Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 23

“Zita Renyu Ngaritsveneswe”

“Zita Renyu Ngaritsveneswe”

“Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nekusingaperi.”—PIS. 135:13.

RWIYO 10 Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Inyaya dzipi dzinokosha chaizvo kuZvapupu zvaJehovha?

NYAYA dzine chekuita neuchangamire hwaJehovha uye kutsveneswa kwezita rake dzinokosha chaizvo kwatiri. SeZvapupu zvaJehovha, tinoda chaizvo kukurukura nyaya idzodzo. Asi zvinoreva here kuti uchangamire hwaMwari uye kutsveneswa kwezita rake inyaya mbiri dzisina kubatana? Aiwa.

2 Tese takasvika pakuziva kuti zita raMwari rinofanira kutsveneswa. Takadzidzawo kuti zvinofanira kuva pachena kuti uchangamire hwaJehovha kana kuti matongero ake ndiwo akanaka kupfuura mamwe ese. Saka nyaya mbiri idzi dzinokosha chaizvo kwatiri.

3. Zita raJehovha rinosanganisirei?

3 Zita raJehovha rine chekuita nezvese zvakaita Mwari wedu, kusanganisira matongero ake. Saka kana tichiti kutsveneswa kwezita raJehovha inyaya inokosha chaizvo, tinenge tichitiwo matongero ake anofanira kuva pachena kuti ndiwo akanaka kupfuura mamwe ese. Zita raJehovha rinonyatsoratidza matongero aanoita saChangamire wezvinhu zvese.—Ona bhokisi rakanzi “ Nyaya Dzakabatana Nekutsveneswa Kwezita raMwari.”

4. Pisarema 135:13 inoti chii nezvezita raMwari, uye tichapindura mibvunzo ipi munyaya ino?

4 Zita raJehovha rakakosha chaizvo. (Verenga Pisarema 135:13.) Chii chinoita kuti zita raMwari rikoshe chaizvo? Rakasvibiswa sei kekutanga? Mwari anoritsvenesa sei? Uye zvii zvatingaitawo kuti zita rake ritsveneswe? Ngatipindurei mibvunzo iyoyo.

KUKOSHA KUNOITA ZITA

5. Vamwe vanhu vanova nemubvunzo upi pavanonzwa nezvekuti zita raMwari rinofanira kutsveneswa?

5 “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Jesu akati ichi ndechimwe chezvinhu zvinokosha chatinofanira kunyengeterera. Asi mashoko aJesu anorevei? Kutsvenesa chinhu zvinoreva kuchiita kuti chive chakachena kana kuti chitsvene. Asi vamwe vanhu vanova nemubvunzo wekuti, ‘Zita raJehovha ragara risiri dzvene here?’ Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kufunga kuti zita rinosanganisirei.

6. Chii chinoita kuti zita rikoshe?

6 Kuziva munhu kunopfuura kungoziva zita rake kana kuti kuritaura zvinonzwika. Bhaibheri rinoti: “Zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji.” (Zvir. 22:1; Mup. 7:1) Nei zita richikosha zvakadaro? Nekuti rine chekuita nemukurumbira, kureva maonerwo anoitwa muridzi wezita racho. Saka manyorerwo anoitwa zita kana kuti mataurirwo arinoitwa handiwo anonyanya kukosha, asi zvinouya mupfungwa dzevanhu pavanoona zita iroro kana kuti pavanorinzwa ndizvo zvinonyanya kukosha.

7. Vanhu vanosvibisa sei zita raMwari?

7 Vanhu pavanotaura nhema nezvaJehovha, vanenge vachida kuti vamwe vafunge zvakaipa nezvake. Pavanodaro vanenge vava kutopa Mwari mhosva vachisvibisa zita rake. Kusvibiswa kwezita raMwari uye mukurumbira wake kwakatangira mumunda weEdheni. Ngationei zvatinodzidza kubva pane zvakaitika mumunda weEdheni.

ZITA RAMWARI RAKASVIBISWA SEI KEKUTANGA?

8. Adhamu naEvha vaizivei, uye mibvunzo ipi yatingava nayo?

8 Adhamu naEvha vaiziva zita raJehovha uye vaizivawo zvakawanda nezvake. Vaiziva kuti ndiye Musiki wavo ainge avapa upenyu nemusha wakanaka waiva Paradhiso. Adhamu akapiwa mudzimai asina chivi uye Evha akapiwa murume asina chivi. (Gen. 1:26-28; 2:18) Asi vaizoramba vachifungisisa zvese zvavakanga vaitirwa naJehovha here? Kuda uye kuonga kwavaiita Jehovha kwaizoramba kuchiwedzera here? Mhinduro yacho yakazobuda pachena pavakaedzwa nemuvengi waMwari.

9. Maererano naGenesisi 2:16, 17 uye 3:1-5, Jehovha akaudzei murume nemukadzi vekutanga, uye Satani akaitei kuti vasava nechokwadi nezvavainge vaudzwa?

9 Verenga Genesisi 2:16, 17 uye 3:1-5. Satani akashandisa nyoka kuti zviite sekuti ndiyo yaitaura paakabvunza Evha kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?” Mubvunzo iwoyo wakanga uine nhema dzisiri pachena dzainge dzakaita semuchetura usingaoneki. Mwari akanga ati vaigona havo kudya mimwe michero yemiti yese kunze kwemumwe chete. Adhamu naEvha vaigona kudya michero yakasiyana-siyana yemiti yakawanda. (Gen. 2:9) Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jehovha anopa. Asi Mwari akati Adhamu naEvha vasadya muchero wemuti mumwe chete waainge avarambidza. Saka mubvunzo waSatani wakaita kuti vasava nechokwadi nezvavainge vaudzwa. Satani akaita kuti zviite sekuti Mwari anonyima. Zvimwe Evha akafunga kuti Mwari aiva nechimwe chinhu chakanaka chaainge asiri kumupa.

10. Satani akasvibisa sei zita raMwari zviri pachena, uye zvakaguma nei?

10 Panguva iyoyo, Evha akanga achiri kuona Jehovha seMutongi wake. Akapindura Satani achidzokorora zvaainge audzwa naMwari. Akatowedzera kuti vaisafanira kumbobata muti wacho. Aiziva kuti kusateerera Mwari kwaizoita kuti vafe. Asi Satani akati: “Chokwadi hamumbofi.” (Gen. 3:2-4) Apa Satani akanga asisiri kuhwanda. Iye zvino akanga ava kusvibisa zita raMwari zviri pachena, achitoudza Evha kuti Jehovha anonyepa. Satani akabva ava dhiyabhorosi, izvo zvinoreva munhu anosvibisa zita remumwe. Evha akanyengerwa chaizvo, akabvuma zvakataurwa naSatani. (1 Tim. 2:14) Akavimba naye pane kuvimba naJehovha. Izvi zvakabva zvaita kuti Evha aite chisarudzo chakaipa chaizvo. Akasarudza kusateerera Jehovha. Akabva atanga kudya muchero waakanga anzi naJehovha asadya, uye akazopawo Adhamu.—Gen. 3:6.

11. Vabereki vedu vekutanga vangadai vakaitei, uye chii chavakatadza?

11 Chimbofunga kuti Evha aifanira kunge akapindura sei Satani. Fungidzira achitaura mashoko akaita seaya: “Handikuzivi, asi ndinoziva Baba vangu Jehovha, ndinovada uye ndinovimba navo. Ndivo vakapa ini naAdhamu zvese zvatiinazvo. Haunyari here kutaura zvakaipa kudaro nezvavo? Ibva pano!” Jehovha aizofara chaizvo kunzwa mashoko akadaro achitaurwa nemwanasikana wake. (Zvir. 27:11) Asi Evha akanga asingadi Jehovha nemwoyo wese, uye ndizvo zvakanga zvakaitawo Adhamu. Saka vakatadza kudzivirira zita raBaba vavo kuti risasvibiswa.

12. Satani akaita sei kuti Evha asava nechokwadi mupfungwa dzake, uye Adhamu naEvha vakatadza kuitei?

12 Sezvataona, Satani akatanga nekuita kuti Evha asava nechokwadi mupfungwa dzake. Akaita kuti aone Jehovha sababa vakaipa. Adhamu naEvha vakatadza kutsvenesa zita raJehovha uye mukurumbira wake panhema dzakataurwa naSatani. Ndokusaka zvakavaitira nyore kuti vateerere Satani uye vapandukire Baba vavo. Satani anoshandisa mazano akafanana naiwayo mazuva ano. Anokanganisa zita raJehovha nekutaura nhema nezvaro. Zviri nyore kuti vanhu vanobvuma nhema dzaSatani varambe kutongwa naJehovha.

JEHOVHA ANOTSVENESA ZITA RAKE

13. Ezekieri 36:23 inobudisa sei pachena dingindira reBhaibheri?

13 Jehovha anongosiya zita rake richisvibiswa asina zvaanoita here? Aiwa! Bhaibheri rinotaura zvakaitwa naJehovha kuti atsvenese zita rake panhema dzakataurwa nezvake muEdheni. (Gen. 3:15) Tinogona kupfupikisa zvinotaurwa neBhaibheri tichiti: Jehovha anotsvenesa zita rake achishandisa Umambo hunotungamirirwa neMwanakomana wake uye anoita kuti panyika pave nekururama nerugare. Saka kana tikaverenga Bhaibheri, tichanzwisisa kuti Jehovha achatsvenesa sei zita rake.—Verenga Ezekieri 36:23.

14. Zvakaitwa naJehovha paakapandukirwa muEdheni zvinotsvenesa sei zita rake?

14 Satani ari kuita zvese zvaanogona kuti atadzise Jehovha kuzadzisa chinangwa chake. Asi Satani ari kuramba achingokundikana. Bhaibheri rinotiudza zvakaitwa naJehovha uye rinotibatsira kuona kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari. Kupanduka kwaSatani nevaya vanomutsigira kwakaita kuti Jehovha arwadziwe zvikuru. (Pis. 78:40) Asi mabatiro aakaita nyaya yacho akaratidza kuti ane uchenjeri, ane mwoyo murefu uye kuti anotonga zvakarurama. Akaratidzawo simba rake guru munzira dzakawanda. Chinonyanya kukosha ndechekuti rudo rwake runooneka pazvese zvaanoita. (1 Joh. 4:8) Jehovha anoramba achishanda kuti atsvenese zita rake.

Satani akanyepera Evha nezvaJehovha uye kwezviuru zvemakore, ari kuramba achitaura zvakaipa nezvaMwari (Ona ndima 9-10, 15) *

15. Satani ari kusvibisa sei zita raMwari mazuva ano uye zviri kuguma nei?

15 Satani achiri kusvibisa zita raMwari. Anonyengera vanhu kuti vasava nechokwadi chekuti Jehovha ndiMwari ane simba, anotonga zvakarurama, ane uchenjeri uye ane rudo. Semuenzaniso, anoda kuti vanhu vabvume kuti Jehovha haasi Musiki. Uye kana vanhu vakabvuma kuti Mwari ariko, Satani anoda kuti vafunge kuti mitemo yaMwari inoita kuti vasava nerusununguko uye inovadzvinyirira. Anotodzidzisa vanhu kuti Jehovha ndiMwari akaoma mwoyo uye ane utsinye, anopisa vanhu mumoto. Pavanobvuma nhema idzodzo, zvinenge zvava nyore kuti varambe kutonga kwaJehovha kwakarurama. Kusvikira paachaparadzwa, Satani acharamba achisvibisa zita raJehovha uye acharambawo achida kukunyengera. Achabudirira here kukunyengera?

ZVAUNGAITAWO PAKUTSVENESWA KWEZITA RAJEHOVHA

16. Zvii zvaunogona kuita zvakatadza kuitwa naAdhamu naEvha?

16 Jehovha akaitawo kuti vanhu vane chivi vavewo nezvavanoita pakutsveneswa kwezita rake. Saka unogona kuita zvakatadza kuitwa naAdhamu naEvha. Pasinei nekuti uri munyika yakazara nevanhu vanosvibisa zita raJehovha uye vasingariremekedzi, unokwanisa kuritsigira uye kuudza vanhu kuti Jehovha ndiMwari mutsvene, akarurama, akanaka uye ane rudo. (Isa. 29:23) Unogona kuratidza kuti unoda kuti ave Mutongi wako. Unogona kubatsira vamwe kuti vaone kuti matongero aJehovha ndiwo ega akarurama uye achaita kuti vanhu vave nerugare nemufaro.—Pis. 37:9, 37; 146:5, 6, 10.

17. Jesu akaitei kuti zita raBaba vake rizivikanwe?

17 Patinotsigira zita raJehovha, tinenge tichitevedzera Jesu Kristu. (Joh. 17:26) Jesu akaita kuti zita raBaba vake rizivikanwe paaitaura nezvaro uye paaidzidzisa vanhu chokwadi nezvaJehovha. Semuenzaniso, zvaaidzidzisa zvainge zvakasiyana nezvaidzidziswa nevaFarisi avo vaiita kuti Jehovha aonekwe saMwari ane utsinye, akaoma kufadza, asina ushamwari uye asina tsitsi. Jesu akabatsira vanhu kuti vaone Baba vake saMwari anonzwisisa, ane mwoyo murefu, ane rudo uye anoregerera. Jesu akanyatsotevedzera zvakaita Baba vake uye izvi zvakabatsirawo vanhu kuti vazive Jehovha.—Joh. 14:9.

18. Tinofumura sei nhema dzinotaurwa nezvaJehovha?

18 Tichitevedzera Jesu, tinogona kuudza vanhu zvatinoziva nezvaJehovha, tichivadzidzisa kuti ndiMwari ane rudo netsitsi. Patinoita izvozvo tinofumura nhema dzinotaurwa nezvaJehovha. Tinotsvenesa zita raJehovha patinobatsira vanhu kuti vaone kuti idzvene. Tinogonawo kutevedzera Jehovha. Izvozvo tinozvikwanisa pasinei nekuti tine chivi. (VaEf. 5:1, 2) Kana zvatinotaura uye zvatinoita zvikaita kuti vanhu vazive kuti Jehovha akaita sei, tinenge tabatsira pakutsvenesa zita rake. Tinoreverera zita iroro nekubatsira vanhu kuti vazive chokwadi nezvaMwari. * Tinoratidzawo kuti vanhu vane chivi vanokwanisa kuramba vakaperera kuna Mwari.—Job. 27:5.

Tinoda kubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vasvike pakunzwisisa kuti Jehovha ane tsitsi uye ane rudo (Ona ndima 18-19) *

19. Maererano naIsaya 63:7, ndechipi chinofanira kuva chinangwa chikuru pakudzidzisa kwatinoita?

19 Pane chimwezve chatinogona kuita kuti titsvenese zita raJehovha. Patinodzidzisa vamwe chokwadi chiri muBhaibheri, tinowanzotaura nezveuchangamire hwaMwari, kuti Jehovha ndiye ane kodzero yekutonga zvinhu zvese, uye ichocho ichokwadi. Asi kunyange zvazvo zvichikosha kuvadzidzisa mitemo yaMwari, chinangwa chedu ndechekuvabatsira kuti vade Baba vedu, Jehovha, uye kuti vave vakavimbika kwaari. Saka tinofanira kuita kuti vazive unhu hwaJehovha tichivadzidzisa kuti vazive zvakaita muridzi wezita iroro. (Verenga Isaya 63:7.) Patinodzidzisa saizvozvo, tinobatsira vamwe kuti vade Jehovha uye vamuteerere nekuti vanoda kuva vanhu vakavimbika kwaari.

20. Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Saka tingava sei nechokwadi chekuti zvatinoita uye zvatinodzidzisa zvinotsvenesa zita raJehovha zvoita kuti vamwe vauye kwaari? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

^ ndima 5 Inyaya ipi inokosha kuvanhu nengirozi? Chii chinoita kuti ikoshe chaizvo, uye isu tinobatanidzwawo sei pairi? Kunzwisisa mhinduro dzemibvunzo iyi uye mimwewo mibvunzo ine chekuita nenyaya yacho kuchatibatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu naJehovha.

^ ndima 18 Pane imwe nguva mabhuku edu akambodzidzisa kuti zita raJehovha harifaniri haro kurevererwa nekuti hapana munhu akamboti Jehovha haana kodzero yekuva nezita iroro. Asi nyaya iyi yakajekeswa pamusangano wepagore wa2017. Sachigaro wacho akati: “Muchidimbu tiri kuti, tinenge tisina kukanganisa kana tikanyengeterera kurevererwa kwezita raJehovha nekuti mukurumbira wake unotofanira kuratidzwa kuti wakanaka.”—Ona purogiramu yaJanuary 2018 pajw.org®. Tarisa pakanzi RAIBHURARI > JW BROADCASTING®.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Dhiyabhorosi akasvibisa zita raMwari, achiudza Evha kuti Mwari anonyepa. Kwezviuru zvemakore, Satani ari kuita kuti vanhu vadzidzise nhema, dzakadai sekuti Mwari ane utsinye uye kuti haana kusika vanhu.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Pairi kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, hama inotaura ichisimbisa unhu hwaMwari.