Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 6

Baba Vedu Jehovha, Vanotida Chaizvo

Baba Vedu Jehovha, Vanotida Chaizvo

“Saka munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu.’”—MAT. 6:9.

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’

ZVICHADZIDZWA *

1. Munhu aifanira kuitei kana achida kutaura namambo wePezhiya?

CHIMBOFUNGIDZIRA uchigara muPezhiya makore anenge 2 500 akapfuura. Unoda kutaura namambo wemunyika yacho nezveimwe nyaya, saka unoenda kumuzinda wake kuguta reShushani. Kuti usvike kuna mambo wacho unofanira kutanga wapiwa mvumo. Kana ukasadaro unogona kuurayiwa!—Est. 4:11.

2. Jehovha anoda kuti tinzwe sei patinotaura naye?

2 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akasiyana namambo iyeye wePezhiya! Jehovha ane simba guru uye mukuru chaizvo kupfuura vatongi vari panyika, asi tinogona kutaura naye chero nguva. Anoda kuti tinzwe takasununguka kutaura naye. Kunyange zvazvo Jehovha aine mazita anoratidza ukuru hwake akadai sekuti, Musiki Anokudzwa, Wemasimbaose, uye Changamire Ishe, anoda kuti timudane kuti “Baba.” (Mat. 6:9) Zvinotifadza chaizvo kuti Jehovha anoda kuti tinzwe tiri pedyo naye saizvozvo!

3. Nei zvakakodzera kuti tidane Jehovha kuti “Baba,” uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Zvakakodzera kuti tidane Jehovha kuti “Baba” nekuti ndiye akatipa upenyu. (Pis. 36:9) Tinofanira kumuteerera nekuti ndiye Baba vedu. Kana tikaita zvaanoda kuti tiite, tichawana makomborero. (VaH. 12:9) Makomborero iwayo anosanganisira upenyu husingaperi kudenga kana kuti panyika. Tinokomborerwawo pari zvino. Munyaya ino tichakurukura kuti mazuva ano Jehovha anoratidza sei kuti ndiBaba vane rudo uye kuti tingava sei nechokwadi chekuti mune ramangwana haasi kuzombotisiya. Ngatitangei nekukurukura kuti tingava sei nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vanotida chaizvo uye vane hanya nesu.

JEHOVHA NDIBABA VANE RUDO UYE VANE HANYA NESU

Jehovha anoda kuva shamwari yedu, sezvinoita baba vane rudo vanoda kuva shamwari yevana vavo (Ona Ndima 4)

4. Nei vamwe vachiomerwa nekuona Jehovha saBaba vavo?

4 Unoomerwa nekuona Mwari saBaba vako here? Vamwe vangazviona sevasiri chinhu kana vachizvienzanisa naJehovha. Havana chokwadi kana Mwari Wemasimbaose aine hanya nemumwe nemumwe wavo. Asi Baba vedu vane rudo havadi kuti tinzwe saizvozvo. Vakatipa upenyu uye vanoda kuti tive shamwari dzavo. Pauro akataura chokwadi ichi kuvanhu vemuAtene, achibva avaudza kuti Jehovha ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Mab 17:24-29) Mwari anoda kuti mumwe nemumwe wedu ataure naye sezvinongoita mwana ari kutaura nemubereki wake ane rudo uye ane hanya naye.

5. Tinodzidzei pane zvakaitika kune imwe hanzvadzi yechiKristu?

5 Vamwe vangaomerwa nekuona Jehovha saBaba vavo nekuti vanababa vavo vakavabereka havana kuvaratidza rudo uye vakanga vasingavabati zvakanaka. Funga zvakataurwa neimwe hanzvadzi yechiKristu. Yakati, “Baba vangu vaitaura mashoko anorwadza. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, zvainge zvakandiomera kuti ndinzwe ndiri pedyo naBaba vekudenga. Asi pandakanga ndava kuziva Jehovha, zvese izvozvo zvakachinja.” Unonzwawo saizvozvo here? Kana zvakadaro, iva nechokwadi chekuti unogonawo kusvika pakuona Jehovha saBaba vakanaka kupfuura vese.

6. Maererano naMateu 11:27, ndeipi imwe nzira yatakabatsirwa nayo naJehovha kuti timuone saBaba vedu vane rudo?

6 Imwe nzira yatakabatsirwa nayo naJehovha kuti timuone saBaba vedu vane rudo ndeyekuita kuti mashoko aJesu uye zvaakaita zvinyorwe muBhaibheri. (Verenga Mateu 11:27.) Jesu akanyatsotevedzera Baba vake zvekuti aikwanisa kuti: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:9) Jesu aiwanzotaura nezvaJehovha saBaba. Mumabhuku mana eEvhangeri chete, Jesu akashandisa shoko rekuti “Baba” kanenge ka165 achireva Jehovha. Nei Jesu aitaura nezvaJehovha saBaba kakawanda kudaro? Chimwe chikonzero chaiva chekubatsira vanhu kuti vave nechokwadi chekuti Jehovha ndiBaba vane rudo.—Joh. 17:25, 26.

7. Tinodzidzei nezvaJehovha pamabatiro aaiita Mwanakomana wake?

7 Funga zvatinodzidza nezvaJehovha pamabatiro aaiita Mwanakomana wake Jesu. Jehovha ainzwa minyengetero yese yaJesu uye aiipindura. (Joh. 11:41, 42) Pasinei nemiedzo yaaisangana nayo, Jesu ainyatsoona kuti Baba vake vaimuda uye vaimutsigira.—Ruka 22:42, 43.

8. Jehovha akabatsira Jesu munzira dzipi?

8 Jesu akabvuma kuti Baba vake ndivo vakamusika uye ndivo vaiita kuti arambe achirarama paakati: ‘Ndinorarama nekuda kwaBaba.’ (Joh. 6:57) Jesu ainyatsovimba naBaba vake, uye vaimupa zvaaida kuti ararame. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti Jehovha aimubatsira kuti arambe akatendeka kwaari.—Mat. 4:4.

9. Jehovha akaratidza sei kuti ndiBaba vane rudo kuna Jesu?

9 Jehovha zvaari Baba vane rudo, akaita kuti Jesu azive kuti Baba vake vaimutsigira. (Mat. 26:53; Joh. 8:16) Kunyange zvazvo Jehovha asina kudzivirira Jesu pazvinhu zvese zvaigona kumukuvadza, akamubatsira kuti atsungirire matambudziko. Jesu aiva nechokwadi chekuti kurwadziswa kwese kwaaizoitwa kwaiva kwenguva pfupi. (VaH. 12:2) Jehovha akaratidza kuti aida Jesu kuburikidza nekumuteerera, kumupa zvaaida pakurarama, kumudzidzisa, uye kumutsigira. (Joh. 5:20; 8:28) Iye zvino ngationei kuti Jehovha anotibatsira sei sezvaakaita Jesu.

BABA VEDU VANE RUDO VANOTIBATSIRA SEI?

Baba vane rudo (1) vanoteerera vana vavo, (2) vanovapa zvavanoda pakurarama, (3) vanovadzidzisa, uye (4) vanovadzivirira. Baba vedu vekudenga vane rudo vanotiitirawo zvinhu izvozvo (Ona ndima 10-15) *

10. Maererano naPisarema 66:19, 20, Jehovha anoratidza sei kuti anotida?

10 Jehovha anoteerera minyengetero yedu. (Verenga Pisarema 66:19, 20.) Haadi kuti tiise miganhu paminyengetero yedu, asi anototikurudzira kuti tinyengetere kakawanda. (1 VaT. 5:17) Tinogona kunyengetera kuna Mwari wedu chero nguva, pasinei nekuti tiri kupi. Hapana paanombowandirwa nezvekuita zvekuti anotadza kutiteerera. Kana tikaziva kuti Jehovha anoteerera minyengetero yedu, tinowedzera kumuda. “Ndinoda Jehovha”, akadaro munyori wepisarema, “nekuti anonzwa inzwi rangu.”—Pis. 116:1.

11. Jehovha anoita sei patinonyengetera?

11 Baba vedu vanoteerera minyengetero yedu uye vanoipindura. Muapostora Johani anotiudza kuti: “Pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda [kwaMwari], iye anotinzwa.” (1 Joh. 5:14, 15) Jehovha angasapindura minyengetero yedu nenzira yatinotarisira. Anoziva zvakatinakira, saka dzimwe nguva mhinduro yake ndeyekuti kwete, kana kuti angada kuti tiimirire.—2 VaK. 12:7-9.

12-13. Baba vedu vekudenga vanotipa zvatinoda vachishandisa nzira dzipi?

12 Jehovha anotipa zvatinoda pakurarama. Anoita zvaanotarisira kuti vanababa vese vaite. (1 Tim. 5:8) Anopa vana vake zvavanoda pakurarama. Haadi kuti tizvidye mwoyo nezvekudya, zvekupfeka, kana kuti pekugara. (Mat. 6:32, 33; 7:11) Sezvo ari Baba vane rudo, Jehovha akaronga kuti tizowana zvese zvatichada mune ramangwana.

13 Chinonyanya kukosha ndechekuti Jehovha anotipa zvatinoda kuti tive shamwari dzake. Achishandisa Shoko rake, anotiudza chokwadi nezvake, chinangwa chake, chinangwa cheupenyu, uye zvichaitika mune ramangwana. Akaratidza kuti anoda mumwe nemumwe wedu paakatidzidzisa chokwadi nezvake achishandisa vabereki vedu kana kuti mumwe munhu. Uye achiri kutibatsira achishandisa vakuru vane rudo vari muungano, uye dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzakasimba pakunamata. Uyewo Jehovha anotidzidzisa tiri pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu achishandisa misangano yedu yeungano. Jehovha anoshandisa nzira idzi nedzimwewo kuti aratidze kuti ndiBaba vanotida tese zvedu.—Pis. 32:8.

14. Nei Jehovha achitidzidzisa uye anotidzidzisa sei?

14 Jehovha anotidzidzisa. Isu takasiyana naJesu pakuti tine chivi. Saka dzimwe nguva Baba vedu vane rudo vanoona zvakakodzera kutirayira kana kuti kutiranga pavanenge vachitidzidzisa. Shoko ravo rinotiyeuchidza kuti: “Jehovha anorayira vaanoda.” (VaH. 12:6, 7) Jehovha anotirayira nenzira dzakawanda. Semuenzaniso, chimwe chinhu chatinoverenga muShoko rake kana kuti chatinonzwa pamisangano yedu chinogona kutitsiura. Kana kuti anogona kutitsiura achishandisa vakuru. Pasinei nekuti ashandisei, Jehovha anotirayira zvine rudo nguva dzese.—Jer. 30:11.

15. Jehovha anotibatsira sei?

15 Jehovha anotibatsira kuti titsungirire matambudziko. Baba vedu vekudenga vanotibatsira kuti titsungirire matambudziko sezvinongoita baba vanobatsira vana vavo kana vaomerwa. Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene kuti atidzivirire pazvinhu zvese zvinokanganisa ushamwari hwedu naye. (Ruka 11:13) Anotibatsirawo patinenge takaora mwoyo. Semuenzaniso, anotipa tariro yakanaka chaizvo. Tariro iyoyo yeramangwana inotibatsira kuti titsungirire patinenge takaomerwa. Funga izvi: Pasinei nezvinhu zvakaipa zvingaitika muupenyu hwedu, Baba vedu vane rudo vachaporesa marwadzo ese atingava nawo. Matambudziko ese atingava nawo achapera, asi makomborero atinopiwa naJehovha achagara nekusingaperi.—2 VaK. 4:16-18.

BABA VEDU HAVASI KUZOMBOTISIYA

16. Chii chakaitika Adhamu paakarega kuteerera Baba vake vane rudo?

16 Tinoona kudiwa kwatinoitwa naJehovha pamagadzirisiro aakaita dambudziko rekutanga rakamuka mumhuri yake yepanyika. Adhamu paakapandukira Baba vake vekudenga, akazvibvisa mumhuri yaJehovha, iye nevana vake vese vaaizobereka. (VaR. 5:12; 7:14) Asi Jehovha akapindira kuti abatsire vanhu.

17. Adhamu paakatadza, Jehovha akabva angoitei?

17 Jehovha akapa Adhamu mutongo wake, asi haana kusiya vana vaizoberekwa naAdhamu vasina tariro. Akabva avimbisa kuti vanhu vanoteerera vachavazve mumhuri yake. (Gen. 3:15; VaR. 8:20, 21) Jehovha akaita kuti izvozvo zvikwanisike achishandisa chibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wake waanoda, Jesu. Paakapa Mwanakomana wake, akaratidza kuti anotida chaizvo.—Joh. 3:16.

Kana tikambosiya Mwari asi topfidza, Baba vedu vane rudo, Jehovha, vanoda kuti tidzoke kwavari (Ona ndima 18)

18. Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anoda kuti tirambe tiri vana vake, kunyange kana tambomusiya?

18 Kunyange zvazvo tiri vanhu vanotadza, Jehovha anoda kuti tirambe tiri mumhuri yake, uye haationi sevanhu vakaoma kubatsira. Dzimwe nguva tingamurwadzisa kana kuti tinogona kumbotsauka, asi Jehovha anoramba aine tariro yekuti tichadzoka kwaari. Jesu akaratidza kuti baba vedu Jehovha vanotida zvakadii paakataura nyaya yemwanakomana ainge arasika. (Ruka 15:11-32) Baba vanotaurwa munyaya yacho vaiva netariro yekuti mwana wavo aizodzoka. Paakadzoka, baba vacho vakamugamuchira nemwoyo wese. Kana tikambosiya Jehovha asi tobva tapfidza, tinogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vane rudo vanoda kutigamuchira.

19. Jehovha achagadzirisa sei zvakakonzerwa nekutadza kwaAdhamu?

19 Baba vedu vachagadzirisa zvese zvakakonzerwa nekutadza kwaAdhamu. Pakapanduka Adhamu, Jehovha akasarudza kuti pazova nevanhu 144 000 vachashumira semadzimambo uye vapristi kudenga neMwanakomana wake. Munyika itsva, Jesu nevaachatonga navo vachabvisa chivi pavanhu vanoteerera. Mwari achaita kuti vanhu vanoteerera vararame nekusingaperi pavanenge vakunda muedzo wekupedzisira. Baba vedu vekudenga vachafara pavachaona panyika pazara nevana vavo vasina chivi. Ichange iri nguva inofadza chaizvo!

20. Jehovha anoratidza sei kuti anotida chaizvo, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Jehovha anoratidza kuti anotida chaizvo. Ndiye Baba vedu vakanaka kupfuura vese. Anonzwa minyengetero yedu uye anotipa zvatinoda pakurarama uye pakunamata. Anotidzidzisa uye anotitsigira. Achatikomborera zvikuru mune ramangwana. Tinofara chaizvo nekuti Baba vedu vanotida uye vane hanya nesu! Munyaya inotevera tichakurukura kuti isu sevana vake tingamutenda sei nerudo rwaari kutiratidza.

RWIYO 108 Rudo rwaMwari Rwusingachinji

^ ndima 5 Tinowanzofunga nezvaJehovha seMusiki wedu uye saChangamire kana kuti mutongi mukuru wezvinhu zvese. Asi tine zvikonzero zvakanaka zvekuti timuone saBaba vane rudo. Nyaya ino ichataura zvikonzero zvacho. Tichadzidzawo kuti tingava sei nechokwadi chekuti Jehovha haasi kuzombotisiya.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Pamifananidzo yacho 4, mumwe nemumwe uri kuratidza baba nemwana wavo: Baba vachinyatsoteerera mwanakomana wavo. Baba vachipa mwanasikana wavo zvinodiwa pakurarama. Baba vachidzidzisa mwanakomana wavo. Baba vachinyaradza mwanakomana wavo. Mufananidzo weruoko rwaJehovha uri kuseri kwacho unotiyeuchidza kuti Jehovha anotibatsira munzira dzacho dzese.