Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 40

“Chengetedza Zvinhu Zvakaiswa Mumaoko Ako”

“Chengetedza Zvinhu Zvakaiswa Mumaoko Ako”

“Timoti, chengetedza zvinhu zvakaiswa mumaoko ako.”—1 TIM. 6:20.

RWIYO 29 Kuita Zvinoenderana Nezita Redu

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Maererano na1 Timoti 6:20, Timoti aifanira kuitei?

TINOWANZOCHENGETESA zvinhu zvedu zvinokosha kune vamwe. Semuenzaniso, tinogona kuisa mari yedu mubhengi. Patinodaro, tinenge tava kutarisira kuti mari yedu ichachengeteka uye haizobiwi kana kurasika. Saka tinoziva zvazvinoreva kuchengetesa mumwe munhu zvinhu zvatinokoshesa.

2 Verenga 1 Timoti 6:20. Muapostora Pauro akayeuchidza Timoti kuti akanga agamuchira chinhu chinokosha, kureva ruzivo rwakarurama pamusoro pechinangwa chaMwari chaakasikira vanhu. Timoti akapiwawo ropafadzo ‘yekuparidza shoko’ uye yekuita “basa remuevhangeri.” (2 Tim. 4:2, 5) Pauro akakurudzira Timoti kuti achengetedze zvinhu zvakanga zvaiswa mumaoko ake. Kufanana naTimoti, isuwo tine zvinhu zvinokosha zvakaiswa mumaoko edu. Ndezvipi izvozvo? Uye nei tichifanira kuchengetedza pfuma yatakapiwa naJehovha?

JEHOVHA AKAITA KUTI TIWANE CHOKWADI

3-4. Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei chokwadi chiri muBhaibheri chichikosha?

3 Jehovha akatipa ruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi chiri muShoko rake Bhaibheri. Chokwadi ichi chinokosha nekuti chinotidzidzisa zvatingaita kuti tive neushamwari hwakanaka naJehovha, uye chinotsanangura zvatingaita kuti tive nemufaro wechokwadi muupenyu. Patinobvuma chokwadi ichocho torarama maererano nacho, tinosunungurwa padzidziso dzenhema uye hatizorarami upenyu husina kuchena.—1 VaK. 6:9-11.

4 Chimwe chikonzero nei chokwadi chiri muShoko raMwari chichikosha ndechekuti Jehovha anongochizivisa kune vaya vanozvininipisa uye ‘vane chido.’ (Mab. 13:48) Vanhu ivavo vanobvuma nzira yaari kushandisa pakudzidzisa chokwadi ichocho mazuva ano. (Mat. 11:25; 24:45) Hatikwanisi kudzidza chokwadi ichocho tiri tega, uye hapana chimwe chinhu chinokosha kudarika kunzwisisa chokwadi ichocho.—Zvir. 3:13, 15.

5. Chii chimwe chatakapiwa naJehovha?

5 Jehovha akatipawo ropafadzo yekudzidzisa vamwe chokwadi pamusoro pake uye pamusoro pezvinangwa zvake. (Mat. 24:14) Mashoko atinozivisa anokosha chaizvo nekuti anobatsira vanhu kuti vave mumhuri yaJehovha uye anovapa mukana wekuwana upenyu husingaperi. (1 Tim. 4:16) Pasinei nekuti tiri kuita zvakawanda kana kuti zvishoma muushumiri, tiri kutsigira basa rinonyanya kukosha riri kuitwa panguva ino. (1 Tim. 2:3, 4) Tine ropafadzo yakakura chaizvo yekushanda pamwe chete naMwari!—1 VaK. 3:9.

BATISISA ZVAWAKAPIWA

Timoti akaramba achishumira Jehovha, vamwe pavakasarudza kusiya chokwadi (Ona ndima 6)

6. Chii chakaitika kune vamwe vakatadza kuchengetedza zvavakanga vapiwa?

6 Vamwe vanhu vakararama panguva yaTimoti vakatadza kukoshesa ropafadzo yavaiva nayo yekushanda pamwe chete naMwari. Dhemasi akasiya ropafadzo yaaiva nayo yekushanda pamwe chete naPauro, nekuti akada nyika ino. (2 Tim. 4:10) Zvinoita sekuti Figerasi naHemogenesi vakasiya ushumiri hwavo nekuti vaitya kutambudzwa sezvaiitwa Pauro. (2 Tim. 1:15) Himeniyo, Arekizanda naFiretusi, vakatsauka pakutenda, vakasiya chokwadi. (1 Tim. 1:19, 20; 2 Tim. 2:16-18) Zvinoita sekuti vanhu vese ava vaimboda Jehovha, asi vakapedzisira vasingachakoshesi zvavakanga vapiwa.

7. Zvii zviri kuitwa naSatani achiedza kutinyengera kuti tiite zvaanoda?

7 Satani ari kuedza sei kuita kuti tisiye pfuma yatakapiwa naJehovha? Ona dzimwe nzira dziri kushandiswa naSatani. Anoshandisa zvinhu zvakadai semafirimu, TV, Indaneti nemapepanhau kuti tive nemafungiro uye maitiro angaita kuti zvishoma nezvishoma tirege kuda Jehovha kana kurega kuteerera mitemo yake. Anoedza kutityisidzira kuti tirege kuparidza achishandisa zvinotaurwa nevanhu kana kutambudzwa kwatingaitwa nevanhu. Uye anoedza kutikwezva kuti titeerere zvinodzidziswa nevakatsauka pakutenda kuitira kuti tisiye chokwadi.—1 Tim. 6:20, 21.

8. Tinodzidzei pane zvakaitika kune imwe hama inonzi Daniel?

8 Kana tikasangwarira, tinogona kutanga kusiya chokwadi zvishoma nezvishoma. Funga zvakaitika kuna Daniel, * uyo aifarira mavhidhiyo gemhu. Anoti: “Ndakatanga kutamba mavhidhiyo gemhu ndiine makore anenge 10. Ndakatanga ndichitamba akanga asina kuipa, asi zvishoma nezvishoma ndakanga ndava kutamba ekurwisana uye aiva nechidhimoni.” Daniel akapedzisira ava kuatamba kwemaawa anenge 15 pazuva. Anoti: “Nechemukatikati, ndainyatsoziva kuti magemhu andaitamba uye kuwanda kwenguva yandaipedza ndichiatamba zvaikanganisa ushamwari hwangu naJehovha. Asi mwoyo wangu wakanga waoma zvekuti ndakanga ndava kufunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri hazvishandi kwandiri.” Kana tikasangwarira, zviri nyore kuti zvinhu zvinotivaraidza zvititadzise kuramba takabata chokwadi. Kana izvozvo zvikaitika, tinogona kupedzisira tarasikirwa nezvinhu zvinokosha zvatakapiwa naJehovha.

ZVATINGAITA KUTI TIBATISISE CHOKWADI

9. Maererano na1 Timoti 1:18, 19, Pauro akafananidza Timoti nei?

9 Verenga 1 Timoti 1:18, 19. Pauro akafananidza Timoti nemusoja uye akamukurudzira kuti ‘arwe hondo yakanaka.’ Pauro akanga asiri kutaura nezvehondo yekurwisana nevanhu, asi aitaura nezvehondo yemweya. VaKristu vakafanana papi nemasoja ari muhondo? Semasoja aKristu, zvii zvatinofanira kuita? Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvatinodzidza pamufananidzo waPauro. Zvidzidzo izvi zvinogona kutibatsira kubatisisa chokwadi.

10. Kuzvipira kuna Mwari kuita sei, uye nei kuchikosha?

10 Zvipire kuna Mwari. Musoja akanaka ndeuya akavimbika. Anorwa zvakasimba kuti adzivirire munhu waanoda kana kuti chimwe chinhu chaanokoshesa. Pauro akakurudzira Timoti kuti azvipire kuna Mwari, kureva kuti arambe akavimbika kuna Mwari. (1 Tim. 4:7) Kana tikawedzera kuda Mwari uye kuzvipira kwaari, tinovawo nechido chakasimba chekuramba takabatisisa chokwadi.—1 Tim. 4:8-10; 6:6.

Pashure pekunge taswera tichishanda, tingatofanira kuzvimanikidza kuti tiende kumisangano. Asi kana tikadaro tinokomborerwa! (Ona ndima 11)

11. Nei tichifanira kuzvidzidzisa kuita zvakarurama?

11 Zvidzidzise kuita zvinhu zvakarurama. Musoja anofanira kuzvidzidzisa kuti agare akagadzirira hondo. Timoti akaramba akasimba pakunamata nekuti akatevedzera zano rakafemerwa raPauro rekuti atize zvido zvakaipa, ave neunhu hunodiwa naMwari, uye kuti awadzane nevamwe vaainamata navo. (2 Tim. 2:22) Zvaida kuti azvidzidzise kuita izvozvo. Tinofanira kuzvidzora kuti tikunde zvido zvakaipa. (VaR. 7:21-25) Uyewo tinofanira kuzvidzidzisa kuti tirambe tichishanda nesimba kuti tibvise unhu hwekare, topfeka unhu hutsva. (VaEf. 4:22, 24) Uye patinenge takaneta pakupera kwezuva tingafanira kuzvimanikidza kuti tiende kumisangano.—VaH. 10:24, 25.

12. Tingavandudza sei unyanzvi hwedu pakushandisa Bhaibheri?

12 Musoja anofanira kugara achidzidzira kushandisa zvombo zvake kuti ave nyanzvi pakuzvishandisa. Isuwo tinofanira kuva nyanzvi pakushandisa Shoko raMwari. (2 Tim. 2:15) Tinogona kudzidza humwe unyanzvi hwacho pamisangano yedu. Asi kana tichida kubatsirawo vamwe kuona kuti chokwadi cheBhaibheri chinokosha chaizvo, tinofanira kugara tichiridzidza. Tinofanira kushandisa Shoko raMwari kuti tisimbise kutenda kwedu. Hatingogumiri pakuverenga Bhaibheri, asi tinofanirawo kufungisisa zvatinenge taverenga, totsvakurudza mumabhuku edu kuitira kuti tinyatsonzwisisa Magwaro uye toatsanangura. (1 Tim. 4:13-15) Kana tikadaro tichakwanisa kushandisa Shoko raMwari pakudzidzisa vamwe. Izvi hazvingogumiri pakuvaverengera mavhesi emuBhaibheri. Tinoda kubatsira vateereri vedu kuti vanzwisise mavhesi acho uye kuti vangaashandisa sei muupenyu hwavo. Kana tikagara tichitevedzera purogiramu yedu yekudzidza Bhaibheri tiri tega, tinogona kuvandudza unyanzvi hwedu hwekudzidzisa vamwe Shoko raMwari.—2 Tim. 3:16, 17.

13. Maererano naVaHebheru 5:14, nei tichifanira kuva vanhu vanonzwisisa?

13 Iva munhu anonzwisisa. Musoja anofanira kunge achikwanisa kugara aona njodzi oidzivisa. Isuwo tinofanira kudzidza kuti tizive mamiriro ezvinhu anogona kutikuvadza, tobva taita chimwe chinhu kuti tirege kupinda munjodzi yacho. (Zvir. 22:3; verenga VaHebheru 5:14.) Semuenzaniso, tinofanira kuchenjera pakusarudza zvinotivaraidza. Mafirimu nemapurogiramu epaTV anowanzobudisa zvinhu zveunzenza. Zvinhu zvakadaro zvinogumbura Mwari uye zvinokuvadza vanovaraidzwa nazvo. Saka tinodzivisa varaidzo yese ingaita kuti kuda kwatinoita Mwari kuderere zvishoma nezvishoma.—VaEf. 5:5, 6.

14. Kunzwisisa kwakabatsira sei Daniel?

14 Daniel ambotaurwa, akatanga kunzwisisa kuti dambudziko rake raiva rekutamba mavhidhiyo gemhu ekurwisana uye echidhimoni. Akatsvakurudza paWatchtower Library mashoko aigona kumubatsira kukunda dambudziko rake. Izvozvo zvakamubatsira sei? Akarega kutamba magemhu asina kunaka. Akabva asiyana nezvekutamba nevamwe vatambi paIndaneti. Daniel anoti, “Pane kutamba mavhidhiyo gemhu, ndakatanga kushandisa nguva yangu kuitawo zvimwe zvinhu uye kutandara neshamwari dzangu dzemuungano.” Iye zvino Daniel ari kushumira sapiyona uyewo semukuru.

15. Nei nyaya dzenhema dziine ngozi?

15 Kufanana naTimoti, tinofanirawo kungwarira mashoko enhema anoparadzirwa nevakatsauka pakutenda. (1 Tim. 4:1, 7; 2 Tim. 2:16) Vanogona kuparadzira nyaya dzenhema nezvehama dzedu kana kuita kuti tisavimba nesangano raJehovha. Nhema idzodzo dzinogona kukanganisa kutenda kwedu. Hatifaniri kubvuma mashoko iwayo. Nei tisingafaniri kuabvuma? Nekuti nyaya idzodzo dzinoparadzirwa “nevanhu vane pfungwa dzakakanganisika nevasisazivi chokwadi.” Chinangwa chavo ndechekutanga “zvenharo nekukakavadzana.” (1 Tim. 6:4, 5) Vanoda kuti tibvume nhema idzodzo, totanga kufungira hama dzedu zvakaipa.

16. Zvinhu zvipi zvinotsausa zvatinofanira kudzivisa?

16 Dzivisa zvinhu zvinotsausa. “Semurwi akanaka waKristu Jesu,” Timoti aifanira kuramba akaisa pfungwa dzake paushumiri pane kuti atsauswe nekutsvaga pfuma. (2 Tim. 2:3, 4) Kufanana naTimoti, hatifaniri kutsauswa nekuda pfuma yakawanda. “Simba rinonyengera repfuma” rinogona kuvhunga kuda kwatinoita Jehovha, kukoshesa kwatinoita Shoko raMwari, uye chido chedu chekuriudzawo vamwe. (Mat. 13:22) Tinofanira kuramba tichiita kuti upenyu hwedu husava netwakawanda uye toshandisa nguva yedu nesimba ‘pakuramba tichitanga kutsvaga Umambo’—Mat. 6:22-25, 33.

17-18. Tingaitei kuti tisakanganisa ushamwari hwedu naJehovha?

17 Gara wakagadzirira kuita chimwe chinhu nekukurumidza. Musoja anofanira kugara aronga zvaachazoita kuti azvidzivirire. Kuti tichengetedze zvinhu zvatakapiwa naJehovha, tinofanira kukurumidza kuita chimwe chinhu patinoona njodzi. Chii chingatibatsira kuti tiite izvozvo? Tinofanira kugara taronga zvatichaita panouya njodzi.

18 Semuenzaniso, kana vanhu vari pane chimwe chiitiko, vanowanzokurudzirwa kuti purogiramu isati yatanga vazive nzvimbo dzekuzobuda nadzo. Nei vachikurudzirwa kudaro? Izvi zvinoitirwa kuti vakurumidze kubuda kana paine njodzi yaitika. Nesuwo tinofanira kugara taronga zvatichazoita kana tikangoerekana tasangana nezvinhu zveunzenza, zvekurwisana, kana kuti zvevakatsauka pakutenda patinenge tichishandisa Indaneti kana kuti tichiona TV. Kana tikagara takagadzirira zvingazoitika, tinogona kukurumidza kudzivisa zvinhu zvingakanganisa ushamwari hwedu naJehovha, toramba takachena pamberi pake.—Pis. 101:3; 1 Tim. 4:12.

19. Makomborero api atichawana kana tikachengetedza zvinhu zvinokosha zvatakapiwa naJehovha?

19 Tinofanira kuchengetedza zvinhu zvinokosha zvatakapiwa naJehovha zvinoti, chokwadi chiri muBhaibheri uye ropafadzo yatiinayo yekuchidzidzisa vamwe. Patinodaro, tinova nehana yakachena, upenyu hune chinangwa, uye tinowana mufaro unobva pakubatsira vamwe kuti vazive Jehovha. Tichibatsirwa naye, tichakwanisa kuchengetedza zvinhu zvakaiswa mumaoko edu.—1 Tim. 6:12, 19.

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

^ ndima 5 Tine ropafadzo yakakura yekuziva chokwadi uye yekuchidzidzisawo vamwe. Nyaya ino ichatibatsira kuti tichengetedze ropafadzo iyoyo torega kumborasikirwa nayo.

^ ndima 8 Zita rakachinjwa.