Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 47

Zvidzidzo Zvatinowana Mubhuku raRevhitiko

Zvidzidzo Zvatinowana Mubhuku raRevhitiko

“Magwaro ese akafemerwa naMwari uye anobatsira.”​—2 TIM. 3:16.

RWIYO 98 Magwaro Akafuridzirwa naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Nei vaKristu vachifanira kuva nechido chekudzidza bhuku raRevhitiko?

MUAPOSTORA PAURO akayeuchidza shamwari yake yechidiki Timoti kuti: “Magwaro ese akafemerwa naMwari uye anobatsira.” (2 Tim. 3:16) Magwaro acho anosanganisirawo bhuku raRevhitiko. Unotiwo kudii nezvebhuku iri reBhaibheri? Vamwe vangariona sebhuku rine mitemo isingabatsire panguva yatiri kurarama, asi vaKristu vechokwadi havarioni saizvozvo.

2 Bhuku raRevhitiko rakanyorwa makore anenge 3 500 akapfuura, asi Jehovha akaita kuti richengetedzwe kuti “tirayiridzwe.” (VaR. 15:4) Rinotiratidza mafungiro aJehovha pane dzimwe nyaya, saka tinofanira kuva nechido chekuridzidza. Tinowana zvidzidzo zvakawanda mubhuku iri rakafemerwa. Ngatimboonai zvina zvacho.

ZVATINOFANIRA KUITA KUTI TIFARIRWE NAJEHOVHA

3. Nei paZuva Rekuyananisira paipiwa zvibayiro?

3 Chidzidzo chekutanga: Tinofanira kufarirwa naJehovha kuti azogamuchira zvibayiro zvedu. Gore rimwe nerimwe, paZuva Rekuyananisira, vaIsraeri vaiungana pamwe chete uye paipiwa zvibayiro zvemhuka. Zvibayiro izvozvo zvaiyeuchidza vaIsraeri kuti vaifanira kucheneswa pazvivi zvavo! Asi mupristi mukuru asati apinda neropa rezvibayiro muNzvimbo Tsvenetsvene pazuva iroro, pane zvaaifanira kutanga aita, izvo zvaikosha chaizvo kupfuura kuregererwa kwevaIsraeri pazvivi zvavo.

(Ona ndima 4) *

4. Sezvinotaurwa pana Revhitiko 16:12, 13, mupristi mukuru aiitei paaipinda kekutanga muNzvimbo Tsvenetsvene paZuva Rekuyananisira? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

4 Verenga Revhitiko 16:12, 13. Chimboedza kufungidzira zvaiitika paZuva Rekuyananisira: Mupristi mukuru anopinda mutebhenekeri. Aka ndekekutanga kupinda muNzvimbo Tsvenetsvene uye achazopindazve kaviri zuva iroro. Rumwe ruoko rwake rwakabata mudziyo uzere nerusenzi inonhuwirira, uye rumwe rwacho rune mudziyo wegoridhe wakazara mazimbe emoto. Anombomira pedyo neketeni riri pakati peNzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene. Achiratidza ruremekedzo rukuru, anopinda muNzvimbo Tsvenetsvene omira pedyo neareka yesungano. Nenzira yekufananidzira, ari pamberi chaipo paJehovha Mwari! Mupristi wacho anobva anyatsodira rusenzi tsvene pamazimbe, uye muNzvimbo Tsvenetsvene munobva mazara nekunhuhwirira kwakanaka chaizvo. * Achapinda zvakare muNzvimbo Tsvenetsvene aine ropa rezvibayiro zvezvivi. Ona kuti anotanga apisa rusenzi asati apa ropa rezvibayiro zvezvivi.

5. Tinodzidzei pakushandiswa kwerusenzi paZuva Rekuyananisira?

5 Tinodzidzei pakushandiswa kwerusenzi paZuva Rekuyananisira? Bhaibheri rinoratidza kuti minyengetero yevashumiri vaJehovha vakatendeka yakaita serusenzi. (Pis. 141:2; Zvak. 5:8) Taona kuti mupristi mukuru airatidza ruremekedzo rukuru paaiuya pamberi paJehovha nerusenzi. Isuwo patinonyengetera kuna Jehovha tinozviita tichimuremekedza zvikuru. Tinoonga chaizvo kuti Musiki wezvinhu zvese anotibvumira kuti titaure naye, tova pedyo naye sezvinoita mwana kuna baba vake. (Jak. 4:8) Anoda kuti tive shamwari dzake! (Pis. 25:14) Tinokoshesa ropafadzo iyi zvekuti hatitombodi kumugumbura.

6. Tinodzidzei panyaya yekuti mupristi mukuru aitanga aipisa rusenzi asati apa zvibayiro?

6 Yeuka kuti mupristi mukuru aitanga apisa rusenzi asati apa zvibayiro. Aiita izvi kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha aizomufarira paaizopa zvibayiro. Tinodzidzei pane izvozvo? Jesu paaiva panyika aifanira kuita chimwe chinhu chaikosha asati apa upenyu hwake sechibayiro kuti vanhu vaponeswe. Chii ichocho? Aifanira kurarama upenyu hwake hwese panyika akaperera kuna Mwari uye akavimbika kwaari kuitira kuti Jehovha azogamuchira chibayiro chake. Nekuita izvozvo, Jesu aizoratidza kuti kurarama maererano nezvinodiwa naJehovha ndiko kunonyanya kukosha. Aizoreverera uchangamire hwaBaba vake, kureva kuti aizoratidza kuti matongero avo ndiwo akanaka uye akarurama.

7. Nei upenyu hwaJesu paaiva panyika hwakafadza Baba vake?

7 Jesu paaiva panyika, akararama upenyu hwake hwese achinyatsoteerera Jehovha. Aisangana nemiedzo uye matambudziko, aiziva kuti aizofa zvinorwadza, asi akaramba achiratidza kuti matongero ababa vake ndiwo akanakisisa. (VaF. 2:8) Paainge akaomerwa chaizvo, Jesu ainyengetera achiita zvekuchema achiyerera misodzi. (VaH. 5:7) Minyengetero yake yemwoyo wese yairatidza kuti akavimbika uye yakaita kuti ade kuramba achiteerera Jehovha. Minyengetero yaJesu yaiita serusenzi inonhuhwirira zvakanaka chaizvo kuna Jehovha. Zvese zvakaitwa naJesu muupenyu hwake zvakanyatsofadza Jehovha uye zvakareverera uchangamire hwake.

8. Tingatevedzera sei Jesu?

8 Tinogona kutevedzera Jesu kana tikaita zvese zvatinogona kuti titeerere Jehovha, uye tirambe takavimbika kwaari. Patinosangana nemiedzo, tinonyengetera nemwoyo wese kuti Jehovha atibatsire nekuti tinoda kumufadza. Patinodaro, tinenge tichitsigira utongi hwake. Tinoziva kuti Jehovha haazogamuchiri minyengetero yedu kana tichiita zvisingamufadzi. Asi kana tichimuteerera, tinogona kuva nechokwadi chekuti minyengetero yedu yemwoyo wese ichaita serusenzi inonhuhwirira kwaari. Uye tinogona kuva nechokwadi chekuti tichafadza Baba vedu vekudenga kana tikaramba takaperera kwavari, tichivateerera.​—Zvir. 27:11.

TINOSHUMIRA JEHOVHA NEKUTI TINOONGA ZVAANOTIITIRA UYE TINOMUDA

(Ona ndima 9) *

9. Nei vaIsraeri vaipa zvibayiro zverugare?

9 Chidzidzo chechipiri: Tinoshumira Jehovha nekuti tinoonga zvaanotiitira. Kuti tinyatsonzwisisa pfungwa iyi ngatikurukurei nezvezvibayiro zverugare, izvo zvaipiwa nevaIsraeri. * Sezvatinoona mubhuku raRevhitiko, muIsraeri aigona kupa chibayiro cherugare “achiratidza kuonga.” (Revh. 7:11-13, 16-18) Aizvisarudzira ega kupa chibayiro ichi. Saka ichi chaiva chibayiro chaipiwa nemunhu achizvidira hake nekuti aida Mwari wake Jehovha. Nyama yemhuka inenge yapiwa sechibayiro yaidyiwa nemunhu wacho anenge apa, mhuri yake, uye vapristi. Asi pane dzimwe nhengo dzemhuka yacho dzaingopiwa Jehovha chete. Ndedzipi idzodzo?

(Ona ndima 10) *

10. Zvibayiro zverugare zvinotaurwa pana Revhitiko 3:6, 12, 14-16 zvakanga zvakafanana papi nezvakaitwa naJesu pakushumira Baba vake?

10 Chidzidzo chechitatu: Tinopa Jehovha zvinhu zvedu zvakanakisisa nekuti tinomuda. Jehovha aiona mafuta emhuka seanokosha kupfuura imwe nyama yese. Akataurawo kuti dzimwe nhengo dzakadai seitsvo dzaikosha chaizvo. (Verenga Revhitiko 3:6, 12, 14-16.) Saka Jehovha aifara chaizvo kana muIsraeri akazvisarudzira ega kumupa nhengo idzodzo pamwe chete nemafuta. MuIsraeri paaipa zvinhu izvozvo, airatidza chido chake chekupa Mwari zvakanakisisa. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu. Akapa Jehovha zvakanakisisa achizvidira kuburikidza nekumushumira nemweya wese nekuti aimuda. (Joh. 14:31) Jesu aifarira kuita kuda kwaMwari; aida mutemo waMwari zvakadzama. (Pis. 40:8) Jehovha anofanira kunge aifara chaizvo paaiona Jesu achimushumira nekuzvidira!

Tinopa Jehovha zvinhu zvedu zvakanakisisa nekuti tinomuda

(Ona ndima 11-12) *

11. Basa redu rakafanana sei nezvibayiro zverugare uye nei izvozvo zvichitinyaradza?

11 Basa ratinoitira Jehovha rakafanana nezvibayiro zverugare nekuti tinenge tichiratidza kuda kwatinomuita. Tinopa Jehovha zvakanakisisa uye tinoita izvozvo nekuti tinomuda nemwoyo wese. Jehovha anofanira kunge achifara chaizvo paanoona mamiriyoni evanamati vake vachimushumira nekuti vanomuda zvakadzama uye vanoda mitemo yake. Tinogona kunyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anoona uye anokoshesa zvatinoita uyewo chinangwa chatinozviitira. Kana usisakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yekukura, iva nechokwadi chekuti Jehovha anozvinzwisisa. Unogona kunzwa sekuti hapana zvauri kuita, asi Jehovha anoona kuti unomuda zvakadzama, ndosaka uchiita zvaunogona. Anofarira zvakanakisisa zvaunomupa.

12. Jehovha ainzwa sei nezvibayiro zverugare, uye izvozvo zvinotikurudzira sei?

12 Tinodzidzei pazvibayiro zverugare? Moto pawaipisa nhengo dzakanakisisa dzemhuka, utsi hwaipfungaira huchikwira mudenga uye Jehovha aifara. Saka iva nechokwadi chekuti Jehovha anofadzwa nekumushumira kwaunoita nemweya wese, uchizvidira. (VaK. 3:23) Anokoshesa zvese zvaunoita mubasa rake, zvingava zvikuru kana zvidiki, uye achazviyeuka nekusingaperi.​—Mat. 6:20; VaH. 6:10.

JEHOVHA ANOKOMBORERA SANGANO RAKE

13. Maererano naRevhitiko 9:23, 24, Jehovha akaratidza sei kuti akafarira kugadzwa kwevapristi?

13 Chidzidzo chechina: Jehovha ari kukomborera chikamu chepanyika chesangano rake. Funga zvakaitika muna 1512 B.C.E. pakamiswa tebhenekeri mujinga meGomo reSinai. (Eks. 40:17) Mozisi akatungamirira pakugadza Aroni nevanakomana vake kuti vave vapristi. VaIsraeri vakaungana kuti vaone vapristi vachipa zvibayiro zvavo zvekutanga zvemhuka. (Revh. 9:1-5) Jehovha akaratidza sei kuti akafarira kugadzwa kwevapristi? Aroni naMozisi pavaikomborera vanhu, Jehovha akaita kuti moto ubve kudenga ndokupisa zvese zvainge zvasara paatari.​—Verenga Revhitiko 9:23, 24.

14. Nei kufarira kwakaita Jehovha kugadzwa kwevapristi vedzinza raAroni kuchikosha kwatiri?

14 Moto wakaoneka uchibva kudenga pakagadzwa vapristi wakaratidzei? Wakaratidza kuti Jehovha ainyatsotsigira kugadzwa kwevapristi vedzinza raAroni. VaIsraeri pavakaona kuti Jehovha aitsigira vapristi ivavo, vakabva vanzwisisa kuti vaifanira kunyatsovatsigirawo. Kuziva izvi kunokosha kwatiri nekuti upristi ihwohwo hwaifananidzira upristi huri nani uye hunokosha kuhupfuura. Jesu Kristu ndiye Mupristi Mukuru kupfuura vamwe vese, uye pane vapristi 144 000 vachashanda semadzimambo pamwe chete naye kudenga.​—VaH. 4:14; 8:3-5; 10:1.

Jehovha ari kukomborera sangano rake uye ari kuritungamirira. Tinoritsigira nemwoyo wese (Ona ndima 15-17) *

15-16. Jehovha ari kuratidza sei kuti anotsigira “muranda akatendeka, akangwara”?

15 Muna 1919, Jesu akagadza boka diki rehama dzakazodzwa kuti rive “muranda akatendeka, akangwara.” Muranda iyeye ndiye anotungamirira pabasa rekuparidza uye anopa vateveri vaKristu ‘zvekudya panguva yakakodzera.’ (Mat. 24:45) Tiri kuona here uchapupu huri pachena hunoratidza kuti Mwari ari kutsigira muranda akatendeka, akangwara?

16 Satani nenyika yake vari kuedza kumisa basa remuranda akatendeka. Kudai muranda uyu asiri kubatsirwa naJehovha aizotadza kuita basa iri. Pasinei nehondo mbiri dzakarwiwa pasi rese, kutambudzwa, kuoma kwezvinhu munyika yese, uye kubatwa zvisina kunaka kwevanhu vaMwari, muranda akatendeka akangwara ari kuramba achipa vateveri vaKristu vari panyika zvekudya zvekunamata. Funga nezvekuwanda kwezvekudya zvekunamata zvavapo iye zvino zvatinowana tisingatengi, mumitauro inopfuura 900. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Mwari ari kutsigira muranda akatendeka. Humwe uchapupu hunoratidza kuti Jehovha ari kukomborera muranda akatendeka ibasa rekuparidza. Mashoko akanaka ari kuparidzwa “munyika yese.” (Mat. 24:14) Zviri pachena kuti Jehovha ari kutungamirira sangano rake uye ari kurikomborera.

17. Tingaratidza sei kuti tiri kutsigira sangano riri kushandiswa naJehovha?

17 Zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoonga here kuti ndiri muchikamu chepanyika chesangano raJehovha?’ Jehovha ari kutipa uchapupu huri pachena sezvaakaita mumazuva aMozisi naAroni paakaita kuti moto waibva kudenga upise chibayiro. Tine zvakawanda zvatinoitirwa naJehovha zvinoita kuti timutende. (1 VaT. 5:18, 19) Tingaratidza sei kuti tiri kutsigira sangano riri kushandiswa naJehovha? Tinozviita patinoshandisa mazano ari muBhaibheri atinowana mumabhuku edu, pamisangano, uye pamagungano edunhu neemunharaunda. Uyewo tinoratidza kuti tiri kunyatsotsigira sangano racho nekuita zvese zvatinogona mubasa rekuparidza nekudzidzisa.​—1 VaK. 15:58.

18. Chii chauchada kuramba uchiita?

18 Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tishandise mazano atadzidza mubhuku raRevhitiko. Ngatifadzei Jehovha kuitira kuti agamuchire zvibayiro zvedu. Ngatishumirei Jehovha nekuti tinoonga zvaanotiitira. Ngatirambei tichipa Jehovha zvakanakisisa nekuti tinomuda nemwoyo wese. Uye ngatiitei zvese zvatinogona kuti titsigire sangano raari kushandisa mazuva ano. Kana tikaita izvi, ticharatidza Jehovha kuti tinokoshesa ropafadzo yatiinayo yekumushumira seZvapupu zvake!

RWIYO 96 Bhuku raMwari​—Ipfuma Chaiyo

^ ndima 5 Bhuku raRevhitiko rine mitemo yakapiwa vaIsraeri naJehovha. Isu vaKristu hatisi pasi pemitemo iyoyo, asi tinogona kubatsirwa nayo. Munyaya ino tichakurukura zvidzidzo zvinokosha zvatinowana mubhuku raRevhitiko.

^ ndima 4 Rusenzi yaishandiswa patebhenekeri yaiva tsvene, uye vaIsraeri vaingoishandisa pakunamata Jehovha chete. (Eks. 30:34-38) Hapana chinoratidza kuti vaKristu vekare vaipisa rusenzi pakunamata.

^ ndima 9 Ona mamwe mashoko anotaura nezvezvibayiro zverugare muInsight on the Scriptures, Volume 2, peji 526, uye Nharireyomurindi yaJanuary 15, 2012, peji 19, ndima 11.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: PaZuva Rekuyananisira, mupristi mukuru wechiIsraeri aipinda muNzvimbo Tsvenetsvene aine rusenzi nemazimbe emoto uye maibva mazara nekunhuhwirira kwakanaka chaizvo. Aizopindazve muNzvimbo Tsvenetsvene, aine ropa rezvibayiro zvezvivi.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: MuIsraeri ari kupa mupristi gwai sechibayiro cherugare, achiratidza kuti iye nemhuri yake vanoonga Jehovha.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu paaiita ushumiri hwake panyika akaratidza kuti aida Jehovha zvakadzama nekuchengeta mirayiro yaMwari uye kubatsira vateveri vake kuti vaichengetewo.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yakura inopa Jehovha zvakanakisisa zvainokwanisa nekuparidza ichinyora tsamba pasinei nekuti haichakwanisi kuita zvakawanda.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Muna February 2019, Hama Gerrit Lösch vemuDare Rinotungamirira vachibudisa Shanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa muchiGerman. Zvapupu zvekuGermany zviri kunakidzwa nekushandisa Bhaibheri racho muushumiri sezviri kuitwa nehanzvadzi mbiri idzi.