Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vafudzi Vanoshanda Nesimba Kuti Vabatsire Vanhu vaJehovha

Vafudzi Vanoshanda Nesimba Kuti Vabatsire Vanhu vaJehovha

Vanhu vakawanda havawanzofariri vanhu vane masimba. Izvozvo zvinonzwisisika nekuti vanhu vakawanda vane masimba havashandisi simba ravo zvakanaka. (Mik 7:3) Tinotenda chaizvo kuti vakuru vari muungano vakadzidziswa kushandisa simba ravo kuti vabatsire vanhu vaJehovha.—Es 10:3; Mt 20:25, 26.

Kusiyana nevanhu vane masimba vari munyika, vakuru vanoita basa ravo reutariri nekuti vanoda Jehovha nevanhu vake. (Joh 21:16; 1Pe 5:1-3) Vachitungamirirwa naJesu, vafudzi ava vanoita kuti muparidzi mumwe nemumwe anzwe kuti anokosha musangano uye vanomubatsira kuti arambe ari pedyo naJehovha. Vanokurumidza kukurudzira makwai aJehovha uye kuabatsira kana pakaitika njodzi kana kuti akarwara. Kana uri kuda kubatsirwa, sununguka kutaura nemumwe mukuru wemuungano menyu.—Jak 5:14.

ONA VHIDHIYO INONZI VAFUDZI VANE HANYA NEMAKWAI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hanzvadzi Mariana vakabatsirwa sei nevakuru?

  • Hama Elias vakabatsirwa sei nevakuru?

  • Pawapedza kuona vhidhiyo iyi, wanzwa sei nezvebasa rinoitwa nevakuru?