Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

“Tiri Pano! Titumei!”

“Tiri Pano! Titumei!”

URI kufunga kutamira kundima inodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti kune imwe nyika kuti uwedzere ushumiri hwako here? Kana zvakadaro, unogona kubatsirwa nemuenzaniso waHama naHanzvadzi Bergame.

Jack naMarie-Line vari mubasa renguva yakazara kubva muna 1988. Vanokwanisa kurarama mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye vakabvuma kuita mabasa akawanda muGuadeloupe nemuFrench Guiana. Nzvimbo dzacho dziri mbiri dzava pasi pebazi reFrance. Ngatimbokurukurai navo.

Chii chakaita kuti mude basa renguva yakazara?

Marie-Line: Ndakakurira muGuadeloupe uye pandaiva mudiki ndaiwanzoswera ndichiparidza naamai vangu avo vaishingaira muushumiri. Ndinoda vanhu, saka pandakangopedza chikoro muna 1985, ndakabva ndatanga kupayona.

Jack: Pandaiva mudiki ndaishamwaridzana nevanhu vaiva mubasa renguva yakazara vaida ushumiri. Ndaiwanzotora upiyona hwebetsero pamazororo ekuchikoro. Dzimwe nguva pakupera kwevhiki taienda nemabhazi kunoparidza kune dzimwe ndima dzaiva nemapiyona. Taiswera tichiparidza, tozoenda kumahombekombe kunozorora. Tainakidzwa chaizvo mazuva iwayo!

Tichangochata naMarie-Line muna 1988, ndakazviudza kuti, ‘Hatina munhu watiri kuchengeta, saka tinogona kuwedzera ushumiri hwedu.’ Ndakabva ndabatana naMarie-Line mubasa rekupayona. Papera gore, takapinda chikoro chemapiyona tikanzi tishumire semapiyona chaiwo. Tisati tatamira kuFrench Guiana, takanakidzwa nekushumira munzvimbo dzakasiyana-siyana kuGuadeloupe.

Kwemakore ese aya makachinjwa kakawanda mabasa amaiita. Chii chakakubatsirai kuti mukwanise kurarama mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana?

Marie-Line: Hama dzepaBheteri rekuFrench Guiana dzaiziva kuti rugwaro rwatinofarira ndiIsaya 6:8. Saka pavaitifonera, vaiwanzotaura vachiseka havo vachiti, “Gara zviya rugwaro rwamunofarira nderwupi?” Taibva taziva kuti tava kuchinjwa ndima, saka taipindura kuti, “Tiri pano! Titumei!”

Hatidi kuenzanisa basa ratiri kuita iye zvino nemabasa ataiita kare nekuti izvozvo zvinogona kuita kuti tisanakidzwa neratinenge tichiita. Tinoedzawo kushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzemundima yedu itsva.

Jack: Pane imwe nguva, dzimwe hama nehanzvadzi dzaida kuti tisatame nekuti dzaida kuti tirambe tiri pedyo nadzo. Asi patakabva kuGuadeloupe, imwe hama yakatiyeuchidza mashoko aJesu ari pana Mateu 13:38 ayo anoti: “Munda inyika.” Saka patinochinjwa kwatinenge tichishumira, tinozviyeuchidza kuti tichiri kushanda mumunda iwoyo pasinei nekwatinenge tiri. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tine kwekushanda uye kuti kune vanhu!

Patinosvika mundima itsva, tinoona kuti vamwe vanhu veko vanogara vachifara. Saka tinoedzawo kurarama sezvavanoita. Zvekudya zvinogona kusiyana, asi tinodyawo zvavanodya, uye tinonwa zvavanonwa, tichingwarira utano hwedu. Tinoedzawo kutaura zvakanaka nezvemabasa ese atinopiwa.

Marie-Line: Tinodzidzawo zvakawanda kubva kuhama nehanzvadzi dzacho. Ndichiri kuyeuka zvakaitika patakasvika kekutanga muFrench Guiana. Kwainaya zvekuti huya uone, saka takafunga kuti taifanira kumira kusvikira mvura isisanayi tozoenda kunoparidza. Asi imwe hanzvadzi yakabva yati, “Toenda here?” Ndakatoshamiswa nazvo ndichibva ndati, “Tinoenda sei?” Yakati, “Tora amburera, toenda nemabhasikoro.” Saka ndakadzidza kuchovha bhasikoro ndakabata amburera. Kudai ndisina kuzvidzidzira, ndingadai ndisina kumboparidza mumwaka wekunaya!

Sezvo makatama kanenge ka15, mazano api amungapawo vamwe vari kufunga nezvekutama?

Marie-Line: Dzimwe nguva kutama hakusi nyore. Asi zvakakosha kutsvaga pekugara pakanaka paunonzwa wakadekara kana wabva muushumiri.

Jack: Ndaiwanzopenda mumba matinenge tava kugara. Hama dzekubazi padzaiona kuti taisazonyanya kugara kune imwe nzvimbo, dzaiwanzoti, “Jack, usanetseka hako nekupenda iye zvino!”

Marie-Line ishasha chaiyo pakurongedza! Anorongedza zvinhu zvese mumabhokisi, onyora pabhokisi rimwe nerimwe kuti rine zvinhu zvekushandisa pai. Saka patinosvika paimba yedu itsva, zvinova nyore kuziva patinofanira kuisa mabhokisi acho. Anonyora papepa kuti mubhokisi rimwe nerimwe munei, saka zvinotiitira nyore kuwana zvatinoda.

Marie-Line: Takadzidza kuva vanhu vakarongeka, saka izvi zvinoita kuti tibve tatanga ushumiri patinongosvika.

Munoronga sei nguva yenyu kuti mukwanise ‘kuita ushumiri hwenyu zvizere’?​2 Tim. 4:5.

Marie-Line: Tinozorora musi weMuvhuro uye ndipo patinogadzirira misangano. Kubva musi weChipiri zvichienda mberi, tinenge tichibuda muushumiri.

Jack: Kunyange zvazvo tiine maawa atinotarisirwa kusvitsa, hatinyanyi kuisa pfungwa dzedu pakusvitsa maawa. Kuparidza ndiko kwatinonyanya kukoshesa muupenyu hwedu. Kubva patinobva pamba kusvika patinodzoka, tinoedza kukurukura nemunhu wese watinenge taona.

Marie-Line: Patinomboenda kunotandara, ndinotakura maturakiti. Vamwe vanhu vanouya vachikumbira mabhuku kunyange tisina kuvaudza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Ndosaka tichingwarira mapfekero edu uye maitiro edu. Vanhu vanoona zvinhu zvakadaro.

Jack: Tinoratidzawo kuti tiri vashumiri vaMwari nekuitira vavakidzani vedu zvakanaka. Ndinonhonga mapepa, kubudisa bhini panze, uye kuhara mashizha pachivanze. Vavakidzani vedu vanozviona uye dzimwe nguva vanondibvunza kuti, “Mungandiwanirawo Bhaibheri here?”

Makaparidza kakawanda kunzvimbo dziri kwadzo dzega. Mungatiudzawo zvakaitika ikoko zvamuchiri kuyeuka?

Jack: KuGuiana, dzimwe nzvimbo dzakaoma kusvika. Taiwanzofamba makiromita 600 muvhiki rimwe chete nemumigwagwa yakashata. Tichiri kuyeuka patakamboenda kuSt. Élie, kuAmazon. Takaita maawa akawanda kuti tizosvika ikoko tichifamba nemota yaikwanisa kufamba nemunzira dzakashata uye pamwe pacho tichifamba nebhoti. Vanhu vakawanda veko vaichera goridhe. Vamwe vavo vaitipa tumatombo tudiki twegoridhe semupiro vachitenda mabhuku atinenge tavapa. Kana ava manheru taizovaratidza vhidhiyo yesangano. Kwaiuya vanhu vakawanda.

Marie-Line: Munguva ichangopfuura, Jack akakumbirwa kuti azopa hurukuro yeChirangaridzo kuCamopi. Kuti tisvike ikoko, takafamba nebhoti murwizi rwaOyapock kwemaawa 4. Takanakidzwa chaizvo.

Jack: Mvura painenge iri shoma murwizi, zvine ngozi chaizvo kufamba munzvimbo dzainomhanya chaizvo. Zvainakidza chaizvo kuona nzvimbo idzodzo. Mutyairi webhoti aifanira kunge achiziva basa rake. Kunyange zvazvo taingova Zvapupu 6 chete, vanhu vanenge 50 vakauya kuChirangaridzo kusanganisira verudzi rwechiAmerindian!

Marie-Line: Vechidiki vanogona kuwana upenyu hwakadai kana vakaitira Jehovha zvakawanda. Unofanira kuvimba naJehovha mumamiriro ezvinhu akadai uye kutenda kwako kunosimba. Tinogara tichiona ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu.

Makadzidza mitauro yakawanda. Zvinokuitirai nyore here kudzidza mitauro?

Jack: Kana, hazvisi. Ndakadzidza mitauro iyi kuti ndikwanise kuparidza uye kubatsira ungano. Ndaifanira kuitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi nemutauro wechiSranantongo * ndisati ndatomboita hurukuro yekuverenga Bhaibheri. Ndakabvunza imwe hama kana zvandaitaura zvaiva nemusoro. Yakabva yati, “Mamwe mashoko amanga muchitaura tanga tisingaanzwisisi, asi zvanga zvakanaka.” Vana ndivo vainyanya kundibatsira. Pandaikanganisa, vaindiudza, asi vanhu vakuru vaisataura. Ndakadzidza zvakawanda kuvana ivavo.

Marie-Line: Mune imwe ndima, ndaidzidza Bhaibheri nevanhu vanotaura French, Portuguese, neSranantongo. Imwe hanzvadzi yakandikurudzira kutanga kudzidza nemunhu anotaura mutauro wakanyanya kundiomera ndozopedzisa neanotaura wandinonyatsogona. Ndakazoona zvazvainge zvakanakira.

Rimwe zuva ndakatanga kudzidza nemunhu aitaura chiSranantongo, ndikazodzidza nemumwe aitaura chiPortuguese. Pandakatanga kudzidza neaitaura chiPortuguese, hanzvadzi yandaiva nayo yakati, “Marie-Line, unenge warasika.” Ndakabva ndaziva kuti ndaitaura nechiSranantongo kumukadzi wekuBrazil aitaura chiPortuguese.

Kwese kwamashumira vanhu vanokudai chaizvo. Chii chinoita kuti hama dzikudei saizvozvo?

Jack: Zvirevo 11:25 inoti: “Munhu akasununguka kupa vamwe achabudirira.” Hatizezi kuita nguva yakawanda tiine vamwe uye kuvaitirawo zvimwe zvinhu. Kana iri nyaya yekuita mabasa epaImba yeUmambo, vamwe vaindiudza kuti: “Regai vaparidzi vaite izvozvo.” Asi ndaivapindura kuti: “Iniwo ndiri muparidzi. Saka kana paine basa rinoda kuitwa, ndinoda kuriitawo.” Kunyange zvazvo tese tichimboda nguva yekuita zvimwe zvinhu tiri tega, tinogara tichizviyeuchidza kuti izvozvo hazvifaniri kutitadzisa kuitira vamwe zvakanaka.

Marie-Line: Tinoedza chaizvo kuita zvinhu zvinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu. Izvi zvinoita kuti tizive pavanenge vachida kuti mumwe munhu asare nevana vavo kana kunovatora kuchikoro. Tinobva taronga zvinhu zvedu kuti tikwanise kuvabatsira. Izvi zvinoita kuti tive neushamwari hwepedyo nevamwe, takagadzirira kuvabatsira pavanenge vachida rubatsiro.

Makomborero api amakawana pakushumira kwamakaita kunodiwa vaparidzi vakawanda?

Jack: Basa renguva yakazara rakatiwanisa makomborero akawanda. Tinogara tichinakidzwa nekuona zvinhu zvakasiyana-siyana zvakasikwa naJehovha. Kunyange zvazvo tichimbosangana nematambudziko, tinonzwa tazorodzwa nekuti tinoziva kuti tinotsigirwa nevanhu vaMwari kwese kwatinenge tiri.

Pandakanga ndichiri mudiki, ndakambosungwa muFrench Guiana nekuti ndainge ndaramba kubatanidzwa mune zvenyika. Handina kumbobvira ndafunga kuti rimwe zuva ndaizodzokera ikoko ndava mumishinari uye kuti ndaizobvumirwa kuparidzira vasungwa. Ndakanyatsoona kuti Jehovha akatikomborera chaizvo uye kuti ndiMwari anopa.

Marie-Line: Ndinonyanya kufara pandinozvipira kubatsira vamwe. Tinofara chaizvo kuva mubasa raJehovha. Izvi zvasimbisawo imba yedu. Dzimwe nguva Jack anondibvunza kana zvichiita kuti tikoke imwe mhuri inoda kukurudzirwa, tozodya nayo. Ndinowanzoti, “Ndizvo zvandanga ndichifungawo.” Kakawanda tinofunga zvinhu zvimwe chete.

Jack: Ndakabatwa prostate cancer. Kunyange zvazvo Marie-Line asingadi kuzvinzwa, ndinogara ndichimuudza kuti: “Mudiwa, kana ndikafa mangwana, ndinenge ndafa ndisati ‘ndanyatsokura.’ Asi ndinenge ndafa ndagutsikana, ndichiziva kuti ndakashandisa upenyu hwangu hwese kushumira Jehovha, uye izvozvo zvinoita kuti ndifare chaizvo.”​—Gen. 25:8.

Marie-Line: Jehovha akativhurira masuo atainge tisingatarisiri uye akatibvumira kuita zvataisambofunga. Tine zvinhu zvakawanda zvinotifadza zvatakaita muupenyu. Tinonyatsovimba naMwari, saka kwese kwatinenge tanzi tiende nesangano rake, ndiko kwatinoenda!

^ ndima 32 ChiSranantongo musanganiswa weChirungu, chiDutch, chiPortuguese, nemimwewo mitauro yemuAfrica uye mutauro wakatangwa nevaranda.