Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvatingaita Kuti Tide Mwari Nemuvakidzani

Zvatingaita Kuti Tide Mwari Nemuvakidzani

Kunyange zvazvo vaKristu vasisiri pasi peMutemo waMosesi, mirayiro mikuru miviri yaivamo yekuti tide Mwari uye muvakidzani inoratidza zvatinotarisirwa naJehovha kuti tiite. (Mt 22:37-39) Hatingoerekani tava kuda Mwari uye muvakidzani. Tinotofanira kushanda nesimba. Tingazviita sei? Tinofanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Patinoverenga nezveunhu hwaMwari tichidzamisa pfungwa, tichaona “kunaka kwaJehovha.” (Pis 90:17) Nekufamba kwenguva tichange tava kumuda zvakadzama uye mafungiro edu anenge ava kufanana neake. Izvi zvinoita kuti tide kuteerera mitemo yaMwari, kusanganisira wekuti tide vamwe nemwoyo wese. (Joh 13:34, 35; 1Jo 5:3) Mazano matatu anotevera anogona kukubatsira kuti uwedzere kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri:

  • Shandisa chipo chekufungidzira. Zvione sekuti uripo pari kuitika nyaya yacho. Zvii zvauri kuona uye zvauri kunzwa? Ko vanhu vacho vari kunzwawo sei nezviri kuitika?

  • Chinja maverengero aunoriita. Unogona kuita zvinotevera: Verenga zvinonzwika kana kuti teerera Bhaibheri rakarekodhwa uchifambirana nezviri kuverengwa. Panzvimbo pekuverenga zvitsauko zvichitevedzana, verenga nezvemumwe munhu kana kuti imwe nyaya. Semuenzaniso, kana uchida kuverenga nezvaJesu, shandisa Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari, chikamu 4 ne16. Paunoverenga rugwaro rwezuva, verenga chitsauko chacho chese. Verenga mabhuku eBhaibheri achitevedzana zvichienderana nenguva yaakanyorwa.

  • Verenga nechinangwa chekuti unzwisise. Zviri nani kuverenga kunyange chitsauko chimwe chete pazuva wowana nguva yekufungisisa panzvimbo pekuverenga zvitsauko zvakawanda pasina chauri kubata. Ongorora kuti zvinhu zvakanga zvakamira sei pakanyorwa nyaya yacho uye tsvaga mamwe mashoko anogona kukubatsira kunzwisisa. Shandisa mamepu uye zviratidzo zvinokuendesa kune mamwe magwaro. Tsvakurudza zvaunenge usina kunzwisisa. Kana zvichiita, nguva yaunodzamisa pfungwa pane zvawaverenga ngaienzane neyaunopedza uchiverenga.