Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 20-21

“Anoda Kuva Mukuru Pakati Penyu Anofanira Kuva Mushumiri Wenyu”

“Anoda Kuva Mukuru Pakati Penyu Anofanira Kuva Mushumiri Wenyu”

20:28

Vanyori nevaFarisi vaiita zvinhu zvekuda kuonekwa uye vaida zvekukwaziswa pamusika

Vanyori nevaFarisi vaida zvinzvimbo uye kuonekwa. (Mt 23:5-7) Jesu akanga akasiyana navo. ‘Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira.’ (Mt 20:28) Tinongoshanda nesimba pazvinhu zvinoita kuti tionekwe uye tirumbidzwe here? Tinofanira kutevedzera Jesu toshumira vamwe. Izvi zvinosanganisira kuita mabasa asingaonekwi nevamwe asi anoonekwa naJehovha chete. (Mt 6:1-4) Munhu anozvininipisa . . .

  • anoitawo basa rekuchenesa nekugadziridza Imba yeUmambo

  • anotsvaga nzira dzekubatsira vakwegura nevamwewo

  • anopa mari yekutsigira basa reUmambo