Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 43

Jehovha Ari Kutungamirira Sangano Rake

Jehovha Ari Kutungamirira Sangano Rake

“‘Hazviitwi neuto, kana nesimba, asi nemweya wangu,’ anodaro Jehovha wemauto.”—ZEK. 4:6.

RWIYO 40 Tiri Vaani?

ZVICHADZIDZWA *

1. VaKristu vakabhabhatidzwa vanofanira kuramba vachiitei?

WAKABHABHATIDZWA here? Kana wakabhabhatidzwa wakaratidza pachena kuti unotenda muna Jehovha uye kuti unoda kumushumira uri musangano rake. * Kutenda kwako muna Jehovha kunofanira kuramba kuchiwedzera. Uye unofanira kuwedzera kuva nechivimbo chekuti Jehovha ari kushandisa sangano rake mazuva ano.

2-3. Jehovha ari kutungamirira sei sangano rake mazuva ano? Taura mienzaniso.

2 Mazuva ano Jehovha ari kutungamirira sangano rake nenzira inoratidza zvaari, chinangwa chake uye zvaanoda. Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvinoitwa naJehovha zvatinoona pasangano rake.

3 Chekutanga, “Mwari haasaruri.” (Mab. 10:34) Rudo ndirwo rwakaita kuti Jehovha ape Mwanakomana wake ‘serudzikinuro kuvanhu vese.’ (1 Tim. 2:6; Joh. 3:16) Jehovha anoshandisa vanhu vake kuti vaparidze mashoko akanaka kuvanhu vese vanoda kuteerera, kuitira kuti vakawanda vabatsirwe nerudzikinuro. Chechipiri, Jehovha ndiMwari akarongeka uye werugare. (1 VaK. 14:33, 40) Saka tinofanira kutarisira kuti vanamati vake vamushumire seboka rakarongeka uye rine rugare. Chechitatu, Jehovha ndiye ‘Murayiridzi Mukuru.’ (Isa. 30:20, 21) Ndosaka sangano rake riri kushanda nesimba pakudzidzisa vamwe Shoko rake Bhaibheri muungano uye muushumiri. Zvinhu zvitatu izvozvo zvakaratidzwa sei muungano yechiKristu yekutanga? Mazuva ano vaKristu vari kuzvitevedzerawo sei? Uye mweya mutsvene ungakubatsira sei sezvaunoshumira uri musangano raJehovha mazuva ano?

MWARI HAASARURI

4. Sezviri pana Mabasa 1:8, Jesu akarayira vateveri vake kuitei, uye vaizoda rubatsiro rwakaita sei?

4 Panguva yevaKristu vekutanga. Mashoko aiparidzwa naJesu aipa tariro kuvanhu vese. (Ruka 4:43) Jesu akarayira vateveri vake kuti varambe vachiita basa raakatanga, rekupa uchapupu “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”(Verenga Mabasa 1:8.) Asi vaisakwanisa kuita basa iri nesimba ravo. Vaizoda “mubatsiri,” iwo mweya mutsvene wavakavimbiswa naJesu.—Joh. 14:26; Zek. 4:6.

5-6. Mweya mutsvene wakabatsira sei vateveri vaJesu?

5 Vateveri vaJesu vakagamuchira mweya mutsvene paPendekosti ya33 C.E. Vachibatsirwa nemweya iwoyo, vakabva vangotanga kuparidza, uye munguva pfupi, zviuru zvevanhu zvakagamuchira mashoko akanaka. (Mab. 2:41; 4:4) Pavakatanga kutambudzwa, vadzidzi havana kutya kuparidza asi vakakumbira kubatsirwa naMwari. Vakanyengetera vachiti: “Itai kuti varanda venyu varambe vachitaura shoko renyu neushingi.” Vakabva vazadzwa nemweya mutsvene uye vakaramba “vachitaura shoko raMwari neushingi.”—Mab. 4:18-20, 29, 31.

6 Vadzidzi vaJesu vaivawo nemamwe matambudziko. Semuenzaniso, makopi eMagwaro aiva mashoma. Vaisava nemabhuku anotsanangura Bhaibheri seatiinawo mazuva ano. Uye vadzidzi vaifanira kuparidzira vanhu vaitaura mitauro yakawanda. Pasinei nematambudziko ese iwayo, vadzidzi ivavo vaishingaira vakaita zvinhu zvaiita sezvisingakwanisiki. Mumakore mashomanana, vakanga vaparidza mashoko akanaka ‘kuzvisikwa zvese zviri pasi pedenga.’—VaK. 1:6, 23.

7. Makore anopfuura 100 adarika, vashumiri vaJehovha vakaziva sei zvaaida kuti vaite, uye vakaita sei?

7 Mazuva ano. Jehovha ari kuramba achitungamirira vanhu vake uye achivapa simba rekuita kuda kwake. Kakawanda kacho anovatungamirira achishandisa Shoko rake rakafemerwa nemweya mutsvene. MuBhaibheri tinoverenga nezveushumiri hwaJesu uye murayiro waakapa vateveri vake wekuti varambe vachiita basa raakatanga. (Mat. 28:19, 20) Muna July 1881, magazini ino yakati: “Jehovha haana kutizodza kuti tikudzwe nevanhu kana kuti tipfume asi kuti tishandise zvese zvatinazvo, pakuparidza mashoko akanaka.” Kabhuku kakabudiswa muna 1919 kanonzi To Whom the Work Is Entrusted kakati: “Basa racho rinoita serakakura chaizvo, asi nderaIshe, uye tichariita nesimba rake.” Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga, hama idzi dzakashanda nesimba, dzichivimba kuti mweya mutsvene waizodzibatsira kuti dziparidzire vanhu vakasiyana-siyana. Tine chokwadi chekuti mweya mutsvene unotibatsirawo mazuva ano.

Sangano raJehovha rakabvira kare richishandisa maturusi akanaka chaizvo anenge aripo pakuparadzira mashoko akanaka (Ona ndima 8-9)

8-9. Sangano raJehovha rakashandisa nzira dzipi pakuparadzira mashoko akanaka?

8 Sangano raJehovha rakabvira kare richishandisa maturusi akanaka chaizvo anenge aripo pakuparadzira mashoko akanaka. Maturusi aya anosanganisira mabhuku akaprindwa, “Photo-Drama of Creation,” magiramufomu, motokari dzaiva nemagudzanzwi, nhepfenyuro dzeparedhiyo uye iye zvino, makombiyuta neIndaneti. Sangano raMwari riri kushandurawo zvinhu richiisa mumitauro yakawanda uye izvi hazvina kumbobvira zvaitwa! Nei richidaro? Kuitira kuti vanhu vakasiyana-siyana vanzwe mashoko akanaka mumutauro wavo. Jehovha haasaruri, akagara ataura kuti mashoko akanaka ‘aizoziviswa kumarudzi ese nemadzinza nendimi nevanhu.’ (Zvak. 14:6, 7) Anoda kuti vanhu vese vanzwe mashoko akanaka eUmambo.

9 Ko vaya vatisingagoni kuparidzira nekuti vanogara munzvimbo dzinochengetedzwa uye dzinogara dzakakiyiwa? Kuti tikwanise kuparidzira vakawanda vavo, sangano raJehovha rakaita kuti pave nedzimwe nzira dzekuparidza nadzo munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda. Semuenzaniso muna 2001, Dare Rinotungamirira rakabvumira hama nehanzvadzi dzekuFrance kuti dzitange kushandisa zvingoro uye dzimwe nzira dzekuratidza mabhuku. Urongwa hwacho hwakabudirira. Muna 2011 nzira itsva yakatangwa muUnited States mune imwe nzvimbo inopfuura nevanhu vakawanda muNew York City. Mugore rekutanga, vanhu vakatora mabhuku 102 129 uye mamagazini 68 911. Uye vanhu 4 701 vakakumbira kudzidza Bhaibheri! Zviri pachena kuti Jehovha akashandisa mweya mutsvene kutsigira basa iri. Saka Dare Rinotungamirira rakabvumira kuti pasi rese tishandise zvingoro nedzimwe nzira dzekuratidza mabhuku.

10. Tingaitei kuti tivandudze ushumiri hwedu?

10 Zvaunogona kuita. Pamisangano yechiKristu, Jehovha anotidzidzisa kuparidza. Shandisa zvaunodzidza ipapo. Gara uchishanda neboka rako rekuparidza. Hama nehanzvadzi dzemuboka rako dzinogona kukubatsira kuvandudza pakuparidza uye pakudzidzisa, uye dzinogona kukukurudzira nemienzaniso yadzo yakanaka. Ramba uchiita ushumiri pasinei nematambudziko. Sezviri kutaurwa murugwaro rwedu rwuri kutungamirira, hatiiti kuda kwaMwari nesimba redu, asi nemweya mutsvene. (Zek. 4:6) Tine chokwadi kuti Mwari achatipa simba rake nekuti tiri kuita basa rake.

JEHOVHA NDIMWARI AKARONGEKA UYE WERUGARE

11. Panguva yevaKristu vekutanga, dare rinotungamirira rakashanda sei rakabatana kuitira kuti vanhu vaMwari varambe vakarongeka?

11 Panguva yevaKristu vekutanga. Dare Rinotungamirira raiva muJerusarema rakashanda rabatana pakuita kuti vanhu vaMwari varambe vakarongeka uye vaine rugare. (Mab. 2:42) Semuenzaniso, pakamuka nyaya yekuchecheudzwa munenge muna 49 C.E., dare rinotungamirira rakakurukura nyaya yacho richitungamirirwa nemweya mutsvene. Dai ungano yakaramba iine maonero akasiyana panyaya iyi, zvingadai zvakakanganisa basa rekuparidza. Kunyange zvazvo vaapostora nevarume vakuru vaiva vaJudha, havana kukanganiswa netsika dzechiJudha kana kuti nevaya vaidzidzisa nyaya yekuchecheudzwa. Asi vakatarisa muShoko raMwari uye vakamukumbira mweya wake mutsvene kuti vakwanise kuita chisarudzo chakanaka. (Mab. 15:1, 2, 5-20, 28) Zvakaguma nei? Jehovha akakomborera chisarudzo chavo, ungano yakaramba iine rugare uye yakabatana, uye basa rekuparidza rakaenderera mberi.—Mab. 15:30, 31; 16:4, 5.

12. Mazuva ano chii chinoratidza kuti musangano raJehovha zvinhu zvakarongeka uye mune rugare?

12 Mazuva ano. Sangano raJehovha riri kuita kuti vanhu vaJehovha varambe vakarongeka uye vaine rugare. Muna 1895, Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence yaNovember 15 yaiva nenyaya yaiva nemusoro waiti “Zvakakodzera uye Zvakarongeka,” wakatorwa pana 1 VaKorinde 14:40. Nyaya yacho yakati: “Vaapostora vakanyora zvinhu zvakawanda kuungano yekutanga panyaya ine chekuita nekurongeka . . . Zvinokosha kuti tirambe tichiteerera ‘zvinhu zvakanyorwa kare kuti tirayiridzwe.’” (VaR. 15:4) Sangano raJehovha riri kushanda nesimba kuti ungano dzechiKristu dzirambe dzakarongeka uye dziine rugare sezvakanga zvakaita vaKristu vekutanga. Semuenzaniso: Kana ukapinda Chidzidzo cheNharireyomurindi kune imwe ungano, kunyange kune imwe nyika, unenge uchiziva kuti chidzidzo chacho chinoitiswa sei uye kuti inyaya ipi iri kudzidzwa. Unongonzwa sekuti uri muungano yako! Mweya waMwari chete ndiwo unoita kuti kubatana kwakadaro kuvepo.—Zef. 3:9.

13. Tichifunga nezvaJakobho 3:17, mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

13 Zvaunogona kuita. Jehovha anoda kuti vanhu vake vachengete “kubatana kwemweya muchisungo cherugare.” (VaEf. 4:1-3) Saka zvibvunze kuti: ‘Ndinoita kuti muungano muve nekubatana uye rugare here? Ndinoteerera vaya vari kutungamirira here? Vamwe vanogona kuvimba neni here, kunyanya kana ndiine mabasa andinoita muungano? Ndinobata nguva here? Ndinobatsira vamwe, uye ndine chido chekuvashumira here?’ (Verenga Jakobho 3:17.) Kana ukaona paungada kuvandudza, nyengeterera mweya mutsvene. Kana ukaubvumira kuti uumbe unhu hwako nemaitiro ako, zvichaita kuti hama nehanzvadzi dzako dziwedzere kukuda uye kukukoshesa.

JEHOVHA ANOTIDZIDZISA UYE ANOTIPA ZVATINODA PAKUNAMATA

14. Maererano naVaKorose 1:9, 10, Jehovha akadzidzisa sei vanhu vake panguva yevaKristu vekutanga?

14 Panguva yevaKristu vekutanga. Jehovha anofarira chaizvo kudzidzisa vanhu vake. (Pis. 32:8) Anoda kuti vamuzive, vamude, uye kuti vararame nekusingaperi sevana vake vanodiwa. Izvi zvaisazoita kudai asingavadzidzisi. (Joh. 17:3) Jehovha akashandisa ungano yechiKristu yekutanga kuti adzidzise vanhu vake. (Verenga VaKorose 1:9, 10.) Mweya mutsvene, “mubatsiri” akavimbiswa naJesu, wakabatsirawo vadzidzi chaizvo. (Joh. 14:16) Wakaita kuti vadzidzi vakwanise kunzwisisa Shoko raMwari, uye wakavayeuchidza zvinhu zvakawanda zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu zvavakazonyora muEvhangeri. Ruzivo urwu rwakasimbisa kutenda kwevaKristu vekutanga uye kuda kwavaiita Mwari, Mwanakomana wake uye vavainamata navo.

15. Inzira dzipi dzawakaona dzichishandiswa naJehovha pakuzadzisa vimbiso yake iri pana Isaya 2:2, 3?

15 Mazuva ano. Jehovha akataura kuti “mumazuva ekupedzisira,” vanhu vemarudzi ese vaizodirana vachienda kugomo rekufananidzira kuti vanodzidziswa nzira dzake. (Verenga Isaya 2:2, 3.) Tiri kuona uprofita ihwohwo huchizadziswa. Kunamata kwechokwadi kwakakwidziridzwa kupfuura kunamata kwese kwenhema. Uye Jehovha ari kutiitira mabiko ezvekudya zvekunamata. (Isa. 25:6) Achishandisa “muranda akatendeka, akangwara,” ari kutipa zvakawanda uye zvakasiyana-siyana, zvakadai senyaya dzekuverenga, hurukuro dzekuteerera, makatuni uye mavhidhiyo. (Mat. 24:45) Tinonzwa sezvakaita shamwari yaJobho, Erihu, uyo akati: “Murayiridzi upi akafanana [naMwari]?”—Job. 36:22.

Ita kuti chokwadi chive mumwoyo mako, uye chishandise muupenyu hwako (Ona ndima 16) *

16. Ungaitei kuti ukure pakunamata?

16 Zvaunogona kuita. Mweya waMwari uchakubatsira kuti ushandise zvaunoverenga uye zvaunodzidza muShoko rake. Nyengetera sezvakaita munyori wemapisarema uyo akati: “Ndirayiridzei nezvenzira yenyu, haiwa Jehovha. Ndichafamba muchokwadi chenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.” (Pis. 86:11) Saka ramba uchidya zvekudya zvekunamata zvatinopiwa naJehovha achishandisa Shoko rake nesangano rake. Chinangwa chako hachisi chekungowana ruzivo chete. Ita kuti chokwadi chive mumwoyo mako, uye chishandise muupenyu hwako. Mweya waJehovha unogona kukubatsira kuita izvozvo. Kurudzirawo hama nehanzvadzi dzako. (VaH. 10:24, 25) Nei uchifanira kudaro? Nekuti vanotova vanhu vemumhuri mako. Nyengeterera mweya waMwari kuti ukubatsire kupa mhinduro dzinobva pamwoyo pamisangano yechiKristu uye kana uine zvekuita pamisangano ita zvese zvaunogona kuti zvibude zvakanaka. Paunodaro unenge uchiratidza Jehovha neMwanakomana wake kuti unoda “makwai” avo anokosha.—Joh. 21:15-17.

17. Ungaratidza sei kuti unotsigira sangano raJehovha?

17 Munguva pfupi iri kutevera, sangano richange rangosara chete panyika nderiya rinotungamirirwa nemweya waMwari. Saka ramba uchishanda nesimba pamwe chete nesangano raJehovha. Ratidza kuti unoda vanhu vese sezvinoita Mwari nekuzivisa vanhu vese vaunosangana navo mashoko akanaka. Tevedzera Jehovha pakuda kwaanoita zvinhu zvakarongeka uye rugare nekuita kuti muungano muve nekubatana. Uye teerera Murayiridzi wako Mukuru nekushandisa zvinhu zvese zvekunamata zvaanotipa. Kana ukadaro, hauzotyi pachaguma nyika yaSatani. Asi uchava neushingi uye uchamira pakati pevaya vanoshumira vakavimbika vari musangano raJehovha.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

^ ndima 5 Unonyatsogutsikana here kuti Jehovha ari kutungamirira sangano rake mazuva ano? Munyaya ino tichaona kuti Jehovha aitungamirira sei ungano yechiKristu yekutanga uye kuti ari kuramba achitungamirira sei vanhu vake mazuva ano.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWESHOKO: Sangano raJehovha rine chikamu chekudenga nechikamu chepanyika. Munyaya ino shoko rekuti “sangano” richange richitaura nezvechikamu chepanyika.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO Peji 24: Pashure pekuona mavhidhiyo uye vamwe vari kushumira munyika dzinodiwa vaparidzi vakawanda, hanzvadzi inopayona inonzwa ichida kutevedzera zvavari kuita. Inozozadzisa chinangwa chayo chekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.