Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 50

“Vakafa Vachamutswa Sei?”

“Vakafa Vachamutswa Sei?”

“Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?”—1 VAK. 15:55.

RWIYO 141 Chishamiso Cheupenyu

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Nei vaKristu vese vachifanira kuva nechido chekuziva nezverumuko rwekudenga?

VANHU vakawanda vari kushumira Jehovha iye zvino vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika. Asi vaKristu vashoma vakazodzwa naJehovha vane tariro yekumutsirwa kudenga. Vakazodzwa ava vanoda chaizvo kuziva zvichange zvakaita upenyu hwavo hwekudenga, asi nei vaya vane tariro yekurarama panyika vachida kuzivawo nezvazvo? Sezvatichaona, rumuko rwekudenga ruchaitawo kuti vaya vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika vawane makomborero. Saka pasinei nekuti tine tariro yekudenga kana kuti yepanyika, tinofanira kuva nechido chekuziva nezverumuko rwekudenga.

2 Mwari akafemera vamwe vadzidzi vaJesu kuti vanyore nezvetariro yekudenga. Muapostora Johani akati: “Iye zvino tava vana vaMwari, asi zvatichazova hazvisati zvaratidzwa. Tinoziva kuti paacharatidzwa tichafanana naye.” (1 Joh. 3:2) Saka vaKristu vakazodzwa havazivi kuti vachange vakaita sei pavachamutsirwa kudenga vaine miviri yemweya. Asi vachaona Jehovha sezvaari chaizvo pavanenge vava kudenga. Bhaibheri haritauri zvese zvine chekuita nerumuko rwekudenga, asi muapostora Pauro ane zvimwe zvaakataura nezvarwo. Vakazodzwa vachange vaina Kristu paachaparadza “hurumende dzese nevanhu vese vane chiremera nemasimba” uye paachaparadzawo “muvengi wekupedzisira, rufu.” Pakupedzisira, Jesu nevaachatonga navo vachazviisa pasi paJehovha pamwe chete nezvimwe zvinhu zvese. (1 VaK. 15:24-28) Iyoyo ichange iri nguva inofadza chaizvo! *

3. Sezviri pana 1 VaKorinde 15:30-32, kutenda kwaPauro murumuko kwakamubatsira sei?

3 Kutenda kwaiita Pauro kuti vakafa vachamutswa kwakamubatsira kuti atsungirire miedzo yakasiyana-siyana. (Verenga 1 VaKorinde 15:30-32.) Akaudza vaKorinde kuti: “Mazuva ese ndinotarisana nerufu.” Pauro akanyorawo kuti: “Ndakarwa nezvikara muEfeso.” Anogona kunge aitaura nezvekurwisana nemhuka chaidzo munzvimbo yaiitirwa mitambo muEfeso. (2 VaK. 1:8; 4:10; 11:23) Kana kuti anogona kunge aitaura nezvekurwiswa kwaaiitwa nevaJudha uye nevamwe vanhu vaiita ‘sezvikara.’ (Mab. 19:26-34; 1 VaK. 16:9) Pauro akasangana nenjodzi dzakakura asi akaramba aine kutenda kwekuti aizova neramangwana rinofadza.—2 VaK. 4:16-18.

Mhuri inogara munyika inorambidzwa basa redu rechiKristu iri kuramba ichinamata iine chivimbo chekuti Mwari ane zvinhu zvakanaka zvaakaichengetera (Ona ndima 4)

4. Tariro yerumuko inosimbisa sei vaKristu mazuva ano? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

4 Tiri kurarama munguva dzakaipa. Dzimwe hama dzedu dziri kuitirwa zvakaipa. Vamwe vari kugara munzvimbo dziri kurwiwa hondo uye havanzwi vakachengeteka. Vamwe vari kushumira Jehovha munyika dzakarambidzwa basa redu, kunyange izvozvo zvichigona kuita kuti vasungwe kana kutourayiwa. Kunyange zvakadaro, hama nehanzvadzi dzese idzi dziri kuramba dzichinamata Jehovha, dzichitiratidza mienzaniso yakanaka. Havatyi nekuti vanoziva kuti kunyange vakafa iye zvino, Jehovha akavimbisa kuti achavaitira zvakanaka mune ramangwana.

5. Maonero api akashata anogona kukanganisa kutenda kwatinoita murumuko?

5 Pauro akayambira hama dzake nezvemaonero akaipa aiva nevamwe ekuti: “Kana vakafa vasingazomutswi, ‘ngatidye, ngatinwe, nekuti mangwana tichafa.’” Maonero akadaro aivapo kunyange Pauro asati aberekwa. Pauro anogona kunge akatora mashoko aya pana Isaya 22:13, ayo aitaura nezvemafungiro evaIsraeri. Pane kuti vaswedere pedyo naMwari, vairarama upenyu hwekutsvaga mafaro. Maonero evaIsraeri ivavo ndiwo maonero ane vakawanda mazuva ano ekuti vanofanira kunakidzwa neupenyu nekuti hunogona kungoguma chero nguva. Asi Bhaibheri rinotaura kuti vaIsraeri vakapinda mumatambudziko zvichikonzerwa nemaonero avo asina kunaka.—2 Mak. 36:15-20.

6. Tariro yerumuko inofanira kutibatsira sei pakusarudza shamwari?

6 Kuziva kuti Jehovha achamutsa vakafa kunofanira kutibatsira pakusarudza shamwari. Hama dzemuKorinde dzaifanira kungwarira kuti dzisashamwaridzana nevaya vairamba kuti vakafa vachamutswa. Isuwo tinodzidzei? Kana tikasarudza kugara tichishamwaridzana nevaya vanoraramira kufara vasina hanya nezvichaitika mune ramangwana, hazvitifambiri zvakanaka. Kana muKristu akapedza nguva yakawanda nevanhu vakadaro anogona kukanganiswa maonero ake uye maitiro ake. Izvi zvingaita kuti apedzisire ava kuita zvinhu zvinovengwa naMwari. Saka Pauro akavayambira kuti: “Pengenukai muite zvakarurama uye musaita chivi.”—1 VaK. 15:33, 34.

VANOMUTSWA VAINE MUVIRI WAKAITA SEI?

7. Sezvinoratidzwa pana 1 VaKorinde 15:35-38, vamwe vanhu vaigona kubvunza mubvunzo upi panyaya yerumuko?

7 Verenga 1 VaKorinde 15:35-38. Munhu aida kuita kuti vamwe vasava nechokwadi kuti vakafa vachamutswa aigona kubvunza kuti: “Vakafa vachamutswa sei?” Zvakanaka kuti tifunge nezvemhinduro yakapiwa naPauro nekuti vanhu vakawanda mazuva ano vane zvavanotenda kuti ndizvo zvinoitika kana munhu achinge afa. Asi Bhaibheri rinodzidzisei?

Pauro akashandisa muenzaniso wembeu nechirimwa, achiratidza kuti Mwari anogona kupa muviri wakakodzera kune vaya vachamutswa (Ona ndima 8)

8. Muenzaniso upi unogona kutibatsira kunzwisisa zvakaita rumuko rwekudenga?

8 Munhu paanofa, muviri wake unoora. Asi uya akasika zvinhu zvese anogona kumutsa munhu iyeye omupa muviri wakakodzera. (Gen. 1:1; 2:7) Paaitaura nezverumuko rwekudenga, Pauro akashandisa muenzaniso unoratidza kuti hapana hapo chikonzero chekuti Mwari amutse munhu aine muviri waaimbova nawo. Funga ‘nezvembeu’ yechirimwa. Painodyarwa muvhu inomera yova chirimwa chitsva. Chirimwa ichi chinenge chakanyatsosiyana nekambeu kakadyarwa. Pauro akashandisa muenzaniso uyu achiratidza kuti Musiki wedu anogona ‘kupa muviri sezvaanenge ada.’

9. Ichitaura nezvekusiyana kwakaita miviri, 1 VaKorinde 15:39-41 inoti chii?

9 Verenga 1 VaKorinde 15:39-41. Pauro akataura kuti kune zvinhu zvakasiyana-siyana zvakasikwa. Semuenzaniso, kune miviri yenyama yakasiyana-siyana yakadai seyemombe, yeshiri, uye yehove. Akataurawo kuti pazvinhu zviri mudenga, tinoona kusiyana kwezuva nekwemwedzi. Uye akati “nyeredzi imwe neimwe inosiyana neimwe pakubwinya.” Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuzviona nemaziso edu, masayendisiti anoti kune nyeredzi dzakasiyana-siyana, dzimwe ihombe, dzimwe idiki, dzimwe itsvuku, dzimwe ichena, uye dzimwe ndedzeyellow sezvakaita zuva. Pauro akataurawo kuti “kune miviri yekudenga nemiviri yepanyika.” Airevei? Panyika tine miviri yenyama, asi kudenga kune miviri yemweya seyengirozi.

10. Vaya vachamutsirwa kudenga vachange vaine muviri wakaita sei?

10 Pauro akazoti: “Ndizvo zvakaitawo kumutswa kwevakafa. Muviri unodyarwa mukuora; unomutswa mukusaora.” Munhu paanofa, muviri wake unoora, odzokera kuguruva. (Gen. 3:19) Saka zvinoitika sei kuti muviri “unomutswa mukusaora”? Pauro akanga asiri kutaura nezvemunhu anomutsirwa panyika, sevaya vakamutswa naEriya, Erisha naJesu. Pauro aitaura nezvemunhu anomutswa aine muviri wekudenga, kureva muviri “wemweya.”—1 VaK. 15:42-44.

11-12. Zvii zvakachinja pana Jesu paakamutswa, uye izvozvo zvinoitikawo sei kune vakazodzwa?

11 Jesu aiva nemuviri wenyama paaiva panyika. Asi paakamutswa, “akava mweya unopa upenyu” uye akadzokera kudenga. Saizvozvowo, vaKristu vakazodzwa vanomutswa vaine muviri wemweya. Pauro akati: “Sezvo takava nemufananidzo weuya akaitwa neguruva, tichavawo nemufananidzo weuya wekudenga.”—1 VaK. 15:45-49.

12 Zvinokosha kuziva kuti Jesu haana kumutswa aine muviri wenyama. Pauro paakanga ava kupedzisa nyaya ine chekuita nerumuko, akataura chikonzero chacho achiti: “Nyama neropa hazvingagari nhaka yeUmambo hwaMwari” kudenga. (1 VaK. 15:50) Vaapostora nevamwe vakazodzwa vaisazomutsirwa kudenga vaine miviri inoora yenyama neropa. Vaizomutswa riini? Pauro akataura kuti vaizomutswa munguva yemberi, kwete vachangofa. Paakazonyora 1 VaKorinde, vamwe vadzidzi vakadai semuapostora Jakobho vakanga ‘vatorara murufu.’ (Mab. 12:1, 2) Vamwe vaapostora nevamwe vakazodzwa ‘vaizorarawo murufu.’—1 VaK. 15:6.

KUKUNDA RUFU

13. Zvii zvaizoitika pakuvapo kwaJesu?

13 Pauro naJesu vakataura nezvenguva inokosha yaizouya, kureva nguva yekuvapo kwaKristu. Nguva iyoyo yaizozivikanwa nehondo, kudengenyeka kwenyika, zvirwere, uyewo nezvimwe zvinhu zvakaipa zvaizoitika pasi rese. Tiri kuona kuzadzika kweuprofita uhwu hweBhaibheri kubva muna 1914. Pane chimwe chinhu chinokosha chaizoitikawo panguva iyoyo. Jesu akataura kuti mashoko akanaka ekuti Umambo hwaMwari hwava kutonga aizoparidzwa “munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” (Mat. 24:3, 7-14) Pauro akataura kuti “pakuvapo kwaShe” vaKristu vakazodzwa vainge “vakarara murufu” vaizomutswa.—1 VaT. 4:14-16; 1 VaK. 15:23.

14. Chii chinoitika kuvaKristu vakazodzwa vanofa panguva yekuvapo kwaKristu?

14 Vakazodzwa avo vanopedza upenyu hwavo hwepanyika mazuva ano vanobva vangomutsirwa kudenga. Izvi zvinoenderana nemashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 15:51, 52 ekuti: “Tese hatizorari murufu, asi tese tichashandurwa, munguva diki-diki, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rekupedzisira.” Mashoko aya aPauro ari kuzadzika iye zvino! Hama dzaKristu idzi padzinomutswa, dzinova nemufaro mukuru; ‘dzichazogara dziina Ishe.’—1 VaT. 4:17.

Vaya vachachinjwa “mukubwaira kweziso” vachabatana naJesu pakuputsa marudzi (Ona ndima 15)

15. Ibasa ripi richaitwa nevaya vanochinjwa “mukubwaira kweziso”?

15 Bhaibheri rinotiudza nezvebasa richaitwa kudenga nevaya vanochinjwa “mukubwaira kweziso.” Jesu anoti kwavari: “Uya anokunda uye anoita mabasa angu kusvikira pamugumo, ndichamupa simba pamarudzi, sekupiwa kwandakaitwa simba naBaba vangu uye achafudza marudzi netsvimbo yesimbi zvekuti achaputswa-putswa semidziyo yevhu.”(Zvak. 2:26, 27) Vachatevera Mutungamiriri wavo, vachifudza marudzi netsvimbo yesimbi.—Zvak. 19:11-15.

16. Vanhu vakawanda vachakunda sei rufu?

16 Zviri pachena kuti vakazodzwa vachakunda rufu. (1 VaK. 15:54-57) Kumutswa kwavo kuchaita kuti vakwanise kubatsira pakubvisa uipi hwese panyika pahondo yeAmagedhoni. Mamiriyoni evarume nevakadzi vechiKristu ‘achabuda mukutambudzika kukuru’ opinda munyika itsva. (Zvak. 7:14) Vanhu ivavo vachapona vachaona kumwe kukundwa kuchaitwa rufu, pachamutswa mabhiriyoni evanhu vakafa. Fungidzira mufaro uchavapo izvozvo pazvichaitika! (Mab. 24:15) Vaya vacharamba vakavimbika kuna Jehovha vachakunda rufu rwakabva kuna Adhamu. Vachakwanisa kurarama nekusingaperi.

17. Tichifunga nezva1 VaKorinde 15:58, tinofanira kuitei iye zvino?

17 MuKristu wese ari kurarama iye zvino anofanira kuonga mashoko anonyaradza akanyorwa naPauro kuvaKorinde ane chekuita nerumuko. Tine zvikonzero zvakanaka zvekuteerera zano raPauro rekuita zvese zvatinogona “mubasa raShe.” (Verenga 1 VaKorinde 15:58.) Kana tikaramba tichiita basa iroro, tinogona kutarisira kuzova neupenyu hunofadza mune ramangwana. Ramangwana iroro richange rakanaka chaizvo kupfuura chero chii zvacho chatingafungidzira. Izvi zvicharatidza kuti basa redu harisi pasina munaShe.

RWIYO 140 Upenyu Husingaperi—Pakupedzisira!

^ ndima 5 Chikamu chechipiri cha1 VaKorinde 15 chinonyanya kutaura nezvekumutswa kwevaKristu vakazodzwa. Kunyange zvakadaro, zvakanyorwa naPauro zvinokoshawo kune vemamwe makwai. Nyaya ino icharatidza kuti tariro yerumuko inofanira kutibatsira sei pamararamiro atinoita iye zvino, uye kuti titarisire kuzofara mune ramangwana.

^ ndima 2 Imwe nyaya iri pachikamu chakanzi “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” chiri mumagazini ino, inotaura nezvemashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 15:29.