Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 45

Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe Kuchengeta Mirayiro yaKristu

Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe Kuchengeta Mirayiro yaKristu

‘Saka endai munoita kuti vanhu vave vadzidzi, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.’—MAT. 28:19, 20.

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

ZVICHADZIDZWA *

1. Maererano naMateu 28:18-20, Jesu akapa murayiro upi?

PASHURE pekunge Jesu amutswa, akazviratidza kuvadzidzi vake avo vainge vakaungana muGarireya. Aiva nechimwe chinhu chinokosha chaaida kuvaudza. Ndechipi ichocho? Mashoko ake anowanika pana Mateu 28:18-20.—Verenga.

2. Mibvunzo ipi yatichaongorora?

2 Murayiro waJesu wekuita kuti vanhu vave vadzidzi unoshandawo kumushumiri waMwari mumwe nemumwe mazuva ano. Saka ngationgororei mibvunzo mitatu ine chekuita nebasa ratakapiwa naJesu. Wekutanga, kuwedzera pakudzidzisa vadzidzi vatsva zvinodiwa naMwari, ndezvipi zvatinofanira kuita? Wechipiri, vaparidzi vese vari muungano vangabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vaswedere pedyo naJehovha? Wechitatu, tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dzisingachaiti basa kuti dzitangezve kuita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi?

VADZIDZISEI KUCHENGETA MIRAYIRO YAKRISTU

3. Ndezvipi zvakataurwa naJesu mumurayiro wake?

3 Zvakataurwa naJesu zvakajeka. Tinofanira kudzidzisa vanhu zvinhu zvaakarayira. Asi hatifaniri kukanganwa pfungwa inokosha. Jesu haana kuti: ‘Vadzidzisei zvese zvandakakurayirai.’ Asi akati: “Vadzidzisei kuchengeta zvese zvandakakurayirai.” Kuti titeerere murayiro iwoyo waJesu, tinofanira kudzidzisa mudzidzi wedu weBhaibheri, zvaanofanira kuita uye tinofanira kumuratidzawo kuti angazviita sei. (Mab. 8:31) Nei tichifanira kudaro?

4. Kuchengeta murayiro kuita sei? Taura muenzaniso.

4 “Kuchengeta” murayiro zvinoreva kuuteerera. Muenzaniso unotevera unogona kutibatsira kunzwisisa zvazvinoreva kudzidzisa mumwe munhu kuchengeta kana kuti kuteerera zvinhu zvakarayirwa naKristu. Munhu anodzidzisa vanhu kutyaira mota, anovadzidzisa sei kuteerera mitemo yemumugwagwa? Anotanga avadzidzisa mitemo yemumugwagwa yavanofanira kutevedzera. Asi kuti avadzidzise kuteerera mitemo iyoyo, pane zvimwe zvaanofanira kuita. Anofanira kuenda nevadzidzi pavanenge vachityaira, achivabatsira kushandisa zvavakadzidza. Tinodzidzei pamuenzaniso iwoyo?

5. (a) Maererano naJohani 14:15 uye 1 Johani 2:3, tinofanira kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vaitei? (b) Zvii zvatingaita kuti tibatsire vadzidzi vedu?

5 Patinodzidza Bhaibheri nevamwe, tinenge tichivabatsira kuziva zvinodiwa naMwari. Asi pane zvimwe zvatinofanira kuita. Tinofanira kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vashandise zvavari kudzidza muupenyu hwavo. (Verenga Johani 14:15; 1 Johani 2:3.) Pavanoona zvatinoita, vadzidzi vedu vanogona kudzidza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo, kungava kuchikoro, kumabasa, kana kuti vachitandara. Tinogona kuvaudza chimwe chinhu chakaitika muupenyu hwedu chinoratidza kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakatidzivirira sei kana kuti kwakatibatsira sei kuita chisarudzo chakanaka. Patinenge tiine vadzidzi vedu, tinogona kunyengetera kuna Jehovha tichikumbira kuti avatungamirire achishandisa mweya wake mutsvene.—Joh. 16:13.

6. Zvii zvatinofanira kuita kuti tibatsire vamwe kuchengeta zvakarayirwa naJesu?

6 Zvii zvatinofanira kuita kuti tibatsire vamwe kuti vachengete zvakarayirwa naJesu? Tinofanira kubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vave nechido chekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Vamwe vadzidzi vanotya kuita basa rekuparidza. Saka tinofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichivabatsira kuti vawedzere kunzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri, kuitira kuti vave nekutenda kwakasimba. Izvi zvichavabaya mwoyo, zvoita kuti vave nechido chekuparidza. Tingaitei kuti tibatsire vadzidzi vedu kuti vave nechido chekuparidza mashoko akanaka?

7. Tingabatsira sei mudzidzi kuti ave nechido chekuudza vamwe mashoko akanaka?

7 Tinogona kubvunza mudzidzi wedu weBhaibheri mibvunzo yakaita seiyi: “Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakachinja sei upenyu kwako? Unofunga kuti vamwe vangada kunzwawo here mashoko aya? Ungaitei kuti uvabatsire?” (Zvir. 3:27; Mat. 9:37, 38) Ratidza mudzidzi maturakiti ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa uye ngaasarudze aanofunga kuti angafarirwa nehama neshamwari dzake kana kuti nevaanoshanda navo. Mupe mamwe ematurakiti acho. Iva nenguva yekumubatsira kuti adzidzire zvaangaita kuti ape vanhu maturakiti. Mudzidzi wedu paanenge abvumirwa kuva muparidzi asati abhabhatidzwa, tinoda kuparidza naye tichimubatsira.—Mup. 4:9, 10; Ruka 6:40.

ZVINGAITWA NEUNGANO KUTI IBATSIRE VADZIDZI VEBHAIBHERI KUFAMBIRA MBERI

8. Nei zvichikosha kuti vadzidzi vedu vawedzere kuda Mwari uye muvakidzani? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvatingaita Kuti Vadzidzi Vedu Vawedzere Kuda Mwari.”)

8 Yeuka kuti Jesu akatiudza kuti tidzidzise vamwe “kuchengeta zvese” zvaakarayira. Izvi zvinosanganisira mirayiro miviri mikuru pane yese inoti, kuda Mwari uye kuda muvakidzani. Mirayiro iyi yakanyatsobatana nebasa rekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 22:37-39) Zvakabatana papi? Kuda Mwari uye kuda muvakidzani wedu ndiko kunoita kuti tiite basa rekuparidza. Vamwe vadzidzi veBhaibheri vanotya pavanofunga nezvekuita basa rekuparidza. Asi tinogona kuudza vadzidzi ivavo kuti vachibatsirwa naJehovha, vachapedzisira vasisatyi vanhu. (Pis. 18:1-3; Zvir. 29:25) Bhokisi riri munyaya ino rinotsanangura matanho atinogona kutora kuti tibatsire mudzidzi kuti awedzere kuda Mwari. Ndezvipi zvingaitwa neungano pakubatsira vadzidzi vatsva kuti vawedzere kuda Jehovha uye kuda vamwe?

9. Mumuenzaniso wemunhu ari kudzidzira kutyaira, mudzidzi wacho anodzidza zvidzidzo zvinokosha munzira dzipi?

9 Fungazve nezvemuenzaniso wemunhu ari kudzidzira kutyaira. Anodzidza munzira dzipi paanenge achityaira aine murayiridzi wake padivi? Anodzidza nekuteerera murayiridzi wake uye nekucherechedza vamwe vatyairi vanotyaira zvakanaka. Semuenzaniso, murayiridzi anogona kumuudza nezvemumwe mutyairi abvumira mumwe mutyairi kuti aende kumberi kwake. Kana kuti anogona kumuudza nezvemumwe mutyairi adzikisa chiedza chemota yake kuitira kuti asatosvora vamwe vatyairi. Izvozvo zvinogona kudzidzisa mudzidzi zvidzidzo zvinokosha zvaanogona kuzoshandisa paanenge achityaira.

10. Chii chichabatsira mudzidzi weBhaibheri kuti afambire mberi pakunamata?

10 Mudzidzi weBhaibheri paanotangawo kufamba munzira inoenda kuupenyu, anodzidza kubva kumudzidzisi wake uyewo pane zvakanaka zvinoitwa nevamwe vashumiri vaJehovha. Saka chii chichanyatsobatsira vadzidzi veBhaibheri kufambira mberi pakunamata? Vachabatsirwa nekupinda misangano yedu yechiKristu. Nei zvakadaro? Zvavachanzwa pamisangano zvichavabatsira kuti vadzidze zvakawanda, vasimbise kutenda kwavo, uye vawedzere kuda Mwari. (Mab. 15:30-32) Uyewo pamisangano yechiKristu, mudzidzisi weBhaibheri anoita kuti mudzidzi azivane nehama nehanzvadzi dziri mumamiriro ezvinhu akafanana neake, kana kuti dzakakunda miedzo yakafanana neyaari kusangana nayo. Achaona hama nehanzvadzi dziri kuita zvakanaka pakuratidza rudo muungano. Funga nezvemienzaniso inotevera.

11. Mudzidzi anogona kuona vanhu vakaita sei muungano, uye izvi zvingamubatsira sei?

11 Mukadzi ari kudzidza Bhaibheri uyo ari kurera vana ari ega anoona hanzvadzi yechiKristu iyo iri kurerawo vana iri yega. Mudzidzi uyu anobayiwa mwoyo paanoona hanzvadzi iyi ichiuya kuImba yeUmambo nevana vayo vadiki. Mudzidzi ari kurwisa kuti arege kuputa anozivana nemuparidzi akakunda dambudziko rakadaro. Muparidzi wacho anoudza mudzidzi uyu kuti kuwedzera kwaaiita kuda Jehovha kwakaita kuti ade kuteerera mitemo yake. (2 VaK. 7:1; VaF. 4:13) Pashure pekunge hama yacho yaudza mudzidzi kuti yakarega sei kuputa inoti, “Newewo unogona kurega.” Izvi zvinokurudzira mudzidzi wacho uye zvinoita kuti ave nechivimbo chekuti achakwanisa kukunda. Musikana ari kudzidza Bhaibheri anoona hanzvadzi yechidiki iri kunakidzwa neupenyu hwekushumira Mwari. Mudzidzi weBhaibheri uyu paanoona kufara kunoita hanzvadzi yechidiki iyi, anobva ada kuziva kuti chii chinoita kuti igare ichifara.

12. Nei tichigona kutaura kuti mumwe nemumwe ari muungano ane zvaanogona kuita kuti abatsire vadzidzi veBhaibheri?

12 Vadzidzi veBhaibheri pavanozivana nevaparidzi vakasiyana-siyana vakatendeka, vanodzidza zvazvinoreva kuchengeta murayiro waKristu wekuda Mwari nemuvakidzani. (Joh. 13:35; 1 Tim. 4:12) Uyewo sezvatamboona, mudzidzi weBhaibheri anodzidza kubva kuvaparidzi vari kusangana nematambudziko akafanana neake. Anodzidza kubva pane zvakaitwa nevanhu ivavo kuti naiyewo anokwanisa kuchinja kuti ave mudzidzi waKristu. (Dheut. 30:11) Mumwe nemumwe ari muungano anogona kubatsira vadzidzi veBhaibheri munzira dzakasiyana-siyana kuti vafambire mberi pakunamata. (Mat. 5:16) Zvii zvauri kuitawo kuti ukurudzire vadzidzi veBhaibheri vanouya kumisangano?

BATSIRA VASINGACHAITI BASA KUTI VATANGEZVE KUPARIDZA

13-14. Jesu akabata sei vaapostora vake pavainge vakaora mwoyo?

13 Tinoda kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzisingachaiti basa kuti dzitangezve kuchengeta murayiro waKristu wekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Mabatiro akaita Jesu vaapostora vake vakanga vakaora mwoyo anoratidza zvatingaita mazuva ano.

14 Jesu paakanga ava pedyo nekuurayiwa, vaapostora “vese vakamusiya, vakatiza.” (Mako 14:50; Joh. 16:32) Jesu akaitei panguva iyoyo vaapostora vake pavakanga vakaora mwoyo? Pashure pekunge Jesu amutswa, akaudza vamwe vateveri vake kuti: “Musatya! Endai munoudza hama dzangu kuti [ndakamutswa].” (Mat. 28:10a) Jesu haana kuramba vaapostora vake. Kunyange zvazvo vakanga vamusiya, akanga achiri kuvati “hama dzangu.” Jesu aiva netsitsi uye airegerera sezvinoitwa naJehovha.—2 Madz. 13:23.

15. Tinonzwa sei nezvevaya vakarega kuita ushumiri?

15 Isuwo tine hanya chaizvo nevaya vakarega kuita ushumiri. Vanhu ivavo ihama nehanzvadzi dzedu uye tinovada! Tichiri kuyeuka kushanda nesimba kwaiitwa nehama nehanzvadzi idzi mubasa raJehovha uye vamwe vavo vakashanda kwemakore akawanda. (VaH. 6:10) Tinovasuwa chaizvo! (Ruka 15:4-7) Tichitevedzera Jesu, tingaitei kuti tiratidze kuti tine hanya navo?

16. Tingaratidza sei kuti tine hanya nehama nehanzvadzi dzedu dzisingachaiti basa?

16 Vakurudzire kupinda misangano. Imwe nzira iyo Jesu akakurudzira nayo vaapostora vake vainge vakaora mwoyo ndeyekuvakoka kumusangano. (Mat. 28:10b; 1 VaK. 15:6) Isuwo tinogona kukurudzira vasingachaiti basa nekuvakoka kumusangano. Zvimwe tingatoda kuramba tichivakoka nekuti pamwe pacho vangasauya patinovakoka kekutanga. Jesu anofanira kunge akafara chaizvo vaapostora vake pavakauya kumusangano wacho.—Enzanisa naMateu 28:16 uye Ruka 15:6.

17. Tinofanira kuitei kana munhu asingachaiti basa akauya kumusangano?

17 Vagamuchire nemufaro. Jesu akaita kuti vadzidzi vake vasununguke paakasangana navo. Ndiye akatotanga kutaura navo. (Mat. 28:18) Tinofanira kuitei kana muparidzi asingachaiti basa akasvika paImba yeUmambo? Ndisu tinofanira kutanga kumukwazisa. Pakutanga tinogona kutyira kuti tichashaya zvekutaura. Kunyange zvakadaro, tinogona kutaura mashoko anoratidza kuti tafara kumuona, asi tisingaiti kuti anzwe achinyara.

18. Tingakurudzira sei vaparidzi vasingachaiti basa?

18 Vakurudzire. Vadzidzi vaJesu vanogona kunge vakaona sekuti vaisakwanisa kuparidza munyika yese. Jesu akakurudzira vateveri vake paakavaudza kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese.” (Mat. 28:20) Izvozvo zvakabatsira vadzidzi vake here? Hongu. Pasina nguva vakanga vava ‘kutodzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka.’ (Mab. 5:42) Vaparidzi vasingachaiti basa vanodawo kukurudzirwa. Vanogona kunge vachitya kutanga kuparidza. Tinogona kuita kuti vazive kuti havasi kuzoparidza vari vega. Pavanotangazve kuparidza, tinogona kuenda navo muushumiri. Vachafara pavachaona kuti tinoda kuvabatsira kuti vatangezve kuparidza mashoko akanaka. Patinoratidza vasingachaiti basa kuti tinovaona sehama nehanzvadzi dzedu, vanogona kutangazve kuparidza, zvoita kuti ungano yese ifare.

TINODA KUPEDZA BASA RATAKAPIWA

19. Zvii zvatinoda chaizvo kuita, uye nei tichida kuita izvozvo?

19 Ticharamba tichiita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi kusvika riini? Kusvikira pakuguma kwenyika ino. (Mat. 28:20; ona Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri pakanzi, “Magumo enyika.”) Tichakwanisa here kuramba tichiita basa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi kusvika panguva iyoyo? Ndizvo chaizvo zvatinoda kuita! Tinofara kushandisa nguva yedu, simba redu, uye mari yedu kuti titsvage vaya vane “chido chekuwana upenyu husingaperi.” (Mab. 13:48) Patinodaro tinenge tichitevedzera zvakaitwa naJesu. Akati: “Zvekudya zvangu ndiko kuita kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Joh. 4:34; 17:4) Izvozvo ndizvo zvatinodawo kuita. Tinoda kupedza basa ratakapiwa. (Joh. 20:21) Uye tinoda kuti vamwe varambe vachiita basa iri nesu, kusanganisira vaparidzi vasingachaiti basa.—Mat. 24:13.

20. Maererano naVaFiripi 4:13, nei tichigona kubudirira pakuita basa ratakarayirwa naJesu?

20 Kuita basa ratakapiwa naJesu hakusi nyore. Asi basa racho hatisi kuriita tiri tega. Jesu akavimbisa kuti aizova nesu. Tinoita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi ‘tichishanda pamwe chete naMwari’ uye “tiri pamwe naKristu.” (1 VaK. 3:9; 2 VaK. 2:17) Saka tinogona kubudirira pakuriita. Tine ropafadzo yakazonaka yekuita basa iri uye yekubatsira vamwe kuti variitewo!—Verenga VaFiripi 4:13.

RWIYO 79 Vadzidzisei Kumira Vakasimba

^ ndima 5 Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite kuti vanhu vave vadzidzi uye kuti vavadzidzise kuchengeta zvinhu zvese zvaakavarayira. Nyaya ino ichataura zvatingaita kuti titeerere mirayiro yaJesu. Mamwe mashoko acho akatorwa mune imwe nyaya iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2004, mapeji 14-19.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, iri kutsanangura zvinofanira kuitwa nemudzidzi kuti awedzere kuda Mwari. Pave paya mudzidzi anozoshandisa mazano matatu aakapiwa nemudzidzisi wake.