Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Joseph F. Rutherford nedzimwe hama pavakashanyira Europe

1920—Makore 100 Apfuura

1920—Makore 100 Apfuura

PAKATANGA gore ra1920, vanhu vaJehovha vaiva nechido chakakura chekuita basa rekuparidza. Gore iroro, vakasarudza rugwaro rwegore rwaiti, “ISHE ndiye simba rangu nerwiyo rwangu.”—Pis. 118:14, King James Version.

Jehovha akasimbisa vaparidzi ava vaiva nechido chekuparidza. Gore iroro, mapiyona akawedzera kubva pa225 kusvika pa350. Uye kekutanga, vaparidzi vanopfuura 8 000 vakashuma basa ravo kumahofisi makuru. Jehovha akavakomborera.

VAKASHINGAIRA ZVIKURU

Musi wa21 March 1920, Joseph F. Rutherford, uyo aironga nezvebasa rekuparidza reVadzidzi veBhaibheri, akapa hurukuro yaiva nemusoro waiti, “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi.” Vadzidzi veBhaibheri vakaita zvese zvavaigona kuti vakoke vanhu kuzonzwa hurukuro iyi. Vakahaya chimwe chezvivakwa zvikuru zvaiitirwa mitambo muNew York City, uye vakapa vanhu mapepa 320 000 ekuvakoka.

Pepanhau richishambadzira hurukuro yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi”

Kwakauya vanhu vakawanda kupfuura vaitarisirwa. Sezvo chivakwa chacho chaikwana vanhu 5 000, vamwe vanenge 7 000 havana kukwanisa kupinda. Nharireyomurindi yakati uyu waiva “mumwe wemisangano yakapindwa nevanhu vakawanda chaizvo uye yainyaradza yakaitwa neVadzidzi veBhaibheri.”

Vadzidzi veBhaibheri vakasvika pakunyatsozivikanwa nekuparidza kwavaiita kuti “mamiriyoni ari kurarama iye zvino haazombofi.” Panguva iyoyo, vaisanzwisisa kuti mashoko eUmambo aifanira kuparidzwa munzvimbo dzakawanda. Kunyange zvakadaro, vaishingaira chaizvo. Ida Olmstead, uyo akatanga kupinda misangano muna 1902, akati, “Taiziva kuti vanhu vese vaizowana makomborero akakura, uye hatina kumbobvira takundikana kuudza vanhu vataiona muushumiri mashoko aya akanaka.”

KUPRINDA TEGA MABHUKU EDU

Kuitira kuti zvekudya zvekunamata zvirambe zvichiwanika, hama dzepaBheteri dzakatanga kuprinda mamwe mabhuku dzega. Vakatenga muchina ndokuuisa pachivakwa chavairenda pa35 Myrtle Avenue, Brooklyn, New York, pedyo nemusha weBheteri.

Leo Pelle naWalter Kessler vakatanga kushumira paBheteri muna January 1920. Walter anoti, “Patakasvika, hama yaiva mutariri pabasa rekuprinda yakatitarisa ndokuti, ‘Kwasara awa nehafu kuti nguva yekudya kwemasikati ikwane.’ Akatikumbira kuti titakure makatoni emabhuku kubva pasi tichikwidza nawo kumusoro.”

Leo anotaura zvakaitika mangwana acho achiti: “Takaita basa rekuchenesa madziro epanhurikidzwa yekutanga yechivakwa chacho. Ndakanga ndisati ndamboita basa rine tsvina zvakadaro. Asi raiva basa raShe, uye izvozvo ndizvo zvaiita kuti rikoshe.”

Muchina waishandiswa pakuprinda Nharireyomurindi

Mumavhiki mashomanana, Nharireyomurindi yakanga yava kuprindwa nevashumiri vaizvipira uye vaishingaira. Makopi 6 000 eNharireyomurindi yaFebruary 1, 1920, akaprindwa nemuchina waiva panhurikidzwa yechipiri. Panguva iyi, hama dzakaisa mumwe muchina wekuprinda nechepasi penhurikidzwa yekutanga wadzakapa zita rekuti Battleship. Panzvimbo iyoyo vaiprindawo The Golden Age. Vakatanga neyaApril 14, 1920. Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera basa raiitwa nevashandi ivavo vaizvipira.

“Raiva basa raShe, uye izvozvo ndizvo zvaiita kuti rikoshe”

“NGATIGAREI MURUGARE”

Vanhu vaJehovha vakavimbika vakanga vatangazve kuita basa uye kuwadzana. Asi vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasiya sangano munguva dzakaoma kubva muna 1917 kusvika muna 1919. Chii chaigona kuitwa kuti vabatsirwe?

Nharireyomurindi yaApril 1, 1920, yaiva nenyaya yaiti “Ngatigarei Murugare.” Yakavakurudzira kuti: “Tine chokwadi kuti . . . munhu wese ane mweya waShe . . . anoda kukanganwa zvinhu zviri shure, . . . kuti tigare takabatana toshanda semuviri mumwe chete.”

Vakawanda vakateerera mashoko aya. Mumwe murume nemudzimai vakati: “Takatambisa nguva inenge gore kana kupfuura pasina zvatiri kuita asi vamwe vachiita basa [rekuparidza]. . . . Tinovimba kuti hatisi kuzombotsauswa zvakare.” Vashandi ava vakanga vatangazve kushanda vaiva nebasa rakawanda rakanga rakavamirira.

KUPARADZIRA “ZG”

Musi wa21 June, 1920, Vadzidzi veBhaibheri vakatanga mushandirapamwe wekuparadzira “ZG,” iro raiva The Finished Mystery rine kavha yakapfava. * Makopi akawanda ebhuku iri akachengetedzwa pakabhanwa bhuku racho muna 1918.

Vaparidzi vese, kwete mapiyona chete, vakakumbirwa kuti vaitewo basa rekuparadzira bhuku racho. “Munhu wese akabhabhatidzwa uyo anokwanisa kuita basa racho anofanira kuriita achifara. Iyi ngaive sirogani yemumwe nemumwe wedu iye zvino yekuti: ‘Izvi ndizvo zvandava kuita,’ kuparadzira ZG.” Edmund Hooper akati vakawanda vakatanga kuita basa repaimba neimba pamushandirapamwe uyu. Anowedzera kuti, “Takatanga kunyatsonzwisisa zvakaita basa racho iro rakazowedzera kupfuura zvataitarisira.”

KURONGAZVE BASA RACHO MUEUROPE

Sezvo kukurukura neVadzidzi veBhaibheri vaiva mune dzimwe nyika kwainge kwakaoma muHondo yeNyika I, Hama Rutherford vaida kukurudzira hama idzi uye kurongazve basa rekuparidza. Saka musi wa12 August 1920, ivo nedzimwe hama ina vakatanga rwendo rwekushanyira Britain nedzimwe nyika dzakawanda.

Hama Rutherford pavaiva muEgypt

Hama Rutherford pavakashanya kuBritain, Vadzidzi veBhaibheri vakaita magungano matatu nemisangano 12. Vanhu vakapinda vanofungidzirwa kuti vaisvika 50 000. Nharireyomurindi yakataura muchidimbu nezvekushanya kwacho ichiti: “Hama nehanzvadzi dzakazorodzwa uye dzakakurudzirwa. Dzaiwadzana uye dzaishanda pamwe chete izvo zvakaita kuti dzifare.” Pavaiva muParis, hama Rutherford vakapazve hurukuro yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi.” Pakatanga hurukuro yacho, mavaiitira mainge makati maku nevanhu. Vanhu 300 vakakumbira kuzopiwa mamwe mashoko.

Pepa raishambadzira hurukuro yakapiwa muRoyal Albert Hall muLondon

Mumavhiki akatevera, dzimwe hama dzakashanyira Athens, Cairo, neJerusalem. Hama Rutherford vakaronga kuti pave nenzvimbo inosvikira mabhuku muguta reRamallah, pedyo neJerusalem, kuitira kuti vanhu vainge vafarira vaiva mumaguta aya vabatsirwe. Vakabva vadzokera kuEurope uye vakaita kuti pave nehofisi yebazi yeCentral Europe ndokuronga kuti mabhuku aprindwe ipapo.

KUFUMURA UDZVINYIRIRI

Muna September 1920, Vadzidzi veBhaibheri vakabudisa nhamba 27 yeThe Golden Age, yaifumura kutambudzwa kwaiitwa Vadzidzi veBhaibheri muna 1918. Muchina wainzi The Battleship wambotaurwa, wakashanda siku nesikati uchiprinda makopi emagazini iyi anopfuura 4 000 000.

Mufananidzo wakatorwa nemapurisa waEmma Martin

Vaverengi vemagazini iyoyo vakanzwa nezvenyaya yaEmma Martin. Hanzvadzi Martin vaiva piyona muSan Bernardino, California. Musi wa17 March, 1918, ivo nedzimwe hama nhatu dzaiti, E. Hamm, E. J. Sonnenburg, naE. A. Stevens, vakapinda musangano weVadzidzi veBhaibheri.

Mumwe murume aiva pamusangano wacho akanga asina kuuya kuzodzidza nezveBhaibheri. Akazopupura mudare kuti, “Ndakaenda kumusangano uyu . . . ndatumwa nehofisi yegweta guru renyika. Ndakaenda ikoko nechinangwa chekutsvaga umboo.” Akawana “umboo” hwaaitsvaga, bhuku raThe Finished Mystery. Papera mazuva mashomanana, Hanzvadzi Martin nehama dziya nhatu vakasungwa. Vaipomerwa mhosva yekutyora mutemo kuburikidza nekuparadzira bhuku rakabhanwa.

Hanzvadzi Emma nehama dziya nhatu vakanzi vane mhosva uye vakatongerwa makore matatu mujeri. Pashure pekunge vaedza kakawanda kuti nyaya yavo itongwe zvakare, vakaendeswa mujeri musi wa17 May 1920. Asi zvinhu zvakazochinja.

Musi wa20 June 1920, Hama Rutherford vakataura nezvenyaya yacho pagungano rakaitwa muSan Francisco. Vateereri vakarwadziwa nekubatwa kwaiitwa vaKristu ava, zvikaita kuti vatumire teregiramu kuna purezidhendi weUnited States. Vakanyora kuti: “Tinoona . . . zvisina kukodzera kuti . . . Mai Martin . . . vapiwe mhosva yekutyora mutemo wenyika . . . Zvakaitwa nemapurisa ehurumende hazvina kururama zvekushandisa simba rawo . . . kuti asunge . . . Mai Martin . . . achivapomera mhosva kuti vaende mujeri.”

Zuva rakatevera racho, President Woodrow Wilson vakabva vangobvisa mutongo wakanga wapiwa Hanzvadzi Martin uye Hama Hamm, Hama Sonnenburg, naHama Stevens. Vakabva vasunungurwa.

1920 zvaakanga ava kupera, Vadzidzi veBhaibheri vaiva nezvikonzero zvakawanda zvekufara. Basa raiitwa pamahofisi makuru rakaramba richiwedzera, uye Vadzidzi veBhaibheri vakawedzera zvavaiita pakuzivisa kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchagadzirisa matambudziko evanhu. (Mat. 24:14) Gore rakatevera racho, 1921, Vadzidzi veBhaibheri vakatoita zvakawanda pakuzivisa chokwadi cheUmambo.

^ ndima 18 The Finished Mystery ndiro raiva bhuku rechi7 pamabhuku ainzi Studies in the Scriptures. “ZG” iro raiva nekavha yakapfava, rakaprindwa seNharireyomurindi yaMarch 1, 1918. “Z” aimiririra Zion’s Watch Tower, uye “G,” bhii rechi7 paarufabheti, aimiririra bhuku rechi7.