Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 20

Ndiani “Mambo Wekuchamhembe” Mazuva Ano?

Ndiani “Mambo Wekuchamhembe” Mazuva Ano?

“Achasvika pamagumo ake, uye hapana achamubatsira.”​—DHAN. 11:45.

RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Tichakurukurei munyaya ino?

TAVA neuchapupu hwakawanda kupfuura hwataiva nahwo kare hunoratidza kuti tava kumagumo emazuva ekupedzisira enyika ino. Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha naJesu Kristu vachaparadza hurumende dzese dzinopikisa Umambo. Izvozvo zvisati zvaitika, mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba vacharamba vachirwisana uye vachirwisa vanhu vaMwari.

2 Munyaya ino tichakurukura uprofita huri pana Dhanieri 11:40–12:1. Tichaona kuti ndiani mambo wekuchamhembe mazuva ano uye tichakurukura kuti nei tichigona kuramba takadzikama tichivimba naJehovha pasinei nezvingaitika.

MAMBO MUTSVA WEKUCHAMHEMBE

3-4. Ndiani mambo wekuchamhembe mazuva ano? Tsanangura.

3 Kubva pakaparara Soviet Union muna 1991, vanhu vaMwari vaigara munharaunda iyoyo ‘vakabatsirwa zvishoma,’ kureva kuti vakambova nerusununguko. (Dhan. 11:34) Saka vanhu vaMwari vakakwanisa kuparidza vakasununguka, uye munguva pfupi nhamba yevaparidzi yakawedzera chaizvo munyika dzaitongwa neSoviet Union. Asi zvishoma nezvishoma Russia nenyika dzinoitsigira dzakava mambo wekuchamhembe. Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, kuti hurumende ive mambo wekuchamhembe kana mambo wekumaodzanyemba inofanira kuita zvinhu zvitatu zvinoti: (1) kuva nezvainoita pavanhu vaMwari, (2) kuratidza nezvainoita kuti inovenga Jehovha nevanhu vake, uye (3) kukwikwidzana nemumwe mambo.

4 Ona kuti nei tichiti Russia nenyika dzinoitsigira ndiye mambo wekuchamhembe. (1) Dziri kurambidza basa rekuparidza uye dziri kutambudza vanhu vaMwari. (2) Zvadzinoita izvozvo zvinoratidza kuti dzinovenga Jehovha nevanhu vake. (3) Dziri kuedza kuva nesimba rinopfuura ramambo wekumaodzanyemba, Britain neAmerica. Ngationei zvakaitwa neRussia nenyika dzinoitsigira uye kuti nei izvi zvichiratidza kuti ndiye mambo wekuchamhembe.

MAMBO WEKUCHAMHEMBE NAMAMBO WEKUMAODZANYEMBA VANORAMBA VACHISUNDIDZIRANA

5. Inguva ipi inotaurwa nezvayo pana Dhanieri 11:40-43, uye chii chinoitika munguva iyoyo?

5 Verenga Dhanieri 11:40-43. Chikamu ichi cheuprofita chinotaura zvinoitika munguva yekuguma. Chinotsanangura nezvekurwisana kwamambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba. Sezvakataurwa naDhanieri, munguva yekuguma, mambo wekumaodzanyemba “achasundidzirana” kana kuti “achatungana” namambo wekuchamhembe.​—Dhan. 11:40; mashoko emuzasi.

6. Chii chinoratidza kuti madzimambo maviri aya ari kusundidzirana?

6 Mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba vari kurwira kuva hurumende ine simba kupfuura dzimwe dzese. Semuenzaniso, funga zvakaitika pashure peHondo Yenyika II, Soviet Union payakatanga kuva nesimba pachikamu chakakura cheEurope. Izvi zvakaita kuti mambo wekumaodzanyemba abvumirane nedzimwe nyika kuti vabatanidze mauto avo, vachiumba sangano rinonzi North Atlantic Treaty Organization (NATO). Mambo wekuchamhembe ari kushandisa mari yakawanda kuti ave neuto rakasimba kupfuura mamwe ese, uye izvi ndizvo zviri kuitwawo namambo wekumaodzanyemba. Mambo wekuchamhembe ari kuramba achirwisa kuburikidza nekutsigira vavengi vamambo wekumaodzanyemba mukurwisana kuri kuitwa muAfrica, Asia, uye Latin America. Mumakore achangopfuura, nyika yeRussia nedzimwe dzinoitsigira dzakava nesimba rakakura chaizvo panyika. Dziri kurwisawo mambo wekumaodzanyemba dzichishandisa makombiyuta. Mambo mumwe nemumwe ari kupomera mumwe kuti ari kushandisa mapurogiramu emakombiyuta kuti aparadze upfumi hwemumwe uye hurumende yemumwe. Uye sezvakataurwa naDhanieri, mambo wekuchamhembe ari kuramba achirwisa vanhu vaMwari.​—Dhan. 11:41.

MAMBO WEKUCHAMHEMBE ANOPINDA “MUNYIKA INOSHONGEDZA”

7. Chii chinonzi “nyika Inoshongedza”?

7 Dhanieri 11:41 inotaura kuti mambo wekuchamhembe achapinda “munyika Inoshongedza.” Nyika iyoyo ndeipi? Kare, nyika yeIsraeri ndiyo yakanga “yakanaka kupfuura dzimwe dzese.” (Ezek. 20:6) Asi chaiita kuti nyika iyoyo ive inokosha chaizvo ndechekuti ndimo maiva nekunamata kwechokwadi. Kubva paPendekosti ya33 C.E., pakanga pasisina nzvimbo chaiyo inonzi “nyika Inoshongedza,” nekuti vanhu vaJehovha vakapararira nenyika yese. Mazuva ano, “nyika Inoshongedza” ndiwo mararamiro anoitwa nevanhu vaJehovha ayo anosanganisira zvinhu zvakadai sekunamata kwavanoita Jehovha pamisangano uye kuparidza.

8. Mambo wekuchamhembe akapinda sei “munyika Inoshongedza”?

8 Mumazuva ekupedzisira, mambo wekuchamhembe ari kuramba achipinda “munyika Inoshongedza.” Semuenzaniso, Nazi Germany payakava mambo wekuchamhembe, kunyanya pairwiwa hondo yenyika yechipiri, mambo iyeye akapinda “munyika Inoshongedza” nekutambudza uye kuuraya vanhu vaMwari. Pashure peHondo Yenyika II, Soviet Union payakava mambo wekuchamhembe yakapinda “munyika Inoshongedza” payakatambudza vanhu vaMwari uye ichivaendesa kure nemisha yavo.

9. Mumakore achangopfuura, nyika yeRussia nedzimwe dzinoitsigira dzakapinda sei “munyika Inoshongedza”?

9 Mumakore achangopfuura, nyika yeRussia nedzimwe dzinoitsigira dzakapindawo “munyika Inoshongedza.” Dzakapinda sei? Muna 2017, Russia yakarambidza basa revanhu vaJehovha uye yakaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dziiswe mujeri. Yakarambidzawo mabhuku edu kusanganisira Shanduro yeNyika Itsva. Uyewo yakatora hofisi yedu yebazi muRussia pamwe chete neDzimba dzeUmambo neDzimba Dzemagungano. Izvi zvakaita kuti muna 2018, Dare Rinotungamirira rizivise kuti Russia nenyika dzinoitsigira ndiye mambo wekuchamhembe. Asi vanhu vaJehovha havasi kuzoedza kurwisa kana kuchinja chero hurumende ipi zvayo, kunyange ikavatambudza zvakadii. Vanoteerera zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti vanyengeterere “vese vane zvinzvimbo zvepamusoro,” kunyanya pavanoita zvisarudzo zvinoita kuti tikwanise kana kuti titadze kunamata takasununguka.​—1 Tim. 2:1, 2.

MAMBO WEKUCHAMHEMBE ACHAPARADZA MAMBO WEKUMAODZANYEMBA HERE?

10. Mambo wekuchamhembe achaparadza mambo wekumaodzanyemba here? Tsanangura.

10 Uprofita huri pana Dhanieri 11:40-45 hunonyanya kutaura nezvamambo wekuchamhembe. Saka zvinoreva here kuti achaparadza mambo wekumaodzanyemba? Kwete. Mambo wekumaodzanyemba achange achiripo Jehovha naJesu pavachaparadza hurumende dzese dzevanhu pahondo yeAmagedhoni. (Zvak. 19:20) Nei tiine chokwadi nazvo? Ngationei zvinotaurwa neuprofita huri muna Dhanieri nemuna Zvakazarurwa.

PaAmagedhoni, Umambo hwaMwari uhwo hunofananidzwa nedombo huchaparadza hurumende dzevanhu dzinomiririrwa nechifananidzo chikuru (Ona nyaya yekudzidza 20, ndima 11)

11. Dhanieri 2:43-45 inoratidzei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

11 Verenga Dhanieri 2:43-45. Muprofita Dhanieri anotaura nezvehurumende dzevanhu dzinotonga nzvimbo dzine vanhu vaMwari vakawanda. Hurumende idzi dzinotaurwa nezvadzo senhengo dzakasiyana-siyana dzemuviri wechifananidzo chikuru. Hurumende yekupedzisira pachifananidzo ichi ndiyo inomiririrwa netsoka dzakagadzirwa nesimbi yakasanganiswa neivhu. Tsoka dzacho dzinofananidzira Umambo hweBritain neAmerica. Uprofita hwacho hunoratidza kuti Umambo hweBritain neAmerica huchange huchiri kutonga pachaparadzwa hurumende dzese dzevanhu neUmambo hwaMwari.

12. Musoro wechinomwe wechikara unomiririrei, uye nei zvichikosha kuti tizive izvi?

12 Muapostora Johani anotaurawo nezvehurumende dzevanhu dzinotonga nzvimbo dzine vanhu vaMwari vakawanda. Johani anofananidza hurumende idzi nechikara chine misoro minomwe. Musoro wechinomwe wechikara ichi unomiririra Umambo hweBritain neAmerica. Zvinokosha kuti tizive izvi nekuti hapana mumwe musoro uchabudazve pachikara ichi. Musoro wechinomwe wechikara ichi ndiwo uchange uchiri kutonga pachauya Kristu nemauto ake ekudenga kuzoparadza chikara ichi. *​—Zvak. 13:1, 2; 17:13, 14.

MAMBO WEKUCHAMHEMBE ACHAITEI MUNGUVA PFUPI INOTEVERA?

13-14. “Gogi wenyika yeMagogi” ndiani, uye chii chinogona kuita kuti arwise vanhu vaMwari?

13 Uprofita hwakanyorwa naEzekieri hunotibatsira kuona zvinogona kuitika mambo wekuchamhembe newekumaodzanyemba vasati vaparadzwa. Kana tikaona uprofita huri pana Ezekieri 38:10-23; Dhanieri 2:43-45; 11:44–12:1; uye Zvakazarurwa 16:13-16, 21 sehuri kutaura zvinhu zvimwe chete, tinogona kutarisira kuti zvinhu zvinotevera ndizvo zvichaitika.

14 Pane imwe nguva kutambudzika kukuru kwatanga, “madzimambo enyika yese” achabatana. (Zvak. 16:13, 14; 19:19) Nyika idzodzo dzinenge dzabatana ndidzo dzinonzi neBhaibheri “Gogi wenyika yeMagogi.” (Ezek. 38:2) Nyika idzi dzicharwisa vanhu vaMwari vese uye dzichaedza kuvaparadza zvachose. Chii chichaita kuti vanhu vaMwari varwiswe? Achitaura nezvenguva iyi, muapostora Johani akaona chimvuramabwe chainge chakakura chaizvo chichirova vavengi vaMwari. Chimvuramabwe ichi chekufananidzira chinogona kunge chiri mashoko anorwadza anenge achiziviswa nevanhu vaMwari ekuparadzwa kuchaitwa vanhu. Mashoko aya angangodaro ari iwo achaita kuti Gogi weMagogi arwise vanhu vaMwari aine chinangwa chekuvaparadza zvachose panyika.​—Zvak. 16:21.

15-16. (a) Dhanieri 11:44, 45 ingangodaro iri kutaura nezvechiitiko chipi? (b) Chii chichaitika kuna mambo wekuchamhembe pamwe chete nedzimwe nyika dzese dzinoumba Gogi weMagogi?

15 Mashoko iwayo anorwadza uye kurwisa kuchaita vavengi vaMwari kungangodaro kuri iko kunotaurwa nezvako pana Dhanieri 11:44, 45. (Verenga.) Dhanieri anotaura kuti “mashoko achabva kumabvazuva nekuchamhembe” achavhiringa mambo wekuchamhembe uyo achabva aenda “akatsamwa kwazvo.” Mambo wekuchamhembe achange achida “kunotsakatisa vanhu vazhinji.” “Vanhu vazhinji” vari kutaurwa nezvavo vanogona kunge vari vanhu vaJehovha. * Pano Dhanieri anogona kunge ari kutaura nezvekurwiswa kwekupedzisira kuchaitwa vanhu vaMwari.

16 Kurwisa kuchaitwa namambo wekuchamhembe akabatana nedzimwe hurumende dzese dzepanyika kuchatsamwisa Mwari Wemasimbaose obva aunza hondo yeAmagedhoni. (Zvak. 16:14, 16) Panguva iyoyo, mambo wekuchamhembe achabva aparadzwa pamwe chete nedzimwe nyika dzese dzinoumba Gogi weMagogi, uye “hapana achamubatsira.”​—Dhan. 11:45.

Pahondo yeAmagedhoni, Jesu Kristu nemauto ake ekudenga achaparadza nyika yaSatani, oponesa vanhu vaMwari (Ona ndima 17

17. Mikaeri “muchinda mukuru” anotaurwa pana Dhanieri 12:1 ndiani, ari kuitei iye zvino, uye achaitei mune ramangwana?

17 Vhesi inotevera iri mubhuku raDhanieri inotiudza mashoko akawanda nezvekuparadzwa kwamambo wekuchamhembe pamwe chete nenyika dzinomutsigira uye kuti tichaponeswa sei. (Verenga Dhanieri 12:1.) Vhesi iyi inorevei? Mikaeri nderimwe zita raMambo wedu ari kutonga, Kristu Jesu. ‘Akamira achirwira’ vanhu vaMwari kubva muna 1914 pakagadzwa Umambo hwake kumatenga. Munguva pfupi iri kuuya, “achasimuka,” kana kuti achaparadza vavengi vake, pahondo yeAmagedhoni. Hondo iyoyo ndiyo ichava chiitiko chekupedzisira ‘panguva yekutambudzika’ kusina kumbobvira kwaitika inotaurwa naDhanieri. Uprofita hwaJohani huri muna Zvakazarurwa hunoti nguva iyoyo inonzi “kutambudzika kukuru.”​—Zvak. 6:2; 7:14.

ZITA RAKO RICHANGE ‘RAKANYORWA MUBHUKU’ HERE?

18. Nei tichakwanisa kuramba takadzikama pasinei nezvichaitika mune ramangwana?

18 Tinogona kuramba takadzikama mune ramangwana nekuti Dhanieri naJohani vakati vaya vanoshumira Jehovha naJesu vachapona pakutambudzika kukuru. Dhanieri akati vaya vachapona ndivo vachange vaine mazita “akanyorwa mubhuku.” (Dhan. 12:1) Tingaitei kuti mazita edu anyorwe mubhuku iroro? Tinofanira kuratidza kuti tinotenda muna Jesu, Gwayana raMwari. (Joh. 1:29) Tinofanira kuzvitsaurira kuna Mwari, tobhabhatidzwa. (1 Pet. 3:21) Tinofanira kutsigira Umambo hwaMwari nekubatsira vamwe kuti vadzidze nezvaJehovha.

19. Tinofanira kuitei iye zvino, uye nei tichifanira kudaro?

19 Ino ndiyo nguva yekuti tiwedzere kuvimba naJehovha nesangano rake revashumiri vakavimbika. Ndiyo nguva yekutsigira Umambo hwaMwari. Kana tikadaro tichaponeswa Umambo hwaMwari pahuchaparadza mambo wekuchamhembe newekumaodzanyemba.

RWIYO 149 Rwiyo Rwekukunda

^ ndima 5 Ndiani “mambo wekuchamhembe” mazuva ano, uye achaparadzwa sei? Kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi kuchasimbisa kutenda kwedu uye kuchatibatsira kugadzirira miedzo yatichasangana nayo munguva pfupi iri kuuya.