Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 24

“Batanidzai Mwoyo Wangu Kuti Utye Zita Renyu”

“Batanidzai Mwoyo Wangu Kuti Utye Zita Renyu”

“Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu. Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nemwoyo wangu wese.”—PIS. 86:11, 12.

RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu

ZVICHADZIDZWA *

1. Kutya Mwari kuita sei, uye nei vese vanomuda vachifanira kumutya?

VAKRISTU vanoda Mwari, uyewo vanomutya. Vamwe vangaona sekuti izvozvo zvinopesana. Asi hatisi kutaura nezvekutya kuya kunoita kuti munhu apere simba. Tinoda kukurukura nezvekumwe kutya kwakasiyana naikoko. Vanhu vane kutya uku kwatiri kuda kutaura nezvako vanobvuma kuti Jehovha ndiMwari anoshamisa uye vanomuremekedza chaizvo. Havadi kugumbura Baba vavo vekudenga nekuti kana vakadaro vanokanganisa ushamwari hwavo naJehovha.—Pis. 111:10; Zvir. 8:13.

2. Maererano nemashoko aMambo Dhavhidhi ari pana Pisarema 86:11, zvinhu zvipi zviviri zvatichakurukura?

2 Verenga Pisarema 86:11. Paunofunga nezvemashoko iwayo, unogona kuona kuti Mambo Dhavhidhi ainzwisisa kuti kutya Mwari kunokosha chaizvo. Ngationei kuti tingashandisa sei mashoko aDhavhidhi akafemerwa. Tichatanga nekuongorora zvikonzero zvinoita kuti tiremekedze chaizvo zita raMwari. Tichazokurukurawo kuti tingaratidza sei kuti tinoremekedza chaizvo zita raMwari pane zvatinoita zuva nezuva.

NEI TICHIFANIRA KUREMEKEDZA CHAIZVO ZITA RAJEHOVHA?

3. Chiitiko chipi chingangodaro chakabatsira Mozisi kuti arambe achiremekedza chaizvo zita raMwari?

3 Funga kuti Mozisi akanzwa sei paaiva muGomo reHorebhi ndokuona kubwinya kwaJehovha kuchipfuura. Ichi chinofanira kunge chaiva chiitiko chinoshamisa chaizvo. Mozisi akanzwa mashoko anotevera, ayo angangodaro akataurwa nengirozi ekuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi, anoratidza rudo rusingachinji kuzviuru, anoregerera kukanganisa, kutadza uye chivi.” (Eks. 33:17-23; 34:5-7) Mozisi anofanira kunge aiyeuka chiitiko ichi paaitaura zita rekuti Jehovha. Ndokusaka Mozisi akazoyambira vanhu vaMwari kuti ‘vatye zita iri rinokudzwa nerinoshamisa.’—Dheut. 28:58.

4. Chii chingatibatsira kuti tiwedzere kuremekedza Jehovha?

4 Patinofunga nezvezita raJehovha, tinofanirawo kufungisisa nezvemuridzi wezita racho. Tinofanira kuyeuka kuti ane simba, ane uchenjeri, anotonga zvakarurama uye ane rudo. Kufungisisa izvozvo kunoita kuti timuremekedze zvikuru.—Pis. 77:11-15.

5-6. (a) Zita raMwari rinorevei? (b) Maererano naEksodho 3:13, 14 uye Isaya 64:8, Jehovha anoshandisa nzira dzipi kuti zvinhu zviitike?

5 Zvii zvatinoziva pane zvinorehwa nezita raMwari? Nyanzvi dzeBhaibheri dzakawanda dzinobvumirana kuti zita rekuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Izvozvo zvinotiyeuchidza kuti hapana chinotadzisa Jehovha kuita zvaanenge achida kuita uye anogona kuita chero zvaanenge ada. Anozviita sei?

6 Jehovha anoita kuti zvinhu zviitike kuburikidza nekuva chero chinenge chichidiwa kuti azadzise chinangwa chake. (Verenga Eksodho 3:13, 14.) Tinowanzokurudzirwa kuti tifunge nezvekushamisa ikoko kunoita Mwari. Jehovha anogonawo kuita kuti vashumiri vake vave chero chinenge chichidiwa kuti vamushumire uye vazadzise chinangwa chake. (Verenga Isaya 64:8.) Anoita kuti kuda kwake kuitwe achishandisa nzira idzi. Hapana chingamutadzisa kuzadzisa zvinangwa zvake.—Isa. 46:10, 11.

7. Tingaitei kuti tiratidze kuti tinoonga uye tinoremekedza Baba vedu vekudenga zvikuru?

7 Tinogona kuratidza kuti tinoonga Baba vedu vekudenga kana tikafungisisa zvavakaita uye zvavari kutibatsira kuti tikwanise kuita. Semuenzaniso, patinofungisisa nezvekushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa, tinonzwa tichida kuremekedza Jehovha chaizvo pamusana pezvaakaita. (Pis. 8:3, 4) Uye patinofungisisa nezvekubatsirwa kwatakaitwa naJehovha kuti tiite kuda kwake, tinowedzera kumuremekedza. Zita raJehovha rinoshamisa zvikuru! Rinosanganisira zvese zvinobatanidzwa paunhu hwaBaba vedu, mabasa avo ese avakaita, uye zvese zvavachaita mune ramangwana.—Pis. 89:7, 8.

“NDICHAZIVISA ZITA RAJEHOVHA”

Zvaidzidziswa naMozisi zvaizorodza. Aidzidzisa nezvezita raJehovha uye kuti ndiMwari akaita sei (Ona ndima 8) *

8. Dheuteronomi 32:2, 3 inoratidza sei maonero anoita Jehovha zita rake?

8 VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, Jehovha akadzidzisa Mozisi mashoko erumwe rwiyo. (Dheut. 31:19) Mozisi aifanira kuzodzidzisawo vanhu rwiyo rwacho. (Verenga Dheuteronomi 32:2, 3.) Patinofungisisa vhesi 2 ne3, tinoona kuti Jehovha haadi kuti zita rake risazivikanwa, richionekwa sekuti rinoyera zvekuti harifaniri kutaurwa. Anoda kuti zita rake rizivikanwe nemunhu wese. VaIsraeri vaiva neropafadzo yakakura yekunzwa Mozisi achivadzidzisa nezvaJehovha uye nezvezita rake rinokudzwa. Zvavakadzidziswa naMozisi zvakavasimbisa uye zvakavazorodza sezvinoita mvura inopfunha pazvirimwa. Tingaitei kuti madzidzisiro edu azorodze vamwe saizvozvo?

9. Tingabatsira sei pakutsvenesa zita raJehovha?

9 Patinenge tiri muushumiri, tinogona kuratidza vanhu zita raMwari rekuti Jehovha tichishandisa Bhaibheri redu. Tinogona kuvapa mabhuku edu, kuvaratidza mavhidhiyo uye zvimwe zvinowanikwa pawebsite yedu inokudza Jehovha. Patinenge tiri kubasa, kuchikoro kana kuti parwendo, tinogona kuwana mikana yekutaura nezvaMwari wedu watinoda uye kuti ndiMwari akaita sei. Patinoudza vaya vatinosangana navo nezvekuti Mwari akasikirei nyika uye vanhu, tinenge tichivabatsira kuti vatange kuona kuti Jehovha ndiMwari ane rudo. Patinovaudza chokwadi nezvaBaba vedu vane rudo, tinenge tichitobatsirawo pakutsvenesa zita raMwari. Tinenge tichifumura nhema dzavanenge vakaudzwa nezvaJehovha. Kudzidzisa kwatinoita vanhu zviri muBhaibheri kunovazorodza kupfuura chero chii zvazvo.—Isa. 65:13, 14.

10. Patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, nei tisingafaniri kungogumira pakudzidzisa vamwe mitemo yaMwari?

10 Patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, tinoda kubatsira vadzidzi vedu kuti vazive zita raJehovha uye varishandise. Tinodawo kuvabatsira kuti vazive zvinorehwa nezita racho. Tingabudirira here kuita izvozvo nekungovadzidzisa mitemo yaMwari chete? Mudzidzi anogona kudzidza mitemo yaMwari kunyange kutoifarira. Asi achateerera Jehovha zvichibva pakumuda here? Yeuka kuti Evha aiziva mitemo yaMwari, asi akanga asingadi Mwari nemwoyo wese, uye ndizvo zvainge zvakaitawo Adhamu. (Gen. 3:1-6) Saka hatifaniri kungogumira pakudzidzisa vamwe mitemo yaMwari.

11. Patinenge tichidzidzisa vadzidzi vedu mitemo yaMwari, tingavabatsira sei kuti vasvike pakuda Jehovha?

11 Mitemo yaJehovha uye zvaanotiudza kuti tiite zvagara zvakatinakira. (Pis. 119:97, 111, 112) Asi vadzidzi vedu veBhaibheri vangasava nemaonero akadaro kana vasinganzwisisi kuti Jehovha akatipa mitemo iyi nekuti anotida. Saka tinogona kubvunza vadzidzi vedu kuti: “Unofunga kuti nei Mwari achida kuti vashumiri vake vaite izvi kana kuti vasaita izvi? Izvozvo zvinotiudzei nezvake?” Tinogona kusvika pamwoyo yevadzidzi vedu kana tikavabatsira kuti vafunge nezvaJehovha uye kuti vade zita rake rinokudzwa. Izvi zvichaita kuti vadewo Jehovha uyo akaita kuti mitemo iyoyo ivepo. (Pis. 119:68) Vachava nekutenda kwakasimba uye vachakwanisa kutsungirira miedzo yakaoma yavachasangana nayo.—1 VaK. 3:12-15.

“ISU TICHAFAMBA NEZITA RAJEHOVHA”

Dhavhidhi akambova nemwoyo miviri (Ona ndima 12)

12. Zvakafamba sei kuti Dhavhidhi atadze kuva nemwoyo wakabatana pane imwe nguva, uye zvakaguma nei?

12 Pisarema 86:11 rine mashoko anokosha ekuti “batanidzai mwoyo wangu.” Mambo Dhavhidhi ndiye akafemerwa kuti anyore mashoko iwayo. Akazvionera ega kuti zviri nyore kuva nemwoyo miviri. Mumwe musi paaiva padenga remba yake, akaona mudzimai wemumwe murume achigeza. Dhavhidhi aiva nemwoyo mumwe chete here kana kuti aiva nemwoyo miviri panguva iyoyo? Aiziva mutemo waJehovha wekuti: “Usachiva mudzimai wemumwe wako.” (Eks. 20:17) Asi kunenge kuti akaramba akatarisa mukadzi wacho. Akanga ava nemwoyo miviri, mumwe wekuda mukadzi wacho, Bhatishebha, uye mumwe wekuda kufadza Jehovha. Kunyange zvazvo akanga ava nemakore achida Jehovha uye achimutya, Dhavhidhi akaita zvakangonakira iye chete. Izvi zvakabva zvaita kuti Dhavhidhi aite zvinhu zvakaipa chaizvo. Akaita kuti zita raJehovha rizvidzwe. Akaitawo kuti vamwe vanhu vakanga vasina mhosva kusanganisira vemumhuri make vawirwe nematambudziko.—2 Sam. 11:1-5, 14-17; 12:7-12.

13. Tinoziva sei kuti Dhavhidhi akazovazve nemwoyo wakabatana?

13 Dhavhidhi akarangwa naJehovha uye izvi zvakaita kuti avezve neushamwari hwakanaka naye. (2 Sam. 12:13; Pis. 51:2-4, 17) Dhavhidhi akayeuka matambudziko aakasangana nawo uye kushungurudzika kwaakaita uko kwakakonzerwa nekuti akanga asisina mwoyo mumwe chete. Mashoko ake ari pana Pisarema 86:11 anogonawo kushandurwa achinzi: “Ndipei mwoyo mumwe chete.” Jehovha akabatsira Dhavhidhi kuti ave nemwoyo mumwe chete here? Hongu akamubatsira, nekuti Shoko rake rinozotaura nezvaDhavhidhi semurume aiva ‘nemwoyo wakaperera kuna Jehovha Mwari wake.’—1 Madz. 11:4; 15:3.

14. Mubvunzo upi watinofanira kuzvibvunza uye nei tichifanira kudaro?

14 Muenzaniso waDhavhidhi unotikurudzira uye unotipawo yambiro. Vashumiri vaMwari vanowanawo yambiro kubva pachivi chaakaita. Pasinei nekuti tichangotanga kushumira Jehovha kana kuti tava nemakore tichimushumira, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kurwisa miedzo yaSatani kuti ndisava nemwoyo miviri here?’

Satani achaedza zvese zvaanogona kuti uve nemwoyo miviri. Usamupa mukana! (Ona ndima 15-16) *

15. Kutya Mwari kunotichengetedza sei kana zvikaitika kuti taona zvinhu zvinoita kuti titange kufunga zvebonde?

15 Ngatitii uri kuona TV kana kuti uri paIndaneti, pobuda zvinhu zvingaita kuti utange kufunga zvebonde. Unoitei pakadaro? Zviri nyore kutanga kuzviudza kuti zvandaona hazvisi hazvo zvinhu zvinonyadzisira. Asi hazvingadaro zviri chimwe chinhu chinoshandiswa naSatani kuti aite kuti uve nemwoyo miviri here? (2 VaK. 2:11) Zvaunenge waona izvozvo zvinogona kufananidzwa nesimbi diki ine muromo wakapinza inoshandiswa nemunhu kutsemura danda rakakura. Anotanga aroverera muromo wacho mudanda. Paanoramba achiiroverera, danda racho rinobva ratsemuka. Mifananidzo iya inoita kuti munhu afunge zvebonde inogona here kufananidzwa nemuromo wesimbi iyi? Chinhu chingaita sechidiki uye sechisingakuvadzi chinogona kuita kuti munhu ave nemwoyo miviri, opedzisira atadzira Jehovha. Saka usabvumira kuti zvinhu zvisina kuchena zvipinde mumwoyo mako. Ita kuti mwoyo wako urambe wakabatana kuti utye zita raJehovha.

16. Kana tasangana nemuedzo, mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

16 Satani anotiedzawo nezvimwe zvinhu zvakawanda kuti tiite zvakaipa. Tinoita sei pakadaro? Zviri nyore kuti tifunge kuti zvinhu izvi hazvina hazvo kunyanya kuipa. Semuenzaniso, tinogona kufunga kuti: ‘Handingambodzingwi kana ndikaita zvakadai, saka ndinenge ndisina kuita chivi chakakura.’ Mafungiro akadaro akaipa chaizvo. Tinogona kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: ‘Satani angangodaro ari kushandisa muedzo uyu kuti ndive nemwoyo miviri here? Kana ndikakundwa nemuedzo uyu handingaiti kuti zita raJehovha rizvidzwe here? Kuita izvozvo kuchandiswededza pedyo naMwari here kana kuti kuchandiendesa kure naye?’ Fungisisa mibvunzo iyoyo. Nyengeterera uchenjeri kuti ukwanise kuipindura usingazvinyengeri. (Jak. 1:5) Kuita izvi kunokuchengetedza. Kunokubatsira kuti urwise miedzo zvakasimba sezvakaita Jesu paakati: “Ibva, Satani!”—Mat. 4:10.

17. Nei zvisina kunaka kuva nemwoyo miviri? Taura muenzaniso.

17 Hazvina kunaka kuti tive nemwoyo miviri. Chimbofunga nezvetimu yebhora ine vatambi vasingawirirani. Vamwe vanoda kuzvitsvagira mbiri, vamwe vacho havadi kutevedzera mitemo yebhora, uye vamwe vanoshora kochi wavo. Kashoma kuti timu yakadaro ihwine. Asi timu inenge yakabatana inowanzobudirira. Mwoyo wako unogona kuita setimu iyoyo inobudirira kana zvaunofunga, zvido zvako, uye manzwiro ako zvakabatana pakushumira Jehovha. Yeuka kuti Satani anoda kuti uve nemwoyo miviri. Anoda kuti zvaunofunga, zvido zvako, uye manzwiro ako zvisaenderane nekuda kwaJehovha. Asi kuti ushumire Jehovha, mwoyo wako wese unofanira kunge uri paari. (Mat. 22:36-38) Usarega Satani achiita kuti uve nemwoyo miviri.

18. Maererano nemashoko ari pana Mika 4:5, watsunga kuitei?

18 Nyengetera kuna Jehovha sezvakaita Dhavhidhi paakati: “Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.” Edza nepaunogona napo kurarama maererano nemunyengetero iwoyo. Zvaunosarudza zuva rega rega, zvingava zvidiki kana zvikuru, ngazviratidze kuti unoremekedza zita dzvene raJehovha. Semumwe weZvapupu zvaJehovha, kana ukaita izvozvo uchaita kuti vanhu varemekedze zita iroro. (Zvir. 27:11) Uye tese tichakwanisa kutaura mashoko akataurwa nemuprofita Mika ekuti: “Isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nariini nariini.”—Mika 4:5.

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

^ ndima 5 Munyaya ino tichakurukura chikamu chemunyengetero waMambo Dhavhidhi chiri pana Pisarema 86:11, 12. Zvinorevei kutya zita raJehovha? Nei tichifanira kuremekedza chaizvo zita guru iroro? Uye kutya Mwari kungatibatsira sei kuti tisakundwa nemiedzo?

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mozisi akadzidzisa vanhu vaMwari rwiyo runokudza Jehovha.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Evha haana kurwisa zvido zvakaipa. Kusiyana naEvha tinoramba kutarisa mifananidzo kana kuti kuverenga mameseji angaita kuti tive nezvido zvakaipa uye tiite zvinhu zvinozvidzisa zita raMwari.