Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unyoro​—Hunotibatsira Sei?

Unyoro​—Hunotibatsira Sei?

“Ndiri munhu anonyara,” anodaro Sara, * “uye handina ushingi hwekutaura. Saka handinzwi ndakasununguka kana ndiri pane vanhu vanotaurisa uye vanongoda kunzwiwa ivo chete. Asi ndinonzwa ndakasununguka pandinenge ndiine munhu munyoro uye anozvininipisa. Ndinogona kuudza munhu iyeye manzwiro angu uye kukurukura naye nezvematambudziko angu. Shamwari dzangu dzepedyo vanhu vanyoro uye vanozvininipisa.”

Zvakataurwa naSara zvinoratidza kuti kana tiri vanyoro, vamwe vanhu vanodawo kuva shamwari dzedu. Unyoro hunofadzawo Jehovha. Shoko rake rinotikurudzira kuti: “Pfekai . . . unyoro.” (VaK. 3:12) Chii chinonzi unyoro? Jesu akaratidza sei unyoro? Kuva vanhu vanyoro kunotibatsira sei kuti tiwedzere kufara muupenyu?

CHII CHINONZI UNYORO?

Unyoro hunovapo kana uri munhu ane rugare nevamwe. Munhu munyoro anobata vamwe zvakanaka, uye kana akagumburwa nevamwe anoramba akadzikama uye anozvidzora.

MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “unyoro” raishandiswa pakutsanangura bhiza remusango rainge radzidziswa kuti rikwanise kugara nevanhu. Kunyange zvazvo bhiza racho rikapingudzwa, rinoramba riine simba raraiva naro. Saizvozvowo, kuva munyoro hazvirevi kuti munhu haana simba. Nei tichidaro? Nekuti anokwanisa kudzora manzwiro asina kunaka aanenge ainawo, oramba aine rugare nevamwe.

Tinogona kufunga kuti zvekuva vanyoro hazvisi matiri. Tinorarama munyika ine vanhu vanoda zvemhirizhonga uye vasina mwoyo murefu, saka zvinogona kutiomera kuva vanyoro. (VaR. 7:19) Zvinotoda kushanda nesimba kuti tive vanyoro, uye mweya mutsvene waJehovha uchatibatsira kuti tirambe tichiedza kuva vanyoro. (VaG. 5:22, 23) Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tive vanhu vanyoro?

Kuva munyoro kunoita kuti ufarirwe nevanhu. Sezvakaonekwa naSara ambotaurwa nezvake, tinonzwa takasununguka kana tiri pane vanhu vanyoro. Pavanhu vakamborarama panyika, Jesu ndiye anopfuura vese pakuratidza unyoro uye mutsa. (2 VaK. 10:1) Kunyange vana avo vakanga vasingamuzivi vaida kuva pedyo naye.​—Mako 10:13-16.

Kuva vanyoro kunotibatsira uye kunobatsirawo vamwe. Kana tiri vanyoro hatikurumidzi kugumbuka kana kuita chimwe chinhu takatsamwa. (Zvir. 16:32) Hatizonzwi tiine mhosva nekuti tinenge tisina munhu watagumbura, kunyanya munhu watinoda. Uye kuva vanyoro kunobatsira vamwe nekuti kuchaita kuti tisaita zvinhu zvinovarwadza.

MUNHU AIVA MUNYORO KUPFUURA VAMWE VESE

Pasinei nekuti aiva nezvakawanda zvekuita, Jesu aiva munyoro kuvanhu vese. Vakawanda munguva yake vaitambura uye vainge vakaremerwa, saka vaida kuzorodzwa. Vanofanira kunge vakanyaradzwa Jesu paakavaudza kuti: “Uyai kwandiri, . . . nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa”!​—Mat. 11:28, 29.

Tingaitei kuti tive vanhu vanyoro sezvainge zvakaita Jesu? Tinodzidza shoko raMwari kuti tizive kuti Jesu aibata sei vanhu uye zvaaiita kana zvinhu zvakaoma. Uye panomuka mamiriro ezvinhu angaita kuti zvitiomere kuva vanhu vanyoro, tinoedza kutevedzera Jesu. (1 Pet. 2:21) Funga zvinhu zvitatu zvakabatsira Jesu kuti ave munyoro.

Jesu aiva munhu anozvininipisa. Jesu akati aiva ‘munyoro uye aiva nemwoyo unozvininipisa.’ (Mat. 11:29) Bhaibheri rinotaura zvinhu zviviri izvi pamwe chete nekuti unyoro hwakabatana nekuzvininipisa. (VaEf. 4:1-3) Nei zvakadaro?

Kuzvininipisa kunotibatsira kuti tisakurumidza kugumburwa nezvinenge zvataurwa nevamwe. Jesu akaita sei paaipomerwa nevanhu kuti “anokara” uye kuti “anonwisa waini”? Akaratidza nemararamiro ake kuti zvaaipomerwa zvaiva zvenhema uye akataura neunyoro kuti “uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.”​—Mat. 11:19.

Kana munhu akataura asina kufunga nezverudzi rwako kana kuti kwaunobva, edza kumupindura neunyoro. Peter, uyo anoshumira semukuru mune imwe ungano kuSouth Africa, akati: “Kana ndikasvotwa nezvinenge zvataurwa nemumwe munhu, ndinozvibvunza kuti, ‘Dai ari Jesu aitirwa izvi aizoita sei?’” Peter anowedzera kuti: “Ndakadzidza kusakurumidza kugumbuka.”

Jesu aiziva kuti vanhu vane zvavasingakwanisi kuita. Vadzidzi vaJesu vaida kuita zvakanaka, asi dzimwe nguva vaikundikana nemhaka yechivi. Usiku hwekupedzisira Jesu asati afa, Petro, Jakobho, naJohani, vakatadza kuramba vakamuka sezvaainge avaudza. Jesu akaratidza kuti ainzwisisa kuti ‘mweya unoda, asi nyama haina simba.’ (Mat. 26:40, 41) Izvi zvakaita kuti Jesu asagumbukira vaapostora vake.

Imwe hanzvadzi inonzi Mandy yaiwanzotsoropodza vamwe, asi iye zvino iri kushanda nesimba kuti ive munhu munyoro sezvainge zvakaita Jesu. Mandy anoti, “Ndinoedza kuyeuka kuti vanhu vese vanokanganisa uye ndinoisa pfungwa pazvakanaka zvavanoita sezvinoitwa naJehovha.” Kunzwisisa kwaiita Jesu kuti vanhu vanokanganisa kungakubatsirawo here kuti ubate vamwe neunyoro?

Jesu aivimba naMwari. Jesu paaiva panyika akatsungirira kubatwa zvisina kunaka. Akazvidzwa, akatambudzwa uye vamwe vanhu vaisamunzwisisa. Kunyange zvakadaro, akaramba ari munyoro nekuti “akazviisa mumaoko euya anotonga zvakarurama.” (1 Pet. 2:23) Jesu aiziva kuti Baba vake vekudenga vaimuda uye kuti panguva yavo yakakodzera vaizoranga vaya vaimubata zvisina kunaka.

Kana tikabatwa zvisina kunaka, toita zvinhu takatsamwa tinogona kuita kuti zvinhu zvitowedzera kuipa. Ndokusaka Bhaibheri richitiyeuchidza kuti: “Kutsamwa kwemunhu hakuiti kuti pave nekururama kunodiwa naMwari.” (Jak. 1:20) Kunyange tiine chikonzero chine musoro chekuti titsamwe, chivi chatiinacho chinogona kuita kuti tiite zvinhu zvisina kunaka.

Imwe hanzvadzi yekuGermany inonzi Cathy yaiti, ‘Kana ukasazvimiririra hapana munhu achakumiririra.’ Asi paakadzidza kuvimba naJehovha, akachinja mafungiro ake. “Iye zvino handichafaniri hangu kugara ndakagadzirira kuzvidzivirira,” anodaro. “Ndava kukwanisa kuva munyoro nekuti ndinoziva kuti Jehovha achagadzirisa zvese zvisina kunaka munyika.” Kana ukasabatwa zvakanaka, kuvimba naMwari sezvakaitwa naJesu kuchakubatsirawo kuti urambe uri munyoro.

“VANOFARA VANYORO”

Unyoro hungatibatsira sei zvinhu pazvinenge zvakaoma?

Jesu akaratidza kuti kana tichida kufara tinofanira kuva vanyoro. Akati, “Vanofara vanyoro.” (Mat. 5:5) Ona kuti kuva munyoro kunobatsira sei mumamiriro ezvinhu anotevera.

Kana paine zviri kunetsa muwanano, kuva munyoro kunoita kuti zvinhu zvidzikame. Imwe hama yekuAustralia inonzi Robert yakati, “Ndine mashoko akawanda anorwadza andaiudza mudzimai wangu ndisina kufunga. Asi kana uine zvawataura wakagumbuka, hazviiti kuti uite sekuti hauna zvawataura. Ndainetseka chaizvo pandaiona kumurwadzisa kwandinenge ndaita.”

“Tese tinokanganisa kazhinji” pakutaura uye mashoko atinotaura tisina kufunga anogona kuita kuti mumba musave nerugare. (Jak. 3:2) Kana izvozvo zvikaitika, kuva munyoro kuchatibatsira kuramba takadzikama uye kudzora rurimi rwedu.​—Zvir. 17:27.

Robert akashanda nesimba kuti ave munhu munyoro uye anozvidzora. Izvozvo zvakabatsirei? Robert anoti: “Iye zvino ini nemudzimai wangu patinotadza kuwirirana ndinoedza kunyatsomuteerera, kutaura neunyoro, uye kushanda nesimba kuti ndirege kugumbuka. Tava kunyatsodanana.”

Unyoro hunotibatsira kuti tiwirirane nevamwe. Vanhu vanokurumidza kugumbuka havaiti shamwari dzakawanda. Asi unyoro hunotibatsira kuti ‘tirambe takabatana muchisungo cherugare.’ (VaEf. 4:2, 3) Cathy ambotaurwa anoti, “Kuva munyoro kuri kundibatsira kuti ndikwanise kushamwaridzana nevamwe kunyange zvazvo dzimwe nguva zvisiri nyore kuwirirana nevamwe.”

Unyoro hunoita kuti tive nerugare. Bhaibheri rinoratidza kuti “uchenjeri hunobva kumusoro” hwakabatana neunyoro uye rugare. (Jak. 3:13, 17) Munhu munyoro, ane “mwoyo wakadzikama.” (Zvir. 14:30) Martin uyo akashanda nesimba kuti ave munhu munyoro anoti, “Iye zvino handichasimbiriri kuti zvinhu zviitwe sezvandinenge ndichida uye ndava munhu anofara uye ane rugare.”

Zvingada kuti tishande nesimba kuti tive vanyoro. Imwe hama yakati, “Kutaura chokwadi kunyange iye zvino ndinombovira nehasha.” Asi Jehovha uyo anotikurudzira kuti tive vanyoro achatibatsira. (Isa. 41:10; 1 Tim. 6:11) Anogona ‘kupedzisa kutidzidzisa’ uye ‘achatisimbisa.’ (1 Pet. 5:10) Nekufamba kwenguva, tichakwanisa kuratidza “unyoro nemutsa zvaKristu” sezvakaitwa nemuapostora Pauro.​—2 VaK. 10:1.

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.