Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ndivanaani vaiva mapurisa echiJudha epatemberi? Vaiita mabasa api?

Rimwe remabasa aiitwa nevaRevhi vakanga vasiri vapristi raiva rekushanda semapurisa. Vaishanda vari pasi pemukuru mukuru wepatemberi. Munyori aiva muJudha ainzi Philo akatsanangura mabasa aiitwa nemapurisa aya. Akati: “Vamwe vevaRevhi ava vaimira sevarindi pasuo rega rega, vamwe vaimirawo mutemberi nechepamberi penzvimbo tsvene kuti varambidze munhu asina kodzero yekupinda imomo kunyange achizviita nekusaziva. Vamwe vaiita majana ekutenderera patemberi vachiirinda siku nesikati.”

Dare reSanihedrini raigonawo kukumbira kubatsirwa nemapurisa aya. Ndivo vega vaJudha vaibvumirwa kuva nezvombo nehurumende yeRoma.

Mumwe muongorori anonzi Joachim Jeremias akatsanangura kuti varindi pavakasunga Jesu, akavabvunza kuti nei vasina kumusunga paaigara achidzidzisa patemberi mazuva ese. (Mat. 26:55) Jesu aisazovabvunza izvozvo kudai varindi ava vakanga vasiri mapurisa epatemberi. Muongorori mumwe chete iyeye anofunga kuti vaya vainge vambotumwa pane imwe nguva kuti vasunge Jesu vaivawo mapurisa epatemberi. (Joh. 7:32, 45, 46) Gare gare varindi nemukuru mukuru wavo vakatumwa kuti vauye nevadzidzi vaJesu pamberi peSanihedrini, uye vangangodaro vari ivo vakazvuzvurudzira muapostora Pauro kunze kwetemberi.​—Mab. 4:1-3; 5:17-27; 21:27-30.