Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 51

Jehovha Anoponesa Vakaora Mwoyo

Jehovha Anoponesa Vakaora Mwoyo

“Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vakasuruvara.”—PIS. 34:18.

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Tichakurukurei munyaya ino?

DZIMWE nguva tinogona kufunga nezvekupfupika kwakaita upenyu uye kuti ‘hwakamomoterwa nenhamo.’ (Job. 14:1) Saka izvi zvinoita kuti tiore mwoyo. Vashumiri vaJehovha vakawanda vanotaurwa muBhaibheri vakambonzwa saizvozvo. Vamwe vaitoda kufa. (1 Madz. 19:2-4; Job. 3:1-3, 11; 7:15, 16) Asi Jehovha, Mwari wavaivimba naye, aigara achivanyaradza uye achivasimbisa. Zvakaitika kwavari zvakanyorwa kuti tinyaradzwe uye tirayiridzwe.—VaR. 15:4.

2 Munyaya ino tichakurukura nezvevamwe vashumiri vaJehovha vakatsungirira zvinhu zvinoodza mwoyo vanoti, Josefa mwanakomana waJakobho, Naomi nemuroora wake Rute, muRevhi akanyora Pisarema 73, uye muapostora Petro. Jehovha akavasimbisa sei? Uye tinodzidzei kubva pane zvakaitika kwavari? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatibatsira kuona kuti “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo,” uye kuti “anoponesa vaya vakasuruvara.”—Pis. 34:18.

JOSEFA AKAITIRWA UTSINYE UYE AKABATWA ZVISINA KUNAKA

3-4. Chii chakaitika kuna Josefa paaiva mudiki?

3 Josefa paaiva nemakore anenge 17, akarota kaviri hope dzaibva kuna Mwari. Hope idzi dzairatidza kuti nerimwe zuva Josefa aizova munhu anokosha uye anoremekedzwa mumhuri mavo. (Gen. 37:5-10) Asi pashure pekunge arota hope, zvinhu zvakaipa zvakabva zvatanga kuitika kwaari. Vakoma vake havana kana kumbomuremekedza, asi vakamutengesa kuti ave muranda. Akazova muranda wemumwe muIjipiti ainzi Potifari, uyo aiva mukuru mumuzinda waFarao. (Gen. 37:21-28) Munguva pfupi, Josefa akabva pakuva mwanakomana anodiwa wababa vake achiva muranda wemunhu akanga asingazivi Jehovha.—Gen. 39:1.

4 Asi matambudziko aJosefa akatowedzera. Mudzimai waPotifari akapomera Josefa kuti aida kumubata chibharo. Potifari asina kumboongorora nyaya yacho, akaita kuti Josefa akandwe mujeri, umo maakasungwa nesimbi. (Gen. 39:14-20; Pis. 105:17, 18) Fungidzira kuti Josefa uyo akanga achiri mudiki akanzwa sei paakapomerwa kuti aida kubata munhu chibharo. Uye funga kuti izvozvo zvinogona kunge zvakasvibisa sei zita raJehovha. Zviri pachena kuti izvi zvakaita kuti Josefa aore mwoyo.

5. Chii chakabatsira Josefa kuti asanyanya kuora mwoyo?

5 Josefa paaiva muranda uye paakazova mujeri, hapana zvaaigona kuita kuti achinje zvaiitika muupenyu hwake. Chii chakamubatsira kuti asanyanya kuora mwoyo? Pane kuti arambe achifunga zvaakanga asingachakwanisi kuita, aishanda nesimba pamabasa aaipiwa. Asi chainyanya kukosha ndechekuti Josefa aigara achifunga nezvekufadza Jehovha. Izvozvo zvakaita kuti Jehovha akomborere zvese zvaiitwa naJosefa.—Gen. 39:21-23.

6. Josefa anogona kunge akanyaradzwa sei nehope dzaakarota?

6 Josefa anogona kunge ainyaradzwa paaifunga hope dziya dzakanga dzabva kuna Jehovha. Dzairatidza kuti aizoonazve hama dzake uye kuti upenyu hwake hwaizonaka. Izvi ndizvo zvakazoitika. Josefa paakanga ava nemakore anenge 37, hope dzake dzakatanga kuzadzika nenzira inoshamisa!—Gen. 37:7, 9, 10; 42:6, 9.

7. Maererano na1 Petro 5:10, chii chichatibatsira kutsungirira miedzo?

7 Zvatinodzidza. Nyaya yaJosefa inotiyeuchidza kuti nyika ino ine utsinye uye kuti vanhu vachatibata zvisina kunaka. Kunyange munhu watinonamata naye anogona kutirwadzisa. Asi kana tichiona Jehovha seDombo redu, kana kuti seNzvimbo Yedu Yekupotera, hatizoori mwoyo kana kurega kumushumira. (Pis. 62:6, 7; verenga 1 Petro 5:10.) Ngatiyeukewo kuti Josefa anogona kunge aiva nemakore 17 Jehovha paakaita kuti arote hope. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anovimba nevashumiri vake vechidiki. Mazuva ano, vechidiki vakawanda vanotendawo muna Jehovha sezvaiita Josefa. Vamwe vavo vakaiswa mumajeri vasina mhosva nekuti vaida kuramba vakavimbika kuna Mwari.—Pis. 110:3.

VAKADZI VAVIRI VAISHUNGURUDZIKA ZVAKANYANYA

8. Chii chakaitika kuna Naomi naRute?

8 Panguva yakaitika nzara muJudha, Naomi nemhuri yake vakatamira kuMoabhi. Vari ikoko, murume waNaomi, Erimereki, akafa, achisiya mudzimai nevanakomana vaviri. Nekufamba kwenguva, vanakomana vacho vakazoroora vakadzi vechiMoabhi, Rute naOpa. Pashure pemakore anenge 10, vanakomana vaNaomi vakafawo, uye vakanga vasina vana. (Rute 1:1-5) Vakadzi vatatu ava vakarwadziwa chaizvo. Rute naOpa vaigona kuroorwazve. Asi ndiani aizochengeta Naomi uyo akanga ava kukwegura? Naomi akaora mwoyo chaizvo zvekuti akati: “Musanditi Naomi. Ndishevedzei kuti Mara, nekuti Wemasimbaose akaita kuti ndirwadziwe chaizvo neupenyu.” Naomi akazofunga zvekudzokera kuBhetrehema uye Rute akaenda naye.—Rute 1:7, 18-20.

Mwari akaratidza Naomi naRute kuti anogona kubatsira vashumiri vake kuti vasaramba vakaora mwoyo uye vakasuruvara. Angakubatsirawo here? (Ona ndima 8-13) *

9. Maererano naRute 1:16, 17, 22, Rute akakurudzira sei Naomi?

9 Naomi akanyaradzwa nerudo rusingachinji rwaakaratidzwa. Semuenzaniso, Rute akaratidza Naomi rudo rwakadaro nekuramba ainaye. (Verenga Rute 1:16, 17, 22.) Pavakanga vava muBhetrehema, Rute aishanda nesimba achiunganidza bhari yaisaririra muminda kuti vadye, iye naNaomi. Izvi zvakaita kuti mukadzi uyu ave nemukurumbira wakanaka.—Rute 3:11; 4:15.

10. Jehovha akaratidza sei rudo kuvanhu vaiva varombo vakadai saNaomi naRute?

10 Jehovha akanga apa vaIsraeri mutemo wairatidza kuti ainzwira tsitsi varombo vakadai saNaomi naRute. Akaudza vanhu vake kuti pavaikohwa vaisafanira kupedzeredza zvaiva kumicheto kweminda yavo kuitira kuti varombo vazowanawo chekubata. (Revh. 19:9, 10) Saka Naomi naRute vaikwanisa kuwana zvekudya vasingaiti zvekupemha.

11-12. Bhoazi akaitei kuti Naomi naRute vafare?

11 Muridzi wemunda waiunganidzwa zvekudya naRute aiva murume akapfuma ainzi Bhoazi. Akabayiwa mwoyo nekuvimbika kwaRute kuna Naomi uye nekuda kwaaiita vamwene vake. Saka Bhoazi akazoroora Rute, uye akatenga munda waimbova wemhuri yaNaomi kuti uzova nhaka yevana vaRute. (Rute 4:9-13) Bhoazi naRute vakabereka mwana ainzi Obhedhi, uyo akazova sekuru vaMambo Dhavhidhi.—Rute 4:17.

12 Fungidzira kufara kwakaita Naomi akabata Obhedhi achinyengetera nemwoyo wese achitenda Jehovha. Asi pane chimwe chinhu chichaita kuti Naomi naRute vawedzere kufara. Pavachamutswa, vachaziva kuti Obhedhi aiva tateguru waMesiya Akapikirwa, Jesu Kristu!

13. Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinodzidza panyaya yaNaomi naRute?

13 Zvatinodzidza. Patinosangana nemiedzo, tinogona kuora mwoyo kunyange kupera simba. Tingaona sekuti matambudziko edu haasi kuzopera. Panguva dzakadaro, tinofanira kunyatsovimba naBaba vedu vekudenga, toramba tiri pedyo nehama nehanzvadzi dzedu. Jehovha angasabvisa hake dambudziko racho. Semuenzaniso, haana kumutsa murume waNaomi nevanakomana vake. Asi dzimwe nguva anotibatsira achishandisa zvinhu zvakanaka zvatinoitirwa nehama nehanzvadzi dzedu.—Zvir. 17:17.

MUREVHI AKAPOTSA A REGA KUSHUMIRA JEHOVHA

Munyori wePisarema 73 akapotsa arega kunamata Jehovha paakaona vaya vakanga vasingaisi pfungwa dzavo pakushumira Jehovha vachiita sevaibudirira. Izvozvo zvinogona kuitikawo kwatiri (Ona ndima 14-16)

14. Chii chakaita kuti mumwe muRevhi aore mwoyo chaizvo?

14 Munyori wePisarema 73 aiva muRevhi. Saka aiva neropafadzo yakakura yekushumira panzvimbo yainamatirwa Jehovha. Kunyange zvakadaro, pane imwe nguva akamboora mwoyo chaizvo. Chii chakaita kuti aore mwoyo? Akatanga kuitira shanje vanhu vakaipa nevanozvikudza, kwete nemhaka yezvakaipa zvavaiita, asi nekuti vaiita sevari kubudirira. (Pis. 73:2-9, 11-14) Vaiita sekuti vane zvese zvavaida, upfumi, upenyu hwakanaka, uye kusazvidya mwoyo. MuRevhi uyu paakaona izvozvo akaora mwoyo zvekuti akati: “Chokwadi hapana zvazvinobatsira kuchengeta kwandakaita mwoyo wangu wakachena.” Zviri pachena kuti izvi zvaigona kuita kuti arege kushumira Jehovha.

15. Maererano naPisarema 73:16-19, 22-25, muRevhi akanyora Pisarema iri akaitei kuti asaramba akaora mwoyo?

15 Verenga Pisarema 73:16-19, 22-25. MuRevhi wacho ‘akapinda munzvimbo tsvene yaMwari.’ Ari imomo, zvichida aine vamwe vashumiri vaJehovha, aikwanisa kunyatsozviongorora akadzikama uye achinyengetera. Izvi zvakaita kuti atange kuona kuti akanga asisiri kunyatsofunga zvakanaka, uye kuti akanga ava kufamba munzira yakaipa yaigona kuita kuti arege kushumira Jehovha. Akanzwisisawo kuti vakaipa vakanga vari “panotsvedza” uye kuti vachava “nemugumo wakaipa.” Kuti asaramba aine shanje uye akaora mwoyo, muRevhi uyu aifanira kuva nemaonero aJehovha. Paakaita izvozvo akanga asingachanetseki uye akatanga kufara. Akati: “Kunze [kwaJehovha] hapana chimwe chandinofarira panyika.”

16. Tinodzidzei pane zvakaitwa nemuRevhi?

16 Zvatinodzidza. Ngatisambofa takachiva vanhu vakaipa vanoita sevari kubudirira. Kufara kwavanoita ndekwenguva pfupi uye havasi kuzorarama nekusingaperi. (Mup. 8:12, 13) Tikavachiva tinoora mwoyo uye tinogona kupedzisira tisisina ushamwari naJehovha. Saka kana ukaona uchichiva vanhu vakaipa vanoita sevari kubudirira, ita zvakaitwa nemuRevhi. Teerera zano raMwari uye shamwaridzana nevamwe vanoita kuda kwaJehovha. Kana ukada Jehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese, uchawana mufaro wechokwadi. Uye ucharamba uri munzira inoenda ‘kuupenyu chaihwo.’—1 Tim. 6:19.

KUKANGANISA KWAPETRO KWAIMUODZA MWOYO

Tinogona kubatsirwa kana kubatsira vamwe nekufungisisa zvakaitwa naPetro kuti asaramba akaora mwoyo. Akaisa pfungwa pakushumira Mwari (Ona ndima 17-19)

17. Zvii zvakaita kuti Petro aore mwoyo?

17 Muapostora Petro aishingaira chaizvo, asi dzimwe nguva aiita zvinhu asina kufunga. Ndosaka dzimwe nguva aitaura kana kuita zvinhu zvaaizodemba. Semuenzaniso, Jesu paakaudza vaapostora vake kuti aizotambudzwa ourayiwa, Petro akati: “Izvi hazvingamboitiki kwamuri.” (Mat. 16:21-23) Jesu akabva amutsiura. Mhomho yevanhu payakauya kuzosunga Jesu, Petro asina kufunga, akacheka nzeve yemuranda wemupristi mukuru, ikabva. (Joh. 18:10, 11) Jesu akamutsiura zvakare. Petro akanga atombotaura achizvikudza kuti kunyange vamwe vaapostora vakasiya Kristu, iye aisazombomusiya! (Mat. 26:33) Kuzvivimba ikoko kwakaita kuti atye vanhu, uye akaramba Tenzi wake katatu. Arwadziwa zvakanyanya, Petro “akabuda panze akachema zvinosiririsa.” (Mat. 26:69-75) Anofanira kunge akanetseka kuti Jesu aizomuregerera here.

18. Jesu akabatsira sei Petro kuti asaramba akaora mwoyo?

18 Petro haana kunyanya kuora mwoyo zvekuti akabva arega kushumira Jehovha. Pashure pekukanganisa kwaakaita, akaramba achishumira Jehovha nevamwe vaapostora. (Joh. 21:1-3; Mab. 1:15, 16) Chii chakamubatsira kuti atange kunzwa zviri nani? Akayeuka kuti Jesu akanga ambonyengeterera kuti kutenda kwake kurege kupera uye akamukurudzira kuti kana angodzoka asimbise hama dzake. Jehovha akapindura munyengetero iwoyo waibva pasi pemwoyo. Pave paya, Jesu akazozviratidza kuna Petro uye zviri pachena kuti izvozvo zvakamukurudzira. (Ruka 22:32; 24:33, 34; 1 VaK. 15:5) Pashure pekunge vaapostora vaita usiku hwese vasina kubata hove, Jesu akazviratidza kwavari. Panguva iyoyo Jesu akapa Petro mukana wekuti ataure kuti aimuda zvakadii. Jesu akanga aregerera shamwari yake uye akaipa rimwe basa.—Joh. 21:15-17.

19. Tinodzidzei pana Pisarema 103:13, 14 nezvemaonerwo atinoitwa naJehovha kana taita chivi?

19 Zvatinodzidza. Mabatiro ayo Jesu akaita Petro anoratidza kuti Jesu ane tsitsi, uye anonyatsoratidza zvakaita Baba vake. Saka patinokanganisa hatifaniri kuona sekuti Jehovha haambofi akatiregerera. Ngatiyeukei kuti Satani anoda kuti tive nemanzwiro akadaro. Kunyange zvakadaro, tinofanira kufungisisa nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha, kuziva kwaanoita zvatinokwanisa nezvatisingakwanisi uye kuti anoda kutiregerera. Tinofanirawo kumutevedzera kana vamwe vakaita zvinhu zvinotirwadza.—Verenga Pisarema 103:13, 14.

20. Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Zvakaitika kuna Josefa, Naomi naRute, muRevhi, uye Petro zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.” (Pis. 34:18) Dzimwe nguva anobvumira kuti tisangane nemiedzo uye zvinhu zvinotiodza mwoyo. Asi patinotsungirira miedzo iyoyo tichibatsirwa naJehovha, kutenda kwedu kunosimbiswa. (1 Pet. 1:6, 7) Munyaya inotevera tichaona zvimwe zvinoratidza kuti Jehovha anotsigira sei vashumiri vake vakatendeka vanenge vakaora mwoyo, pamwe zvichikonzerwa nekukanganisa kwavanoita kana kuti nemamwewo matambudziko akaoma.

RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu

^ ndima 5 Josefa, Naomi naRute, muRevhi, uye muapostora Petro vakasangana nezvinhu zvinoodza mwoyo. Munyaya ino tichaona kuti Jehovha akavanyaradza sei uye akavasimbisa sei. Tichaonawo kuti tingadzidzei kubva pane zvavakaita uye kubva pakubatsirwa kwavakaitwa naMwari.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Naomi, Rute naOpa vakarwadziwa uye vakaora mwoyo nekufirwa kwavakaitwa nevarume vavo. Pave paya, Rute naNaomi vakafara pamwe chete naBhoazi pakaberekwa Obhedhi.