka tinogona kunyengetera tiine chokwadi chekuti Jehovha achatipindura patinomukumbira mweya mutsvene.​—Pis. 10:17; 66:19.

19. Nei tiine chokwadi chekuti tinogona kutsungirira?

19 Tine chokwadi chekuti tinogona kutsungirira kunyange zvazvo Satani achiramba achitirwisa. Nei tichidaro? Nekuti mweya mutsvene unotibatsira munzira mbiri. Nzira yekutanga ndeyekuti unotipa simba rekutsungirira matambudziko. Yechipiri, unotibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha kusvikira tapinda munyika itsva. Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene!

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

^ ndima 5 Nyaya ino inotsanangura kuti mweya mutsvene waMwari unotibatsira sei kuti titsungirire matambudziko. Inotaurawo zvatingaita kuti tinyatsobatsirwa nemweya mutsvene.

^ ndima 16 Ruka anopfuura vamwe vanyori vese veEvhangeri pakutaura nezvekukosha kwaiita munyengetero muupenyu hwaJesu.​—Ruka 3:21; 5:16; 6:12; 9:18, 28, 29; 18:1; 22:41, 44.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: DANHO REKUTANGA: Murume nemudzimai vari Zvapupu vasvika paImba yeUmambo. Pavanoungana pamwe chete nedzimwe hama nehanzvadzi, vanenge vari pane mweya mutsvene waJehovha. DANHO RECHIPIRI: Vakagadzirira kupindura pamusangano. Matanho maviri aya anoshandawo pane zvimwe zvinhu zviri kukurukurwa munyaya ino zvinoti: kudzidza Shoko raMwari, kuita basa rekuparidza, uye kunyengetera kuna Jehovha.