Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

“Jehovha Akaramba Achindiyeuka”

“Jehovha Akaramba Achindiyeuka”

NDINOGARA kuOrealla, nharaunda ine vanhu vanenge 2 000 iri kuGuyana, kuSouth America. Nharaunda yacho iri kwayo yega, uye kunongosvikika nendege diki kana kuti nebhoti.

Ndakaberekwa muna 1983. Ndaiva neutano hwakanaka, asi pandakanga ndava nemakore 10, ndakatanga kunzwa marwadzo akanyanya mumuviri wangu wese. Pashure pemakore anenge maviri, mumwe musi ndakamuka ndisingachakwanisi kufamba. Ndakaedza chaizvo kufambisa makumbo angu asi akanga asisina simba. Kubva ipapo, handina kuzombofamba zvakare. Kurwara kwacho kwakaitawo kuti ndimire kukura. Ndichingori nemuviri mudiki sewemwana.

Pashure pemwedzi mishoma ndatanga kurwara uye ndisingachakwanisi kubva pamba, ndakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha zviviri. Vaenzi pavaiuya, kakawanda kacho ndaiedza kuhwanda, asi musi uyu ndakarega vakadzi vacho vachitaura neni. Pavaitaura nezveParadhiso, ndakayeuka zvandakanga ndambonzwa pandaiva nemakore anenge 5. Panguva iyoyo, mumwe mumishinari ainzi Jethro, uyo aigara kuSuriname, aishanyira nharaunda yedu kamwe chete pamwedzi uye aidzidza Bhaibheri nababa vangu. Jethro aindifarira. Ndaimufarirawo chaizvo. Uyewo mbuya nasekuru vangu vaipota vachienda neni kumisangano yeZvapupu yaiitirwa munharaunda yedu. Saka mumwe wevakadzi vakandishanyira zuva iroro, uyo ainzi Florence, paakandibvunza kuti ndinoda here kuziva zvakawanda, ndakati hongu.

Florence akazodzoka nemurume wake, Justus, uye vakatanga kudzidza Bhaibheri neni. Pavakaona kuti ndakanga ndisingagoni kuverenga, vakandidzidzisa. Nekufamba kwenguva, ndakanga ndava kugona kuverenga. Rimwe zuva, Florence nemurume wake vakandiudza kuti vakanga vanzi vanoshumira kuSuriname. Ndakasara ndisisina munhu anondidzidzisa Bhaibheri. Asi chinofadza ndechekuti Jehovha akaramba achindiyeuka.

Pasina nguva, mumwe piyona anonzi Floyd akasvika muOrealla, uye akandiona paaiparidza paimba neimba. Paakandiudza nezvekudzidza Bhaibheri, ndakanyemwerera. Akandibvunza kuti nei ndainyemwerera. Ndakamuudza kuti ndakanga ndatodzidza bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? uye ndakanga ndatanga kudzidza bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Ndakamuudza kuti nei ndakanga ndisisiri kudzidza. Floyd akazopedzisa kudzidza neni bhuku raZivo, asi naiyewo akazonzi anoshumira kune imwe nzvimbo. Ndakasarazve ndisisina anondidzidzisa Bhaibheri.

Muna 2004, dzimwe hama mbiri, Granville naJoshua, idzo dzaiva mapiyona chaiwo, dzakanzi dzizoshumira muOrealla. Vakandiwana pavaiparidza paimba neimba. Pavakandibvunza kana ndaida kudzidza Bhaibheri, ndakanyemwerera. Ndakavakumbira kuti vadzidze neni bhuku raZivo kubva kwekutanga. Ndaida kuona kuti vaizondidzidzisa zvinhu zvandakanga ndambodzidziswa here. Granville akandiudza kuti misangano yaiitirwa munharaunda yedu. Kunyange zvazvo ndakanga ndava nemakore anoda kusvika 10 ndisina kubva pamba, ndaida kuipinda. Saka Granville akauya kuzonditora akaenda neni kuImba yeUmambo ndiri pawiricheya.

Nekufamba kwenguva, Granville akandikurudzira kuti ndinyorese paChikoro chaMwari Choushumiri. Akati: “Wakaremara hako, asi unokwanisa kutaura. Rimwe zuva uchapa hurukuro yavose. Uchaona.” Zvaakataura zvakaita kuti ndive neushingi.

Ndakatanga kuparidza pamwe chete naGranville. Asi migwagwa yakawanda yemunharaunda yacho yakanga yakaipa zvekuti yaisafambika zvakanaka newiricheya. Saka ndakakumbira Granville kuti anditakure nebhara tichiparidza. Izvozvo zvakanyatsoshanda zvakanaka. Muna April 2005, ndakabva ndabhabhatidzwa. Ndichangobhabhatidzwa, hama dzakandidzidzisa basa rekuona nezvemabhuku muungano uye kuona nezvegudzanzwi muImba yeUmambo.

Muna 2007 takasangana nedambudziko rakatirwadza chaizvo. Baba vangu vakafa mutsaona yebhoti. Granville akanyengetera nesu uye akativerengera mavhesi emuBhaibheri anonyaradza. Papera makore maviri, takawirwazve nerimwe dambudziko, Granville akafa mutsaona yebhoti.

Ungano yedu yakabva yasara isisina mukuru uye iine mushumiri weungano mumwe chete. Kufa kwaGranville kwakandirwadza; aiva shamwari yangu yepamwoyo. Akanga andibatsira chaizvo pane zvekunamata uye pane zvimwe zvinhu zvandaida. Pamusangano wakatevera pashure pekufa kwaGranville, ndini ndaiverenga paChidzidzo cheNharireyomurindi. Ndima mbiri dzekutanga ndakadziverenga zvakanaka, asi ndakabva ndatanga kuchema uye misodzi yakaramba ichiyerera. Ndakatadza kuramba ndiri pachikuva.

Ndakatanga kunzwa zviri nani pakauya hama dzekune imwe ungano kuzotibatsira muOrealla. Uyewo hofisi yebazi yakatumira mumwe piyona chaiye anonzi Kojo. Zvakandifadza chaizvo kuti amai vangu nemunin’ina wangu vakatanga kudzidza Bhaibheri ndokubhabhatidzwa. Muna March 2015, ndakagadzwa kuva mushumiri weungano. Papera kanguva, ndakapa hurukuro yangu yavose yekutanga. Musi iwoyo ndakanyemwerera uye misodzi yakabuda pandakayeuka mashoko andakanga ndaudzwa naGranville makore akanga apfuura ekuti: “Rimwe zuva uchapa hurukuro yavose. Uchaona.”

Mumavhidhiyo epaJW Broadcasting®, ndakadzidza nezvehama nehanzvadzi dzine mamiriro ezvinhu akafanana neangu. Asi pasinei neurema hwavo, vari kukwanisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha vachifara. Iniwo ndine zvandinokwanisa kuita. Ndinoda kuitira Jehovha zvese zvandinokwanisa, saka ndakatora upiyona hwenguva dzese. Uye muna September 2019, ndakagamuchira mashoko anofadza andakanga ndisingatarisiri! Ndakagadzwa semukuru muungano yedu ine vaparidzi vanenge 40.

Ndinotenda chaizvo hama nehanzvadzi dzakadzidza neni uye dzakandibatsira kuti ndishumire Jehovha. Asi ndinonyanya kutenda Jehovha, nekuti akaramba achindiyeuka.

^ ndima 8 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichaprindwi.