Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

Unogona ‘Kunyaradza Vamwe Zvikuru’

Unogona ‘Kunyaradza Vamwe Zvikuru’

Ndivo . . . vari kushanda neni pakutsigira Umambo hwaMwari, uye vari kundinyaradza zvikuru.”—VAK. 4:11.

RWIYO 90 Kurudziranai

ZVICHADZIDZWA *

1. Vashumiri vaJehovha vakawanda vari kusangana nematambudziko akaita sei?

PASI rese, vashumiri vaJehovha vakawanda vari kusangana nematambudziko anoshungurudza kana kuti anorwadza. Muungano menyu mune vamwe vakadaro here? Vamwe vaKristu vari kurwara zvakaipisisa kana kuti vari kushungurudzika nemhaka yekufirwa. Vamwe vari kurwadziwa chaizvo nekuti shamwari yavo kana kuti mumwe munhu wemumhuri mavo akarega kushumira Jehovha. Kunewo vamwe vari kutsungirira matambudziko akakonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzega. Hama nehanzvadzi dzese idzodzo dzinoda kunyaradzwa. Tingadzibatsira sei?

2. Nei muapostora Pauro aimbodawo kunyaradzwa?

2 Muapostora Pauro akapotswa nerufu kakawanda. (2 VaK. 11:23-28) Akatsungirirawo “munzwa munyama,” uyo unofanira kunge waiva dambudziko reutano. (2 VaK. 12:7) Uye akarwadziwa paakasiyiwa naDhemasi, uyo waakamboshanda naye. Dhemasi akamusiya nekuti “akada nyika.” (2 Tim. 4:10) Pauro aiva muKristu akazodzwa aiva neushingi uye aibatsira vamwe, asi dzimwe nguva aimboorawo mwoyo.—VaR. 9:1, 2.

3. Ndivanaani vakanyaradza Pauro uye vakamusimbisa?

3 Pauro akanyaradzwa uye akasimbiswa pamatambudziko ake. Zvakaitika sei? Zviri pachena kuti Jehovha akamusimbisa achishandisa mweya wake mutsvene. (2 VaK. 4:7; VaF. 4:13) Akamunyaradzawo achishandisa vamwe vaKristu. Pauro akataura nezvevamwe vaaishanda navo achiti ‘vaimunyaradza zvikuru.’ (VaK. 4:11) Vamwe vacho vaakataura nemazita ndiAristako, Tikiko naMako. Vakasimbisa Pauro vachimubatsira kuti atsungirire. Chii chakabatsira vaKristu vatatu ava kuti vakwanise kumunyaradza? Tingavatevedzera sei patinenge tichinyaradza vamwe uye tichivakurudzira?

IVA AKAVIMBIKA SAARISTAKO

Tinogona kuva shamwari dzakavimbika kana tikatsigira hama nehanzvadzi dzedu “panguva yekutambudzika” sezvakaita Aristako (Ona ndima 4-5) *

4. Aristako akaratidza sei kuti aiva shamwari yakavimbika kuna Pauro?

4 Aristako, muKristu wekuTesaronika iyo yaiva muMakedhoniya, akaratidza kuti aiva shamwari yaPauro yakavimbika. Tinotanga kunzwa nezvake Pauro paakashanyira vaEfeso parwendo rwake rwechitatu rweumishinari. Pavaiva muEfeso, Aristako akabatwa nemhomho yevanhu. (Mab. 19:29) Pavakazomusiya, haana kubva atiza, asi akaramba aina Pauro. Pashure pemwedzi yakati kuti ari muGirisi, Aristako akanga achiri naPauro pasinei nekuti Pauro wacho aida kuurayiwa nevavengi vake. (Mab. 20:2-4) Munenge muna 58 C.E., Pauro paakaendeswa kuRoma ari musungwa akaperekedzwawo naAristako. Parwendo irworwo rwainge rwakareba, ngarava yavainge vakwira yakaita tsaona. (Mab. 27:1, 2, 41) Zvinoita sekuti pavakanga vava muRoma, Aristako akambogara mujeri pamwe chete naPauro. (VaK. 4:10) Pauro akakurudzirwa chaizvo uye akanyaradzwa neshamwari iyoyo yakavimbika!

5. Maererano naZvirevo 17:17, tingava sei shamwari yechokwadi?

5 Tinogona kuva shamwari yechokwadi saAristako kana tikaramba tichitsigira hama nehanzvadzi dzedu zvinhu pazvinenge zvakanaka uyewo “panguva yekutambudzika.” (Verenga Zvirevo 17:17.) Kunyange kana dambudziko rehama yedu rapfuura, inogona kunge ichiri kuda kunyaradzwa. Vabereki vaFrances * vakafa nekenza munguva isingapfuuri mwedzi mitatu. Frances anoti: “Ndinoona sekuti matambudziko akakura anotirwadza kwenguva yakareba. Ndinoonga chaizvo shamwari dzakavimbika dzinoziva kuti ndichiri kurwadziwa pasinei nekuti pava nenguva refu vabereki vangu vafa.”

6. Kuvimbika kuchaita kuti tiitei?

6 Shamwari dzakavimbika dzinoshandisa nguva yadzo nesimba kuti dzibatsire dzimwe hama nehanzvadzi. Imwe hama inonzi Peter yairwara. Mudzimai wake, Kathryn, akati: “Mumwe murume nemudzimai vemuungano medu vakaenda nesu kwachiremba patakanoudzwa nezvechirwere chaPeter.” Akabatwa chirwere chaigona kumuuraya munguva pfupi. Kathryn anowedzera kuti, “Vaviri ava vakabva vatosarudza tiri ikoko kuti vaizoramba vainesu panguva iyi yakaoma uye vari kuramba vachitibatsira pese patinenge tichida rubatsiro.” Zvinonyaradza chaizvo kuva neshamwari dzechokwadi dzinotibatsira kuti titsungirire miedzo yatiri kusangana nayo!

IVA SHAMWARI YECHOKWADI SATIKIKO

SaTikiko, tinogona kuva shamwari yechokwadi kana vamwe vari mumatambudziko (Ona ndima 7-9) *

7-8. Maererano naVaKorose 4:7-9, Tikiko akaratidza sei kuti aiva shamwari yechokwadi?

7 Mumwe muKristu anonzi Tikiko uyo aibva kunharaunda yeEzhiya yaiva pasi peRoma akaratidza kuti aiva shamwari yechokwadi yaPauro. (Mab. 20:4) Munenge muna 55 C.E., Pauro akaronga kuti mari yaibviswa kuti ibatsire vaKristu vekuJudhiya iunganidzwe uye anogona kunge akaita kuti Tikiko abatsirewo pabasa iri raikosha. (2 VaK. 8:18-20) Pauro paakaiswa mujeri kekutanga muRoma, aituma Tikiko kuti amubatsire pane zvimwe zvinhu. Tikiko aiendesa tsamba dzaPauro uye mashoko anokurudzira kuungano dzaiva muEzhiya.—VaK. 4:7-9.

8 Tikiko akaramba ari shamwari yechokwadi yaPauro. (Tito 3:12) Panguva iyoyo, havasi vaKristu vese vaigona kuvimbwa navo sezvainge zvakaita Tikiko. Munenge muna 65 C.E., Pauro paainge aiswa mujeri kechipiri, akanyora kuti vaKristu vakawanda vemunharaunda yeEzhiya vaisada kuwadzana naye zvimwe nekuti vaitya vanhu vaivapikisa. (2 Tim. 1:15) Asi Pauro aivimba naTikiko uye akatomupa rimwe basa. (2 Tim. 4:12) Zviri pachena kuti Pauro akafara chaizvo kuti aiva neshamwari yakanaka kudaro.

9. Tingatevedzera sei Tikiko?

9 Tinogona kutevedzera Tikiko kana tikava shamwari dzechokwadi kune vamwe. Hatingopereri pakuvimbisa hama nehanzvadzi dzedu kuti tichadzibatsira, asi tichaita zvacho zvatinenge tavimbisa. (Mat. 5:37; Ruka 16:10) Kana vaya vanoda rubatsiro vakaziva kuti tichavabatsira, vanonyaradzwa chaizvo. Imwe hanzvadzi yakati, “Hauzorambi uchinetseka nekuti unenge uchiziva kuti munhu akavimbisa kukubatsira achakubatsira panguva chaiyo yaunenge uchida rubatsiro.”

10. Sezvakanyorwa pana Zvirevo 18:24, vaya vane matambudziko kana kuti vakaora mwoyo vanganyaradzwa naani?

10 Vaya vanenge vaine dambudziko kana kuti vakaora mwoyo vanowanzonyaradzwa kana vakataura neshamwari yavanovimba nayo. (Verenga Zvirevo 18:24.) Bijay akaora mwoyo pakadzingwa mwanakomana wake uye akati, “Ndaida munhu wandaigona kuvimba naye kuti ndimuudze manzwiro andaiita.” Carlos akarasikirwa neropafadzo yaaiva nayo muungano nekuti ane zvaainge akanganisa. Anoti, “Ndaida munhu wandaivimba naye wandaikwanisa kuudza zviri pasi pemwoyo wangu ndisingatyiri kuti achandiwanira mhosva.” Carlos akataura nevakuru, avo vakamubatsira kuti akunde dambudziko rake. Akanyaradzwawo nekuziva kuti vakuru vaisazoudza vamwe vanhu zvaaivaudza.

11. Tingaitei kuti vamwe vanhu vakwanise kuvimba nesu?

11 Kuti vamwe vanhu vakwanise kuvimba nesu, tinofanira kuva nemwoyo murefu. Zhanna paakasiyiwa nemurume wake, akanyaradzwa paakaudza shamwari dzepedyo manzwiro aaiita. Anoti, “Vainditeerera nemwoyo murefu kunyange zvazvo ndingangodaro ndairamba ndichidzokorora zvimwe zvinhu.” Iwewo unogona kuva shamwari yakanaka kana ukava munhu anonyatsoteerera.

SHUMIRA VAMWE SEZVAIITA MAKO

Zvaiitwa naMako zvakabatsira Pauro kuti atsungirire uye tinogonawo kubatsira hama dzedu padzinenge dzawirwa nedambudziko (Ona ndima 12-14) *

12. Mako aiva ani, uye akaratidza sei kuti aida kushumira vamwe?

12 Mako aiva muKristu wechiJudha aibva kuJerusarema. Hama yake Bhanabhasi yaiva mumishinari aizivikanwa chaizvo. (VaK. 4:10) Zvinoita sekuti Mako aibva mumhuri yakapfuma, asi pfuma yaisava chinhu chinonyanya kukosha kwaari. Muupenyu hwake hwese, Mako, uyo ainziwo Johani, akaratidza kuti aifarira kushumira vamwe. Semuenzaniso, pane dzimwe nguva aibatsira Pauro naPetro pavaiita mabasa avo uye kunenge kuti ndiye aivatsvagira zvekudya nepekugara. (Mab. 13:2-5; 1 Pet. 5:13) Pauro akati Mako ‘aishanda naye pakutsigira Umambo hwaMwari,’ uye ‘aimusimbisa.’—VaK. 4:10, 11, mashoko emuzasi.

13. Pana 2 Timoti 4:11 panoratidza sei kuti Pauro aitenda zvaaiitirwa naMako?

13 Mako akava imwe yeshamwari dzaPauro dzepedyo. Pauro paakaiswa mujeri kekupedzisira muRoma munenge muna 65 C.E., akanyora tsamba yechipiri kuna Timoti. Mutsamba iyoyo, Pauro akakumbira Timoti kuti auye kuRoma naMako. (2 Tim. 4:11) Zviri pachena kuti Pauro aikoshesa zvaakanga amboitirwa naMako, ndosaka aida kuti avepo panguva iyoyo yaikosha chaizvo. Mako akabatsira Pauro mune zvakawanda, zvichida achimupa zvekudya kana zvinhu zvekushandisa pakunyora tsamba dzake. Kutsigirwa uye kukurudzirwa kwakaitwa Pauro kunofanira kunge kwakamubatsira kutsungirira mazuva ake ekupedzisira kusvikira paakazourayiwa.

14-15. Mateu 7:12 inotidzidzisei nezvekubatsira vamwe?

14 Verenga Mateu 7:12. Kana tiri mudambudziko, tinoonga chaizvo vaya vanotitsigira nenzira dzakasiyana-siyana! Ryan uyo akafirwa nababa vake mutsaona akati: “Paunenge uchirwadziwa, zvinokuomera kuti uite zvinhu zvaunogara uchiita mazuva ese. Zvinonyaradza chaizvo kana mumwe munhu akakubatsira kunyange pachinhu chidiki diki.”

15 Kana tikagara tichiziva zviri kuitika kune vamwe, kakawanda kacho tinoona kuti zvii zvatingaita kuti tivabatsire. Imwe hanzvadzi yakasarudza kubatsira Peter naKathryn vambotaurwa nezvavo nekuvaperekedza pese pavaienda kwachiremba. Vakanga vasingachakwanisi kutyaira, saka hanzvadzi yacho yakaronga purogiramu yekuti dzimwe hama nehanzvadzi dzemuungano dziite majana ekuvaendesa kwachiremba. Izvi zvakabatsira here? Kathryn anoti, “Takanzwa sekuti tabvisirwa mutoro unorema.” Gara uchiyeuka kuti kunyange zvinhu zvidiki zvaunoitira vamwe zvinogona kuvanyaradza.

16. Tinodzidzei kuna Mako panyaya yekunyaradza vamwe?

16 Mako, uyo akararama panguva yaJesu, aiva muKristu aiva nezvakawanda zvekuita. Aiva nemabasa anokosha aaifanira kuitira Jehovha, aisanganisira kunyora Evhangeri ine zita rake. Asi Mako akashandisa imwe nguva yake kunyaradza Pauro, uye Pauro akanzwa akasununguka kukumbira Mako kuti amubatsire. Angela, uyo airwadziwa nekuurayiwa kwakaitwa imwe hama yake anotenda zvaakaitirwa nevaya vakamunyaradza. Anoti: “Kana shamwari dzichinyatsoda kubatsira, zviri nyore kutaura nadzo. Unonyatsoona kuti hadzisi kuzeza kukubatsira.” Isuwo tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinozivikanwa semunhu anoda kunyaradza vandinonamata navo here ndichivaitira chimwe chinhu chinovabatsira?’

RAMBA UCHINYARADZA VAMWE

17. Kufungisisa mashoko ari pana 2 VaKorinde 1:3, 4 kunotibatsira sei kuti tide kunyaradza vamwe?

17 Zviri nyore kuti tiwane hama nehanzvadzi dzinoda kunyaradzwa. Tinogona kuvanyaradza tichishandisa zvakashandiswawo nevamwe pakutinyaradza. Imwe hanzvadzi inonzi Nino iyo yakafirwa naambuya inoti: “Jehovha anogona kutishandisa kuti tinyaradze vamwe kana tikabvuma kuti adaro.” (Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.) Frances, ambotaurwa anoti: “Zviri pana 2 VaKorinde 1:4 ndezvechokwadi. Tinogona kunyaradza vamwe sekunyaradzwa kwatinenge taitwa.”

18. (a) Nei vamwe vanhu vachitya kunyaradza vamwe? (b) Tingaitei kuti tikwanise kunyaradza vamwe? Taura muenzaniso.

18 Tinofanira kutsvaga nzira dzekubatsira vamwe kunyange tichitya kuzviita. Tinogona kunge tisingazivi zvekutaura kana zvekuita kumunhu anenge achida kunyaradzwa. Mumwe mukuru anonzi Paul anoyeuka zvaiedza kuitwa nevamwe vanhu kuti vamunyaradze pakafa baba vake. Anoti: “Ndaiona kuti zvaisava nyore kwavari kuti vauye kuzotaura neni. Vaipererwa nemashoko. Asi ndichiri kuonga chido chavo chekundinyaradza uye kunditsigira.” Pakaitika kudengenyeka kwenyika, imwe hama inonzi Tajon yakati: “Handiyeuki mashoko ese andaitumirwa nevanhu, asi ndichiri kuyeuka kuti vaiva nehanya neni.” Tinokwanisa kunyaradza vamwe kana tikaratidza kuti tine hanya navo.

19. Nei uchida kuramba ‘uchinyaradza vamwe zvikuru’?

19 Sezvo tiri kuswedera pedyo nekuguma kwenyika ino, zvinhu zvicharamba zvichiwedzera kuipa uye upenyu huchawedzera kuoma. (2 Tim. 3:13) Tichada kuramba tichinyaradzwa nekuti takaberekwa tiine chivi uye nekuti tinokanganisa. Chimwe chakabatsira muapostora Pauro kuti akwanise kutsungirira akatendeka kusvikira pakufa ndechekuti ainyaradzwa nevamwe vaKristu vaainamata navo. Ngativei vakavimbika saAristako, tive shamwari dzechokwadi saTikiko uye tishumire vamwe saMako. Kana tikaita izvozvo, tichakwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzirambe dziine kutenda kwakasimba.—1 VaT. 3:2, 3.

^ ndima 5 Muapostora Pauro akasangana nematambudziko akawanda muupenyu hwake. Paaiomerwa, vamwe vaKristu vaimunyaradza zvikuru. Tichakurukura zvinhu zvitatu zvakaita kuti vaKristu ivavo vanyatsokwanisa kunyaradza vamwe. Tichaonawo kuti tingavatevedzera sei pakunyaradza vamwe.

^ ndima 5 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Aristako naPauro vakapinda mutsaona yengarava.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Tikiko akapiwa basa rekuendesa tsamba dzaPauro kuungano dzakasiyana-siyana.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mako akabatsira Pauro nekumupa zvaaida.