Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaga Chokwadi

Kutsvaga Chokwadi

Kuziva chokwadi kunogona kuponesa upenyu. Chimbofunga zvakanakira kuziva chokwadi nezvemubvunzo wekuti: Zvirwere zvinotapuriranwa sei?

Kwezviuru zvemakore, hapana anga achiziva mhinduro yemubvunzo uyu, uye zvirwere izvi zvakauraya mamiriyoni evanhu. Pava paya, nyanzvi dzesainzi dzakazoziva kuti zvinokonzerwa nei. Vakaona kuti zvirwere zvinowanzokonzerwa neutachiona. Kuziva chokwadi panyaya iyi kwakabatsira kuti vazive nzira dzekurapa nadzo zvirwere zvacho uye kuti vanhu vakawanda vasaramba vachifa.

Ko mimwe mibvunzo inokosha? Unofunga kuti kuziva mhinduro dzemibvunzo inotevera kungakubatsira sei muupenyu?

  • Mwari ndiani?

  • Jesu Kristu ndiani?

  • Chii chinonzi Umambo hwaMwari?

  • Ramangwana rakamira sei?

Mamiriyoni evanhu akawana mhinduro dzemibvunzo iyi uye zvakaita kuti vave neupenyu hune chinangwa. Newewo kana ukaziva mhinduro dzemibvunzo iyi uchararama upenyu hune chinangwa.

UNOGONA KUZIVA CHOKWADI HERE?

Unogona kufunga kuti, ‘Zvingaita here kuti munhu azive chokwadi pamusoro pezvinhu zvese?’ Ikowo kutsvaga chokwadi pamusoro pezvinhu zvakawanda hakusi nyore. Nemhaka yei?

Vanhu vakawanda havachavimbi nezvinotaurwa nedzihurumende, vemabhizinesi, kana kuti vanobudisa nhau. Vanoona zvakaoma kuziva kuti munhu ari kutaura chokwadi here kana kuti ari kungotaurawo zvaari kufunga kana kuti ari kutonyepa. Vanhu havachabvumirani kuti chokwadi ndechipi nemhaka yekuti havachavimbani.

Pasinei nekuoma kwazvingaita, unokwanisa kuwana chokwadi nezvemibvunzo inokosha muupenyu. Sei? Nekuita zvawagara uchiita kana paine chinhu chaunoda kuziva.

KUTSVAGA CHOKWADI

Zuva rega rega une zvaunoita kuti uzive chokwadi. Inzwa zvinoitwa naJessica. “Mwanasikana wangu anogona kurwara zvekuti anogona kufa kana akangodya chikafu chakagadzirwa nenzungu, kunyange tunzungu tushoma.” Jessica paanotenga chikafu anotanga aona kuti hachizorwarisi mwana wake here. “Ndinotanga ndaverenga zvakanyorwa pachikafu chacho kuti ndizive kuti chakagadzirwa nei. Ndinogona kutosvika pakubvunza vakachigadzira kuti ndizive kuti hapana here chinogona kunge chakaitika kuti muchikafu ichi mupinde zvinhu zvinobva munzungu. Ndinobvunzawo vamwe vanhu vandinovimba navo kuti ndinzwe kuti vanogadzira chikafu ichi vanonyatsotevedzera mitemo yeutsanana here.”

Zvaunoita zuva rimwe nerimwe kuti utsvage chokwadi zvingasasvika hazvo pane zvinoitwa naJessica. Asi unogona kuitawo zvinhu zvinotevera kuti uzive chokwadi:

  • Inzwa zviri kutaurwa.

  • Tsvakurudza nezvenyaya yacho.

  • Shandisa zvinhu zvakavimbika pakutsvakurudza.

Kuita izvi kunogona kukubatsirawo pakuwana mhinduro dzemibvunzo inokosha muupenyu. Sei?

BHUKU RINOTAURA CHOKWADI

Jessica paaitsvaga chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri, akangoita zvaanoita paanotengera mwana wake chikafu. Anoti, “Kuverenga uye kutsvakurudza kwakandibatsira kuti ndizive chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri.” Mamiriyoni evanhu ari kuitawo zvinoitwa naJessica uye zviri kuvabatsira kuziva mhinduro dzemibvunzo yakadai seyekuti:

  • Tinoraramirei?

  • Chii chinoitika kana tafa?

  • Nei vanhu vachitambura?

  • Zvii zviri kuitwa naMwari kuti abvise matambudziko edu?

  • Tingaitei kuti tifare mumhuri?

Uchawana mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo iyi nemimwewo kana ukaverenga Bhaibheri uye ukatsvakurudza pawebsite yedu inonzi www. jw.org.