Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 35

Remekedza Munhu Mumwe Nemumwe Ari Muungano

Remekedza Munhu Mumwe Nemumwe Ari Muungano

“Ziso harigoni kuti kuruoko, ‘Handina basa newe,’ uye musoro haugoni kuti kutsoka, ‘Handina basa newe.’”​—1 VAK. 12:21.

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha akaitei kumushumiri wake mumwe nemumwe akatendeka?

JEHOVHA akaita kuti mushumiri wake akatendeka mumwe nemumwe akwanise kuva muungano yake. Kunyange zvazvo zvatinoita zvakasiyana, tese tinokosha uye tinotsigirana. Muapostora Pauro anotibatsira kunzwisisa chidzidzo ichi chinokosha. Anotibatsira sei?

2. Maererano naVaEfeso 4:16, nei tichifanira kukoshesa munhu mumwe nemumwe uye kushanda pamwe chete?

2 Sezvakanyorwa murugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino, Pauro akati hapana mumwe wedu angatarisa mumwe mushumiri waJehovha oti “handina basa newe.” (1 VaK. 12:21) Kana tichida kuti muungano muve nerugare, tinofanira kukoshesa munhu mumwe nemumwe uye tinofanira kushanda pamwe chete. (Verenga VaEfeso 4:16.) Kana tikashanda pamwe chete takabatana, munhu wese ari muungano anonzwa achidiwa uye ungano inosimba.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Ndepapi patingaratidza kuti tinoremekedza vamwe vaKristu vari muungano? Munyaya ino tichakurukura kuti vakuru vangaratidza sei kuti vanoremekedza vamwe vakuru. Tichakurukurawo kuti tese zvedu tingaratidza sei kuti tinokoshesa hama uye hanzvadzi dzedu dzisina kuroora kana kuroorwa. Uye pakupedzisira, tichaona kuti tingaratidza sei kuti tinoda vaya vasinganyatsogoni mutauro wedu.

VAKURU, REMEKEDZAI VAMWE VAKURU

4. Izano ripi raPauro riri pana VaRoma 12:10 rinofanira kuteererwa nevakuru?

4 Vakuru vese vari muungano vakagadzwa nemweya mutsvene waJehovha. Kunyange zvakadaro, mumwe nemumwe ane zvipo zvakasiyana nezvemumwe. (1 VaK. 12:17, 18) Vamwe vanogona kunge vachangobva kugadzwa uye vasina ruzivo rwakawanda serwevamwe vakuru. Vamwe vangasakwanisa kuita zvakawanda nemhaka yezera kana kuti utano. Kunyange zvakadaro, hapana mukuru anofanira kutarisa mumwe mukuru, oti “handina basa newe.” Asi mukuru mumwe nemumwe anofanira kuteerera zano raPauro riri pana VaRoma 12:10.​—Verenga.

Vakuru vanoratidza kuti vanoremekedza vamwe vakuru nekunyatsovateerera (Ona ndima 5-6)

5. Vakuru vanoratidza sei kuti vanoremekedza vamwe vakuru, uye nei zvichikosha kuti vadaro?

5 Vakuru vanoratidza kuti vanoremekedza vamwe vakuru nekunyatsovateerera. Izvi zvinonyanya kukosha pavanoungana sedare kuti vakurukure nyaya dzinokosha. Nei zvakadaro? Ona zvakataurwa neNharireyomurindi yeChirungu yaOctober 1, 1988. Yakati: “Vakuru vanofanira kuziva kuti, Kristu anogona kushandisa mweya mutsvene kuti atungamirire chero mukuru ari mudare revakuru kuti afunge nezvezano reBhaibheri rinogona kuvabatsira kuti vazive zvekuita pane imwe nyaya kana kuti vaite chisarudzo chinokosha. (Mab. 15:6-15) Mweya mutsvene unobatsira vakuru vese vari muungano kwete mukuru mumwe chete.”

6. Vakuru vangaitei kuti vashande vakabatana, uye ungano inobatsirwa sei kana vakadaro?

6 Mukuru anoremekedza vamwe vakuru haagari achiedza kutanga kutaura pamusangano wevakuru. Haasi iye anotaura zvakawanda kupfuura vamwe, uye haaoni sekuti nguva dzese zvaanotaura ndizvo zvakarurama. Asi anotaura mafungiro ake achizvininipisa. Anonyatsoteererawo zvinenge zvichitaurwa nevamwe. Chinonyanya kukosha ndechekuti, ane chido chekuudzawo vamwe mazano aanenge awana muBhaibheri uye kuteerera zvinotaurwa ‘nemuranda akatendeka akangwara.’ (Mat. 24:45-47) Vakuru pavanokurukura zvine rudo uye vachiremekedzana, vanova nemweya mutsvene waMwari uye uchavatungamirira kuita zvisarudzo zvinosimbisa ungano.​—Jak. 3:17, 18.

REMEKEDZA VAKRISTU VASINA KUROORA KANA KUROORWA

7. Jesu aiona sei vanhu vasina kuroora kana kuroorwa?

7 Ungano ine vanhu vari muwanano uye vane mhuri. Inewo hama nehanzvadzi dzakawanda dzisina kuroora kana kuroorwa. Tinofanira kuona sei vaya vasina kuroora kana kuroorwa? Ngatikurukurei kuti Jesu aiona sei nyaya iyi. Paaiva panyika, Jesu haana kuroora. Akashandisa nguva yake pakuita basa raakanga apiwa, uye ndiro raaigara achifunga nezvaro. Jesu haana kumbobvira adzidzisa kuti waiva mutemo kuti munhu aifanira kupinda muwanano kana kurega. Asi akati vamwe vaKristu vaizosarudza kusaroora kana kusaroorwa. (Mat. 19:11, 12) Jesu airemekedza vaya vakanga vasiri muwanano. Aisavaona sevanhu vasingakoshi kana kuti vane chimwe chinhu chavari kushayiwa.

8. Maererano na1 VaKorinde 7:7-9, Pauro akakurudzira vaKristu kuti vafunge nezvei?

8 Muapostora Pauro akaita ushumiri hwake asina kuroora sezvakaita Jesu. Pauro haana kumbobvira adzidzisa kuti hazvina kunaka kuti muKristu aroore kana kuroorwa. Aiziva kuti iyi yaiva nyaya yekuti munhu azvisarudzire ega. Kunyange zvakadaro, akakurudzira vaKristu kuti vaone kana vaigona kushumira Jehovha sevanhu vasina kuroora kana kuroorwa. (Verenga 1 VaKorinde 7:7-9.) Pauro haana kumbotarisira pasi vaKristu vasiri muwanano. Akatosarudza Timoti, hama yechidiki yainge isina kuroora, kuti aite zvinhu zvinokosha mubasa raJehovha. * (VaF. 2:19-22) Saka hazvina kunaka kufunga kuti hama yakakodzera kana kuti haina kukodzera kupiwa basa muungano zvichingobva chete pakuti yakaroora here kana kuti haina.​—1 VaK. 7:32-35, 38.

9. Tingatii nezvekupinda muwanano uye nezvekusapinda muwanano?

9 Jesu haana kumbodzidzisa kuti vaKristu vanofanira kupinda muwanano kana kuti havafaniri kupinda muwanano, uye Pauro haana kumbodzidzisawo izvozvo. Saka tingatii nezvekupinda muwanano uye nezvekusapinda muwanano? Nharireyomurindi yaOctober 1, 2012, yakazvitaura ichiti: “Chiripo ndechekuti zvese [kupinda muwanano uye kusapinda muwanano] zvinogona kunzi zvipo zvinobva kuna Mwari. . . . Mwari haaoni [kusaroora kana kusaroorwa] sechinhu chinonyadzisa kana kuti chinoshungurudza.” Saka tinofanira kuremekedza hama nehanzvadzi dzedu dzisina kuroora kana kuroorwa dziri muungano.

Ndezvipi zvatisingafaniri kuita kuratidza kuti tinoremekedza vaya vasiri muwanano? (Ona ndima 10)

10. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza hama nehanzvadzi dzedu dzisiri muwanano?

10 Tingaratidza sei kuti tinoremekedza manzwiro uye mamiriro ezvinhu ehama nehanzvadzi dzedu dzisina kuroora kana kuroorwa? Tinofanira kuyeuka kuti vamwe vaKristu vasiri muwanano vakasarudza kuramba vakadaro. Vamwe vavo vanoda kuroora kana kuroorwa, asi kungoti chete havasati vawana munhu akakodzera. Vamwe vakafirwa nevavainge vakaroorana navo. Saka vaya vari muungano vanofanira here kubvunza vaKristu vasiri muwanano kuti nei vasina kuroora kana kuroorwa, kana kuedza kuvatsvagira wekuroorana naye? Vamwe vaKristu vasiri muwanano vanogona kukumbira kubatsirwa kuwana wekuroorana naye. Asi kana tikaedza kuvabatsira vasina kutikumbira, zvingaita kuti vanzwe sei? (1 VaT. 4:11; 1 Tim. 5:13) Ngatinzwei zvakataurwa nevamwe vavo.

11-12. Ndezvipi zvatingaita zvingaodza mwoyo vaya vasiri muwanano?

11 Mumwe mutariri wedunhu asati aroora uyo anonyatsogona basa rake anoona sekuti kuva munhu asina kuroora kune zvakawanda zvakunobatsira. Asi akati zvinogona kuodza mwoyo kana hama nehanzvadzi dzinenge dzichifunga kuti dziri kubatsira dzikamubvunza kuti: “Sei musati maroora?” Imwe hama isina kuroora inoshumira paBheteri yakati: “Dzimwe nguva ndinoona kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzinofunga kuti dzinofanira kunzwira tsitsi vanhu vasina kuroora kana kuroorwa. Izvi zvingaita kuti kusava muwanano kuonekwe sedambudziko kwete sechipo.”

12 Imwe hanzvadzi isina kuroorwa inoshumira paBheteri yakati: “Vamwe vaparidzi vanofunga kuti vanhu vese vasiri muwanano vari kutsvaga wekuroorana naye kana kuti vanoona nguva dzekuungana pamwe chete semukana wekuwana wekuroorana naye. Pandakambofamba nebasa repaBheteri ndichienda kune imwe nzvimbo, ndakasvika musi waiitwa musangano weungano. Hanzvadzi yandakagara nayo yakandiudza kuti muungano maiva nehama mbiri dzezera rangu. Yakandiudza kuti yakanga isiri kuedza kundirongera. Asi patakangopinda muImba yeUmambo, yakabva yaenda neni paiva nehama mbiri dzacho. Kutaura chokwadi, ini nehama idzi takapererwa.”

13. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yakakurudzirwa nei?

13 Imwe hanzvadzi isina kuroorwa inoshumira paBheteri yakati: “Ndinoziva vamwe vanopayona vati kurei vasina kuroora kana kuroorwa, vakatsiga, vane zvinangwa, vanozvipira, vanogutsikana nebasa ravo, uye vanobatsira chaizvo muungano. Vane maonero akanaka panyaya yekusava kwavo muwanano, havazvioni sevanokosha pane vamwe nekuti havasi muwanano, uyewo havafungi kuti havakwanisi kufara nekuti havasi muwanano uye havana vana.” Ndokusaka zvichifadza kuva muungano ine vanhu vanoremekedzana uye vanokoshesa munhu mumwe nemumwe. Haunzwi sekuti hama nehanzvadzi dzako dziri kukunzwira tsitsi kana kukuitira shanje, uye haunzwi sekuti dziri kukudadira kana kukuona seunokosha kudzipfuura. Unongoona kuti dzinokuda.

14. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vaya vasiri muwanano?

14 Hama nehanzvadzi dzedu dzisiri muwanano dzinofara patinodziremekedza zvichibva paunhu hwadzo hwakanaka kwete zvichibva pakuti havana kuroora kana kuroorwa. Pane kuvanzwira tsitsi kuti havasi muwanano, tinoita zvakanaka kana tikakoshesa kutendeka kwavo. Izvi zvichaita kuti vasambonzwa sekuti tiri kuti kwavari: “Handina basa newe.” (1 VaK. 12:21) Asi vachaziva kuti tinovaremekedza uye kuti tinofara kuti vari muungano.

REMEKEDZA VAYA VASINGANYATSOGONI MUTAURO WAKO

15. Ndezvipi zvakaitwa nevamwe kuti vawedzere ushumiri hwavo?

15 Mumakore achangopfuura, vaparidzi vakawanda vakava nechinangwa chekudzidza mumwe mutauro kuitira kuti vawedzere ushumiri hwavo. Kuti vaite izvozvo, vane zvavaifanira kuchinja muupenyu hwavo. Hama nehanzvadzi idzi dzakasiya ungano yemutauro waamai kuitira kuti dziende kunoshumira muungano yemumwe mutauro uye mundima inodiwa vaparidzi vakawanda. (Mab. 16:9) VaKristu ava vakasarudza vega kuita izvi vachiitira kuti vaite zvakawanda pakushumira Jehovha. Kunyange zvazvo zvichitora makore kuti vanyatsogona mutauro mutsva, vanobatsira ungano munzira dzakawanda. Unhu hwavo hwakanaka uye ruzivo rwavo zvinosimbisa uye zvinotsigisa ungano. Tinokoshesa hama nehanzvadzi idzi dzinozvipira!

16. Vakuru vanotarisa chii kuti vaone kana hama ichikodzera kushumira semukuru kana mushumiri weungano?

16 Dare revakuru harifaniri kurega kurumbidza hama kuti ishumire semukuru kana kuti mushumiri weungano nekungoti chete haisati yava kunyatsogona mutauro unoshandiswa neungano. Vakuru vachaongorora kukodzera kwehama yacho zvichibva pane zvinotaurwa neBhaibheri nezvevakuru uye vashumiri veungano kwete zvichibva pakugona kwainoita mutauro weungano yacho.​—1 Tim. 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9.

17. Vabereki vanofanira kusarudzei pavanotamira kune imwe nyika semhuri?

17 Dzimwe mhuri dzechiKristu dzakatamira kune dzimwe nyika dzichitiza mamiriro ezvinhu anenge akaoma kana kuti dzichinotsvaga basa. Saka vana vavo vanogona kunge vava kudzidza muzvikoro zvinoshandisa mutauro unonyanya kutaurwa munyika macho. Dzimwe nguva vabereki vangatofanirawo kudzidza mutauro unonyanya kushandiswa munyika macho kuitira kuti vawane basa. Ko kana kwavanenge vachigara kuine ungano kana kuti boka remutauro waamai? Mhuri yacho inofanira kupinda neungano ipi? Inofanira kupinda neungano yemutauro unonyanya kushandiswa munyika macho here kana kuti yemutauro waamai?

18. Maererano naVaGaratiya 6:5, tingaratidza sei kuti tinoremekedza zvinenge zvasarudzwa nemusoro wemhuri?

18 Anenge ari musoro wemhuri anofanira kusarudza kuti mhuri yake yopinda neungano ipi. Sezvo iyi iri nyaya yekuti anofanira kusarudza ega, anofanira kufunga zvakanyanya kunakira mhuri yake. (Verenga VaGaratiya 6:5.) Tinofanira kuremekedza zvinenge zvasarudzwa nemusoro wemhuri. Chero zvaanenge asarudza, tinofanira kuzviremekedza, togamuchira mhuri yacho nemaoko maviri muungano medu.​—VaR. 15:7.

19. Misoro yemhuri inofanira kufungisisa uye kunyengetera nezvei?

19 Dzimwe mhuri dzinogona kunge dzichipinda neungano yemutauro wevabereki, asi vana vanogona kunge vasinganyatsokwanisi kutaura mutauro wacho. Kana ungano yacho iri munzvimbo yemutauro unonyanya kushandiswa munyika macho, zvingaomera vana kuti vanzwisise zvinodzidziswa pamisangano uye havafambiri mberi pakunamata. Nei zvakadaro? Nekuti vana vanogona kunge vachienda kuchikoro chinoshandisa mutauro unonyanya kutaurwa munyika macho kwete mutauro wevabereki vavo. Kana izvi zvikaitika, misoro yemhuri inofanira kunyatsofunga yonyengeterera uchenjeri kuti ikwanise kusarudza zvainofanira kuita pakubatsira vana kuti vaswedere pedyo naJehovha nevanhu vake. Zvimwe vanofanira kubatsira vana vavo kuti vanyatsogona rurimi rwaamai, kana kuti vanofanira kufunga nezvekutamira muungano inoshandisa mutauro unonyatsonzwisiswa nevana vavo. Chero zvichasarudzwa nemusoro wemhuri, ungano yaachasarudza kupinda nayo inofanira kuita kuti iye nemhuri yake vanzwe vachiremekedzwa uye vachikosheswa.

Tingaratidza sei kuti tinokoshesa vaya vari kudzidza mumwe mutauro? (Ona ndima 20)

20. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza hama nehanzvadzi dzedu dziri kudzidza mutauro mutsva?

20 Nekuda kwezvikonzero zvatakurukura, muungano dzakawanda mune hama nehanzvadzi dziri kushanda nesimba kuti dzidzidze mutauro mutsva. Zvinogona kuvaomera kuti vataure zvavari kufunga. Asi kana tikasangofunga nezvematauriro avari kuita mutauro wavo mutsva, tichaona kuti vanoda Jehovha uye vane chido chekumushumira. Kana tikaona zvakanaka zvavanoita, tichawedzera kukoshesa uye kuremekedza hama nehanzvadzi dzedu idzi. Hatizoti “Handina basa newe” nekungoti chete havanyatsogoni mutauro wedu.

TINOKOSHA KUNA JEHOVHA

21-22. Iropafadzo ipi yakazonaka yatinayo?

21 Jehovha akatipa ropafadzo yakanaka chaizvo yekuva muungano yake. Tingava varume kana vakadzi, vari muwanano kana vasiri, vakuru kana vadiki, vanonyatsogona mumwe mutauro kana kuti vasinganyatsougoni, tese tinokosha kuna Jehovha uye kune mumwe nemumwe.​—VaR. 12:4, 5; VaK. 3:10, 11.

22 Ngatirambei tichishandisa zvidzidzo zvakazonaka zvatadzidza kubva pamufananidzo waPauro wemuviri wemunhu. Izvi zvichatibatsira kuti tigare takagadzirira kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu. Zvichatibatsirawo kuti tirambe tichidzida uye tichidziremekedza.

RWIYO 90 Kurudziranai

^ ndima 5 Vanhu vaJehovha vanobva kwakasiyana-siyana uye vanoita mabasa akasiyana muungano. Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti nei zvichikosha kuti tiremekedze munhu wese ari mumhuri yaJehovha.

^ ndima 8 Hatigoni kutaura kuti Timoti haana kumbobvira aroora.