Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Batsira Vanhu Vasingaiti Zvechitendero Kuti Vasvike Pakuziva Musiki Wavo

Batsira Vanhu Vasingaiti Zvechitendero Kuti Vasvike Pakuziva Musiki Wavo

Unombozeza here kuparidzira vanhu vasingaiti zvechitendero uchifunga kuti havambokuteereri? Kana uchimbofunga saizvozvo, yeuka kuti vanhu vakawanda vakanga vasingaiti zvechitendero, kusanganisira vaya vasingatendi kuti kuna Mwari, vakava Zvapupu zvaJehovha. Kakawanda kacho, chavaingoda kubatsirwa kuti vaongorore uchapupu hunoratidza kuti Mwari ariko.—VaR 1:20; 10:14.

ONA VHIDHIYO INONZI VANHU VASINA KUTENDA, VANOGONA KUPEDZISIRA VAVAWO NEKUTENDA!—VANHU VASINGAITI ZVECHITENDERO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

Zvakaitika kuna Hama Tommaso zvinogona kukubatsira sei panyaya yekuparidzira vanhu vasingaiti zvechitendero?