Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 11

Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?

Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?

“Rubhabhatidzo . . . ruri kukuponesaiwo zvino.”​—1 PET. 3:21.

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. Munhu anofanira kuitei asati atanga kuvaka imba?

NGATITII mumwe munhu ari kuda kuvaka imba. Anoziva kuti ari kuda kuvaka imba yakaita sei. Anofanira kubva angoenda kunotenga zvekushandisa obva atotanga kuvaka here? Aiwa. Asati atanga kuvaka, ane zvinhu zvinokosha zvaanofanira kuita. Ndezvipi izvozvo? Anofanira kutanga aona kuti zvinoda mari yakawanda sei kuti avake imba yacho kusvika yapera. Kana akagara aongorora zvinodiwa pachine nguva, anogona kupedza imba yake.

2. Maererano naRuka 14:27-30, unofanira kufungisisa nezvei usati wabhabhatidzwa?

2 Kuda kwaunoita Jehovha uye kuonga zvaakakuitira kuri kuita kuti ude kubhabhatidzwa here? Kana zvakadaro, unofanira kuita chisarudzo chakada kufanana nechinoitwa nemunhu ari kuda kuvaka imba. Nei tichidaro? Funga mashoko aJesu ari pana Ruka 14:27-30. (Verenga.) Jesu aitaura zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi wake. Kuti munhu ave muteveri waKristu, anofanira kunge achida kutsungirira matambudziko uye kubvuma kurega zvimwe zvinhu. (Ruka 9:23-26; 12:51-53) Saka usati wabhabhatidzwa, unofanira kufungisisa zvese zvinobatanidzwa. Izvi zvichaita kuti unge wakagadzirira kuramba uchishumira Mwari wakatendeka kana wabhabhatidzwa.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Zvine musoro here kuva mudzidzi waKristu akabhabhatidzwa kana tichifunga nezvematambudziko aunogona kusangana nawo? Ehe zvine musoro. Kubhabhatidzwa kunoita kuti uwane makomborero akawanda iye zvino uye mune ramangwana. Ngatimbokurukurai mimwe mibvunzo inokosha panyaya yekubhabhatidzwa. Izvi zvichakubatsira kupindura mubvunzo wekuti, “Ndagadzirira kubhabhatidzwa here?”

ZVAUNOFANIRA KUZIVA NEZVEKUZVITSAURIRA UYE KUBHABHATIDZWA

4. (a) Kuzvitsaurira kuita sei? (b) Zvinorevei ‘kuzviramba’ sezvinotaurwa pana Mateu 16:24?

4 Kuzvitsaurira kuita sei? Usati wabhabhatidzwa, unofanira kuzvitsaurira. Kuzvitsaurira kunyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese uchimuudza kuti uchamushumira nekusingaperi. Paunozvitsaurira kuna Mwari, ‘unozviramba.’ (Verenga Mateu 16:24.) Unenge wava munhu waJehovha, uye iyoyo iropafadzo yakakura chaizvo. (VaR. 14:8) Unenge uchimuudza kuti kubvira iye zvino, uchange waisa pfungwa dzako pakumushumira kwete pakuzvifadza. Kuzvitsaurira imhiko kana kuti vimbiso inokosha chaizvo yaunoita kuna Mwari. Jehovha haatimanikidzi kuita mhiko iyi. Asi kana taita mhiko iyoyo, anotarisira kuti tiizadzise.​—Pis. 116:12, 14.

5. Kuzvitsaurira kwakasiyana papi nekubhabhatidzwa?

5 Kuzvitsaurira kwakasiyana papi nekubhabhatidzwa? Paunozvitsaurira, hapana mumwe munhu anozviziva kunze kwaJehovha chete. Asi paunobhabhatidzwa, vamwe vanhu vanenge vachiona, pangava pagungano redunhu kana kuti remunharaunda. Paunobhabhatidzwa unoratidza vamwe kuti wakatozvitsaurira kare kuna Jehovha. * Saka kubhabhatidzwa kunoita kuti vamwe vazive kuti unoda Mwari wako Jehovha nemwoyo wako wese, nemweya wako wese, nesimba rako rese uye kuti unoda kumushumira nekusingaperi.​—Mako 12:30.

6-7. Maererano na1 Petro 3:18-22, zvikonzero zvipi zviviri zvinoita kuti tibhabhatidzwe?

6 Zvinokosha here kuti ubhabhatidzwe? Funga mashoko ari pana 1 Petro 3:18-22. (Verenga.) Sezvo areka yairatidza vanhu kuti Noa aiva nekutenda, kubhabhatidzwa kwako kunoratidzawo kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha. Asi zvinokosha here kuti ubhabhatidzwe? Ehe zvinokosha. Petro akaratidza chikonzero chacho. Chekutanga ndechekuti rubhabhatidzo ‘ruri kukuponesa.’ Kubhabhatidzwa kunogona kutiponesa kana tikatora matanho anoratidza kuti tinotenda muna Jesu, tobvuma kuti akatifira, akamutswa kuti aende kudenga, uye kuti iye zvino ari “kuruoko rwerudyi rwaMwari.”

7 Chechipiri, kubhabhatidzwa kunoita kuti munhu ave ‘nehana yakanaka.’ Kana tikazvitsaurira kuna Mwari tobhabhatidzwa, tinova shamwari dzake. Kana tikapfidza nemwoyo wese uye tikatenda murudzikinuro, Mwari anotiregerera zvivi zvedu. Tinobva tava nehana yakanaka pamberi paMwari.

8. Ndechipi chikonzero chinofanira kuita kuti usarudze kubhabhatidzwa?

8 Ndechipi chikonzero chinofanira kuita kuti usarudze kubhabhatidzwa? Kunyatsodzidza Bhaibheri kwakaita kuti uzive zvakawanda nezvaJehovha, zvaanofarira uye maitiro ake. Zvawakadzidza nezvake zvakakufadza uye zvakaita kuti umude chaizvo. Kuda Jehovha kunofanira kunge kuri iko chikonzero chikuru chekuti usarudze kubhabhatidzwa.

9. Zvinorevei kubhabhatidzwa muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, sezvakanyorwa pana Mateu 28:19, 20?

9 Chimwe chikonzero chinofanira kuita kuti ubhabhatidzwe ndechekuti wakadzidza chokwadi chiri muBhaibheri ukachibvuma. Funga zvakataurwa naJesu paakapa murayiro wekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Verenga Mateu 28:19, 20.) Sezvakataurwa naJesu, vaya vanobhabhatidzwa vanofanira kuzviita “muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene.” Izvi zvinorevei? Unofanira kutenda nemwoyo wese chokwadi cheBhaibheri chinotaura nezvaJehovha, Mwanakomana wake Jesu, uye mweya mutsvene. Chokwadi ichi chine simba chaizvo uye chinogona kuchinja zviri mumwoyo mako. (VaH. 4:12) Ngatikurukurei chimwe chacho.

10-11. Ichokwadi chipi chawakadzidza nezvaBaba vedu ukatenda machiri?

10 Chimbofunga pawakadzidza chokwadi ichi nezvaBaba vedu: ‘Zita ravo ndiJehovha,’ ndiye “Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese,” uye ndiye chete “Mwari wechokwadi.” (Pis. 83:18; Isa. 37:16) Ndiye Musiki wedu, uye “ruponeso nderwaJehovha.” (Pis. 3:8; 36:9) Akaita urongwa hwekuti tiponeswe pachivi nerufu uye akatipa tariro yekurarama nekusingaperi. (Joh. 17:3) Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kucharatidza kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Uchava mumhuri yepasi rese yevanamati vanodada nekudanwa nezita raMwari, vachirizivisa vamwe.​—Pis. 86:12.

11 Kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvaBaba vedu iropafadzo yakakura chaizvo! Paunotenda chokwadi ichi, unobva wanzwa uchida kuzvitsaurira kuna Jehovha, wobhabhatidzwa.

12-13. Ichokwadi chipi chawakadzidza uye chawakabvuma nezveMwanakomana?

12 Wakanzwa sei pawakadzidza chokwadi chinotevera nezveMwanakomana? Jesu anokosha chaizvo kuna Jehovha kupfuura vanhu vese nengirozi. Ndiye Mudzikinuri wedu. Akapa upenyu hwake kuti tidzikinurwe. Kana tikaratidza nemabasa kuti tine kutenda murudzikinuro, tinoregererwa zvivi zvedu, tinova shamwari dzaMwari uye tinozowana upenyu husingaperi. (Joh. 3:16) Jesu ndiye Mupristi wedu Mukuru. Anoda kutibatsira kuti rudzikinuro rushande kwatiri uye anoda kuti tive shamwari dzaMwari. (VaH. 4:15; 7:24, 25) Sezvo ari Mambo weUmambo hwaMwari, ndiye achashandiswa naJehovha pakutsvenesa zita rake, kubvisa zvakaipa uye kuunza makomborero asingaperi muParadhiso iri kuuya. (Mat. 6:9, 10; Zvak. 11:15) Jesu ndiye muenzaniso watinofanira kutevedzera. (1 Pet. 2:21) Akatiratidza muenzaniso nekushandisa upenyu hwake kuti aite kuda kwaMwari.​—Joh. 4:34.

13 Paunobvuma zvinodzidziswa neBhaibheri nezvaJesu, Mwanakomana waMwari waanoda chaizvo, unosvika pakumudawo. Rudo irworwo runoita kuti ude kuita kuda kwaMwari muupenyu hwako sezvakaitwa naJesu. Izvozvo zvichaita kuti ude kuzvitsaurira kuna Jehovha, wobhabhatidzwa.

14-15. Ichokwadi chipi chawakadzidza ukatenda nezvemweya mutsvene?

14 Wakanzwa sei pawakadzidza chokwadi chinotevera nezvemweya mutsvene? Mweya mutsvene hausi munhu, asi isimba raMwari raanoshandisa. Jehovha akashandisa mweya mutsvene kuti atungamirire vanhu vakanyora Bhaibheri, uye unotibatsira kunzwisisa uye kushandisa zvatinoverenga muBhaibheri. (Joh. 14:26; 2 Pet. 1:21) Achishandisa mweya wake, Jehovha anotipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro.” (2 VaK. 4:7) Mweya mutsvene unoita kuti tive nesimba rekuparidza mashoko akanaka, kurwisa miedzo, uye kutsungirira matambudziko. Unotibatsira kuratidza “zvibereko zvemweya” muupenyu hwedu. (VaG. 5:22) Mwari anopa mweya wake vaya vanovimba naye uye vanoukumbira.​—Ruka 11:13.

15 Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti vanamati vaJehovha vanogona kuvimba nemweya mutsvene kuti uvabatsire pakumushumira. Paunotenda chokwadi chawakadzidza nezvemweya mutsvene, unonzwa uchida kuzvitsaurira kuna Mwari wobhabhatidzwa.

16. Tadzidzei kusvika pari zvino?

16 Paunosarudza kuzvitsaurira kuna Mwari wobhabhatidzwa, unenge watora danho rinokosha chaizvo. Sezvatadzidza, unofanira kunge uchida kutsungirira matambudziko uye kubvuma kurega zvimwe zvinhu. Asi makomborero aunowana anopfuura nekure kuzvipira kwaunenge waita. Kubhabhatidzwa kunogona kukuponesa uye kunoita kuti uve nehana yakanaka kuna Mwari. Chikonzero chikuru chekuti usarudze kubhabhatidzwa chinofanira kuva chekuda Jehovha Mwari. Unofanirawo kutenda nemwoyo wako wese chokwadi chawakadzidza nezvaBaba, Mwanakomana, uye mweya mutsvene. Tichifunga zvatakurukura kusvika pari zvino, ungapindura sei mubvunzo wekuti, “Wagadzirira kubhabhatidzwa here?”

ZVAUNOFANIRA KUITA USATI WABHABHATIDZWA

17. Ndeapi mamwe matanho anofanira kutorwa nemunhu asati abhabhatidzwa?

17 Kana uchinzwa sekuti wagadzirira kubhabhatidzwa, unofanira kunge wakatora matanho ekuti uve neushamwari hwakanaka naJehovha. * Sezvo uchigara uchidzidza Bhaibheri, wava kuziva zvakawanda nezvaJehovha naJesu. Iye zvino wava nekutenda. (VaH. 11:6) Une chokwadi chekuti vimbiso dzaJehovha dziri muBhaibheri dzichazadziswa, uye une chokwadi chekuti kutenda kwako muchibayiro chaJesu kunogona kukuponesa pachivi nerufu. Wakapfidza zvivi zvako, kureva kuti unorwadziwa chaizvo nezvawakakanganisa uye wakakumbira Jehovha kuti akuregerere. Wakatendeuka, kureva kuti wakasiya zvakaipa zvawaiita, ukatanga kurarama nenzira inofadza Mwari. (Mab. 3:19) Unoda chaizvo kuudza vamwe zvaunotenda. Wakasvika pakukodzera kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa uye wakatanga kuparidza neungano. (Mat. 24:14) Jehovha anodada newe nekutora kwawakaita matanho iwayo anokosha. Wakaita kuti afare zvikuru.​—Zvir. 27:11.

18. Ndezvipi zvimwe zvaunofanira kuita usati wabhabhatidzwa?

18 Usati wabhabhatidzwa pane zvimwe zvaunofanira kuita. Sezvatadzidza, unofanira kuzvitsaurira kuna Mwari. Nyengetera kwaari nemwoyo wese uye muvimbise kuti uchararamira kuita kuda kwake. (1 Pet. 4:2) Chibva waudza murongi mudare revakuru kuti wava kuda kubhabhatidzwa. Achabva akumbira vamwe vakuru kuti vaonane newe. Usatya. Hama idzi dzinotokuziva nechekare uye dzinokuda. Vachadzokorora newe dzidziso dzeBhaibheri dzinokosha dzawakadzidza. Vanoda kuva nechokwadi chekuti unonzwisisa dzidziso idzodzo uye kuti unoziva kukosha kwekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Kana vakabvumirana kuti wava kukwanisa kubhabhatidzwa, vachakuzivisa kuti unogona kubhabhatidzwa pagungano rinotevera.

ZVAUNOFANIRA KUITA KANA WABHABHATIDZWA

19-20. Ndezvipi zvaunofanira kuita kana wabhabhatidzwa, uye ungazviita sei?

19 Kana wangobhabhatidzwa, unofanira kuitei? * Yeuka kuti kuzvitsaurira imhiko yaunenge waita uye Jehovha anotarisira kuti uizadzise. Saka kana wabhabhatidzwa, unofanira kurarama maererano nekuzvitsaurira kwaunenge waita. Ungazviita sei?

20 Ramba wakabatana neungano yenyu. Paunova muKristu akabhabhatidzwa, unova ‘musangano rehama.’ (1 Pet. 2:17) Hama nehanzvadzi dzemuungano dzinenge dzatova mhuri yako. Kana ukaramba uchipinda misangano, uchasimbisa ushamwari hwako navo. Verenga Shoko raMwari uye rifungisise zuva rimwe nerimwe. (Pis. 1:1, 2) Kana waverenga ndima yeBhaibheri, ita nguva uchifungisisa zvaunenge waverenga. Izvi zvichaita kuti mashoko acho akubaye mwoyo. ‘Ramba uchinyengetera.’ (Mat. 26:41) Kunyengetera nemwoyo wese kuchaita kuti uswedere pedyo naJehovha. ‘Ramba uchitanga kutsvaga Umambo.’ (Mat. 6:33) Unogona kuita izvi nekukoshesa basa rekuparidza muupenyu hwako. Kana ukagara uchiita basa rekuparidza, kutenda kwako kucharamba kwakasimba, uye unogona kubatsira vamwe kuti vapinde munzira inoenda kuupenyu husingaperi.​—1 Tim. 4:16.

21. Kubhabhatidzwa kuchaita kuti uwanei?

21 Chisarudzo chekuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa ndicho chinokosha kupfuura zvimwe zvese zvaungaita. Ichokwadi kuti pane matambudziko aunofanira kutsungirira uye kuti unofanira kurega zvimwe zvinhu. Zvine musoro here kuti uzvipire zvakadaro? Ehe zvine musoro! Matambudziko ese aungasangana nawo munyika ino ‘ndeenguva diki uye akareruka.’ (2 VaK. 4:17) Asi kubhabhatidzwa kuchaita kuti uve neupenyu hunofadza iye zvino uye “upenyu chaihwo” mune ramangwana. (1 Tim. 6:19) Tinokumbira kuti ufungisise uye unyengetere nezvemhinduro yauchapa pamubvunzo uyu, “Ndagadzirira kubhabhatidzwa here?”

RWIYO 50 Munyengetero Wangu Wekuzvitsaurira

^ ndima 5 Uri kufunga zvekubhabhatidzwa here? Kana zvakadaro, nyaya ino yakanyorwa pachinyanya kufungwa nezvako. Tichaongorora mibvunzo inokosha panyaya iyi. Mhinduro dzako dzichakubatsira kuona kana wagadzirira kubhabhatidzwa.

^ ndima 19 Kana usati wapedza mabhuku anoti Bhaibheri Rinotidzidzisei? uye Ramba Uri Murudo rwaMwari, unofanira kuramba uchiadzidziswa nemumwe munhu kusvikira waapedza ese.