Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 28

Nyatsogutsikana Kuti Wakawana Chokwadi

Nyatsogutsikana Kuti Wakawana Chokwadi

“Ramba uchiita zvinhu zvawakadzidza uye zvawakabatsirwa kuti utende.”—2 TIM. 3:14.

RWIYO 56 Ita Kuti Chokwadi Chive Chako

ZVICHADZIDZWA *

1. Tinomborevei patinenge tichiti “chokwadi”?

“WAKAWANA sei chokwadi?” “Wakaberekerwa muchokwadi here?” “Wava nenguva yakareba sei uri muchokwadi?” Unogona kunge wakambobvunzwa mibvunzo iyi kana kuti wakaibvunzawo vamwe. Tinomborevei patinenge tichiti “chokwadi”? Shoko iri tinowanzorishandisa tichireva zvatinotenda, manamatiro edu uye mararamiro edu. Vanhu vari ‘muchokwadi’ vanoziva zvinodzidziswa neBhaibheri, uye vanorarama maererano nezvarinotaura. Izvi zvinoita kuti vasunungurwe panhema dzinodzidziswa muzvitendero uye vanakidzwe neupenyu pasinei nekuti vari munyika inotongwa naSatani.—Joh. 8:32.

2. Maererano naJohani 13:34, 35 chii chingaita kuti munhu atange kuda chokwadi?

2 Chii chakaita kuti utange kuda chokwadi? Pamwe kwaiva kuzvibata kwevanhu vaJehovha. (1 Pet. 2:12) Kana kuti rwaiva rudo rwavakakuratidza. Vakawanda pavanopinda misangano yedu kekutanga vanowanzoyeuka rudo irworwo kupfuura chero chii zvacho chinotaurwa ipapo. Izvi hazvishamisi nekuti Jesu akati vadzidzi vake vaizozivikanwa nekudanana. (Verenga Johani 13:34, 35.) Asi kuti uve nekutenda kwakasimba, une zvimwe zvaunofanira kuita.

3. Chii chinogona kuitika kana kutenda kwedu muna Mwari kuchingobva chete parudo runoratidzwa nehama nehanzvadzi dzedu?

3 Kutenda kwedu hakufaniri kungovakirwa chete pakudanana kwatinoita sevanhu vaMwari. Nei zvakadaro? Mumwe mushumiri waJehovha angava mukuru kana kuti piyona, anogona kuita chivi chakakura. Ko kana mumwe muKristu akaita zvinhu zvinokurwadza? Ko kana mumwe munhu akatsauka pakutenda otanga kutaura kuti hatina chokwadi? Kana zvinhu zvakadaro zvikaitika unoramba uchishumira Jehovha here? Chidzidzo chatinowana ndeichi: Kana kutenda kwako muna Mwari kuchibva pane zvinoitwa nevamwe vanhu pane kuti kubve paushamwari hwako naJehovha, kutenda kwako kunenge kusina kusimba. Manzwiro aunoita nezvaJehovha nevanhu vake anogona kukubatsira kuti uve nekutenda. Asiwo zvakanyanya kukosha kuti udzidze Bhaibheri zvakadzama, unzwisise zvarinodzidzisa, wotsvakurudza kuti uve nechokwadi chekuti zvauri kudzidza nezvaJehovha ichokwadi.—VaR. 12:2.

4. Maererano naMateu 13:3-6, 20, 21, vamwe vanoita sei kutenda kwavo pakunoedzwa?

4 Jesu akati vamwe vaizogamuchira chokwadi “nemufaro,” asi kutenda kwavo kwaizosvava pakwaiedzwa. (Verenga Mateu 13:3-6, 20, 21.) Zvichida havana kuziva kuti kutevera Jesu kwaizoita kuti vasangane nematambudziko. (Mat. 16:24) Pamwe vaifunga kuti kuva muKristu kwaizoita kuti vasava nematambudziko, kana kuti Mwari aizongoramba achibvisa matambudziko avo. Asi munyika ino yatiri, matambudziko acharamba aripo. Zvinhu zvinogona kuchinja, zvichiita kuti timboshaya mufaro.—Pis. 6:6; Mup. 9:11.

5. Chii chinoratidza kuti hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzinogutsikana kuti dzakawana chokwadi?

5 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzinonyatsoratidza kuti dzakagutsikana kuti dzakawana chokwadi. Dzinozviratidza sei? Kutenda kwavo hakuchinji kunyange mumwe muKristu akavarwadzisa kana kuti akaita zvinhu zvisingadiwi naMwari. (Pis. 119:165) Pese pavanosangana nedambudziko, kutenda kwavo kunotowedzera kusimba. (Jak. 1:2-4) Ungaita sei kuti uve nekutenda kwakasimba?

WANA “RUZIVO RWAKARURAMA PAMUSORO PAMWARI”

6. VaKristu vekutanga vainge vakavakira kutenda kwavo pachii?

6 VaKristu vekutanga vakavakira kutenda kwavo pakuziva kwavaiita Magwaro uye padzidziso dzaJesu Kristu, kureva, “chokwadi chemashoko akanaka.” (VaG. 2:5) Chokwadi ichi chinobatanidza dzidziso dzese dzechiKristu kusanganisira chibayiro cherudzikinuro chaJesu uye rumuko. Muapostora Pauro aigutsikana kuti dzidziso idzi dzaiva dzechokwadi. Nei aigutsikana? Nekuti aishandisa Magwaro kuti aratidze “nezvakanyorwa kuti Kristu aifanira kutambura uye kumuka kuvakafa.” (Mab. 17:2, 3) VaKristu vekutanga vakagamuchira dzidziso idzodzo uye vaivimba nemweya mutsvene kuti uvabatsire kunzwisisa Shoko raMwari. Vakatsvakurudza kuti vave nechokwadi chekuti zvavaidzidza zvacho zvaibva muMagwaro. (Mab. 17:11, 12; VaH. 5:14) Havana kuvakira kutenda kwavo pamanzwiro avaiita chete, uye vaisashumira Jehovha nekungoti vainzwa vachifara pavaiva pamwe chete nevamwe vaKristu. Asi kutenda kwavo kwainge kwakavakirwa “paruzivo rwakarurama pamusoro paMwari.”—VaK. 1:9, 10.

7. Kutenda kwatinoita muchokwadi cheBhaibheri kuchatibatsira sei?

7 Chokwadi cheShoko raMwari hachichinji. (Pis. 119:160) Semuenzaniso hachichinji kana mumwe muKristu akatigumbura kana kuti akaita chivi chakakura. Uye hachichinji kana tikasangana nematambudziko. Saka tinofanira kunyatsoziva zvinodzidziswa neBhaibheri togutsikana kuti ndezvechokwadi. Kana tiine kutenda kwakasimba kwakavakirwa pachokwadi cheBhaibheri, ticharamba takatendeka kuna Jehovha panguva dzakaoma. Ungaita sei kuti unyatsogutsikana kuti wakawana chokwadi?

IVA NECHOKWADI ‘NEZVAUNOTENDA’

8. Sezvinoratidzwa pana 2 Timoti 3:14, 15, Timoti akasvika sei pakugutsikana kuti akanga awana chokwadi?

8 Timoti aigutsikana kuti akanga awana chokwadi. Akasvika sei pakugutsikana? (Verenga 2 Timoti 3:14, 15.) Amai vake naambuya vake ndivo vakatanga kumudzidzisa “zvinyorwa zvitsvene.” Asi zviri pachena kuti iye pachake akashanda nesimba pakudzidza zvinyorwa izvozvo. Izvi zvakaita kuti ‘atende’ kuti zvinyorwa izvozvo zvaiva nechokwadi. Nekufamba kwenguva, Timoti pamwe chete naamai vake naambuya vake vakadzidza dzidziso dzechiKristu. Timoti anofanira kunge akabayiwa mwoyo nerudo rwairatidzwa nevateveri vaJesu, uye aida kuwadzana nehama nehanzvadzi dzake uye kudzibatsira. (VaF. 2:19, 20) Kutenda kwake kwainge kusina kuvakirwa pakuda kwaaiita vanhu, asi pazvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri, izvo zvakaita kuti ade kuva shamwari yaJehovha. Iwe unofanirawo kudzidza Bhaibheri wonyatsova nechokwadi nezvarinodzidzisa nezvaJehovha.

9. Ndezvipi zvinhu zvitatu zvaunofanira kutanga wava nechokwadi nazvo?

9 Pane zvinhu zvitatu zvaunofanira kutanga wava nechokwadi nazvo. Chekutanga, unofanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. (Eks. 3:14, 15; VaH. 3:4; Zvak. 4:11) Chechipiri, unofanira kugutsikana kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafemerwa raakanyorera vanhu. (2 Tim. 3:16, 17) Chechitatu, unofanira kuva nechokwadi chekuti Jehovha ane sangano revanhu vanomunamata vachitungamirirwa naKristu uye kuti Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vacho. (Isa. 43:10-12; Joh. 14:6; Mab. 15:14) Kuti uve nechokwadi nedzidziso idzodzo hazvirevi hazvo kuti unofanira kuziva zvese zviri muBhaibheri. Chinangwa chako chinofanira kunge chiri chekushandisa ‘pfungwa dzako’ kuti unyatsogutsikana kuti wakawana chokwadi.—VaR. 12:1.

GARA WAKAGADZIRIRA KUBATSIRA VAMWE

10. Kuwedzera pakuziva chokwadi, chii chatinofanira kuita?

10 Kana wava nechokwadi nezvinhu zvitatu zvataurwa mundima yapfuura, unofanira kushandisa Bhaibheri kuti uratidze vamwe chokwadi ichi. Nei zvakadaro? Nekuti sevaKristu, tine basa rekudzidzisa vamwe chokwadi chatakadzidza. * (1 Tim. 4:16) Uye patinoedza kubatsira vamwe kuti vatende kuti zvinodzidziswa neBhaibheri ndezvechokwadi, tinenge tichitosimbisawo kutenda kwatinoita chokwadi ichocho.

11. Muapostora Pauro akasiya muenzaniso wakaita sei pakudzidzisa vanhu uye tingamutevedzera sei?

11 Muapostora Pauro paaidzidzisa vanhu, ‘aivanyengetedza nezvaJesu kubva muMutemo waMozisi nezvakanyorwa neVaprofita.’ (Mab. 28:23) Tingatevedzera sei Pauro patinenge tichidzidzisa vamwe chokwadi? Hatifaniri kungogumira pakuvaudza zvinotaurwa neBhaibheri. Tinofanira kubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vafungisise zvavanenge vachidzidza muBhaibheri, kuti vawedzere kuva pedyo naJehovha. Tinoda kuti vagamuchire chokwadi, kwete nekuti vanotiyemura, asi nekuti vanogutsikana kuti zvavari kudzidza nezvaMwari wedu ichokwadi.

Vabereki, dzidzisai vana venyu “zvinhu zvakadzama zvaMwari,” kuti vave nekutenda kwakasimba (Ona ndima 12-13) *

12-13. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti varambe vari muchokwadi?

12 Vabereki, tinoziva kuti munoda kuti vana venyu varambe vari muchokwadi. Munogona kufunga kuti kana vakava neshamwari dzakanaka muungano vachava nekutenda kwakasimba. Asi kuti vana venyu vagutsikane kuti vakawana chokwadi, havafaniri kungogumira pakuva neshamwari dzakanaka. Vanofanira kuva neushamwari naMwari uye kugutsikana kuti zvinodzidziswa neBhaibheri ichokwadi.

13 Kana vabereki vachida kudzidzisa vana vavo chokwadi nezvaMwari, vanofanira kunge vari muenzaniso wakanaka pakudzidza Bhaibheri. Vanofanira kuzvipa nguva yekufungisisa zvavanenge vadzidza. Vakadaro vachakwanisa kudzidzisa vana vavo kuitawo izvozvo. Vanofanira kudzidzisa vana vavo kuti vashandise zvinhu zvatinoshandisa pakutsvakurudza, sekungodzidzisa kwavanoita vadzidzi vavo veBhaibheri. Kana vakadaro, vachabatsira vana vavo kuda Jehovha uye kuti vave nechokwadi chekuti anoshandisa “muranda akatendeka, akangwara,” kuti atipe zvekudya zvekunamata. (Mat. 24:45-47) Vabereki, musangogumira pakudzidzisa vana venyu chokwadi chiri nyore chiri muBhaibheri. Kuti vave nekutenda kwakasimba, vadzidzisei “zvinhu zvakadzama zvaMwari,” zvichienderana nemazera avo uye manzwisisiro avanoita.—1 VaK. 2:10.

DZIDZA UPROFITA HURI MUBHAIBHERI

14. Nei tichifanira kudzidza uprofita huri muBhaibheri? (Onawo bhokisi rakanzi “ Unogona Kutsanangura Uprofita Uhwu Here?”)

14 Uprofita huri muBhaibheri hunokosha chaizvo uye hunotibatsira kuti tive nekutenda kwakasimba muna Jehovha. Uprofita hupi hwakasimbisa kutenda kwako? Unogona kutaura nezveuprofita hune chekuita ‘nemazuva ekupedzisira.’ (2 Tim. 3:1-5; Mat. 24:3, 7) Asi ndehupi humwe uprofita hwakazadzika hunogona kusimbisa kutenda kwako? Semuenzaniso, unogona here kutsanangura kuti uprofita huri muna Dhanieri chitsauko 2 kana kuti Dhanieri chitsauko 11 hwakazadzika sei kare uye kuti huri kuzadzika sei iye zvino? * Kana kutenda kwako kwakavakirwa zvakasimba muBhaibheri, kutenda ikoko hakuparari. Funga nezvehama dzedu dzakatambudzwa zvakanyanya kuGermany muHondo Yenyika II. Kunyange zvazvo vaisanyatsonzwisisa uprofita huri muBhaibheri hune chekuita nemazuva ekupedzisira, vaiva nekutenda kwakasimba muShoko raMwari.

Kudzidza kwatinoita Bhaibheri neuprofita hurimo, kunogona kuita kuti tirambe takatendeka patinenge tichitambudzwa (Ona ndima 15-17) *

15-17. Kudzidza Bhaibheri kwakasimbisa sei hama dzedu dzaitambudzwa nehurumende yeNazi?

15 Hurumende yeNazi payaitonga Germany, zviuru zvehama nehanzvadzi dzedu zvakaendeswa kumajeri. Hitler nemumwe mukuru mukuru ainzi Heinrich Himmler vaivenga Zvapupu zvaJehovha. Maererano nezvakataurwa neimwe hanzvadzi, Himmler akaudza hanzvadzi dzedu dzaiva mune rimwe jeri kuti: “Jehovha wenyu angatotonga kudenga, asi pano panyika ndisu tinotonga. Tichakuratidzai kuti ndiani acharamba aripo, imimi kana kuti isusu!” Chii chakabatsira vanhu vaJehovha kuti varambe vakatendeka?

16 Vadzidzi veBhaibheri ivavo vaiziva kuti Umambo hwaMwari hwakanga hwatanga kutonga muna 1914. Havana kushamiswa nekutambudzwa zvakanyanya kwavaiitwa. Kunyange zvakadaro, vanhu vaJehovha vaiva nechokwadi chekuti hapana hurumende yevanhu inogona kutadzisa chinangwa chaMwari kuti chizadzike. Hitler akakundikana kuparadza kunamata kwechokwadi uye akatadza kuita kuti pave nehurumende ine simba kupfuura Umambo hwaMwari. Hama dzedu dzaiva nechokwadi chekuti utongi hwaHitler hwaizoguma.

17 Zvaitendwa nehama nehanzvadzi idzodzo zvaiva zvechokwadi. Pasina nguva, hurumende yeNazi yakaparara, uye panguva iyoyo Heinrich Himmler, uya wekuti “pano panyika ndisu tinotonga,” akanga achitiza kuti asaurayiwa. Paakanga achitiza, akasangana naHama Lübke, avo vaimbova musungwa uye akavaziva. Asisina tariro, Himmler akabvunza Hama Lübke kuti: “Nhai Mudzidzi weBhaibheri, chii chichaitika manje?” Hama Lübke vakaudza Himmler kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiziva kuti hurumende yeNazi yaisazobudirira uye kuti vaizosunungurwa. Himmler, uyo ainge ambotaura zvinhu zvakawanda zvakaipa nezveZvapupu zvaJehovha akanga apererwa. Pasina nguva, akabva azviuraya. Tinodzidzei? Kudzidza kwatinoita Bhaibheri neuprofita hurimo, kunogona kuita kuti tive nekutenda kwakasimba muna Mwari uye kunoita kuti tirambe takasimba patinenge tichitambudzwa.—2 Pet. 1:19-21.

18. Sezvinoratidzwa pana Johani 6:67, 68, nei tichifanira kuva ‘neruzivo rwakarurama uye kunyatsova neungwaru’ hwakataurwa naPauro pana VaFiripi 1:9?

18 Mumwe nemumwe wedu anofanira kuratidza rudo nekuti runoita kuti tizivikanwe kuti tiri vaKristu vechokwadi. Asi tinofanira kuva ‘neruzivo rwakarurama uye kunyatsova neungwaru.’ (VaF. 1:9) Tikasadaro tinogona kukanganiswa “nemhepo yese yedzidziso dzekunyengera kwevanhu,” avo vanosanganisira vakatsauka pakutenda. (VaEf. 4:14) Vadzidzi vaJesu vakawanda pavakarega kumutevera, muapostora Petro akaratidza kuti aiva nechokwadi chekuti Jesu ndiye aiva ‘nemashoko eupenyu husingaperi.’ (Verenga Johani 6:67, 68.) Kunyange zvazvo Petro aisanyatsonzwisisa mashoko acho ese, akaramba akavimbika nekuti ainzwisisa chokwadi nezvaKristu. Iwewo unogona kuwedzera kuva nechokwadi nezvinodzidziswa neBhaibheri. Kana ukadaro, kutenda kwako kucharamba kwakasimba pasinei nezvingaitika, uye uchabatsirawo vamwe kuti vave nekutenda kwakasimba.—2 Joh. 1, 2.

RWIYO 72 Kuzivisa Chokwadi cheUmambo

^ ndima 5 Nyaya ino ichatibatsira kunzwisisa kuti chokwadi chiri muBhaibheri chakakosha chaizvo. Ichataurawo kuti tingaita sei kuti tinyatsogutsikana kuti zvatinotenda ndicho chokwadi.

^ ndima 10 Kuti ukwanise kukurukura nevamwe zvinodzidziswa neBhaibheri, ona nyaya dzaibuda muNharireyomurindi kubva muna 2010 kusvika muna 2015 dzaiti “Kukurukura Nemuvakidzani.” Mimwe misoro yenyaya dzacho ndeiyi, “Jesu ndiMwari Here?,” “Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini?,” uye “Mwari Anopisa Vanhu muGehena Here?

^ ndima 14 Uprofita uhwu hunokurukurwa muNharireyomurindi yaJune 15, 2012, uye yaMay 2020.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vabereki vari kudzidza nevana vavo uprofita huri muBhaibheri hunotaura nezvekutambudzika kukuru pavari kuita kunamata kwemhuri.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pakutambudzika kukuru, mhuri yacho haishamiswi nezvinenge zvichiitika.