Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

Jehovha Mwari Wako Anokukoshesa!

Jehovha Mwari Wako Anokukoshesa!

“Akatiyeuka patakanga takaderera.”—PIS. 136:23.

RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Vanhu vaJehovha vanosangana nematambudziko api, uye anogona kuvakanganisa sei?

CHIMBOFUNGA zvinotevera: Imwe hama yechidiki inobatwa chirwere chichaita kuti irambe ichipera simba. Hama inoshanda nesimba ine makore ari kuma50 inodzingwa basa, uye pasinei nekuti inoedza nemwoyo wese kutsvaga rimwe, inorishaya. Hanzvadzi yechikuru yakatendeka haichakwanisi kuita zvakawanda mubasa raJehovha sezvayaimboita.

2 Kana uine rimwe dambudziko pane achangobva kutaurwa, unganzwa sekuti hauchabatsiri. Matambudziko iwayo anogona kuita kuti ushaye mufaro, uzvitarisire pasi, uye anogona kukanganisa ushamwari hwako nevamwe.

3. Satani nevanhu vane mafungiro ake vanoona sei upenyu hwevanhu?

3 Nyika ino inoratidza kuti Satani anoona sei upenyu hwevanhu. Satani agara achiona vanhu sevasingakoshi. Neutsinye hwake, akaudza Evha kuti aizowana rusununguko kana akasateerera Jehovha, asi achinyatsoziva hake kuti izvozvo zvaizoguma nerufu. Satani ane simba pane zvekutengeserana, zvematongerwo enyika, uye zvechitendero zviri kuitwa nenyika. Ndosaka zvisingashamisi kuti vanhu vakawanda vemabhizinesi, vezvematongerwo enyika uye vezvitendero havakoshesi upenyu hwevanhu uye havana basa nekuti vamwe vanonzwa sei.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Asi Jehovha anoda kuti tizive kuti tinokosha, uye anotibatsira patinenge tiri mumamiriro ezvinhu angaita kuti tinzwe setisingabatsiri. (Pis. 136:23; VaR. 12:3) Munyaya ino tichakurukura kuti Jehovha anotibatsira sei mumamiriro ezvinhu anotevera: (1) Patinenge tichirwara, (2) patinenge tichishaya mari, uye (3) kukwegura pakunoita kuti tinzwe sekuti hatina zvine musoro zvatichaita mubasa raJehovha. Asi ngatitangei nekuona kuti nei tichigona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa mumwe nemumwe wedu.

JEHOVHA ANOTIKOSHESA

5. Chii chinokuratidza kuti vanhu vanokosha kuna Jehovha?

5 Kunyange zvazvo takaumbwa neguruva revhu tinokosha chaizvo kupfuura ivhu. (Gen. 2:7) Chimbofunga zvimwe zvinoita kuti tizive kuti Jehovha anotikoshesa. Akasika vanhu vachigona kumutevedzera. (Gen. 1:27) Paakaita izvozvo, akaita kuti tikoshe kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvaakasika panyika, uye akaita kuti nyika nemhuka zvive pasi pedu.—Pis. 8:4-8.

6. Chii chimwe chinoratidza kuti Jehovha anotikoshesa kunyange zvazvo tiri vanhu vanotadza?

6 Kutadza kwakaitwa naAdhamu hakuna kuita kuti Jehovha achirega kukoshesa vanhu. Anotikoshesa zvikuru zvekuti akatipa Mwanakomana wake waanoda, Jesu, kuti afire zvivi zvedu. (1 Joh. 4:9, 10) Achishandisa rudzikinuro, Jehovha achamutsa vanhu vakafa nemhaka yechivi chaAdhamu, “vakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Shoko rake rinoratidza kuti anotikoshesa pasinei nekuti tiri kurwara, tiri varombo kana kuti takwegura.—Mab. 10:34, 35.

7. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vashumiri vaJehovha vaone kuti anovakoshesa?

7 Tine zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tione kuti Jehovha anotikoshesa. Akatibatsira kuti tive neushamwari naye uye akaona kuteerera kwataiita mashoko akanaka. (Joh. 6:44) Patakatanga kuswedera pedyo naJehovha, iye akaswederawo pedyo nesu. (Jak. 4:8) Jehovha ari kushandisawo nguva yake nesimba kuti atidzidzise, zvichiratidza kuti tinokosha kwaari. Anoziva kuti tiri vanhu vakaita sei iye zvino uye kuti tinogona kuzova vanhu vakaita sei. Uye anotirayira nekuti anotida. (Zvir. 3:11, 12) Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha anotikoshesa!

8. Mashoko ari pana Pisarema 18:27-29 anotibatsira sei pamaonero atinoita matambudziko edu?

8 Vamwe vanhu vaiona Mambo Dhavhidhi semunhu asingabatsiri, asi iye aiziva kuti Jehovha aimuda uye aimutsigira. Izvi zvakaita kuti Dhavhidhi atsungirire dambudziko rake aine mafungiro akanaka. (2 Sam. 16:5-7) Patinenge takaora mwoyo kana kuti tiine matambudziko, Jehovha anogona kutibatsira kuti tichinje maonero atinoita zvinhu uye kuti tikunde chero chii chingatidzorera shure. (Verenga Pisarema 18:27-29.) Kana tichibatsirwa naJehovha, hapana chingatitadzisa kumushumira tichifara. (VaR. 8:31) Iye zvino ngationei kuti ndepapi patinofanira kunyanya kuyeuka kuti Jehovha anotida uye anotikoshesa. Tichakurukura zvinhu zvitatu.

PATINENGE TICHIRWARA

Kuverenga mashoko aJehovha akafemerwa kuchatibatsira patinenge tichishushikana nemhaka yekurwara (Ona ndima 9-12)

9. Kurwara kungaita kuti tizvione sei?

9 Kurwara kugona kuita kuti tishushikane chaizvo, toguma tava kuzviona sevanhu vasingabatsiri. Tinogona kunetseka vanhu pavanoona kuti utano hwedu hauna kumira zvakanaka, kana kuti patinenge tava kungomirira kuti vamwe vatibatsire. Kunyange vamwe pavanenge vasingazivi kuti tiri kurwara, tinogona kunyara nekuti hatichakwanisi kuita zvimwe zvinhu zvataimboita. Pakadaro, Jehovha anotisimbisa! Anozviita sei?

10. Maererano naZvirevo 12:25, chii chinogona kutibatsira patinenge tichirwara?

10 Patinenge tichirwara, “shoko rakanaka” rinogona kutisimbisa. (Verenga Zvirevo 12:25.) MuBhaibheri, Jehovha anotiudza mashoko akanaka anotibatsira kuona kuti tinokosha kwaari pasinei nekuti tiri kurwara. (Pis. 31:19; 41:3) Kana tikaverenga mashoko iwayo akafemerwa, kunyange tikaramba tichiadzokorora, Jehovha achatibatsira patinenge tichishushikana nekurwara kwatinenge tichiita.

11. Imwe hama yakabatsirwa sei naJehovha?

11 Funga zvakaitika kuna Jorge. Achiri mudiki, akabatwa nechirwere chairamba chichiwedzera kuipa zvekuti chakamusiya achizviona semunhu asingabatsiri. Jorge anoti, “Chirwere changu chaiita kuti ndinetseke uye chaiita kuti ndinyare pandaitariswa nevanhu. Pachakawedzera kuipa, ndakafunga nezvekuchinja kwaizoita upenyu hwangu. Zvakandishungurudza zvisingaiti, uye ndakakumbira Jehovha nemwoyo wese kuti andibatsire.” Jehovha akamubatsira sei? “Sezvo ndaitadza kuisa pfungwa pane zvandaiverenga, ndakakurudzirwa kuverenga mavhesi mashoma ari mubhuku raMapisarema anoratidza kuti Jehovha anoda vanhu vake. Ndaidzokorora mavhesi iwayo zuva rega rega, uye aindinyaradza. Nekufamba kwenguva, vanhu vakatanga kuona kuti mufaro wangu wainge wawedzera. Vakatoti kufara kwandaiita kwaivakurudzira. Ndakaona kuti Jehovha akanga apindura minyengetero yangu! Akandibatsira kuti ndichinje maonero andaizviita. Ndakatanga kuisa pfungwa pamaonero aanondiita pasinei nekurwara kwandiri kuita.”

12. Ungaitei kuti ubatsirwe naJehovha kana uine chirwere chiri kukushungurudza?

12 Kana uine chirwere chiri kukushungurudza, iva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva kurwadziwa kwauri kuita. Nyengetera kwaari nemwoyo wese kuti akubatsire kuti uve nemaonero akanaka padambudziko rako. Chibva waverenga mashoko akanaka awakachengeterwa naJehovha muBhaibheri. Isa pfungwa pamavhesi anoratidza kuti Jehovha anokoshesa vashumiri vake. Kana ukadaro uchaona kuti Jehovha akanaka kune vese vanomushumira vakatendeka.—Pis. 84:11.

PATINENGE TICHISHAYA MARI

Kuyeuka kuti Jehovha anovimbisa kuti achatipa zvekurarama nazvo kuchatibatsira patinenge tichiomerwa nekuwana basa (Ona ndima 13-15)

13. Kubudiswa basa kungaita kuti munhu ane mhuri anzwe sei?

13 Munhu wese anoda kuriritira mhuri yake. Asi ngatimbotii hama inobudiswa basa isina chayatadza. Inoita zvese zvainogona kuti iwane rimwe asi zvichiramba. Izvi zvinogona kuita kuti hama iyi izvione seisingabatsiri. Kuramba ichifunga zvinovimbiswa naJehovha kungaibatsira sei?

14. Nei Jehovha achizadzisa zvaanovimbisa?

14 Jehovha anozadzisa zvese zvaanenge avimbisa. (Josh. 21:45; 23:14) Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti adaro. Chekutanga, zvine zvazvinoita pazita rake kana kuti mukurumbira wake. Jehovha akavimbisa kuti achachengetedza vashumiri vake vakavimbika uye anoda chaizvo kuzadzisa vimbiso iyoyo. (Pis. 31:1-3) Uyewo Jehovha anoziva kuti tinorwadziwa chaizvo kana akarega kuva nehanya nevanhu vari mumhuri yake. Anovimbisa kutipa zvatinoda kuti tirarame uye zvatinoda kuti timushumire. Hapana chinomutadzisa kuzadzisa vimbiso iyoyo!—Mat. 6:30-33; 24:45.

15. (a) Idambudziko ripi rakasangana nevaKristu vekutanga? (b) Pisarema 37:18, 19 inotipa chivimbo chei?

15 Patinoyeuka kuti nei Jehovha achizadzisa zvaakavimbisa, tinogona kuva nechivimbo chekuti achatibatsira patinenge tichishaya mari. Funga nezvemuenzaniso wevaKristu vekutanga. Ungano yemuJerusarema payaitambudzwa zvikuru, “vanhu vese vakapararira . . . , kukasara vaapostora chete.” (Mab. 8:1) Chimbofunga kuti izvi zvingangodaro zvakaguma nei. VaKristu vangangodaro vakarasikirwa nemisha yavo uye nemabasa kana mabhizinesi avo. Asi Jehovha haana kuvasiya uye havanawo kurasikirwa nemufaro wavo. (Mab. 8:4; VaH. 13:5, 6; Jak. 1:2, 3) Jehovha akatsigira vaKristu ivavo vakatendeka uye achatitsigirawo.—Verenga Pisarema 37:18, 19.

KUTSUNGIRIRA MATAMBUDZIKO ANOKONZERWA NEKUKWEGURA

Kuisa pfungwa pane zvatinogona kunyange takwegura kuchaita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha anotikoshesa uye anokoshesa zvatinomuitira (Ona ndima 16-18)

16. Chii chingaita kuti tifunge kuti kunamata kwedu hakuchakoshi kuna Jehovha?

16 Patinenge takwegura, tinogona kuona sekuti hatisisina zvakawanda zvatichaitira Jehovha. Mambo Dhavhidhi anogona kunge ainetsekawo nemanzwiro akadaro paainge akwegura. (Pis. 71:9) Jehovha angatibatsira sei?

17. Tinodzidzei pane zvakaitika kune hanzvadzi inonzi Jheri?

17 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Jheri. Yakakokwa kumusangano wekudzidziswa kuchengetedza zvivakwa zvinoshandiswa pakushumira Jehovha, uyo waizoitwa paImba yeUmambo, asi yainge isingadi kuenda. Yakati: “Ndakura, ndiri chirikadzi, uye handina kana chandinogona pabasa racho. Handina chandingabatsira nacho.” Pasara zuva rimwe chete kuti vadzidziswe, Jheri akanyengetera kuna Jehovha manheru acho. Paakasvika paImba yeUmambo mangwana acho, akanga achiri kunetseka kana zvaiva nemusoro kuti avepo. Papurogiramu yacho, mumwe mukurukuri akasimbisa kuti unyanzvi hunokosha kupfuura hwese chido chekudzidziswa naJehovha. Jheri anoti: “Ndakati, ‘Chido ichocho ndinacho!’ Ndakachema pandakaziva kuti Jehovha aipindura munyengetero wangu. Aindiudza kuti ndine chimwe chinhu chinokosha chekupa uye kuti aida kundidzidzisa!” Jheri anoti: “Ndakapinda musangano wacho ndichitya, ndichinetseka, uye ndichizvidya mwoyo. Pawakapera ndakanga ndava nechivimbo, ndasimbiswa, uye ndava kuona kuti ndinokosheswa!”

18. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha anoramba achikoshesa kumunamata kwatinoita patinenge takwegura?

18 Patinenge takwegura, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoramba achitipa basa rekuita. (Pis. 92:12-15) Jesu akatidzidzisa kuti pasinei nekuti hatichagoni kuita zvakawanda kana kuti tinoona sekuti zvatinoita zvishoma, Jehovha anokoshesa zvatinogona kuita mubasa rake. (Ruka 21:2-4) Saka isa pfungwa pane zvaunokwanisa. Unogona kutaura nezvaJehovha, kunyengeterera hama dzako, uye kukurudzira vamwe kuti varambe vakatendeka. Jehovha anokuona semunhu waanoshanda naye, kwete nekuti une zvaunokwanisa kuita, asi nekuti unoda kumuteerera.—1 VaK. 3:5-9.

19. VaRoma 8:38, 39 inotivimbisei?

19 Tinoonga chaizvo kuti tinonamata Jehovha, Mwari anonyatsokoshesa vaya vanomushumira. Akatisika kuti tiite kuda kwake, uye kunamata kwechokwadi ndiko kunoita kuti tive nemufaro wechokwadi muupenyu hwedu. (Zvak. 4:11) Kunyange zvazvo nyika ingationa sevanhu vasingakoshi, Jehovha haanyari nesu. (VaH. 11:16, 38) Patinoora mwoyo nemhaka yekurwara, kushaya mari, kana kuti kukwegura, ngatiyeukei kuti hapana chinogona kutiparadzanisa nerudo rwaBaba vedu vekudenga.—Verenga VaRoma 8:38, 39.

^ ndima 5 Pane zvakamboitika muupenyu hwako zvakaita kuti uzvione seusingabatsiri here? Nyaya ino ichakuyeuchidza kuti Jehovha anokukoshesa zvakadii. Ichakubatsira kuti usazviona semunhu asingabatsiri pasinei nezvingaitika muupenyu hwako.

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu