Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 48

‘Pedzisa Zvawakatanga’

‘Pedzisa Zvawakatanga’

“Chipedzisai zvamakatanga.”​—2 VAK. 8:11.

RWIYO 35 ‘Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha anotibvumira kuitei?

JEHOVHA anotibvumira kuti tisarudze mararamiro atinoda. Anotidzidzisa kuita zvisarudzo zvakanaka, uye patinoita zvisarudzo zvinomufadza anotibatsira kuti tibudirire pane zvatinenge tasarudza. (Pis. 119:173) Patinoshandisa uchenjeri hwatinodzidza muShoko raMwari, tinoita zvisarudzo zvakanaka.​—VaH. 5:14.

2. Patinenge taronga kuita chimwe chinhu tinogona kuva nedambudziko ripi?

2 Kunyange patinoita chisarudzo chakanaka, zvinogona kutiomera kuti tipedzise zvatinenge tatanga. Funga nezvemienzaniso inotevera: Hama yechidiki inoronga kuverenga Bhaibheri rese. Inoriverenga kwemavhiki mashoma asi inobva yarega. Imwe hanzvadzi inoda kushumira sapiyona wenguva dzese asi inoramba ichiverengera kutanga. Dare revakuru rinoronga kuita zvakawanda pakufudza vanhu vari muungano, asi mwedzi yakawanda inopfuura risati raita zvarakaronga. Kunyange zvazvo mienzaniso iyi yakasiyana, pane payakafanana. Vanhu vacho vese havana kuita zvavakaronga. Izvi ndizvo zvakaitwawo nevaKristu vaiva muguta reKorinde. Ona kuti tingadzidzei kwavari.

3. VaKorinde vakasarudza kuitei, asi chii chakazoitika?

3 Munenge muna 55 C.E., vaKorinde vakaita chisarudzo chinokosha. Vakaziva kuti hama dzavo dzaiva muJerusarema nemuJudhiya dzaiomerwa neupenyu uye vakazivawo kuti dzimwe ungano dzaiunganidza mari yekubatsira hama idzi. VaKorinde vaiva netsitsi nerupo uye vakafunga kubatsirawo hama dzaitambura, saka vakabvunza muapostora Pauro kuti vangabatsirawo sei. Pauro akatumira mirayiridzo kuungano yacho uye akagadza Tito kuti abatsire pakuunganidzwa kwemari yemupiro. (1 VaK. 16:1; 2 VaK. 8:6) Asi papera mwedzi yakati kuti, Pauro akanzwa kuti vaKorinde vakanga vasati vapa mupiro sezvavakanga vataura. Saka kunenge kuti chipo chavo chaisazokwanisa kutumirwa kuJerusarema pamwe chete nezvipo zvedzimwe ungano.​—2 VaK. 9:4, 5.

4. Sezvinoratidzwa pana 2 VaKorinde 8:7, 10, 11, Pauro akakurudzira vaKorinde kuitei?

4 VaKorinde vakanga vaita chisarudzo chakanaka, uye Pauro akavarumbidza pamusana pekutenda kwavo kwakasimba uye chido chavo chekupa. Asi aifanirawo kuvakurudzira kuti vapedzise zvavakanga vatanga. (Verenga 2 VaKorinde 8:7, 10, 11.) Zvavakaita zvinotidzidzisa kuti kunyange vaKristu vakatendeka vanogona kuomerwa nekuita zvavakasarudza.

5. Mibvunzo ipi yatichapindura?

5 Kungofanana nevaKorinde, isu tinogonawo kuomerwa nekuita zvatinenge takasarudza. Chii chinoita kuti zvidaro? Chivi chatakaberekwa tiinacho chinogona kuita kuti tiverengere kuita zvinhu. Kana kuti zvinhu zvatisingatarisiri zvinogona kuitika, zvotitadzisa kuita zvatinenge takaronga. (Mup. 9:11; VaR. 7:18) Tingaitei kana tichida kuongorora chisarudzo chatakaita uye tichida kuona kana zvichiita kuchinja zvatinenge takasarudza? Uye tingaitei kuti tive nechokwadi kuti tinopedza zvatinotanga?

PAUNENGE USATI WAITA CHISARUDZO

6. Chii chinogona kuita kuti tichinje zvatakasarudza?

6 Pane zvimwe zvisarudzo zvinokosha zvatisingafaniri kuchinja. Semuenzaniso, takasarudza kuramba tichishumira Jehovha, uye tinoda kuramba takavimbika kune watakaroorana naye. (Mat. 16:24; 19:6) Asi zvimwe zvisarudzo zvatinoita zvingada kuchinjwa. Nei zvakadaro? Nekuti zvinhu zvinogona kuchinja muupenyu. Matanho api angatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanyatsonaka?

7. Chii chatinofanira kunyengeterera uye nechikonzero chei?

7 Nyengeterera uchenjeri. Jehovha akafemera Jakobho kuti anyore kuti: “Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari uye achahupiwa, nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese.” (Jak. 1:5) Tese zvedu tinomboshaya “uchenjeri.” Saka vimba naJehovha paunenge uchida kuita chisarudzo uye paunenge uchifanira kuchinja chisarudzo chacho. Jehovha achabva akubatsira kuita zvisarudzo nekuchenjera.

8. Tinofanira kutsvakurudza sei tisati taita chisarudzo?

8 Nyatsotsvakurudza. Ongorora Shoko raMwari, verenga mabhuku esangano raJehovha, uye taura nevanhu vaunogona kuvimba navo. (Zvir. 20:18) Zvinokosha kuti utsvakurudze saizvozvo usati wasarudza kuchinja basa, kutama, kana kusarudza dzidzo yakakodzera kuitira kuti uzokwanisa kuwana cheuviri uchishumira Jehovha.

9. Zvakanakirei kuva vakatendeseka?

9 Ongorora vavariro yako. Vavariro yedu inokosha kuna Jehovha. (Zvir. 16:2) Anoda kuti tive vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita. Saka patinoita zvisarudzo, hatidi kuzvinyepera uye kuita kuti vamwe vatadze kunyatsoona vavariro yedu. Kana tisina vavariro yakanaka, kakawanda kacho zvinotiomera kuramba tichiita zvatinenge takasarudza. Semuenzaniso hama yechidiki inogona kusarudza kuva piyona wenguva dzese. Asi pashure penguva yakati, inotanga kuomerwa nekusvitsa maawa anodiwa uye inopedzisira isisanakidzwi neushumiri. Hama iyi inogona kunge yaifunga kuti iri kupayona nekuti inoda kufadza Jehovha. Asi inogona kunge yakapayona nekuti yaida kufadza vabereki kana kuti mumwewo munhu wayaiyemura.

10. Chii chinodiwa kuti munhu achinje mararamiro ake?

10 Funga nezvemudzidzi weBhaibheri asarudza kurega kuputa fodya. Pakutanga anoita vhiki rimwe chete kana maviri asingaputi kunyange zvazvo zvakamuomera, asi anozokurirwa nechido chekuputa. Zvisinei, anozorega kuputa zvachose! Akwanisa kukurira tsika iyi nekuti anoda Jehovha uye anoda kumufadza.​—VaK. 1:10; 3:23.

11. Nei tichifanira kuva nezvinangwa chaizvo?

11 Iva nezvinangwa chaizvo. Kana ukava nezvinangwa chaizvo, kakawanda kacho unopedza zvaunotanga. Semuenzaniso unogona kusarudza kuverenga Bhaibheri kakawanda. Asi kana usina purogiramu yekuti uchariverenga sei, unogona kutadza kuita zvawakaronga. * Kana kuti vakuru vari muungano vanogona kuronga kufudza boka kakawanda, asi pashure penguva yakareba vanenge vasati vaita zvavakaronga. Kana vachida kubudirira vanofanira kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: “Ndedzipi hama nehanzvadzi dzinogona kubatsirwa zvakanyanya kana dzikashanyirwa? Takaronga nguva chaiyo yekudzishanyira here?”

12. Chii chatingafanira kuita, uye nechikonzero chei?

12 Ona zvinhu sezvazviri. Tese zvedu hatina nguva, simba, kana zvimwe zvinodiwa kuti tiite zvese zvatinoda. Saka ona zvinhu sezvazviri uye bvuma kuti une zvimwe zvausingakwanisi. Pamwe pacho ungatofanira kuchinja zvawakasarudza kana ukaona kuti haukwanisi kuzviita. (Mup. 3:6) Asi ngatitii waongorora chisarudzo chako, wobva wachigadzirisa, uye woona kuti wava kukwanisa kuita zvaunenge wasarudza. Matanho mashanu anotevera anogona kukubatsira kuti uite zvawakasarudza.

MATANHO EKUITA ZVAWAKASARUDZA

13. Ungawana sei simba rekuita zvawakasarudza?

13 Nyengeterera simba rekuzviita. Mwari anogona kukupa ‘simba rekuita’ zvawakasarudza. (VaF. 2:13) Saka kumbira mweya mutsvene waJehovha kuti uwane simba raunoda. Ramba uchinyengetera kunyange uchiona sekuti munyengetero wako hausi kupindurwa. Jesu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa [mweya mutsvene.]”​—Ruka 11:9, 13.

14. Zano riri pana Zvirevo 21:5 ringakubatsira sei pakuita zvawakasarudza?

14 Ronga maitiro auchazviita. (Verenga Zvirevo 21:5.) Kuti upedze chero chii chaunenge watanga, unofanira kunge wakaronga kuti uchazviita sei. Unofanira kubva waita maererano nezvaunenge waronga. Saizvozvowo, paunoita chisarudzo, nyora pasi matanho auchatora kuti uite zvawakasarudza. Kana uine basa rakakura raunofanira kuita, riite riri muzvikamu zvidiki kuti uone kuti uri kubudirira zvakadii. Pauro akakurudzira vaKorinde kuti “pazuva rekutanga revhiki rega rega” vaise parutivi chimwe chinhu chekupa pane kuti vamirire kuzounganidza mari paanenge asvika. (1 VaK. 16:2) Kuisa basa rakakura muzvikamu zvidiki kunogonawo kukubatsira kuti usaona sekuti basa racho rakanyanya kuoma.

15. Kunyora pasi zvaunenge waronga kunokubatsira sei?

15 Kana ukanyora pasi zvaunenge waronga, zvinokuitira nyore kuzozviita. (1 VaK. 14:40) Semuenzaniso, matare evakuru anorayirwa kuti asarudze mukuru kuti anyore pasi chisarudzo chimwe nechimwe chedare revakuru, kusanganisira kuti ndivanaani vanofanira kuita zvasarudzwa uye kuti vanotarisirwa kuzvipedza musi upi. Kana vakuru vakatevedzera izvi, zvinova nyore kuti vaite zvavakasarudza. (1 VaK. 9:26) Unogona kuedza kuita izvozvo pane zvaunoita zuva nezuva. Semuenzaniso, unogona kunyora pasi zvaunenge uchida kuita zuva rimwe nerimwe uchitanga nezvaunoda kutanga kuita. Izvi zvinogona kukubatsira kupedza zvaunenge watanga uye kuita zvakawanda munguva pfupi.

16. Chii chinodiwa kuti uite zvawakasarudza, uye VaRoma 12:11 inotsigira sei izvozvo?

16 Shanda nesimba. Zvinoda kushanda nesimba kuti uite zvawakaronga uye kuti upedze zvaunotanga. (Verenga VaRoma 12:11.) Pauro akaudza Timoti kuti ‘arambe achishingairira’ uye kuti arambe akashinga pakuva mudzidzisi akanaka. Tinogona kushandisa zano iroro pane zvimwe zvinangwa zvatingava nazvo pakunamata.—1 Tim. 4:13, 16.

17. Tingashandisa sei zvinotaurwa pana VaEfeso 5:15, 16 pakuita zvatakasarudza?

17 Shandisa nguva yako nekuchenjera. (Verenga VaEfeso 5:15, 16.) Ronga nguva yaunoda kuita zvawakasarudza uye usaichinja. Usamirira kuwana nguva yakanyatsonaka kuti utange kuita zvauri kuda kuita. Nguva yakanyatsonaka inogona kusambofa yakasvika. (Mup. 11:4) Ngwarira kuti usapedza nguva nesimba uchiita zvinhu zvisinganyanyi kukosha. (VaF. 1:10) Kana zvichiita shandisa nguva yaunenge usina zvinokuvhiringidza zvakawanda. Ita kuti vamwe vazive kuti une nguva yaunoda kumbofungisisa zvimwe zvinhu. Unogona kudzima foni uye kuronga kuzotarisa mameseji ako pane imwe nguva. *

18-19. Chii chingakubatsira kuti urambe uchiedza kuita zvawakaronga kunyange pazvinenge zvakaoma?

18 Funga zvakanaka zvauchawana. Magumo echisarudzo chako akafanana nekwaunenge uchida kusvika kana uri parwendo. Kana uchinyatsoda kusvika kwaunoda kuenda, unoramba uchifamba kunyange uchifanira kuchinja nzira kuti usvike ikoko. Saizvozvowo kana tikaisa pfungwa dzedu pane zvakanaka zvatichawana pane zvatinosarudza, hatizokurumidzi kurega zvatakaronga kana taomerwa.​—VaG. 6:9.

19 Kuita zvisarudzo zvakanaka hakusi nyore uye kuita zvawakasarudza kunogona kuoma. Asi uchibatsirwa naJehovha unogona kuwana uchenjeri uye simba rinodiwa kuti upedze zvaunotanga.

RWIYO 65 Fambira Mberi!

^ ndima 5 Unodemba zvimwe zvisarudzo zvawakaita here? Kana kuti unomboomerwa here nekusarudza zvekuita uye kuzoita zvacho zvaunenge wasarudza? Nyaya iyi ichakubatsira kukunda matambudziko iwayo uye kupedza zvaunenge watanga.

^ ndima 11Purogiramu Yokuverenga Bhaibheri” iri pajw.org® inogona kukubatsira kuti uronge kuti ungaverenga sei Bhaibheri.

^ ndima 17 Kuti uwane mamwe mazano ekushandisa nguva yako zvakanaka, ona nyaya inoti “Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda” iri muMukai! yaJuly-September 2010.