Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 33

Kumutswa Kwevakafa Kunoratidza Rudo rwaMwari, Uchenjeri Uye Mwoyo Murefu

Kumutswa Kwevakafa Kunoratidza Rudo rwaMwari, Uchenjeri Uye Mwoyo Murefu

“Kuchava nekumuka.”​—MAB. 24:15.

RWIYO 151 Achashevedza

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei Jehovha akasika upenyu?

PANE imwe nguva, Jehovha ndiye ega aingovapo. Asi akanga asingasurukirwi. Jehovha anofara pasinei nekuti hapana mumwe munhu waanenge ainaye. Kunyange zvakadaro, Mwari aidawo kuti vamwe vanakidzwe neupenyu. Rudo ndirwo rwakaita kuti Jehovha atange kusika zvinhu.​—Pis. 36:9;1 Joh. 4:19.

2. Jesu akanzwa sei Jehovha paakasika zvimwe zvinhu uye ngirozi dzakanzwawo sei?

2 Jehovha akatanga nekusika mumwe munhu waaizoshanda naye. Uye achishandisa Mwanakomana wake uyu wekutanga, “zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa,” kusanganisira mamiriyoni engirozi. (VaK. 1:16) Jesu aifadzwa chaizvo nekushanda pamwe chete naBaba vake. (Zvir. 8:30) Uye ngirozi dzakafarawo padzakaona Jehovha achishanda nemhizha yake Jesu pakusika denga nenyika. Ngirozi dzakaratidza sei kufara kwadzakaita? Dzakatanga “kushevedzera” dzichirumbidza pakasikwa nyika, uye dzakaramba dzichirumbidza Jehovha padzaiona zvimwe zvinhu zvese zvaaisika, kunyanya vanhu. (Job. 38:7; Zvir. 8:31, mashoko emuzasi) Zvinhu zvese izvi zvakasikwa zvinoratidza rudo rwaJehovha uye uchenjeri hwake.​—Pis. 104:24; VaR. 1:20.

3. Sezviri pana 1 VaKorinde 15:21, 22, chibayiro cherudzikinuro chaJesu chinoita kuti vanhu vave nemukana wei?

3 Jehovha aida kuti vanhu vararame nekusingaperi vachinakidzwa neupenyu vari panyika yakanaka yaakanga asika. Asi Adhamu naEvha pavakapandukira Baba vavo vane rudo, chivi nerufu zvakabva zvapinda munyika. (VaR. 5:12) Jehovha akaita sei nazvo? Akabva atotaura kuti aizoponesa sei vanhu. (Gen. 3:15) Jehovha aizopa mwanakomana wake Jesu kuti ave chibayiro cherudzikinuro chaizoita kuti vana vaAdhamu naEvha vakwanise kusunungurwa muchivi nerufu. Aizoita kuti munhu mumwe nemumwe ave nemukana wekusarudza kumushumira uye aizopa upenyu husingaperi kune vaya vanenge vasarudza kumushumira.​—Joh. 3:16; VaR. 6:23; verenga 1 VaKorinde 15:21, 22.

4. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

4 Vimbiso yaMwari yekumutsa vakafa inoita kuti tive nemibvunzo yakawanda. Mimwe yacho ndeyekuti, kumutswa kwevanhu kungangoitika sei? Tichakwanisa kuziva hama neshamwari dzedu here padzichamutswa? Rumuko rwuchaita kuti tifare munzira dzipi? Uye kufungisisa nezvekumutswa kwevakafa kungatibatsira sei kuti tionge rudo rwaJehovha, uchenjeri hwake, uye mwoyo murefu wake? Ngatikurukurei mibvunzo iyoyo.

KUMUTSWA KWEVANHU KUNGANGOITIKA SEI?

5. Nei zviine musoro kuti titarisire kuti vanhu vachamutswa zvakarongeka, uye zvishoma nezvishoma?

5 Jehovha paachamutsa mamiriyoni evanhu achishandisa mwanakomana wake, tinogona kutarisira kuti vese havasi kuzomutswa panguva imwe chete. Nei tichidaro? Nekuti kana vanhu vakazongoerekana vawanda panyika, zvinogona kukonzera nyonganyonga. Uye Jehovha haamboiti zvinhu zvisina kurongeka. Anoziva kuti zvinhu zvinofanira kunge zvakarongeka kuti pave nerugare. (1 VaK. 14:33) Jehovha Mwari akaratidza uchenjeri uye mwoyo murefu paakashanda naJesu pakuita kuti nyika ikodzere kugarwa nevanhu. Jesu acharatidzawo uchenjeri nemwoyo murefu paachatonga kwemakore 1 000, achishanda nevanhu vanenge vapona paAmagedhoni vachigadzirira kugamuchira vanhu vanenge vamutswa.

Vaya vachapona paAmagedhoni vachadzidzisa vanenge vamutswa nezveUmambo hwaMwari uye mitemo yaJehovha (Ona ndima 6) *

6. Maererano naMabasa 24:15, ndevapi vamwe vanhu vachava pakati pevachamutswa naJehovha?

6 Chinonyanya kukosha ndechekuti vaya vachapona paAmagedhoni vachafanira kudzidzisa vaya vanenge vamutswa nezveUmambo hwaMwari, uye mitemo yaJehovha. Nei zvakadaro? Nekuti pavanhu vachamutswa, vakawanda vavo vachange vari vanhu “vasina kururama.” (Verenga Mabasa 24:15.) Vane zvakawanda zvavachafanira kuchinja kuti vakwanise kubatsirwa nerudzikinuro rwaKristu. Funga kuti richange riri basa rakakura zvakadini kudzidzisa chokwadi nezvaMwari kumamiriyoni evanhu asina kana chaanoziva nezvaJehovha. Munhu mumwe nemumwe achadzidziswa ari ega here sezvatinoita pakudzidzisa vanhu Bhaibheri mazuva ano? Vatsva ava vane ungano dzavachanzi vapinde nadzo here? Ngatimirirei tozozviona. Asi chatinoziva ndechekuti, pachapera Makore 1 000 Ekutonga kwaKristu, “nyika ichazara nekuziva Jehovha.” (Isa. 11:9) Tichange tiine basa rakawanda rinonakidza mumakore 1 000 iwayo!

7. Nei vanhu vaMwari vachizova netsitsi pavanenge vachidzidzisa vaya vanenge vamutswa?

7 MuKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, vanhu vaJehovha vese avo vanenge vari panyika vane zvavanofanira kuchinja muupenyu hwavo kuti vamufadze. Saka vese vachange vari vanhu vane tsitsi pavanenge vachibatsira vaya vanenge vamutswa kuti vakunde zvido zvakaipa, uye kuti vararame maererano nezvinodiwa naJehovha. (1 Pet. 3:8) Vaya vachamutswa vachaona kuti vanhu vaJehovha vanozvininipisa uye vachiri kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo kuti vafadze Jehovha. Izvi zvichaita kuti vade kunamata Jehovha pamwe chete navo.​—VaF. 2:12.

TICHAKWANISA KUZIVA VAYA VANENGE VAMUTSWA HERE?

8. Nei zviine musoro kutaura kuti vaya vachagamuchira vanhu vanenge vamutswa vachakwanisa kuziva hama neshamwari dzavo?

8 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti titi vaya vanenge vachigamuchira vanhu vanenge vamutswa vachakwanisa kuziva hama neshamwari dzavo. Semuenzaniso, kubva pakumutswa kwakamboitwa vanhu, zvinoita sekuti Jehovha achasikazve vanhu kuitira kuti varatidzike, vataure uye vafunge sezvavaiita nguva pfupi vasati vafa. Yeuka kuti Jesu akafananidza kufa nekurara, uye kumutswa kwevakafa nekumutswa kuhope. (Mat. 9:18, 24; Joh. 11:11-13) Munhu paanomuka kuhope, hapana chinochinja pachitarisiko chake nepamatauriro aanoita, uye anoramba achiyeuka zvinhu zvakaitika asati arara. Funga nezvaRazaro. Akanga ava nemazuva mana afa, saka muviri wake wakanga watanga kuora. Asi Jesu paakamumutsa, hanzvadzi dzake dzakabva dzangomuziva, uye zviri pachena kuti Razaro akadziyeukawo.​—Joh. 11:38-44; 12:1, 2.

9. Nei vanhu vachamutswa vasiri kuzomutswa vaine pfungwa nemiviri zvakakwana?

9 Jehovha akavimbisa kuti muParadhiso hapana munhu achati: “Ndiri kurwara.” (Isa. 33:24; VaR. 6:7) Saka vaya vachamutswa vachange vaine utano hwakanaka. Asi hazvirevi hazvo kuti vachabva vangova vanhu vakakwana. Dai zvakadaro, hama neshamwari dzavo dzaizotadza kuvaziva. Zvinoita sekuti vanhu vachasvika pakusava nechivi zvishoma nezvishoma muKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000. Kana makore 1 000 apera, Jesu ndipo paachazodzorera Umambo kuna Baba vake. Umambo huchange hwaita basa rahwo zvakakwana, kusanganisira basa rekubvisa chivi muvanhu zvachose.​—1 VaK. 15:24-28; Zvak. 20:1-3.

KUMUTSWA KWEVAKAFA KUCHAITA KUTI TIFARE MUNZIRA DZIPI?

10. Kumutswa kwevakafa kuchaita kuti unzwe sei?

10 Fungidzira kuti zvichange zvakaita sei kuonanazve nehama neshamwari dzako. Mufaro wacho uchaita kuti useke here kana kuti ucheme? Uchafara here zvekuti uchaimba nziyo dzekurumbidza Jehovha? Chokwadi chatinoziva ndechekuti, kumutswa kwevakafa kuchaita kuti uwedzere kuda Baba vako Jehovha uye Mwanakomana wavo.

11. Maererano nemashoko aJesu ari pana Johani 5:28, 29, chii chichaitika kune vaya vanoteerera Mwari?

11 Fungidzira mufaro uchava nevaya vanenge vamutswa pavanenge vachibvisa unhu hwekare vachirarama maererano nezvinodiwa naMwari. Vaya vachachinja saizvozvo vachange vamukira upenyu. Asi vaya vachapandukira Mwari, havazobvumirwi kuvhiringidza rugare runenge rwuri muParadhiso.​—Isa. 65:20; verenga Johani 5:28, 29.

12. Vanhu vese vanenge vari panyika vachakomborerwa sei naJehovha?

12 Umambo pahunenge huchitonga, vanhu vaMwari vese vachaona kuzadzika kwaZvirevo 10:22 iyo inoti: “Kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume, uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo.” Vachibatsirwa nemweya waJehovha, vanhu vaMwari vachawedzera kuva neushamwari hwepedyo naye kureva kuti vachawedzera kuva saKristu uye vachasvika pakusava nechivi. (Joh. 13:15-17; VaEf. 4:23, 24) Zuva rega rega miviri yavo inenge ichiwedzera kuva neutano hwakanaka, vachivawo vanhu vari nani. Uhwu huchange huri upenyu hunofadza chaizvo! (Job. 33:25) Asi kufungisisa nezvekumutswa kwevakafa kunokubatsira sei iye zvino?

ZVATINODZIDZA NEZVERUDO RWAJEHOVHA

13. Maererano naPisarema 139:1-4, kumutswa kwevakafa kucharatidza sei kuti Jehovha anonyatsotiziva?

13 Sezvatambokurukura, Jehovha paachamutsa vanhu, achaita kuti vakwanise kuyeuka zvinhu zvavanoziva uye achavamutsa vaine unhu hwavaiva nahwo vasati vafa. Chimbofunga kuti izvozvo zvinorevei. Jehovha anokuda chaizvo zvekuti anocherechedza uye anoyeuka zvese zvaunofunga, manzwiro ako, zvaunotaura uye zvaunoita. Saka kana achizokumutsa, zviri nyore kuti akudzorere zvawaiyeuka uye unhu hwako. Mambo Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha anonyatsoziva mumwe nemumwe wedu. (Verenga Pisarema 139:1-4.) Kunzwisisa kuti Jehovha anonyatsotiziva kunotibatsira sei iye zvino?

14. Tinofanira kunzwa sei patinofunga kuti Jehovha anonyatsotiziva?

14 Patinofungisisa nezvekuti Jehovha anonyatsotiziva zvakadii, hatifaniri kunetseka. Nei tisingafaniri kunetseka? Yeuka kuti Jehovha ane hanya nesu zvikuru. Anokoshesa mumwe nemumwe wedu. Anoyeuka zvese zvinoitika muupenyu hwedu, izvo zvinoita kuti tive zvatiri. Izvi zvinonyaradza chaizvo. Hatifaniri kumbonzwa sekuti tiri tega! Nguva dzese, Jehovha anenge ainesu, uye anoda kutibatsira.​—2 Mak. 16:9.

ZVATINODZIDZA NEZVEUCHENJERI HWAJEHOVHA

15. Rumuko runoratidza sei uchenjeri hwaJehovha?

15 Vanhu vanogona kushandisa rufu sechombo chekutyisidzira vamwe. Vaya vanotongwa naSatani vanogona kushandisa kutya ikoko kuti vamanikidze vanhu kuti vatengese shamwari dzavo kana kuti vaite chimwe chinhu chavanoziva kuti hachina kunaka. Asi kutyisidzira ikoko hakushandi kwatiri. Tinoziva kuti kana vavengi vedu vakatiuraya, Jehovha achatimutsa. (Zvak. 2:10) Tine chokwadi chekuti hapana zvavanoita zvinogona kutitadzisa kuva shamwari dzaJehovha. (VaR. 8:35-39) Tariro yerumuko yatakapiwa inoratidza kuti Jehovha ndiMwari akachenjera chaizvo! Tariro iyi inoita kuti tisatya patinotyisidzirwa nevatsigiri vaSatani kuti vachatiuraya, uye inotipa ushingi hwekuramba takavimbika kuna Jehovha.

Zvisarudzo zvatinoita zvinoratidza here kuti tinobvuma vimbiso yaJehovha yekuti achatipa zvatinoda pakurarama? (Ona ndima 16) *

16. Mibvunzo ipi yaunofanira kuzvibvunza, uye mhinduro dzako dzingakubatsira sei kuziva kuti unovimba naJehovha zvakadii?

16 Kana vavengi vaJehovha vakati vanoda kukuuraya, uchavimba naJehovha here kuti achakumutsa? Ungaziva sei kuti uchavimba naye panguva iyoyo? Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Zvisarudzo zvandinoita zuva nezuva zvinoratidza here kuti ndinovimba naJehovha?’ (Ruka 16:10) Mumwe mubvunzo ndewekuti, ‘Mararamiro andinoita anoratidza here kuti ndinobvuma vimbiso yaJehovha yekuti achandipa zvandinoda pakurarama kana ndikatanga kutsvaga Umambo hwake?’ (Mat. 6:31-33) Kana wapindura kuti hongu, unenge waratidza kuti unovimba naJehovha uye uchange wakagadzirira chero muedzo waunosangana nawo.​—Zvir. 3:5, 6.

ZVATINODZIDZA NEZVEMWOYO MUREFU WAJEHOVHA

17. (a) Kumutswa kwevakafa kunoratidza sei kuti Jehovha ane mwoyo murefu? (b) Tingaratidza sei kuti tinoonga mwoyo murefu waJehovha?

17 Jehovha akatosarudza zuva nenguva paachaparadza nyika ino yakaipa. (Mat. 24:36) Haasi kuzotadza kuva nemwoyo murefu oparadza nyika ino nguva iyoyo isati yasvika. Anoda chaizvo kumutsa vakafa, asi ari kuva nemwoyo murefu. (Job. 14:14, 15) Ari kumirira kuti nguva yacho isvike ozovamutsa. (Joh. 5:28) Tine zvikonzero zvakanaka zvekuonga mwoyo murefu waJehovha. Chimbofunga izvi: Sezvo Jehovha aine mwoyo murefu, vanhu vakawanda kusanganisira isu, takava nemukana ‘wekusvika pakutendeuka.’ (2 Pet. 3:9) Jehovha anoda kuti vanhu vakawanda chaizvo vave nemukana wekuwana upenyu husingaperi. Saka ngatiratidzei kuti tinoonga mwoyo murefu wake. Tingazviita sei? Tinoita zvese zvatinogona kuti titsvage vaya vane chido chekuwana upenyu husingaperi tovabatsira kuti vade Jehovha uye vamushumire. (Mab. 13:48) Izvozvo zvichaita kuti vabatsirwe nemwoyo murefu waJehovha sezvatakaita.

18. Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu nevamwe?

18 Jehovha achamirira nemwoyo murefu kusvikira makore 1 000 apera asati atanga kutarisira kuti tive vanhu vasina chivi. Jehovha acharamba aine chido chekutiregerera zvivi zvedu kusvikira nguva iyoyo yakwana. Saka tinofanira kutevedzera Jehovha totarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe uye tova nemwoyo murefu navo. Funga nezveimwe hanzvadzi ine murume akatanga kuzvidya mwoyo zvakanyanya zvekuti akarega kupinda misangano. “Izvi zvakandirwadza chaizvo,” yakadaro hanzvadzi yacho. “Upenyu hwedu hwakabva hwangochinja uye tainge tisingachakwanisi kuita zvese zvatainge takaronga semhuri.” Asi mudzimai uyu akaramba achiratidza mwoyo murefu kumurume wake. Akavimba naJehovha uye haana kukanda mapfumo pasi. Achitevedzera Jehovha, haana kuramba achifunga nezvedambudziko rake, asi akaisa pfungwa dzake pazvinhu zvakanaka zvaiitwa nemurume wake. Anoti, “Murume wangu ane unhu hwakanaka, uye ari kuita zvese zvaanogona kuti asarambe achizvidya mwoyo.” Zvinokosha chaizvo kuti tive nemwoyo murefu nevemumhuri medu kana kuti vemuungano vari kuedza kukunda matambudziko akakura!

19. Tinofanira kuramba tichiitei?

19 Jesu nengirozi vakafara pakatanga kusikwa nyika. Asi fungidzira kufara kwavachaita vachiona nyika yakazara nevanhu vasina chivi, vanoda Jehovha uye vanomushumira. Fungidzira kufara kuchaita vaya vakatengwa panyika kuti vaende kudenga kunotonga naKristu, pavachaona kubatsirwa kunenge kuchiitwa vanhu nebasa ravo. (Zvak. 4:4, 9-11; 5:9, 10) Uye fungidzira uchirarama panguva yekuti misodzi yekufara inenge yatsiva misodzi yekurwadziwa, pakunenge kusisina zvirwere, kusuruvara uye rufu. (Zvak. 21:4) Kusvikira izvozvo zvaitika, ramba uchitevedzera Baba vako vane rudo, vakachenjera uye vane mwoyo murefu. Kana ukadaro ucharamba uchifara pasinei nemiedzo yaunosangana nayo. (Jak. 1:2-4) Tinoonga chaizvo vimbiso yaJehovha yekuti, “kuchava nekumuka”!​—Mab. 24:15.

RWIYO 141 Chishamiso Cheupenyu

^ ndima 5 Jehovha ndiBaba vane rudo, vakachenjera, uye vane mwoyo murefu. Izvozvo tinozviona pamasikiro aakaita zvinhu zvese uye tinozvionawo muvimbiso yake yekumutsa vakafa. Nyaya ino ichakurukura mimwe mibvunzo yatingava nayo nezvekumutswa kwevakafa uye ichatidzidzisa nezverudo rwaJehovha, uchenjeri hwake, uye mwoyo murefu wake.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume akafa mazana emakore apfuura amutswa paKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000. Hama yakapona paAmagedhoni inodzidzisa murume akamutswa zvaanofanira kuita kuti abatsirwe nerudzikinuro rwaKristu.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kuudza mukuru webasa kuti pane mamwe mazuva aisingakwanisi kushanda ovhataimu. Inotsanangura kuti panguva dzemanheru mazuva iwayo, ine zvinhu zvine chekuita nekunamata Jehovha zvainenge ichiita. Asi anogona kushanda ovhataimu mamwe mazuva aasingaiti zvekunamata, kana zvichinyanya kukosha kuti ave pabasa.