Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 47

Ucharamba Uchibvuma Kururamiswa Here?

Ucharamba Uchibvuma Kururamiswa Here?

“Hama dzangu regai ndipedzise nekuti rambai muchifara, muchiruramiswa.”—2 VAK. 13:11.

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

ZVICHADZIDZWA *

1. Maererano naMateu 7:13, 14, nei tingati tiri parwendo?

TESE tiri parwendo. Tinoda kusvika munyika itsva matichararama tichitongwa naJehovha. Zuva rimwe nerimwe, tinoedza kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu. Asi sezvakataurwa naJesu, mugwagwa wacho wakatetepa uye dzimwe nguva hazvisi nyore kufamba mauri. (Verenga Mateu 7:13, 14.) Tiri vanhu vane chivi uye zviri nyore kuti titsauke tichibva mumugwagwa iwoyo.—VaG. 6:1.

2. Tichakurukurei munyaya ino? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuzvininipisa Kunotibatsira Kuti Tirambe Tiri Mumugwagwa Wakatetepa.”)

2 Kana tichida kuramba tiri mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, tinofanira kunge tiine chido chekuchinja mafungiro edu, maonero edu uye maitiro edu. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaigara muKorinde kuti varambe vachibvuma ‘kururamiswa.’ (2 VaK. 13:11) Zano iroro rinoshandawo kwatiri. Munyaya ino tichakurukura kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tibvume kururamiswa uye kuti shamwari dzakakura mune zvekunamata dzinogona kutibatsira sei kuti tirambe tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu. Tichakurukurawo kuti chii chingaita kuti zviome kuteerera mirayiridzo yatinopiwa nesangano raJehovha. Tichaona kuti kuzvininipisa kungatibatsira sei kuti tibvume kururamiswa, tichiramba tiine mufaro wedu pakushumira Jehovha.

BVUMA KURURAMISWA NESHOKO RAMWARI

3. Shoko raMwari ringakubatsira sei?

3 Patinoedza kuongorora mafungiro edu uye manzwiro atinoita, pane zvinogona kutiomera. Mwoyo wedu unonyengera, saka zvingatiomera kuziva kuti uri kutitungamirira kupi. (Jer. 17:9) Zviri nyore kuti tizvinyengere “nezvinhu zvenhema.” (Jak. 1:22) Saka tinofanira kushandisa Shoko raMwari kuti tizviongorore. Shoko raMwari rinoratidza zvatiri chaizvo nechemukati, kureva ‘pfungwa dzedu uye zvinodiwa nemwoyo’ wedu. (VaH. 4:12, 13) Tinogona kufananidza Shoko raMwari nemuchina weX-ray, uyo unobatsira pakuona zviri mukati. Asi tinofanira kuzvininipisa kana tichida kubatsirwa nemazano atinowana muBhaibheri kana kuti atinopiwa nevamiririri vaMwari.

4. Chii chinoratidza kuti Mambo Sauro akazotanga kuzvikudza?

4 Zvakaitwa naMambo Sauro zvinotibatsira kuona zvingaitika kana tikasazvininipisa. Sauro akasvika pakuzvikudza zvakanyanya, zvekuti aisatombobvuma kuti aifanira kuchinja mafungiro ake uye maitiro ake. (Pis. 36:1, 2; Hab.2:4) Izvi zvakaoneka Jehovha paakamuudza zvaaifanira kuita kana akunda vaAmareki. Sauro haana kuteerera Jehovha. Muprofita Samueri paakamubvunza nezvenyaya yacho, Sauro haana kubvuma mhosva yake. Asi akaedza kurerutsa nyaya yacho uye akaedza kupa vamwe mhosva. (1 Sam. 15:13-24) Sauro akanga amboratidza mafungiro akadaro. (1 Sam. 13:10-14) Zvinosuruvarisa kuti akarega mwoyo wake uchizvikudza. Haana kuchinja mafungiro ake, saka Jehovha akamutsiura uye akamuramba.

5. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naSauro?

5 Hatidi kuita sezvakaitwa naSauro, saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Pandinowana zano muShoko raMwari, ndinotsvaga zvikonzero zvekusarishandisa here? Ndinoona sekuti zvandiri kuita hazvina kunyanya kuipa here? Ndinopomera vamwe kana ndiine zvandinenge ndakanganisa here?’ Kana mhinduro yedu iri yekuti hongu pane mumwe wemibvunzo iyi, tinofanira kuchinja mafungiro edu. Kana tikasachinja, mwoyo wedu unogona kuzvikudza zvekuti Jehovha haazodi kuti tive shamwari dzake.—Jak. 4:6.

6. Tsanangura kusiyana kwainge kwakaita Mambo Sauro naMambo Dhavhidhi.

6 Ona kusiyana kwainge kwakaita Mambo Sauro naMambo Dhavhidhi, murume aida “mutemo waJehovha.” (Pis. 1:1-3) Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha anoponesa vanozvininipisa uye haafariri vanozvikudza. (2 Sam. 22:28) Saka akabvumira mutemo waMwari kuti uchinje mafungiro ake. Akanyora kuti: “Ndicharumbidza Jehovha, uyo akandipa zano. Kunyange usiku, pfungwa dzangu dzakadzama dzinondiruramisa.”—Pis. 16:7.

SHOKO RAMWARI

Shoko raMwari rinotiyambira kana tatsauka. Kana tichizvininipisa tinobvumira Shoko raMwari kuti richinje mafungiro akaipa atingava nawo (Ona ndima 7)

7. Kana tichizvininipisa tichaitei?

7 Kana tichizvininipisa, tichabvumira Shoko raMwari kuti richinje mafungiro akaipa atingava nawo tisati taita zvakaipa. Shoko raMwari richaita senzwi riri kutiudza kuti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.” Richatiyambira kana tava kutsaukira kurudyi kana kuti kuruboshwe. (Isa. 30:21) Kana tikateerera Jehovha zvichatibatsira munzira dzakawanda. (Isa. 48:17) Semuenzaniso, hatizosviki pakutsiurwa nemumwe munhu, izvo zvingaita kuti tinyare. Uye tichawedzera kuswedera pedyo naJehovha nekuti tinoziva kuti ane hanya nesu sababa vane rudo.—VaH. 12:7.

8. Sezvinotaurwa pana Jakobho 1:22-25, tingashandisa sei Shoko raMwari segirazi?

8 Shoko raMwari rinogona kushanda segirazi kwatiri. (Verenga Jakobho 1:22-25.) Vakawanda vedu tinozvitarisa pagirazi mangwanani ega ega tisati tabuda mumba. Patinozvitarisa kudaro, tinogona kuona patingada kugadzirisa, vamwe vasati vazviona. Patinoverengawo Bhaibheri zuva nezuva, tinogona kuona kuti tingagadzirisa sei mafungiro edu. Vakawanda vakaona zvichibatsira kuverenga rugwaro rwezuva mangwanani ega ega vasati vabva pamba. Vanoita kuti zvavanoverenga zvichinje mafungiro avo. Uye zuva racho rese vanoedza kushandisa zvavanenge vaverenga muShoko raMwari. Tinofanirawo kuverenga Shoko raMwari nekurifungisisa zuva rega rega. Kuita izvi ndechimwe chezvinhu zvinokosha chaizvo chinogona kutibatsira kuti tirambe tichifamba mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu.

TEERERA SHAMWARI DZAKAKURA MUNE ZVEKUNAMATA

SHAMWARI DZAKAKURA PAKUNAMATA

MuKristu akakura pakunamata angatipa yambiro. Tinotenda here kuti shamwari yedu yava neushingi hwekutiudza zvatakakanganisa? (Ona ndima 9)

9. Ndepapi paungafanira kutsiurwa neshamwari?

9 Wakambotanga kufamba munzira yaikuendesa kure naJehovha here? (Pis. 73:2, 3) Kana shamwari yakakura pakunamata yakava neushingi hwekukutsiura, wakaiteerera uye wakashandisa zano rayakakupa here? Kana zviri izvo zvawakaita, wakagona, uye unotenda chaizvo kuti shamwari yako yakakuyambira.—Zvir. 1:5.

10. Unofanira kuita sei kana shamwari yako ikakutsiura?

10 Shoko raMwari rinotiyeuchidza kuti: “Maronda anokonzerwa neshamwari akatendeka.” (Zvir. 27:6) Izvi zvinorevei? Funga nezvemuenzaniso uyu: Ngatitii uri kuda kuyambuka mugwagwa une mota dzakawanda, foni yako yobva yapinda meseji, wotanga kuiverenga. Unobva waisa gumbo mutara usina kutarisa mota. Shamwari yako inobva yakubata ruoko yokudhonzera kunze. Inobata ruoko rwako zvine simba zvekuti runosara ruchirwadza, asi kukurumidza kwayaita kukubata kwaita kuti usarohwa nemota. Kunyange zvazvo ruoko rwako ruchizokurwadza kwemazuva, ungagumbukira shamwari yako kuti yakakukuvadza here? Kana! Unotenda chaizvo kuti yakakubatsira. Saizvozvowo kana shamwari ikakuyambira kuti matauriro ako kana kuti maitiro ako haaenderani nezvinodiwa naMwari, izvozvo zvinogona kumbokurwadza pekutanga. Asi usagumbuka nekuti watsiurwa. Ihwohwo upenzi. (Mup. 7:9) Unofanira kutotenda kuti shamwari yako yava neushingi hwekukuudza.

11. Chii chingaita kuti mumwe munhu arambe zano rakanaka raanopiwa neshamwari?

11 Chii chingaita kuti mumwe munhu arambe zano rakanaka raanenge apiwa neshamwari ine rudo? Kuzvikudza. Vanhu vanozvikudza vanoda kuudzwa ‘zvinofadza nzeve dzavo. Vanoramba kuteerera chokwadi.’ (2 Tim. 4:3, 4) Vanofunga kuti havafaniri kupiwa zano nekuti vanozviona sevakachenjera kana kuti sevanokosha kupfuura vamwe. Asi muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana munhu achifunga kuti anokosha asi pasina zvaari, ari kuzvinyepera.” (VaG. 6:3) Mambo Soromoni akatsanangura nyaya yacho zvakanaka. Akanyora kuti: “Mwana murombo asi iye akachenjera ari nani pana mambo akwegura asi asisina njere dzekuti ateerere kana achinyeverwa.”—Mup. 4:13.

12. Tinodzidzei pane zvakaitwa nemuapostora Petro, sezvakanyorwa pana VaGaratiya 2:11-14?

12 Ona zvakaitwa nemuapostora Petro paakatsiurwa nemuapostora Pauro pazere vanhu. (Verenga VaGaratiya 2:11-14.) Petro aigona kugumburwa nezvakataurwa naPauro, nemhaka yematauriro aakaita uye paakazvitaurira pacho. Asi Petro aiva munhu ane uchenjeri. Akagamuchira zano racho uye haana kutsamwira Pauro kana kuramba achifunga nezvazvo. Pane imwe nguva akazotaura nezvaPauro achimuti ‘hama inodiwa.’—2 Pet. 3:15.

13. Ndezvipi zvatinofanira kufunga nezvazvo patinenge tichipa mumwe munhu zano?

13 Kana ukaona sekuti unofanira kupa shamwari yako zano, ndezvipi zvaunofanira kufunga nezvazvo? Usati wataura neshamwari yako zvibvunze kuti, “Handisi ‘kunyanya kuva akarurama’ here?” (Mup. 7:16) Munhu anonyanya kuva akarurama anotonga vamwe achishandisa maonero ake, kwete maonero aJehovha, uye kakawanda kacho anenge asina tsitsi. Kana uchinge wazviongorora asi woona kuti uchiri kufanira kutaura neshamwari yako, iudze pane dambudziko uye shandisa mibvunzo inobatsira shamwari yako kuti ione zvayakakanganisa. Iva nechokwadi chekuti zvaunotaura zvinobva muMagwaro, uchiyeuka kuti shamwari yako inozvidavirira kuna Jehovha, kwete kwauri. (VaR. 14:10) Shandisa uchenjeri huri muShoko raMwari, uye paunenge uchipa mumwe munhu zano, tevedzera tsitsi dzaJesu. (Zvir. 3:5; Mat. 12:20) Nei uchifanira kudaro? Nekuti Jehovha achatibata semabatiro atinoita vamwe.—Jak. 2:13.

TEVEDZERA MIRAYIRIDZO INOPIWA NESANGANO RAMWARI

SANGANO RAMWARI

Sangano raMwari rinotipa mabhuku, mavhidhiyo uye misangano, izvo zvinotibatsira kuti tishandise mazano ari muShoko raMwari. Dzimwe nguva, Dare Rinotungamirira rinochinja maitirwo ebasa (Ona ndima 14)

14. Zvii zvatiri kupiwa nesangano raMwari?

14 Jehovha ari kutitungamirira mumugwagwa unoenda kuupenyu achishandisa chikamu chepanyika chesangano rake, icho chiri kutipa zvinhu zvinotibatsira kushandisa mazano ari muShoko raMwari zvakadai semavhidhiyo, mabhuku uye misangano. Mashoko acho anogona kuvimbwa nawo nekuti anobva muBhaibheri. Dare Rinotungamirira rinovimba nemweya mutsvene parinoita zvisarudzo zvine chekuita nebasa rekuparidza. Kunyange zvakadaro, Dare Rinotungamirira rinogara richiongorora zvisarudzo izvi kuti rione kana paine zvinoda kuchinjwa. Nei richidaro? Nekuti “zviri kuitika munyika zviri kuchinja,” uye sangano raMwari rinofanira kuita zvinoenderana nezvinenge zvavapo.—1 VaK. 7:31.

15. Vamwe vaparidzi vakasangana nedambudziko ripi?

15 Sangano raMwari parinotipa tsanangudzo itsva nezveimwe dzidziso kana kuti parinotipa mirayiridzo ine chekuita nekuzvibata kwedu tinoigamuchira uye tinoishandisa. Asi tinoita sei kana zvinenge zvachinjwa nesangano zvichizobatabata upenyu hwedu? Semuenzaniso, iye zvino zvava kudhura chaizvo kuvaka uye kuchengetedza zvivakwa zvekunamatira. Saka Dare Rinotungamirira rakarayira kuti ungano dzakawanda dzishandise Imba yeUmambo imwe chete kana zvichiita. Izvi zvakaita kuti dzimwe ungano dzibatanidzwe uye dzimwe Dzimba dzeUmambo dzitengeswe. Iye zvino mari yava kushandiswa pakuvaka Dzimba dzeUmambo munzvimbo dzadzinonyanya kudiwa. Kana uchigara munzvimbo iri kutengeswa Dzimba dzeUmambo uye iri kubatanidzwa ungano, zvinogona kukuomera kuti ujairane nemamiriro ezvinhu matsva. Vamwe vaparidzi vava kupindira misangano kure. Vamwe vanenge vakashanda nesimba pakuvaka kana kuti pakuchengetedza imba yacho, vanganetseka kuti nei yava kutengeswa. Vanganzwa sekuti vakashandira pasina. Asi vari kugamuchira urongwa uhwu hutsva uye vanofanira kurumbidzwa.

16. Kushandisa zano riri pana VaKorose 3:23, 24 kunotibatsira sei kuti tirambe tiine mufaro?

16 Tinoramba tiine mufaro kana tikayeuka kuti tiri kushandira Jehovha uye kuti ndiye ari kutungamirira sangano rake. (Verenga VaKorose 3:23, 24.) Mambo Dhavhidhi akaratidza muenzaniso wakanaka paakapa mari yekuvaka temberi. Akati: “Ini ndini aniwo zvangu uye vanhu vangu chiiko kuti tikupei mipiro tichizvidira sezvataita? Nekuti zvinhu zvese zvinobva kwamuri, uye takupai zviri kubva muruoko rwenyu.” (1 Mak. 29:14) Isuwo patinopa mari, tinenge tichipa Jehovha zvakabva muruoko rwake. Kunyange zvakadaro, Jehovha anofara chaizvo patinoshandisa nguva, simba, uye mari yedu pakutsigira basa rake.—2 VaK. 9:7.

RAMBA URI MUMUGWAGWA WAKATETEPA

17. Nei usingafaniri kuora mwoyo kana ukaona kuti pane zvimwe zvaunofanira kuchinja muupenyu hwako?

17 Kuti tirambe tiri mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, tinofanira kutevedzera muenzaniso waJesu. (1 Pet. 2:21) Kana ukaona kuti pane zvaunofanira kuchinja muupenyu hwako, usaora mwoyo. Ichocho chingatova chiratidzo chakanaka chekuti unoda kutungamirirwa naJehovha. Yeuka kuti Jehovha haatarisiri kuti titevedzere muenzaniso waJesu zvakakwana, nekuti anoziva kuti tine chivi.

18. Tinofanira kuitei kuti tisvike kwatiri kuenda?

18 Dai tese zvedu tikaramba takatarisa mberi uye tova nechido chekugadzirisa mafungiro edu, maonero edu, uye maitiro edu. (Zvir. 4:25; Ruka 9:62) Ngatirambei tichizvininipisa, ‘toramba tichifara uye tichibvuma kururamiswa.’ (2 Vak. 13:11) Kana tikadaro, “Mwari werudo newerugare achava [nesu].” Uye tichasvika kwatiri kuenda tichinakidzwa nerwendo rwacho.

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

^ ndima 5 Vamwe vedu tinogona kuomerwa nekuchinja mafungiro edu, maonero edu uye maitiro edu. Munyaya ino tichaona kuti nei tese zvedu tichifanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwedu uye kuti tingaramba sei tichifara patinenge tichizviita.

^ ndima 76 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechidiki pairi kutaura zvakaitika kwairi pashure pekunge yaita chisarudzo chisina kunaka, hama yechikuru (iri kurudyi) iri kunyatsoteerera kuti ione kana ichifanira kupa zano.