Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 9

Jehovha Ngaakuzorodze

Jehovha Ngaakuzorodze

“Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, makandinyaradza uye makandizorodza.”—PIS. 94:19.

RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndezvipi zvingaita kuti tizvidye mwoyo, uye zvii zvatingatanga kufunga?

WAKAMBOZVIDYA mwoyo nechimwe chinhu here? * Zvimwe uri kuzvidya mwoyo nezvakataurwa nemumwe munhu kana zvaakaita. Kana kuti unogona kunge uri kuzvidya mwoyo nezvinhu zvawakataura kana kuti zvawakaita. Unogona kunge uine zvawakakanganisa uye uchinetseka kuti Jehovha haafi akakuregerera. Uye unogona kufunga kuti sezvo uri kunyanya kunetseka nezvematambudziko ako, hauna kutenda kwakakwana uye uri munhu akaipa. Asi ichocho ichokwadi here?

2. Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inoratidza kuti kuzvidya mwoyo hakurevi kuti kutenda kwedu hakuna kusimba?

2 Funga nezvevanhu vashoma vanotaurwa muBhaibheri. Hana, uyo akazova amai vemuprofita Samueri, aiva mukadzi ane kutenda kwakasimba. Asi aizvidya mwoyo chaizvo paaibatwa zvisina kunaka nemumwe munhu wemumhuri. (1 Sam. 1:7) Muapostora Pauro aiva nekutenda kwakasimba, asi ‘aizvidya mwoyo chaizvo pamusoro peungano dzese.’ (2 VaK. 11:28) Mambo Dhavhidhi aiva nekutenda kwakasimba chaizvo zvekuti Jehovha akasvika pakumuda zvikuru. (Mab. 13:22) Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akaita zvikanganiso zvakaita kuti azvidye mwoyo zvakanyanya. (Pis. 38:4) Jehovha akanyaradza uye akazorodza mumwe nemumwe wavo. Ngationei zvatingadzidza pamienzaniso yavo.

ZVATINODZIDZA PANA HANA

3. Nei zvinotaurwa nevamwe zvingaita kuti tizvidye mwoyo?

3 Tinogona kuzvidya mwoyo kana vamwe vakataura zvinorwadza kana kuti vakatibata zvisina kunaka. Izvozvo zvinonyanya kuitika kana tikarwadziswa neshamwari yepedyo kana munhu weukama. Tinogona kunetseka kuti hatichazombofi takawirirana nemunhu iyeye. Dzimwe nguva munhu angatirwadzisa nekuti anenge ataura asina kufunga, uye tinogona kunzwa sekuti tabayiwa nebakatwa. (Zvir. 12:18) Kana kuti mumwe munhu angataura mashoko ekutirwadzisa achitoziva hake. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi yechidiki. Inoti: “Makore mashoma apfuura, mumwe munhu wandaifunga kuti ishamwari yakanaka akatanga kuparadzira nhema nezvangu paindaneti. Zvakandirwadza uye ndakazvidya mwoyo. Ndakatadza kuzvinzwisisa kuti aindirimirei zvakadaro.” Kana wakarwadziswa neshamwari yepedyo kana hama, unogona kudzidza zvakawanda pane zvakaitika kuna Hana.

4. Hana akasangana nematambudziko api akakura?

4 Hana akasangana nematambudziko akakura. Akaita makore akawanda asina mwana. (1 Sam. 1:2) Panguva iyoyo vanhu vemuIsraeri vaiona mukadzi asingabereki seakatukwa. Izvi zvaiita kuti anyare chaizvo. (Gen. 30:1, 2) Chimwe chaiita kuti Hana anyanye kurwadziwa ndechekuti murume wake aiva nemumwe mudzimai ainzi Penina, uyo aimuberekera vana. Penina aiitira Hana shanje uye “aigara achingomushora kuti amurwadzise.” (1 Sam. 1:6) Pakutanga, Hana aishungurudzwa chaizvo nezvaaiitirwa. Airwadziwa chaizvo “zvekuti aichema uye aitadza kudya.” “Aishungurudzika zvakanyanya” mumwoyo make. (1 Sam. 1:7, 10) Chii chakanyaradza Hana?

5. Kunyengetera kwakabatsira sei Hana?

5 Hana akanyengetera kuna Jehovha achimuudza zvese zvaimunetsa uye zvaimurwadza. Paakapedza kunyengetera, akaudza Mupristi Mukuru Eri nezvedambudziko rake. Eri akamuudza kuti: “Enda nerugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawamukumbira.” Chii chakazoitika? Hana “akabva aenda akadya, uye chiso chake chakanga chisisina kusuruvara.” (1 Sam. 1:17, 18) Kunyengetera kwakabatsira Hana kuti agadzikane.

Tingaita sei kuti tivezve nerugare, toramba tiinarwo sezvakaitwa naHana? (Ona ndima 6-10)

6. Tinodzidzei nezvemunyengetero pane zvakaitwa naHana uye pana VaFiripi 4:6, 7?

6 Tinogona kuvazve nerugare kana tikaramba tichinyengetera kuna Jehovha. Hana akaita nguva yakareba achitaura naBaba vake vekudenga. (1 Sam. 1:12) Isuwo tinogona kuita nguva yakareba tichiudza Jehovha zviri kutidya mwoyo, zvatiri kutya, uye zvatinenge takanganisa. Patinonyengetera hazvirevi hazvo kuti minyengetero yedu inofanira kunge iri yekutaura tichitsetsenura. Dzimwe nguva tinogona kutochema patinenge tichiudza Jehovha zviri kutishungurudza. Kunyange zvakadaro Jehovha haamboneti kutiteerera. Uyewo tinofanira kuyeuka mazano akanyorwa pana VaFiripi 4:6, 7. (Verenga.) Pauro akataura kuti tinofanira kunyengetera tichitenda Jehovha. Tine zvikonzero zvakawanda zvekuti titende Jehovha. Semuenzaniso, tinogona kumutenda nechipo cheupenyu, zvinhu zvaakasika, rudo rwake rusingachinji uye tariro yakazonaka yaakatipa. Chii chimwe chatinodzidza pane zvakaitwa naHana?

7. Chii chaigara chichiitwa naHana nemurume wake?

7 Pasinei nematambudziko ake, Hana aigara achienda nemurume wake kuShiro kwainamatirwa Jehovha. (1 Sam. 1:1-5) Hana aiva patebhenekeri muPristi Mukuru Eri paakamuudza mashoko anokurudzira ekuti aivimba kuti Jehovha aizopindura munyengetero wake.—1 Sam. 1:9, 17.

8. Misangano inotibatsira sei? Tsanangura.

8 Tinogona kuvazve nerugare kana tikaramba tichipinda misangano yeungano. Munyengetero wekutanga pamisangano yedu unowanzova nemashoko ekukumbira kuti mweya mutsvene waMwari uve nesu. Rugare chibereko chemweya iwoyo. (VaG. 5:22) Patinova pamisangano yedu kunyange tiine zviri kutinetsa, tinenge tichipa Jehovha, uye hama nehanzvadzi dzedu mukana wekuti vatikurudzire uye vatibatsire kuti tivezve nerugare. Jehovha anotizorodza achishandisa misangano uye minyengetero. (VaH. 10:24, 25) Ngatikurukurei chimwe chatinodzidza pane zvakaitika kuna Hana.

9. Chii chisina kukurumidza kuchinja pane zvaiitika kuna Hana, asi chii chakakurumidza kuchinja?

9 Matambudziko aHana haana kubva angopera achiri kutebhenekeri. Paakadzokera kumba, aifanira kuramba achigara pamwe chete naPenina. Uye Bhaibheri haritauri kuti Penina akachinja maitiro ake. Saka kunenge kuti Hana aitofanira kuramba achitsungirira mashoko anorwadza aitaurwa naPenina. Asi Hana akavazve nerugare mumwoyo make. Paakaisa nyaya yacho mumaoko aJehovha, haana kuzoramba achinetseka. Akavimba naJehovha. Nekufamba kwenguva, Jehovha akazomukomborera nekuita kuti ave nevana.—1 Sam. 1:19, 20; 2:21.

10. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Hana?

10 Tinogona kuvazve nerugare kunyange kana dambudziko redu risina kupera. Mamwe matambudziko anogona kusapera pasinei nekuti tinonyengetera nemwoyo wese uye tinopinda misangano nguva dzese. Asi muenzaniso waHana unotidzidzisa kuti hapana chinotadzisa Jehovha kutizorodza patinenge tichinetseka. Jehovha haambofi akatikanganwa uye achatipa mubayiro kana tikaramba takatendeka.—VaH. 11:6.

ZVATINODZIDZA PANA PAURO

11. Zvii zvaiita kuti Pauro azvidye mwoyo?

11 Pauro aiva nezvakawanda zvaiita kuti azvidye mwoyo. Semuenzaniso, kuda kwaaiita hama nehanzvadzi dzake kwaiita kuti azvidye mwoyo nematambudziko adzo. (2 VaK. 2:4; 11:28) Paaiita basa rake, dzimwe nguva airohwa uye aiiswa mujeri nevanhu vaimupikisa. Aitsungirirawo matambudziko aiita kuti azvidye mwoyo akadai ‘sekuva nezvishoma.’ (VaF. 4:12) Uyewo sezvo akanga apinda mutsaona yengarava katatu, anofanira kunge aizvidya mwoyo paaifamba nechikepe. (2 VaK. 11:23-27) Chii chakabatsira Pauro kuti asazvidya mwoyo?

12. Chii chakaita kuti Pauro asanyanya kuzvidya mwoyo?

12 Pauro aizvidya mwoyo nematambudziko aisangana nehama nehanzvadzi dzake, asi haana kuedza kugadzirisa matambudziko acho ese ari ega. Pauro aiziva kuti aisazvikwanisa ari ega. Akakumbira vamwe kuti vaitewo mabasa aibatsira ungano. Semuenzaniso, akapa mabasa akawanda kuvarume vaivimbwa navo vakadai saTimoti naTito. Zviri pachena kuti mabasa aiitwa nehama idzodzo akaita kuti Pauro asanyanya kuzvidya mwoyo.—VaF. 2:19, 20; Tito 1:1, 4, 5.

Muenzaniso waPauro ungatibatsira sei kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo? (Ona ndima 13-15)

13. Vakuru vangatevedzera sei Pauro?

13 Kumbira vamwe kuti vakubatsire. Kufanana naPauro, vakuru vane rudo vanozvidya mwoyo vamwe vari muungano pavanosangana nematambudziko. Asi mukuru angasakwanisa kubatsira ega vanhu vese vari muungano. Kuva nemwero ndiko kuchaita kuti akumbire dzimwe hama dzinovimbwa nadzo kuti dzimubatsire uye adzidzise hama dzechidiki kufudza makwai aMwari.—2 Tim. 2:2.

14. Pauro haana kunetseka nezvei uye tinodzidzei pamuenzaniso wake?

14 Bvuma kuti unoda kunyaradzwa. Pauro aizvininipisa, saka akakumbira shamwari dzake kuti dzimukurudzire. Haana kumbonetseka kuti vamwe vaizomuona seasina kusimba kana akabvuma kuti akanyaradzwa nevamwe. Pauro akanyorera Firimoni kuti: “Ndakafara zvikuru uye ndakanyaradzwa pandakanzwa nezverudo rwako.” (Fir. 7) Pauro akataurawo nezvevamwe vaaishanda navo avo vainge vamukurudzira chaizvo paainetseka. (VaK. 4:7-11) Kana tikazvininipisa tobvuma kuti tinoda kukurudzirwa, hama nehanzvadzi dzedu dzichatitsigira.

15. Pauro akaita sei paakasangana nedambudziko raishungurudza?

15 Vimba neShoko raMwari. Pauro aiziva kuti Magwaro aizomunyaradza. (VaR. 15:4) Aizomupawo uchenjeri hwekuti akurire chero dambudziko. (2 Tim. 3:15, 16) Paakasungwa kechipiri muRoma, Pauro akanzwa sekuti ava pedyo nerufu. Paaiva mudambudziko iroro raishungurudza Pauro akaitei? Akaudza Timoti kuti akurumidze kuuya kwaari uye kuti auye “nemabhuku.” (2 Tim. 4:6, 7, 9, 13) Nei akadaro? Nekuti mabhuku aya angangodaro aiva zvikamu zveMagwaro echiHebheru aigona kushandiswa naPauro pakudzidza Bhaibheri. Kana tikatevedzera Pauro nekugara tichidzidza Shoko raMwari tiri tega, Jehovha achatizorodza achishandisa Bhaibheri pasinei nematambudziko edu.

ZVATINODZIDZA PANA MAMBO DHAVHIDHI

Chii chakabatsira Mambo Dhavhidhi chingatibatsirawo kana taita chivi chakakura? (Ona ndima 16-19)

16. Dhavhidhi akanzwa sei paakaita chivi chakakura?

16 Dhavhidhi akaita chivi chakakura. Akaita upombwe naBhati-shebha, akaronga kuti murume wake aurayiwe uye akaedza kuhwandisa mhosva yake. (2 Sam. 12:9) Pakutanga, Dhavhidhi haana kuteerera hana yake. Izvi zvakakanganisa ukama hwake naJehovha uye zvakaita kuti anetseke uye arware. (Pis. 32:3, 4) Chii chakabatsira Dhavhidhi paainetseka nezvaakakanganisa, uye chii chinogona kutibatsira kana tikaita chivi chakakura?

17. Mashoko ari pana Pisarema 51:1-4 anoratidza sei kuti Dhavhidhi akapfidza zvivi zvake nemwoyo wese?

17 Nyengetera Uchikumbira Ruregerero. Dhavhidhi akazonyengetera kuna Jehovha. Akapfidza nemwoyo wese uye akareurura zvivi zvake. (Verenga Pisarema 51:1-4.) Izvi zvakamuzorodza chaizvo. (Pis. 32:1, 2, 4, 5) Kana ukaita chivi chakakura usaedza kuchivanza. Pane kudaro, nyengetera kuna Jehovha uchireurura chivi chako. Kana ukadaro hauzorambi uchinyanya kuzvipa mhosva. Asi kana uchida kugadzirisa ushamwari hwako naJehovha haufaniri kungogumira pakunyengetera.

18. Dhavhidhi akaita sei paakarangwa?

18 Bvuma kurangwa. Jehovha paakatuma muprofita Natani kuti afumure chivi chaDhavhidhi, Dhavhidhi haana kupa tuzvikonzero kana kuedza kuchirerutsa. Akabva angobvuma kuti Jehovha ndiye waakanga anyanya kutadzira. Dhavhidhi akabvuma kurangwa naJehovha uye Jehovha akamuregerera. (2 Sam. 12:10-14) Kana tikaita chivi chakakura tinofanira kutaura nevaya vakagadzwa naJehovha kuti vatifudze. (Jak. 5:14, 15) Uyewo hatifaniri kupa tuzvikonzero. Patinokurumidza kubvuma kuti takakanganisa uye tobvuma kurangwa tinokurumidzawo kuvazve nerugare nemufaro.

19. Ndezvipi zvatinofanira kuita?

19 Ita zvese zvaunogona kuti usadzokorora zvawakakanganisa. Mambo Dhavhidhi aiziva kuti aifanira kubatsirwa naJehovha kuti asadzokorora zvivi zvaakaita. (Pis. 51:7, 10, 12) Paakaregererwa naJehovha, Dhavhidhi akashanda nesimba kuti asavazve nemafungiro akaipa. Izvozvo zvakaita kuti avezve nerugare.

20. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa kuregerera kunoita Jehovha?

20 Tinoratidza kuti tinokoshesa kuregerera kunoita Jehovha kana tikanyengetera tichikumbira kuti atiregerere, tobvuma kurangwa, uye toshanda nesimba kuti tisadzokorora zvatakakanganisa. Kutora matanho aya kuchaita kuti tivezve nerugare. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hama inonzi James iyo yakamboita chivi chakakura. Yakati: “Pandakareurura chivi changu kuvakuru, ndakanzwa ndarerukirwa. Izvi zvakaita kuti ndivezve nerugare.” Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti, “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.”—Pis. 34:18.

21. Tingaitei kuti tizorodzwe naJehovha?

21 Sezvo tava kusvika kumugumo, matambudziko acharamba achiwedzera. Paunenge uchizvidya mwoyo usanonoka kunyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Dzidza Bhaibheri nesimba. Dzidza pamuenzaniso waHana, Pauro naDhavhidhi. Kumbira Baba vako vekudenga kuti vakubatsire kuti uzive zviri kukudya mwoyo. (Pis. 139:23) Bvuma kuti vakubatsire pamatambudziko ako, kunyanya aya ausingagoni kunzvenga kana kupedza. Kana ukadaro, unogona kunzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akaimbira Jehovha kuti: “Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, makandinyaradza uye makandizorodza.”—Pis. 94:19.

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

^ ndima 5 Dzimwe nguva tese tinozvidya mwoyo nematambudziko atinosangana nawo. Nyaya ino inotaura nezvevashumiri vaJehovha vatatu vakararama kare vaiva nezvinhu zvaiita kuti vazvidye mwoyo. Inotaurawo kuti Jehovha akanyaradza uye akazorodza sei mumwe nemumwe wavo.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kuzvidya mwoyo kutya kana kunetseka nezvechimwe chinhu. Kunogona kukonzerwa nenyaya dzemari, nyaya dzeutano, matambudziko emhuri, kana mamwewo matambudziko. Tinogonawo kuzvidya mwoyo nezvatakambokanganisa kana kuti nematambudziko atiri kufungidzira kuti angaitika mune ramangwana.