Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

Tichaenda Nemi

Tichaenda Nemi

“Tinoda kuenda nemi, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.”—ZEK. 8:23.

RWIYO 26 Makazviitira Ini

ZVICHADZIDZWA *

Mamwe makwai (“varume gumi”) akakomborerwa chaizvo kunamata Jehovha pamwe chete nevakazodzwa (“muJudha”) (Ona ndima 1-2)

1. Jehovha akati chii chaizoitika munguva yatiri kurarama?

JEHOVHA akataura zvaizoitika munguva yatiri kurarama achiti: “Varume gumi vemitauro yese yemarudzi vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo yemuJudha, vachiti: ‘Tinoda kuenda nemi, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.’” (Zek. 8:23) “MuJudha” ari kutaurwa anomiririra vaya vakazodzwa naMwari achishandisa mweya mutsvene. Vanonziwo “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) “Varume gumi” vanomiririra vaya vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika. Vanoziva kuti Jehovha akasarudza boka iri revakazodzwa uye vanonzwa kuti vakakomborerwa chaizvo kumunamata pamwe chete navo.

2. “Varume gumi” ‘vanoenda’ sei nevakazodzwa?

2 Kunyange zvazvo zvisingaiti kuziva munhu mumwe nemumwe akazodzwa ari panyika iye zvino, * vaya vane tariro yekurarama panyika vanogona “kuenda” nevakazodzwa. Izvi zvinoitika sei? Bhaibheri rinoti “varume gumi” “vachanyatsobata nguo yemuJudha, vachiti: ‘Tinoda kuenda nemi, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.’” Vhesi iyi inotaura nezvemuJudha mumwe chete. Asi mashoko ekuti “nemi” uye “anemi” anoratidza kuti pari kutaurwa nezvevanhu vanopfuura mumwe chete. Izvi zvinoreva kuti muJudha uyu haasi munhu mumwe chete asi anomiririra boka rese revakazodzwa. Vaya vasina kuzodzwa vanoshumira Jehovha vari pamwe chete nevakazodzwa, asi havaoni vakazodzwa sevatungamiriri vavo. Vanoziva kuti Jesu ndiye Mutungamiriri wavo.—Mat. 23:10.

3. Mibvunzo ipi ichapindurwa munyaya ino?

3 Sezvo pakati pevanhu vaMwari pachiine vaKristu vakazodzwa, vamwe vangabvunza kuti: (1) Vakazodzwa vanofanira kuzviona sei? (2) Vaya vanodya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo vanofanira kubatwa sei? (3) Tinofanira kunetseka here kana nhamba yevanodya ikaramba ichiwedzera? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.

VAKAZODZWA VANOFANIRA KUZVIONA SEI?

4. Iyambiro ipi iri pana 1 VaKorinde 11:27-29 iyo vakazodzwa vanofanira kufungisisa nezvayo, uye nei vachifanira kudaro?

4 Vakazodzwa vanofanira kufungisisa nezveyambiro iri pana 1 VaKorinde 11:27-29. (Verenga.) Munhu akazodzwa angadya sei “zvisina kukodzera” paChirangaridzo? Angaita izvi kana akadya chingwa nekunwa waini asi asingateereri mitemo yaJehovha. (VaH. 6:4-6; 10:26-29) Vakazodzwa vanoziva kuti vanofanira kuramba vakatendeka kana vachida kuzowana “mubayiro wekudanwa kumusoro naMwari achishandisa Kristu Jesu.”—VaF. 3:13-16.

5. VaKristu vakazodzwa vanofanira kuzviona sei?

5 Mweya mutsvene waJehovha unobatsira vashumiri vake kuti vazvininipise kwete kuzvikudza. (VaEf. 4:1-3; VaK. 3:10, 12) Saka vakazodzwa havazvioni sekuti vari nani pane vamwe. Vanoziva kuti Jehovha haavapi hake mweya mutsvene wakawanda kupfuura waanopa vamwe vashumiri vake. Havazvioni sekuti vanonzwisisa Bhaibheri kupfuura vamwe vese. Havazomboudzi mumwe munhu kuti naiyewo akazodzwa uye kuti anofanira kutanga kudya paChirangaridzo. Asi vanoziva kuti Jehovha chete ndiye anosarudza vanhu vanoenda kudenga.

6. Maererano na1 VaKorinde 4:7, 8, vaKristu vakazodzwa vanofanira kuzvibata sei?

6 Kunyange zvazvo vakazodzwa vachiona kusarudzwa kuti vaende kudenga seropafadzo yakakura, havatarisiri kuti vamwe vavabate sevanhu vanokosha kupfuura vamwe. (VaF. 2:2, 3) Vanozivawo kuti Jehovha paakavazodza haana kuita kuti vamwe vanhu vese vazive nezvazvo. Saka muKristu akazodzwa haashamiswi kana vamwe vakasakurumidza kuzvibvuma kuti akazodzwa. Anoziva kuti Bhaibheri rinotiudza kuti hatifaniri kukurumidza kuzvibvuma kana munhu akataura kuti ane ropafadzo inokosha yaakapiwa naMwari. (Zvak. 2:2) MuKristu akazodzwa haadi kuzviwanira mukurumbira, saka haazotauri nezvekuzodzwa kwake kumunhu waanoonana naye kekutanga. Uye haazozvirumbidzi achiudza vamwe nezvazvo.—Verenga 1 VaKorinde 4:7, 8.

7. Zvii zvisingafaniri kuitwa nevakazodzwa uye nei vasingafaniri kudaro?

7 VaKristu vakazodzwa havaoni sekuti vanofanira kungoshamwaridzana nevamwe vakazodzwa chete, sekunge kuti vane chikwata chavo vega. Havatsvagi vamwe vakazodzwa kuti vakurukure nezvekuzodzwa kwavo uye havatangi tumapoka twekuti vadzidze Bhaibheri. (VaG. 1:15-17) Ungano haizobatani kana vakazodzwa vakaita zvinhu zvakadaro. Vanenge vava kuita zvinopesana nemweya mutsvene uyo unobatsira vanhu vaMwari kuti vave nerugare uye vabatane.—VaR. 16:17, 18.

VAKAZODZWA VANOFANIRA KUBATWA SEI?

Hatifaniri kubata vakazodzwa kana dzimwe hama dzinotungamirira semabatirwo anoitwa vanhu vane mukurumbira munyika (Ona ndima 8) *

8. Nei uchifanira kungwarira mabatiro aunoita vakazodzwa? (Onawo mashoko emuzasi.)

8 Tinofanira kubata sei hama nehanzvadzi dzakazodzwa? Hazvina kunaka kuyemura munhu zvakanyanya, kunyange ari hama yaKristu yakazodzwa. (Mat. 23:8-12) Bhaibheri parinotaura nezvevakuru, rinotikurudzira kuti ‘titevedzere kutenda kwavo,’ asi haritiudzi kuti tiite kuti mumwe munhu ave mutungamiriri wedu. (VaH. 13:7) Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoti vamwe vanhu “vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri.” Asi vanokudzwa nekuti “vanotungamirira zvakanaka,” uye nekuti “vanoshanda nesimba pakutaura nepakudzidzisa,” kwete nekuti vakazodzwa. (1 Tim. 5:17) Kana tikanyanya kurumbidza vakazodzwa, tinogona kuita kuti vasasununguka. * Uye zvakatonyanya kuipa ndezvekuti tinogona kuita kuti vapedzisire vava kuzvikudza. (VaR. 12:3) Hatingadi kuita chero chii zvacho chingaita kuti hama yaKristu yakazodzwa ikanganise zvakadaro.—Ruka 17:2.

9. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vaKristu vakazodzwa?

9 Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vaya vakazodzwa naJehovha? Hatizobvunzi munhu akazodzwa kuti akaziva sei kuti akazodzwa. Iyi inyaya isinei nesu, uye hatina kodzero yekuziva nezvazvo. (1 VaT. 4:11; 2 VaT. 3:11) Hatifaniri kufunga kuti murume kana mudzimai wake, vabereki vake kana vamwe vemumhuri make vakazodzwawo. Munhu haawani tariro yekudenga nekungoti vamwe vemumhuri make vanayo. Anoipiwa naMwari. (1 VaT. 2:12) Hatifaniriwo kubvunza mibvunzo inoita kuti vamwe varwadziwe. Semuenzaniso, hatifaniri kubvunza mudzimai wehama yakazodzwa kuti anonzwa sei nekuzorarama panyika nekusingaperi asina murume wake. Tine chokwadi chekuti munyika itsva, Jehovha ‘achagutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu.’—Pis. 145:16.

10. Tinozvidzivirira sei kana tikarega ‘kuyemura vanhu’ zvakanyanya?

10 Kana tikasaona vakazodzwa sevanokosha kupfuura vamwe, tinenge tichizvidzivirirawo. Sei zvakadaro? Bhaibheri rinotiudza kuti vamwe vakazodzwa vanogona kutadza kuramba vakatendeka. (Mat. 25:10-12; 2 Pet. 2:20, 21) Kana tikarega ‘kuyemura vanhu’ zvakanyanya, hatizovateveri, vangava vakazodzwa kana kuti vaya vanozivikanwa zvakanyanya, kana vaya vava nenguva yakareba vachishumira Jehovha. (Jud. 16, mashoko emuzasi) Kana vakatadza kuramba vakatendeka kana kuti vakasiya ungano, tinoramba tiine kutenda kwakasimba muna Jehovha uye hatizoregi kumushumira.

TINOFANIRA KUNETSEKA HERE NENHAMBA YEVAYA VANODYA?

11. Chii chiri kuitika panhamba yevaya vanodya paChirangaridzo?

11 Kwemakore akawanda, nhamba yevaya vanodya paChirangaridzo yairamba ichidzikira. Asi mumakore achangopfuura, nhamba yacho iri kuwedzera gore negore. Tinofanira kunetseka nazvo here? Aiwa. Ngatikurukurei zvinhu zvinokosha zvatinofanira kufunga nezvazvo.

12. Nei tisingafaniri kunetseka nenhamba yevaya vanodya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo?

12 “Jehovha anoziva kuti vake ndevapi.” (2 Tim. 2:19) Hama dzinoverenga vanhu vanodya paChirangaridzo dzakasiyana naJehovha pakuti hadzizivi kuti vakazodzwa chaivo ndevapi. Saka nhamba iyi inosanganisira vaya vanofunga kuti vakazodzwa asi ivo vasina. Vamwe vaimbodya vakazorega. Vamwe vanogona kunge vachirwara nepfungwa zvekuti vanopedzisira vava kufunga kuti vachanotonga naKristu kudenga. Saka hatinyatsozivi kuti panyika pasara vakazodzwa vangani.

13. Bhaibheri rinotaura here kuti panyika pachange pasara vakazodzwa vangani pachatanga kutambudzika kukuru?

13 Munzvimbo dzakawanda panyika muchange muine vakazodzwa, Jesu paachauya kuzovatora kuti vaende kudenga. (Mat. 24:31) Bhaibheri rinotaura kuti mumazuva ekupedzisira, pachange paine vakazodzwa vashoma vanenge vachiri panyika. (Zvak. 12:17) Asi haritauri kuti panenge pasara vangani pachatanga kutambudzika kukuru.

Tinofanira kuita sei kana mumwe munhu akadya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo? (Ona ndima 14)

14. Sezviri pana VaRoma 9:11a, 16, chii chatinofanira kunzwisisa pakusarudzwa kunoitwa vakazodzwa?

14 Jehovha ndiye anoziva nguva yaanosarudza vakazodzwa. (VaR. 8:28-30) Jehovha akatanga kusarudza vakazodzwa pashure pekunge Jesu amutswa. Zvinoita sekuti munguva yevaKristu vekutanga, vaKristu vese vechokwadi vainge vakazodzwa. Mumazana emakore akatevera, vakawanda vaizviti vaKristu vakanga vasinganyatsoteveri Kristu. Kunyange zvakadaro, mumakore iwayo pane vashoma vaiva vaKristu vechokwadi uye Jehovha akavazodza. Vakanga vakaita segorosi rakataurwa naJesu kuti raizokura pakati pemasora. (Mat. 13:24-30) Mumazuva ekupedzisira, Jehovha ari kuramba achisarudza vanhu vachava muboka revane 144 000. * Saka kana akasarudza vamwe vavo pasara nguva pfupi kuti mugumo usvike, hatifaniri kunetseka nazvo. (Verenga VaRoma 9:11a, 16.) * Tinofanira kungwarira kuti tisaita zvakaitwa nevashandi vakataurwa naJesu mune mumwe mufananidzo wake. Vakanyunyuta pamusoro pezvakaitwa natenzi wavo kuvanhu vakanga vatanga kushanda paawa yekupedzisira yezuva racho.—Mat. 20:8-15.

15. VaKristu vese vakazodzwa vari muboka ‘remuranda akatendeka, akangwara’ anotaurwa pana Mateu 24:45-47 here? Tsanangura.

15 Havasi vese vane tariro yekurarama kudenga vari muboka ‘remuranda akatendeka, akangwara.’ (Verenga Mateu 24:45-47.) Sezvavaingoita panguva yevaKristu vekutanga, Jehovha naJesu vachiri kupa vakawanda zvekudya kana kuti kudzidzisa vachishandisa hama shoma. Panguva yevaKristu vekutanga, vakazodzwa vashomanana ndivo vakashandiswa kunyora Magwaro echiKristu echiGiriki. Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa vashomanana ndivo vane basa rekupa vanhu vaMwari ‘zvekudya panguva yakakodzera.’

16. Wadzidzei munyaya ino?

16 Nyaya ino yatidzidzisei? Jehovha akasarudza kupa upenyu husingaperi kuvanhu vake vakawanda vachagara panyika uye upenyu hwekudenga kune vashoma vachatonga naJesu. Jehovha anokomborera vashumiri vake vese, angava “muJudha” kana “varume gumi,” uye anoda kuti vateerere mitemo mimwe chete, vachiramba vakatendeka. Vese vanofanira kuramba vachizvininipisa. Vese vanofanira kumushumira pamwe chete vakabatana. Uye vese vanofanira kushanda nesimba kuti muungano murambe muine rugare. Sezvatinoswedera pedyo nemugumo, ngatirambei tichishumira Jehovha tichitevera Kristu tiri “boka rimwe chete.”—Joh. 10:16.

^ ndima 5 Gore rino Chirangaridzo cherufu rwaKristu chichaitwa musi weChipiri, 7 April. Tinofanira kuona sei vaya vanodya chingwa nekunwa waini manheru iwayo? Tinofanira kunetseka here kana nhamba yevanodya paChirangaridzo ikaramba ichiwedzera? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyi, uye zvairi kutaura zvakatorwa munyaya yakabuda muNharireyomurindi yaJanuary 2016.

^ ndima 2 Maererano naPisarema 87:5, 6, mune ramangwana, Mwari anogona kuzozivisa mazita evanhu vese vanenge vachitonga naJesu kudenga.—VaR. 8:19.

^ ndima 8 Ona bhokisi rakanzi “Rudo ‘Haruzvibati Zvisina Kufanira’” riri muNharireyomurindi yaJanuary 2016.

^ ndima 14 Kunyange zvazvo Mabasa 2:33 ichiratidza kuti mweya mutsvene unodururwa kuburikidza naJesu, Jehovha ndiye anosarudza munhu mumwe nemumwe.

^ ndima 14 Kana uchida mamwe mashoko, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 1, 2007.

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO Peji 28: Fungidzira mumiririri wemahofisi edu makuru pamwe chete nemudzimai wake vakaunganirwa nemhomho yevanhu vachitorwa mapikicha pagungano. Ikoko kushaya ruremekedzo.