Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvirevo 24:16 inoti: “Munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare.” Vhesi iyi iri kutaura here nezvemunhu anoramba achidzokorora kuita chivi asi achiregererwa naMwari?

Izvozvo handizvo zvinorehwa nevhesi iyi. Iri kutaura nezvemunhu anosangana nematambudziko akawanda asi achitsungirira.

Mamwe mavhesi ari pedyo nendima iyi anoti: “Usahwandira pedyo neimba yemunhu akarurama uchida kuita zvakaipa; usaparadza nzvimbo yake yaanozororera. Nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare, asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko. Kana muvengi wako akawa, rega kufara, uye kana akagumburwa, usafara nechemumwoyo.”—Zvir. 24:15-17.

Vamwe vanofunga kuti vhesi 16 inotaura nezvemunhu anoita chivi asi ozovazve neushamwari naMwari. Vamwe vafundisi vaviri vekuEngland vakanyora kuti “vaparidzi vekare nevemazuva ano vanotsanangura vhesi iyi” saizvozvo. Vafundisi vacho vakatiwo maonero iwayo anoreva kuti “munhu akanaka anogona kuita . . . chivi chakakura, asi oramba achida Mwari uye achifarirwa naye nekuti pese paanotadza anopfidza.” Maonero akadaro anogona kufarirwa nemunhu asingadi kushanda nesimba kuti arege kuita chivi. Munhu wacho anogona kufunga kuti kunyange kana akaramba achidzokorora kuita chivi, Mwari acharamba achimuregerera.

Asi izvi handizvo zviri kurehwa nevhesi 16.

Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “angawa” uye “akawa” muvhesi 16 ne17 rinogona kushandiswa nenzira dzakasiyana-siyana. Rinogona kureva kuwa chaiko kana kuti kudonha. Semuenzaniso, mombe inowa mumugwagwa, munhu anodonha achibva padenga remba, kana kuti kadombo kanowira pasi. (Dheut. 22:4, 8; Amo. 9:9) Shoko racho rinogonawo kushandiswa richifananidzira chimwe chinhu sezvinotevera: “Jehovha anotungamirira nhanho dzemunhu kana afarira nzira yemunhu iyeye. Kunyange angadonha, haaiti zvekuwisirwa pasi, nekuti Jehovha anomutsigira neruoko rwake.”—Pis. 37:23, 24; Zvir. 11:5; 13:17.

Asi ona zvakataurwa naPurofesa Edward H. Plumptre. Akati: “Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti [‘kuwa’] harina kumboshandiswa richireva chivi.” Mumwe muongorori weBhaibheri akataura nezvevhesi 16 achiti: “Hazvina zvazvinobatsira kubata vanhu vaMwari zvisina kunaka nekuti vachaponeswa, asi vakaipa havasi kuzoponeswa!”

Saka zvese izvi zvinoratidza kuti Zvirevo 24:16 pairi kutaura ‘nezvekuwa,’ haisi kutaura nezvekuita chivi, asi iri kutaura nezvekusangana nematambudziko kakawanda. Munyika ino yakaipa, munhu akarurama anogona kusangana nematambudziko eutano kana mamwewo. Kutenda kwake kunogona kuita kuti atambudzwe nehurumende. Asi anogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achamutsigira uye achamubatsira kuti atsungirire uye akunde matambudziko ake. Kakawanda kacho zvinowanzofambira zvakanaka vashumiri vaMwari. Nei zvichidaro? Nekuti tine chokwadi chekuti “Jehovha anotsigira vese vari kuwa uye anosimudza vese vakakotamiswa.”—Pis. 41:1-3; 145:14-19.

“Munhu akarurama” haawani mufaro nekuti vamwe vari kusangana nematambudziko. Asi anonyaradzwa nekuziva kuti “zvichafambira zvakanaka vaya vanotya Mwari wechokwadi, nekuti vanomutya.”—Mup. 8:11-13; Job. 31:3-6; Pis. 27:5, 6.