Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 4

“Mweya Wacho Pachawo Unopupurirana Nemweya Wedu”

“Mweya Wacho Pachawo Unopupurirana Nemweya Wedu”

“Mweya wacho pachawo unopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari.”—VAR. 8:16.

RWIYO 25 Pfuma Chaiyo

ZVICHADZIDZWA *

Jehovha akadurura mweya mutsvene nenzira inoshamisa pavaKristu vanenge 120 paPendekosti (Ona ndima 1-2)

1-2. Chiitiko chipi chinoshamisa chakaitika paPendekosti ya33 C.E.?

WAIVA musi weSvondo mangwanani muJerusarema, mugore ra33 C.E., uye raiva zuva rePendekosti. Vadzidzi vanenge 120 vakanga vakaungana mune imwe imba yepamusoro. (Mab. 1:13-15; 2:1) Mazuva mashomanana ainge apfuura, Jesu akanga avaudza kuti varambe vari muJerusarema nekuti vaifanira kugamuchira chipo chinokosha. (Mab. 1:4, 5) Chii chakazoitika?

2 “Kwakangoerekana kwava nekutinhira kwakaita sekwemhepo inovhuvhuta nesimba kuchibva kudenga.” Kutinhira kwacho kwakazadza imba yacho yese. ‘Marimi aiita seemoto’ akaoneka pamusoro pevadzidzi, uye vese “vakazadzwa nemweya mutsvene.” (Mab. 2:2-4) Nenzira iyi inoshamisa, Jehovha akadurura mweya wake mutsvene pavadzidzi ivavo. (Mab. 1:8) Vakava vekutanga kuzodzwa nemweya mutsvene * uye kupiwa tariro yekutonga naJesu kudenga.

CHII CHINOITIKA MUNHU PAANOZODZWA?

3. Nei vaya vaiva paPendekosti vaiva nechokwadi chekuti vakazodzwa nemweya mutsvene?

3 Dai waiva mumwe wevadzidzi vainge vakaungana muimba yepamusoro zuva iroro, waisazombokanganwa zvakaitika. Chimwe chinhu chakaita serimi remoto chakauya chikagara pamusoro pako, ukatanga kutaura nemumwe mutauro. (Mab. 2:5-12) Waizova nechokwadi chekuti wazodzwa nemweya mutsvene. Asi vese vanozodzwa nemweya mutsvene vanozodzwa nenzira inoshamisa uye panguva imwe chete here? Aiwa. Tinozviziva sei?

4. Vanhu vese vakazodzwa panguva yevaKristu vekutanga vakazodzwa panguva imwe chete here? Tsanangura.

4 Ngatitaurei nezvenguva yekuzodzwa kwevaKristu. VaKristu ivavo vanenge 120 havasi ivo vega vakazodzwa paPendekosti ya33 C.E. Musi iwoyo, vamwe vanenge 3 000 vakazogamuchirawo mweya mutsvene. Kuzodzwa kwavo kwakaitika pavakabhabhatidzwa. (Mab. 2:37, 38, 41) Asi mumakore akazotevera, havasi vaKristu vese vakazodzwa pavakabhabhatidzwa. VaSamariya vakazodzwa papera kanguva kubva pavakabhabhatidzwa. (Mab. 8:14-17) Uyewo Koniriyasi neveimba yake vakazodzwa vasati vatombobhabhatidzwa.—Mab. 10:44-48.

5. Maererano na2 VaKorinde 1:21, 22, chii chinoitika munhu paanozodzwa nemweya mutsvene?

5 Ngatikurukureiwo zvinoitika munhu paanozodzwa nemweya mutsvene. Pakutanga, vamwe pavanozodzwa zvingavaomera kubvuma kuti Jehovha akavasarudza. Vangazvibvunza kuti, ‘Nei Mwari akandisarudza?’ Vamwe vangasanzwa saizvozvo. Pasinei nemanzwiro avanoita, muapostora Pauro akatsanangura zvinoitika kuvanhu vese vakazodzwa achiti: “Pamakatenda, makaiswa chisimbiso * pachishandiswa iye nemweya mutsvene wakavimbiswa, uyo watakafanobatiswa kuti tizowana nhaka yedu.” (VaEf. 1:13, 14; mashoko emuzasi) Saka Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene kuti zvinyatsojeka kuvaKristu ava kuti akavasarudza. Nenzira iyi mweya mutsvene wakaita sechinhu ‘chekufanobata kana kuti vimbiso’ yavanopiwa kuti vave nechokwadi chekuti mune ramangwana vachagara kudenga nekusingaperi kwete panyika.—Verenga 2 VaKorinde 1:21, 22

6. MuKristu akazodzwa anofanira kuitei kuti awane mubayiro wake wekudenga?

6 Kana muKristu azodzwa zvinoreva here kuti achatoenda kudenga? Aiwa. Anenge aine chokwadi chekuti akasarudzwa kuti azoenda kudenga. Asi anofanira kuyeuka kurudziro iyi yekuti: “Hama, wedzerai kushanda nesimba kuti musarasikirwe nekudanwa uye kusarudzwa kwamakaitwa, nekuti kana mukaramba muchiita zvinhu izvi hamungazombowi.” (2 Pet. 1:10) Saka kana muKristu akasarudzwa, kana kuti akadanwa kuti aende kudenga, anotofanira kuramba akatendeka kuti awane mubayiro wake.—VaF. 3:12-14; VaH. 3:1; Zvak. 2:10.

MUNHU ANOZIVA SEI KUTI AKAZODZWA?

7. Vakazodzwa vanoziva sei kuti vakadanwa kuti vaende kudenga?

7 Asi munhu angaziva sei kuti akadanwa kuti aende kudenga? Mhinduro yacho inonyatsooneka mumashoko aPauro aakanyorera vaKristu vaiva muRoma avo “vakadanwa kuti vave vatsvene.” Akavaudza kuti: “Hamuna kugamuchira mweya weuranda unokonzera kutya zvakare, asi makagamuchira mweya wekuti mutorwe muve vanakomana, unova ndiwo mweya watinoshevedzera nawo kuti: ‘Abha, Baba!’ Mweya wacho pachawo unopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari.” (VaR. 1:7; 8:15, 16) Saka Mwari anoshandisa Mweya wake mutsvene kuti zvijeke kuvaKristu vakazodzwa kuti vakadanwa kuti vaende kudenga.—1 VaT. 2:12.

8. Rugwaro rwa1 Johani 2:20, 27 runoratidza sei kuti vaKristu vakazodzwa havafaniri havo kuita zvekuudzwa nevamwe vanhu kuti vakazodzwa?

8 Jehovha anoita kuti vaya vaakadana kuti vaende kudenga vasava nemubvunzo mupfungwa mavo nemumwoyo kuti vakadanwa. (Verenga 1 Johani 2:20, 27.) VaKristu vakazodzwa vanofanira kudzidziswa naJehovha achishandisa ungano yake sekudzidziswa kunoitwa vamwe vanhu vese. Asi havafaniri havo kuita zvekuudzwa nemumwe munhu kuti vakazodzwa. Jehovha anoshandisa simba rinopfuura mamwe ese, mweya wake mutsvene, kuti zvinyatsojeka kwavari kuti vakazodzwa.

‘VANOBEREKWAZVE’

9. Maererano naVaEfeso 1:18, chii chinochinja munhu paanozodzwa?

9 Vashumiri vaMwari vakawanda vangaomerwa nekunzwisisa zvinoitika kune mumwe munhu kana achinge azodzwa naMwari. Zvinovaomera nekuti ivo pachavo havana kuzodzwa. Mwari akasika vanhu kuti vagare panyika nekusingaperi, kwete kudenga. (Gen. 1:28; Pis. 37:29) Asi Jehovha akasarudza vamwe kuti vagare kudenga. Saka paanovazodza, anonyatsochinja tariro yavo uye mafungiro avo, zvekuti vanenge vava kutarisira kurarama vari kudenga.—Verenga VaEfeso 1:18.

10. Zvinorevei ‘kuberekwazve’? (Onawo mashoko emuzasi.)

10 VaKristu pavanozodzwa nemweya mutsvene, vanenge ‘vaberekwazve,’ kana kuti ‘vaberekwa vachibva kumusoro.’ * Jesu akaratidzawo kuti hazvikwanisiki kunyatsotsanangurira mumwe munhu asina kuzodzwa kuti munhu ‘akaberekwazve’ kana kuti ‘akaberekwa achibva kumusoro’ anonzwa sei.—Joh. 3:3-8; mashoko emuzasi.

11. Tsanangura kuchinja kunoitika pamafungiro emunhu paanozodzwa.

11 Chii chinochinja pamafungiro evaKristu pavanozodzwa? Jehovha asati azodza vaKristu ava, vaikoshesa tariro yekugara panyika nekusingaperi. Vaitarisira chaizvo nguva iyo Jehovha achabvisa zvakaipa zvese oita kuti nyika ive paradhiso. Zvimwe vaitofungidzira vachigamuchira hama kana shamwari yavo inenge yamutswa. Asi pavakazodzwa, vakatanga kuva nemafungiro akasiyana naiwayo. Nei zvakadaro? Hakusi kuti vatakanga kusagutsikana netariro yekugara panyika. Havana kuchinja mafungiro avo nemhaka yekuora mwoyo kana kutambura zvakanyanya. Havana kungoerekana vava kunzwa sekuti vaizofinhwa nekugara panyika nekusingaperi. Asi Jehovha akashandisa mweya wake mutsvene kuti achinje mafungiro avo uye tariro yavo.

12. Maererano na1 Petro 1:3, 4, vaKristu vakazodzwa vanonzwa sei nezvetariro yavo?

12 Mumwe munhu anenge azodzwa anganzwa seasina kukodzera kuwana ropafadzo iyi inokosha. Asi haatombovi nemubvunzo kuti Jehovha akamusarudza. Mwoyo wake unotutuma nemufaro uye kuonga paanofunga nezvetariro yake yekugara kudenga.—Verenga 1 Petro 1:3, 4.

13. Vakazodzwa vanonzwa sei nezveupenyu hwavo panyika?

13 Saka izvi zvinoreva here kuti vakazodzwa vanoda kufa? Muapostora Pauro anopindura mubvunzo iwoyo. Akafananidza muviri wavo wenyama netende ndokuti: “Tingatoti isu tiri mutende rino tiri kugomera, tichiremerwa, nekuti hatidi kuribvisa, asi tinoda kupfeka rimwe racho, kuitira kuti chinofa chimedzwe neupenyu.” (2 VaK. 5:4) VaKristu ava havafinhikani nekugara panyika, vobva vada kufa nekukurumidza. Asi vanonakidzwa neupenyu uye vanoda kushandisa zuva rimwe nerimwe pakushumira Jehovha pamwe chete nemhuri uye shamwari dzavo. Pasinei nezvavari kuita, vanogara vachifunga nezvetariro yavo yakazonaka yeramangwana.—1 VaK. 15:53; 2 Pet. 1:4; 1 Joh. 3:2, 3; Zvak. 20:6.

JEHOVHA AKAKUZODZA HERE?

14. Zvii zvisingaratidzi kuti munhu akazodzwa nemweya mutsvene?

14 Zvimwe uri kunetseka kuti wakazodzwa nemweya mutsvene here kana kuti kwete. Kana zvakadaro, funga nezvemibvunzo iyi inokosha: Une chido chakasimba chekuita zvinodiwa naJehovha here? Unoona sekuti unoshingaira chaizvo pakuparidza here? Unonakidzwa nekudzidza Bhaibheri uye kudzidza “zvinhu zvakadzama zvaMwari” here? (1 VaK. 2:10) Unonzwa sekuti Jehovha ari kukukomborera here pabasa rekuparidza? Une chido chakakura chekubatsira vamwe kuti vazive nezvaJehovha here? Wakaona uchapupu hwekuti Jehovha akakubatsira munzira dzakawanda muupenyu hwako here? Kana ukapindura mibvunzo yese iyi kuti hongu, zvinoreva here kuti wakadanwa kuti uende kudenga? Kwete, hazvirevi kudaro. Nei tichidaro? Nekuti vashumiri vaMwari vese vanogona kunzwa saizvozvo, vangava vakazodzwa kana kuti kwete. Uye achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha anogona kubatsira vashumiri vake vese kuti vaite zvinhu izvozvo, pasinei netariro yavainayo. Kana usina chokwadi chekuti wakazodzwa nemweya mutsvene here kana kuti kwete, izvozvo zvinoreva kuti hauna kuzodzwa. Vaya vakadanwa naJehovha havanetseki kuti vakazodzwa here kana kuti havana. Vanozviziva.

Jehovha akashandisa mweya mutsvene kuti Abrahamu, Sara, Dhavhidhi, uye Johani Mubhabhatidzi vave nesimba rekuita zvinhu zvinoshamisa, asi haana kuushandisa kuti avape tariro yekugara kudenga (Ona ndima 15-16) *

15. Tinoziva sei kuti havasi vese vakagamuchira mweya waMwari vakasarudzwa kuti vaende kudenga?

15 MuBhaibheri mune vanhu vakawanda vaiva nekutenda vakagamuchira mweya mutsvene, asi vaisava netariro yekugara kudenga. Dhavhidhi aitungamirirwa nemweya mutsvene. (1 Sam. 16:13) Mweya mutsvene wakamubatsira kunzwisisa zvinhu zvakadzama zvaJehovha uyewo wakamutungamirira pakunyora zvimwe zvikamu zveBhaibheri. (Mako 12:36) Kunyange zvakadaro muapostora Petro akati Dhavhidhi “haana kukwira kudenga.” (Mab. 2:34) Johani Mubhabhatidzi akanga ‘akazadzwa nemweya mutsvene.’ (Ruka 1:13-16) Jesu akati hapana kumbova nemunhu mukuru kuna Johani, asi akabva ati Johani aisazova muUmambo hwekudenga. (Mat. 11:10, 11) Jehovha akashandisa mweya mutsvene kuti ape vanhu ava simba rekuita zvinhu zvinoshamisa, asi haana kuushandisa kuti avasarudze kuti vagare kudenga. Izvi zvinoreva here kuti vaiva nekutenda kudiki pane kwevaya vachatonga vari kudenga? Aiwa. Zvinongoreva kuti Jehovha achavamutsira muParadhiso panyika.—Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15.

16. Mazuva ano vashumiri vaMwari vakawanda vanotarisira kuwana mubayiro upi?

16 Pavashumiri vaMwari vari panyika, vakawanda vavo havana tariro yekugara kudenga. Vanotarisira kugara panyika vachitongwa neUmambo hwaMwari sezvaitarisirwa naAbrahamu, Sara, Dhavhidhi, Johani Mubhabhatidzi uye vamwe varume nevakadzi vakawanda vanotaurwa muBhaibheri.—VaH. 11:10.

17. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya inotevera?

17 Sezvo vamwe vakazodzwa vachiri pakati pevanhu vaMwari mazuva ano, pane mimwe mibvunzo inomuka. (Zvak. 12:17) Semuenzaniso, vakazodzwa vanofanira kuzviona sei? Kana mumwe munhu wemuungano menyu akatanga kudya chingwa uye kunwa waini paChirangaridzo, unofanira kumubata sei? Uye ko kana nhamba yevanhu vanoti vakazodzwa ikaramba ichiwedzera? Unofanira kunetseka nazvo here? Tichapindura mibvunzo iyoyo munyaya inotevera.

^ ndima 5 Kubva paPendekosti ya33 C.E. kusvika panguva ino, Jehovha ari kupa vamwe vaKristu tariro inoshamisa yekutonga neMwanakomana wake kudenga. Asi vaKristu ava vanoziva sei kuti vakasarudzwa kuti vave neropafadzo iyi yakazonaka? Chii chinoitika munhu paanosarudzwa kuti aende kudenga? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo. Zvairi kutaura zvakatorwa muNharireyomurindi yaJanuary 2016.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kuzodzwa nemweya mutsvene: Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene pakusarudza munhu kuti atonge naJesu kudenga. Achishandisa mweya wake, Mwari anopa munhu vimbiso yeramangwana, kana kuti ‘chekufanobatiswa.’ (VaEf. 1:13, 14) VaKristu ava vanokwanisa kutaura kuti mweya mutsvene ‘unopupurirana nemweya wavo’ kana kuti unoita kuti zvijeke kwavari kuti mubayiro wavo uri kudenga.—VaR. 8:16.

^ ndima 5 KUTSANANGURWA KWESHOKO: Chisimbiso. Munhu haagoni kuiswa chisimbiso zvachose kusvikira pane imwe nguva asati afa akatendeka kana kuti pane imwe nguva kutambudzika kukuru kusati kwatanga.—VaEf. 4:30; Zvak. 7:2-4; ona ““Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaApril 2016.

^ ndima 10 Mamwe mashoko anotsanangura zvinorehwa ‘nekuberekwazve’ ari muNharireyomurindi yaApril 1, 2009, mapeji 3-12.

RWIYO 27 Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO Peji 24: Tingave tiri mujeri pamusana pekutenda kwedu kana kuti takasununguka kuparidza uye kudzidzisa chokwadi, tinogona kutarisira kugara panyika panguva yatichange tichitongwa neUmambo hwaMwari.