Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvidzora—Kunoita Kuti Munhu Afarirwe naJehovha

Kuzvidzora—Kunoita Kuti Munhu Afarirwe naJehovha

“Mumwe mwana wamainini vangu paakatanga kupopotedzana neni, ndakamubata pahuro ndikatanga kumudzipa. Ndaida kumuuraya,” anodaro Paul.

“Ndaiviruka nehasha kumba, kunyange munhu akandiitira kanhu kadiki diki. Ndaipwanya midziyo, matoyi evana kana chero chii zvacho chandaiona,” anodaro Marco.

Tingasagumbuka hedu zvekusvika ipapo, asi dzimwe nguva tese zvedu tinomboomerwa nekuzvidzora. Izvi zvinodaro nekuti tese takaberekwa tiine chivi chakabva kumunhu wekutanga Adhamu. (VaR. 5:12) Vamwe vanonetseka nekudzora hasha dzavo sezvaiita Paul naMarco. Vamwe vanoomerwa nekudzora mafungiro avo. Semuenzaniso vanoramba vachifunga zvinhu zvavanotya kana kuti zvinovaodza mwoyo. Vamwe vanonetseka nekudzivisa chido chekuita upombwe, kunwisa doro kana kushandisa madhiragi.

Vaya vanotadza kudzora mafungiro avo, zvido zvavo uye zvavanoita, vanokanganisa upenyu hwavo. Asi tine zvatinogona kuita kuti izvozvo zvisaitika kwatiri. Tingaitei? Tinofanira kudzidza kuzvidzora. Kuti tikwanise kuita izvozvo ngatikurukurei mibvunzo mitatu inoti: (1) Chii chinonzi kuzvidzora? (2) Nei kuchikosha? (3) Tingaita sei kuti tive ‘nechibereko ichi chemweya’? (VaG. 5:22, 23) Tichabva takurukura zvatinofanira kuita kana tichimbotadza kuzvidzora.

KUZVIDZORA KUITA SEI?

Munhu anozvidzora haangoiti chero zvaanzwa kuda kuita. Uye haatauri kana kuita chero chii zvacho chisingafadzi Mwari.

Jesu akanyatsoratidza kuti kuzvidzora kuita sei

Jesu akaratidza kuti kuzvidzora kunosanganisirei. Bhaibheri rinoti: “Paaitukwa haana kutukawo. Paaitambura haana kutyisidzira, asi iye akazviisa mumaoko euya anotonga zvakarurama.” (1 Pet. 2:23) Jesu akazvidzora paaisekwa nevavengi vake ari padanda rekutambudzirwa. (Mat. 27:39-44) Akanga ambozvidzora zvikuru vatungamiriri vechitendero pavakaedza kumuwanira mhosva pamashoko ake. (Mat. 22:15-22) Akaratidzawo muenzaniso wakanaka vamwe vaJudha vainge vakatsamwa pavakaedza kumutema nematombo. Panzvimbo pekuti avadzorere, “Jesu akahwanda, akabuda mutemberi.”—Joh. 8:57-59.

Zvinoita here kuti titevedzere muenzaniso waJesu? Ehe, tine zvimwe zvatinogona kumutevedzera. Muapostora Petro akanyora kuti: “Kristu pachake akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.” (1 Pet. 2:21) Kunyange zvazvo tiine chivi, tinogona kutevedzera muenzaniso waJesu wekuzvidzora. Nei zvichikosha kuti tidaro?

NEI KUZVIDZORA KUCHIKOSHA?

Tinofanira kuzvidzora kana tichida kufarirwa naJehovha. Pasinei nekuti tava nenguva yakareba tichishumira Jehovha takatendeka, ushamwari hwedu naye hunogona kupera kana tikatadza kudzora zvatinoita uye zvatinotaura.

Funga nezvaMozisi, uyo aiva “munhu munyoro kupfuura vanhu vese vaiva panyika” panguva iyoyo. (Num. 12:3) Mozisi akanga ava nemakore akawanda achiratidza mwoyo murefu kuvaIsraeri vaigunun’una, asi akazotadza kuzvidzora. Akagumbuka pavakanyunyuta zvakare nezvekushayikwa kwemvura. Akapopotera vanhu vacho achiti: “Chinzwai, imi vapanduki! Tokubudisirai mvura padombo iri here?”—Num. 20:2-11.

Mozisi akatadza kuzvidzora. Haana kuita kuti Jehovha uyo akanga aita chishamiso chekubudisa mvura yacho akudzwe. (Pis. 106:32, 33) Izvi zvakaita kuti Jehovha asamubvumira kupinda muNyika Yakapikirwa. (Num. 20:12) Mozisi anofanira kunge akazvidemba kweupenyu hwake hwese kuti akatadza kuzvidzora.—Dheut. 3:23-27.

Tinodzidzei? Kunyange zvazvo tava nemakore akawanda tiri muchokwadi, hatifaniri kumbotaura mashoko asina kunaka kune vaya vanenge vatigumbura kana kuti vaya vanoda kururamiswa. (VaEf. 4:32; VaK. 3:12) Makore zvaanofamba, zvinogona kutiomera kuva nemwoyo murefu. Asi yeuka zvakaitika kuna Mozisi. Hatingadi kukanganisa ushamwari hwedu hwakanaka hwatiinahwo naJehovha nekungotadza kuzvidzora. Tingaitei kuti tive vanhu vanozvidzora?

ZVATINGAITA KUTI TIVE VANHU VANOZVIDZORA

Nyengetera uchikumbira mweya mutsvene. Nei uchifanira kudaro? Nekuti kuzvidzora chibereko chemweya waMwari uye Jehovha anoupa vaya vanenge vamukumbira. (Ruka 11:13) Jehovha anogona kutipa simba ratinoda kuti tive vanhu vanozvidzora achishandisa mweya wake mutsvene. (VaF. 4:13) Anogona kutibatsirawo kuti tive nezvimwe zvibereko zvemweya zvakadai serudo, urwo ruchaita kuti zvitiitire nyore kuva vanhu vanozvidzora.—1 VaK. 13:5.

Usaita zvinhu zvinoita kuti ushaye simba rekuzvidzora

Usaita zvinhu zvinoita kuti ushaye simba rekuzvidzora. Semuenzaniso, usavhura nzvimbo dzepaIndaneti dzinobudisa zvinhu zvisina kuchena uye usavaraidzwa nezvinhu zvakadaro. (VaEf. 5:3, 4) Hatitombofaniri kuita chero chii zvacho chingaita kuti tide kuita zvakaipa. (Zvir. 22:3; 1 VaK. 6:12) Munhu anotorwa mwoyo nyore nyore nezvinhu zveunzenza angafanira kusiyana zvachose nemabhuku kana mafirimu ane nyaya dzerudo.

Zvinogona kutiomera kushandisa zano iri. Asi kana tikashanda nesimba, Jehovha achatibatsira kuti tive vanhu vanozvidzora. (2 Pet. 1:5-8) Achatibatsira kuti tikwanise kuzvidzora pane zvatinotaura, zvatinofunga uye pamaitiro edu. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Paul naMarco vambotaurwa. Vese vakadzidza kudzora hasha dzavo. Fungawo nezveimwe hama yaitadza kuzvidzora ichityaira zvekuti yaitopopotedzana nevamwe vatyairi. Hama iyi yakazoita sei? Inoti: “Ndainyengetera nemwoyo wese zuva nezuva. Ndaiverenga nyaya dzaitaura nezvekuzvidzora uye ndaibata nemusoro mavhesi emuBhaibheri anondibatsira. Kunyange zvazvo ndava nemakore ndichishanda kuti ndive munhu anozvidzora, mangwanani ega ega ndinozviudza kuti ndinoda kuramba ndakadzikama. Uye ndinobva pamba nguva ichipo kuitira kuti ndisazomhanya-mhanya.”

KANA TIKATADZA KUZVIDZORA

Dzimwe nguva tinotadza kuzvidzora. Kana izvozvo zvikaitika, tinogona kunzwa tichinyara chaizvo kunyengetera kuna Jehovha. Asi ipapo ndipo patinofanira kuwedzera kunyengetera. Saka chibva wanyengetera kuna Jehovha. Mukumbire kuti akuregerere, tsvaga rubatsiro rwake uye tsidza mumwoyo mako kuti haudi kuitazve chikanganiso chakadaro. (Pis. 51:9-11) Jehovha haazoregi kuteerera munyengetero wako wemwoyo wese. (Pis. 102:17) Muapostora Johani anotiyeuchidza kuti ropa reMwanakomana waMwari “rinotichenesa pazvivi zvese.” (1 Joh. 1:7; 2:1; Pis. 86:5) Yeuka kuti Jehovha anoudza vashumiri vake kuti varambe vachiregerera vamwe. Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti achatiregererawo.—Mat. 18:21, 22; VaK. 3:13.

Mozisi paakatadza kuzvidzora vari murenje, Jehovha haana kufara nazvo. Asi Jehovha akamuregerera. Shoko raMwari rinotaura nezvaMozisi kuti aiva nekutenda kunoshamisa uko kwatinofanira kutevedzera. (Dheut. 34:10; VaH. 11:24-28) Jehovha haana kubvumira Mozisi kuti apinde muNyika Yakapikirwa, asi achaita kuti ararame munyika inenge yava Paradhiso uye achaita kuti ave netariro yekurarama nekusingaperi. Tinogonawo kutarisira kuzorarama nekusingaperi kana tikashanda nesimba kuti tive vanhu vanozvidzora.—1 VaK. 9:25.