Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 14

Kurwisa Kunobva Kuchamhembe!

Kurwisa Kunobva Kuchamhembe!

“Pane rudzi rwauya munyika yangu.”​—JOE. 1:6.

RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

ZVICHADZIDZWA *

1. Hama Russell nevamwe vavo vaidzidza sei Bhaibheri, uye nei madzidziro avaiita aiva nyore?

MAKORE anodarika 100 akapfuura, Hama C. T. Russell nevamwe vavo, avo vaiva vadzidzi veShoko raMwari, vakatanga kuungana pamwe chete. Vaida kuongorora zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro paJehovha Mwari, Jesu Kristu, chokwadi pamusoro pevakafa, uye rudzikinuro. Madzidziro avaiita aiva nyore. Mumwe aibvunza mubvunzo, uye vamwe vaibva vaongorora mavhesi ese anoenderana nenyaya yavanenge vachikurukura. Vaibva vanyora pasi zvavanenge vawana. Vachibatsirwa naJehovha, varume ivavo vakanzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri, icho chatichiri kukoshesa nanhasi.

2. Chii chingaita kuti titadze kunzwisisa uprofita hweBhaibheri zvakarurama?

2 Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakaona kuti kunzwisisa uprofita hweBhaibheri kwakaoma kupfuura kunzwisisa dzimwe dzidziso dzeBhaibheri dzisiri dzeuprofita. Nei zvakadaro? Chimwe chikonzero chacho ndechekuti uprofita hweBhaibheri hunowanzonzwisiswa pahunenge huchizadzika kana kuti hwatozadzika. Asi panewo chimwe chikonzero. Kana tichida kunzwisisa uprofita zvakarurama, tinofanira kuongorora mashoko ese ane chekuita neuprofita hwacho. Kana tikangotarisa chikamu chimwe chete cheuprofita tosiya zvimwe zvacho, tinogona kutadza kuhunzwisisa zvakarurama. Kunenge kuti izvi ndizvo zvakaitika pakuongorora uprofita huri mubhuku raJoeri. Ngatimboonai uprofita hwacho, tokurukura kuti nei tichifanira kugadzirisa manzwisisiro edu.

3-4. Kusvika pari zvino tiri kunzwisisa sei uprofita huri pana Joeri 2:7-9?

3 Verenga Joeri 2:7-9. Joeri akataura kuti mhashu dzakawanda dzaizoparadza nyika yeIsraeri. Mhashu dzacho dzaiva nemazino neshaya zvakaita sezveshumba, uye dzaizoparadza chese chadzaiona! (Joe. 1:4, 6) Kwemakore akawanda, tanga tichitsanangura kuti uprofita ihwohwo huri kutaura zviri kuitwa nevanhu vaJehovha mubasa rekuparidza, huchivafananidza nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, dzisina anogona kudzimisa. Tainzwisisa kuti basa iri rekuparidza raizoita kuti pave nekushungurudzika kwakanyanya ‘panyika,’ kureva pavanhu vari pasi pevatungamiriri vezvitendero. *

4 Kana tikangoverenga mashoko ari pana Joeri 2:7-9 chete, tinogona kufunga kuti ichocho ichokwadi. Asi kana tikaongorora mashoko ese ane chekuita neuprofita hwacho, tinoona kuti manzwisisiro edu anofanira kugadziriswa. Ngationei zvikonzero zvina zvinoita kuti tidaro.

ZVIKONZERO ZVINA ZVAITA KUTI TIGADZIRISE MANZWISISIRO EDU

5-6. Mubvunzo upi unovapo patinoverenga (a) Joeri 2:20? (b) Joeri 2:25?

5 Chekutanga, Jehovha paaitaura nezvedambudziko remhashu akati “Ndichadzingira vekuchamhembe [kureva mhashu] kure nemi.” (Joe. 2:20) Kudai mhashu dzaimiririra Zvapupu zvaJehovha izvo zvinoteerera murayiro waJesu wekuparidza uye wekuita kuti vanhu vave vadzidzi, Jehovha aizotaurirei kuti achavadzingira kure? (Ezek. 33:7-9; Mat. 28:19, 20) Zviri pachena kuti Jehovha haasi kudzinga vashumiri vake vakatendeka asi ane chimwe chaari kudzinga kana kuti ane mumwe munhu anoshungurudza vanhu vake waari kudzinga.

6 Chikonzero chechipiri tinochiwana pana Joeri 2:25. Ipapo Jehovha anoti: “Ndichakupai zvinotsiva zvamakarasikirwa nazvo mumakore akadyiwa zvinhu nemhashu dzinobhururuka dzakawanda, nemhashu dzisina mapapiro, nemhashu dzinodya dzisingasiyi chinhu, uye nemhashu dzinoparadza, iro uto rangu guru randakatuma pakati penyu.” Ona kuti Jehovha akavimbisa kuti aizopa “zvinotsiva” zvakaparadzwa nemhashu. Kana mhashu dzichimiririra vazivisi veUmambo, zvaizopa pfungwa yekuti mashoko avanoparidza anokuvadza. Asi mashoko iwayo anoponesa vanhu uye anogona kuita kuti vamwe vanhu vakaipa vapfidze zvivi zvavo. (Ezek. 33:8, 19) Ichocho chinotova chikomborero kwavari!

7. Pana Joeri 2:28, 29, mashoko ekuti “pashure paizvozvo” anotibatsira kunzwisisei?

7 Verenga Joeri 2:28, 29. Chikonzero chechitatu ndechekutevedzana kwezviitiko zviri muuprofita hwacho. Waona here kuti Jehovha anoti: “Pashure paizvozvo ndichadurura mweya wangu”; kureva kuti, pashure pekunge mhashu dzapedza basa radzakapiwa? Kana mhashu dziri vaparidzi veUmambo hwaMwari, Jehovha aizodurura sei mweya wake pashure pekunge vapedza kuparidza? Chokwadi ndechekuti pasina mweya mutsvene waMwari, vaisazombokwanisa kuramba vachiparidza kwemakore akawanda vachipikiswa uye vachirambidzwa kuita basa ravo.

Hama J. F. Rutherford nevamwe vakazodzwa vakaparidza neushingi nezvekutongwa kuchaitwa nyika ino yakaipa naMwari (Ona ndima 8)

8. Mhashu dzinotaurwa pana Zvakazarurwa 9:1-11 dzinomiririra vanaani? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

8 Verenga Zvakazarurwa 9:1-11. Iye zvino ngationei chikonzero chechina. Taimboti dambudziko remhashu rinotaurwa naJoeri rinomiririra basa redu rekuparidza nekuti panewo humwe uprofita hwakafanana nahwo huri mubhuku raZvakazarurwa. Uprofita huri muna Zvakazarurwa hunotaura nezvemhashu dzakawanda dzine zviso zvevanhu, uye dzine zvinhu ‘zvinoita sekorona dzegoridhe’ mumisoro yadzo. (Zvak. 9:7) Dzinorwadzisa ‘vanhu vaya vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo,’ kureva vavengi vaMwari, uye dzinovarwadzisa kwemwedzi mishanu, nguva inogona kuraramwa nemhashu. (Zvak. 9:4, 5) Vashumiri vaJehovha vakazodzwa ndivo vanofanira kunge vari kutaurwa pano. Vanoparidza neushingi nezvekutongwa kuchaitwa nyika ino yakaipa naMwari, uye izvi zvinoita kuti vese vanoitsigira vanetseke chaizvo.

9. Kusiyana kupi kuri pakati pemhashu dzakaonekwa naJoeri nedziya dzinotaurwa nezvadzo naJohani?

9 Uprofita hwemhashu hunotaurwa mubhuku raJoeri hwakada kufanana nehunotaurwa muna Zvakazarurwa, asi hwakasiyana chaizvo. Funga zvinotevera: Muuprofita hwaJoeri, mhashu dzinoparadza zvinomera. (Joe. 1:4, 6, 7) Asi pane zvakaonekwa naJohani, “dzakaudzwa kuti dzisakuvadza zvinomera zvepanyika.” (Zvak. 9:4) Mhashu dzakaonekwa naJoeri dzakabva kuchamhembe. (Joe. 2:20) Asi dzakaonekwa naJohani dzakabva mugomba rakadzikadzika. (Zvak. 9:2, 3) Mhashu dzinotaurwa naJoeri dzinodzingwa. Dzemuna Zvakazarurwa hadzidzingwi, asi dzinobvumirwa kuti dzipedze basa radzo. Hapana chinoratidza kuti Jehovha haadzifariri.​—Ona bhokisi rakanzi “ Uprofita Hune Chekuita Nemhashu​—Hwakada Kufanana Asi Hwakasiyana Chaizvo.”

10. Taura muenzaniso wemuBhaibheri unoratidza kuti mhashu dzinotaurwa naJoeri uye naJohani dzinogona kureva zvinhu zvakasiyana.

10 Kusiyana kwakaita uprofita huviri uhwu kunotibatsira kuona kuti hahusi kureva chinhu chimwe chete. Saka tiri kuti here mhashu dzinotaurwa muna Joeri dzakasiyana nedzinotaurwa muna Zvakazarurwa? Hongu. MuBhaibheri, chinhu chimwe chete chinogona kumiririra zvinhu zvakasiyana. Semuenzaniso, pana Zvakazarurwa 5:5, Jesu anonzi “Shumba yedzinza raJudha” ukuwo pana 1 Petro 5:8, Dhiyabhorosi anonzi “shumba inodzvova.” Zvikonzero zvina zvatakurukura kusvika pari zvino zvinoratidza kuti tinofanira kuva netsanangudzo itsva yeuprofita hwaJoeri. Tsanangudzo yacho ingava ipi?

UPROFITA HWACHO HUNOREVEI?

11. Mashoko api ari pana Joeri 1:6 uye 2:1, 8, 11 anotibatsira kunzwisisa zvinomiririrwa nemhashu?

11 Patinoongorora mamwe mavhesi ari muuprofita hwaJoeri, tinoona kuti aiprofita nezveuto raiuya kuzorwisa. (Joe. 1:6; 2:1, 8, 11) Jehovha akati aizoshandisa ‘uto rake guru’ (masoja eBhabhironi) kuti arange vaIsraeri vainge vasingateereri. (Joe. 2:25) Uto racho rakakodzera kunzi “vekuchamhembe” nekuti vaBhabhironi vaizopinda munyika yeIsraeri vachibva kuchamhembe. (Joe. 2:20) Uto racho rinofananidzwa nemhashu dzakawanda uye dzakanyatsorongeka. Joeri anoti nezvadzo: “[Musoja] mumwe nemumwe anoramba achienda ari munzira yake. . . . Vanomhanyira muguta, vanomhanya pamadziro. Vanokwira padzimba, vanopinda nepamahwindo sezvinoita mbavha.” (Joe. 2:8, 9) Unogona kufungidzira zviri kuitika here? Masoja ari pese pese. Hapana pekuhwanda. Hapana anogona kutiza bakatwa revaBhabhironi!

12. Uprofita hwaJoeri hunotaura nezvemhashu hwakazadzika sei?

12 VaBhabhironi (kana kuti vaKadheya) vakapinda muJerusarema semhashu muna 607 B.C.E. Bhaibheri rinoti: ‘Mambo wevaKadheya akauraya majaya avo nebakatwa uye haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana anorwara. Mwari akaisa zvese muruoko rwake. Akapisa imba yaMwari wechokwadi, akaputsa rusvingo rweJerusarema, akapisa shongwe dzaro dzese dzakavakwa zvakasimba, uye akaparadza zvinhu zvese zvaikosha.’ (2 Mak. 36:17, 19) VaBhabhironi pavakanga varwisa uye vaparadza nyika yacho, vanhu vaiiona vaingoti: “Idongo risina munhu kana mhuka uye yaiswa mumaoko evaKadheya.”​—Jer. 32:43.

13. Tsanangura kuti zviri kutaurwa pana Jeremiya 16:16, 18 zvinorevei.

13 Papera makore anenge 200 kubva pakaprofita Joeri, Jehovha akashandisa Jeremiya kuti aprofite zvimwe zvine chekuita nekurwisa uku. Akati vaIsraeri vaiita zvakaipa vaizonyatsotsvagwa kusvikira vabatwa. “‘Ndichashevedza vabati vehove vazhinji,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye vachavaraura vovabata. Pashure peizvi ndichashevedza vavhimi vazhinji, uye vachavavhima mumakomo ese nemuzvikomo zvese nemumikaha yematombo. . . . Ndichatsiva zvakaenzanirana nekukanganisa kwavo nechivi chavo.’” Makungwa kana masango aisazokwanisa kuvanza vaIsraeri vainge vasingapfidzi kuti vasaparadzwa nevaBhabhironi.​—Jer. 16:16, 18.

MASHOKO AKANAKA

14. Joeri 2:28, 29 yakazadzika riini?

14 Asi Joeri ane mashoko akanaka aakataura. Mashoko acho ndeekuti nyika ichaberekazve. (Joe. 2:23-26) Nekufamba kwenguva, paizowanika zvekudya zvekunamata zvakawanda. “Ndichadurura mweya wangu pavanhu vemarudzi ese,” anodaro Jehovha, “uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita . . . Uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vangu ndichadurura mweya wangu.” (Joe. 2:28, 29) Mweya mutsvene waMwari hauna kudururwa vaIsraeri vachangobva kuBhabhironi. Wakazodururwa papera mazana emakore, paPendekosti ya33 C.E. Tinoziva sei izvozvo?

15. Maererano naMabasa 2:16, 17, Petro akashandisa mashoko api akati siyanei neari pana Joeri 2:28, uye izvozvo zvinoratidzei?

15 Achifemerwa naMwari, muapostora Petro akati uprofita huri pana Joeri 2:28, 29 hwakazadzika pane zvakaitika pazuva iroro rePendekosti. Panenge panguva dza9 mangwanani, pakaitika chishamiso chekudururwa kwemweya mutsvene, zvikaita kuti vaya vakaugamuchira vatange kutaura “zvinhu zvikuru pamusoro paMwari.” (Mab. 2:11) Afemerwa nemweya mutsvene, Petro akashandisa mashoko akati siyanei paaitaura pfungwa iri muuprofita hwaJoeri. Waona here kusiyanisa kwaakaita mashoko acho? (Verenga Mabasa 2:16, 17.) Pane kutanga nemashoko ekuti “pashure paizvozvo,” Petro akati, “Mumazuva ekupedzisira,” kureva nguva pfupi Jerusarema netemberi yaro zvisati zvaparadzwa muna 70 C.E., mweya mutsvene waMwari waizodururwa “pavanhu vemarudzi ese.” Izvi zvinoratidza kuti pakanga papfuura nguva yakareba uprofita hwaJoeri husati hwazadzika.

16. Mweya mutsvene wakabatsira sei pabasa rekuparidza panguva yevaKristu vekutanga, uye uri kubatsira sei mazuva ano?

16 Mwari paakadurura mweya mutsvene wake pavaKristu vekutanga, vakabva vatanga basa rekuparidza iro raizoitwa pasi rese. Muapostora Pauro paakazonyora tsamba yake kuvaKorose, munenge muna 61 C.E., aigona kutaura kuti mashoko akanaka ainge aparidzirwa “zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Panguva yaPauro, “zvisikwa zvese” zvaireva nzvimbo dzainge dzafambwa naPauro nevamwe. Tichibatsirwa nemweya mutsvene waJehovha, mazuva ano tava kuita basa rekuparidza “kusvikira kumigumo yenyika.”​—Mab. 13:47; ona bhokisi rakanzi “ Ndichadurura Mweya Wangu.”

NDEZVIPI ZVACHINJA?

17. Ndezvipi zvachinja pamanzwisisiro ataiita uprofita hwaJoeri hune chekuita nemhashu?

17 Ndezvipi zvachinja? Iye zvino tava kunyatsonzwisisa zvakarurama uprofita huri pana Joeri 2:7-9. Zviri pachena kuti mavhesi aya haasi kutaura nezvekushingaira kwatiri kuita mubasa rekuparidza, asi ari kutaura zvakaitwa neuto revaBhabhironi iro rakapinda muJerusarema muna 607 B.C.E.

18. Ndezvipi zvisina kuchinja pavanhu vaJehovha?

18 Ndezvipi zvisina kuchinja? Vanhu vaJehovha vari kuramba vachiparidza mashoko akanaka kwese kwese, vachishandisa nzira dzese dzavanokwanisa. (Mat. 24:14) Hapana hurumende inogona kutitadzisa kuita basa redu rekuparidza. Uye Jehovha ari kutibatsira kuita zvakawanda pakuparidza mashoko akanaka eUmambo neushingi. Tinoramba tichivimba naJehovha kuti atibatsire kunzwisisa uprofita hweBhaibheri, tiine chivimbo chekuti panguva yakakodzera, achatitungamirira “muchokwadi chese.”​—Joh. 16:13.

RWIYO 97 Shoko raMwari Upenyu

^ ndima 5 Tava nemakore akawanda tichiti uprofita huri muna Joeri chitsauko 1 ne2 hunotaura nezvebasa rekuparidza ratiri kuita mazuva ano. Asi pane zvikonzero zvina zvinoratidza kuti tinofanira kugadzirisa manzwisisiro atinoita uprofita ihwohwo hwaJoeri. Zvikonzero zvacho ndezvipi?

^ ndima 3 Semuenzaniso, ona nyaya inoti “Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Uchenjeri hwaJehovha” iri muNharireyomurindi yaApril 15, 2009, ndima 14-16.