Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsigira Umambo hwaMwari Iye Zvino!

Tsigira Umambo hwaMwari Iye Zvino!

Ngatitii kwaunogara kuri kuuya mafashamo. Hurumende iri kuzivisa vanhu vese kuti vakurumidze kutiza. Waizoita sei? Zviri pachena kuti waizoenda kunzvimbo yakachengeteka.

Tese takatarisana nenguva yakaoma iri kuuya, inotopfuura mafashamo. Jesu akaiti “kutambudzika kukuru.” (Mateu 24:21) Dambudziko racho harinzvengeki. Asi pane zvatinogona kuita kuti tipone. Tingaitei?

MuMharidzo Yepagomo, Jesu Kristu akataura zvatinogona kuita. Akati: “Rambai muchitanga kutsvaga Umambo [hwaMwari] nekururama kwake.” (Mateu 6:33) Tinozviita sei?

Tanga kutsvaga Umambo hwaMwari. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kukoshesa Umambo hwaMwari kupfuura zvimwe zvinhu zvese. (Mateu 6:25, 32, 33) Nemhaka yei? Nekuti vanhu vatadza kupedza matambudziko. Umambo hwaMwari ndihwo chete hunogona kuzviita.

Tsvaga kururama kwake. Tinofanira kuedza nepatinogona napo kuteerera mitemo yaMwari muupenyu hwedu. Nemhaka yei? Nekuti kana tikasamuteerera tozvisarudzira zvatinoda, mangwana tinochema. (Zvirevo 16:25) Asi kana tikamuteerera, tichamufadza uye zvinhu zvichatifambira zvakanaka.​—Isaya 48:17, 18.

Ramba uchitanga kutsvaga Umambo hwaMwari nekururama kwake. Jesu akataura kuti vamwe vaizozvinyengera vachifunga kuti kuita mari yakawanda kuchavadzivirira. Vamwe vanogona kupedza nguva yakawanda vachitsvaga zvekurarama nazvo vachisara vasina nguva yekutsvaga Umambo hwaMwari.​—Mateu 6:19-21, 25-32.

Asi Jesu akavimbisa kuti vaya vanotsigira Umambo hwaMwari vachawana zvavanoda pakurarama iye zvino uye makomborero akawanda mune ramangwana.​—Mateu 6:33.

Kunyange zvazvo vadzidzi vaJesu vaiisa Umambo hwaMwari pekutanga uye vaitsvaga kururama kwaMwari, vakasvika pakufa matambudziko achingovapo panyika. Asi Mwari aivachengetedza. Sei?

Kuteerera mitemo yaMwari kwakavachengetedza pamatambudziko aikonzerwa nekusateerera. Kutenda kwakasimba muUmambo, kwakavabatsira kuti vatsungirire matambudziko akakura avaisangana nawo. Uye Mwari akavapa simba rakawedzerwa kuti vatsungirire.​—2 VaKorinde 4:7-9.

UCHATANGA KUTSVAGA UMAMBO HERE?

VaKristu vekutanga vakanyatsoteerera zvakataurwa naJesu panyaya yekutanga kutsvaga Umambo. Vakaparidza mashoko akanaka eUmambo kwese kwese. (VaKorose 1:23) Pane vari kuita basa iri mazuva ano here?

Ehe varipo! Zvapupu zvaJehovha zviri kuona kuti kwasara nguva pfupi kuti Umambo hwaMwari huchiparadza nyika ino. Saka vari kushanda nesimba pakuita zvakataurwa naJesu paakati: “Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”​—Mateu 24:14.

Uchaita sei pauchaparidzirwa mashoko akanaka? Tinokukurudzira kuti utevedzere zvakaitwa nevamwe vaKristu vekare vaigara muguta rainzi Bheriya kuMakedhoniya. Muapostora Pauro paakaparidza mashoko akanaka eUmambo kwavari, vakaagamuchira “nechido.” ‘Vakanyatsoongorora Magwaro’ kuti vaone kana mashoko acho aiva echokwadi uye vakaita zvavakanga vadzidza.​—Mabasa 17:11, 12.

Unogona kutevedzera zvavakaita. Kana ukatanga kutsvaga Umambo hwaMwari nekururama kwake, uchadzivirirwa iye zvino uye mune remangwana uchararama munyika ine runyararo pasisina chekutya.